Ganhuro 17
Chimiro Chendangariro Chakasiana Kukuteerera
1. Neiko Jehovha akabvumira vaBhabhironi kuparadza Jerusarema?
KWAMAKORE mazhinji pamberi pokuparadzwa kweJerusarema navaBhabhironi, Jehovha akanyevera vaJudha nezve chaizouya, uye chikonzero nei. Ivo vakanga vachitevera mirangariro yemwoyo mikukutu yavo vamene munzvimbo mokuteerera Mwari.—Jeremia 25:8, 9; 7:24-28.
2. (a) Nomutoo unomufungo, ibetseroi dzinotsamira pakuteerera Mwari? (b) Ko Israeri akava sei muukama hwesungano naJehovha?
2 Jehovha haasati achigombedzera munhu upi noupi kumubatira, asi, nomutoo unomufungo, iye anoda kuteerera kwaavo vose vanoda tendero yake nezvikomborero zvoupenyu zvinouya pamwe chete nahwo. Pashure pokununura Israeri muEgipita, Jehovha akavaudza, kuti: “Kana imi mukateeresesa inzwi rangu uye mukachengeta zvamazvirokwazvo sungano yangu, ipapo imi muchava zvamazvirokwazvo pfuma yangu chaiyo muna mamwe marudzi ose, nokuti pasi rose nderangu. Uye imi mumene muchava kwandiri umambo hwavaprista norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Pashure pokunge Mwari ataura zvinodikanwa zvake kwavari uye ivo vanzwa kuraviwa kwe“bhuku yesungano,” ivo pachisarudzo chavo vamene vakabvuma mutoro wakava pamwe chete noukama hwakadaro naMwari.—Eksodho 24:7.
3. (a) Ko Israeri pashure pakwo akaratidzira mudzimu wokupandukira Jehovha munzirai? (b) Neiko zvinoitika izvozvo zvakanyorwa muBhaibheri?
3 Zvisinei, yakangova bedzi nguva pfupi kusvikira mudzimu wokupandukira wavamba kuzviratidzira iwo umene. Vanakomana vaIsraeri havana kuramba pamhene kutenda kwavo Jehovha; asi, mukuputsa mutemo wake, vazhinji vakaedza kuvhenganisa miitiro yavaEgipita nokunamatwa kwaJehovha. (Eksodho 32:1-8) Gare gare vamwe vakawanira mhaka vanhu avo Jehovha akanga achishandisa savamiriri vake vanooneka. (Numeri 12:1-10; 16:1-3, 31-35) Sorudzi, Israeri akaratidzira kushaikwa kwokutenda kwokuita chinhu pamsoro peshoko raMwari, zvaaisundwa nokutya munhu. (Numeri 13:2, 31-33; 14:1-4; VaHebheru 3:17-19) Apo zvikanganiso zvakanga zvisati zviri zvoune, vapfidzi vanozvininipisa vaigona kuwana kukanganwirwa. Asi kweinopfuura nhambo yamakore ana mazana mapfumbamwe rudzirwo noune rwakazvidza chinodikanwa chimwe chokutanga choumwari, tevere chimwe, uye kazhinji kazhinji zvizhinji zvazvo. Zvinhu zvavakaita nomuuyo wacho zvakanyorwa muBhaibheri semienzaniso yenyevero nokuda kwedu.—2 Makoronike 36:15-17; 1 VaKorinte 10:6-11.
4. (a) Ko vaRekabhi vaiva vanaani? (b) Ko Jehonadhabhi akanga aisa misengwai pavari?
4 Mumazuva aJeremia, pashure pokunge nyevero dzakadzokororwa dzadzokororwazve dzapiwa pamsoro pemiuyo yakaipa yenzira yavo, Jehovha akaisa pamberi pavaJudha muenzaniso—vaRekabhi. Ivava vakanga vasati vari vaIsraeri, vazukuru vaJehonadhabhi uyo akanga aratidzira kuti iye akanga achitsinhirana zvikuru nokusashivirira kwaJehu makwikwi naJehovha. Uyu Jehonadhabhi (kana kuti, Jonadhabhi) somusoro uri tateguru wendudzi yavaRekabhi akanga avaraira kurega waini kusvikira kunguva isingazivikanwi, uye kusagara mudzimba kana kuti kubatikana mukurima asi kugara mumatende savadzungairi. Nenzira iyeyo vaizorarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava, husitongorina kuzvigutsa kusingadzorwi nezvakashata zvoupenyu hweguta, apo vainamata Jehovha pamwe chete navaIsraeri, vavaigara pakati pavo.
5. Ko vaRekabhi vakava sei mienzaniso mukuteerera?
5 VaJudha zvavairamba kuteerera Jehovha, Changamire Wechisiko chapose pose, ko kwaizokarirwa here kuti vaRekabhi vaizoteerera tateguru wavo wohunhu? Vakadaro, uye nomutoo womuenzaniso. Kunyange zvazvo vaRekabhi vakatsvaka utiziro muJerusarema apo mauto eBhabhironi neeSiria akavhojokera Judha, ivo vakapfuurira kugara mumatende. Asika kurunda kwavo kwokusabata waini kwakanga kwakatsiga sei, kunyange zvazvo vanhu vavaigara pakati pavo vaibvumidzwa kuinwa? Jehovha akaita kuti Jeremia apinze vaRakabhi mukamuri rokudyira retembere, awadze mikombe yewaini ndokuvakokera kunwa. Vakaramba. Neiko? Sezvinooneka ivo vainzwisisa kuzvipira kwatateguru wavo kuna Jehovha, vaicherekedza kuitira hanya kwavo kworudo nokuda kwegarikano yavo, nokudaro ivo vaiteerera murairo wavo. Nokudaro Jehovha akafadzwa nouyu muenzaniso wakaisvonaka wokuteerera wakaratidzira kushaikwa kwokuteerera Jehovha kwakaratidzirwa navaJudha.—Jeremia 35:1-11.
6. (a) Ndivanaani nhasi vakafanana navaRekabhi? (b) Ndivanaani vakabvumikisa kuva mufananidziro waIsraeri asingateereri?
6 Nhasi kuna vanhu vakafanana navaRekabhi. Ivava ndivo “mamwe makwai” aShe. Kana ivo vachizonwa waini hakusati kuri pachirevo nhasi. (Enzanisa 1 Timotio 5:23.) Iyo inhau yavo vamene chero bedzi ivo vasati vachiva zvidhakwa kana kuti zvimwe zviradza. (Zvirevo 23:20; 1 VaKorinte 6:9, 10) Asi kuteerera kwoumwari kunokosha. Mukusiana nechiKristudhomu, chiri chakafananidzirwa naIsraeri akatsauka, boka ravaRekabhi romuzuva razvino rinoratidzira kupfurikidza nezviito zvaro kuti rinoziva kukosha kwokuteerera kwoumwari. Ko ikoku kuchavabetsera sei?
7. (a) Ko Jehovha akaita chipikirwai chinokurudzira kuvaRekabhi? (b) Ko ichechi chine tariroi kuboka ravaRekabhi romuzuva razvino uno?
7 Nokuda kwokuzvipira kwavo, Jehovha akapa vaRekabhi chipikirwa chine revo yakasimba yechiporofita nokuda kwezuva redu, achiti: “Nokuda kwechikonzero chokuti imi makateerera murairo waJehonadhabhi tateguru venyu mukapfuurira kuchengeta mirairo yake yose uye muchiita mukuwirirana nezvose zvaakakurairai, naizvozvo izvi ndizvo izvo Jehovha wamauto, Mwari waIsraeri, akataura, kuti: ‘Pana Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi hapazati pachizova nokugurwa kwomunhu wokumira pamberi pangu nguva dzose.’ (Jeremia 35:18, 19) Ivo vakanga vari pakati pavapukunyuki vokuparadzwa kweJerusarema muna 607 P.N.V. Nokudaro boka rakafananidzirwa navo richapukunyuka kuparadzwa kunouya kwechiKristudhomu navamwe vose vanorarama nenzira yavo vamene yokuzvidzora, vachiramba havo kubvuma uchangamire hwaJehovha.
CHIKONZERO NEI KUTEERERA KUNGASAVA KURI NYORE
8. Neiko vanhu vazhinji vachiwana kuteerera kwakaoma?
8 Vanhu vazhinji vanowana kuteerera kwakaoma kudzidza. Vakakurira munyika umo munhu ari ose ano‘ita madiro.’ Vangada havo zvavanodzidza pamsoro poupenyu muUmambo hwaMwari. Asika kana rudado rukadzikatidza kufunga kwavo, ivo vangaramba kubvuma zvimwe zvezvinodikanwa zvaMwari kana kuti kuwanira mhaka mutoo wazvinopiwa nawo. (Zvirevo 8:13; 16:18) Naamani, mukuru mukuru weuto reSiria mumazuva omuporofita Erisha, akanga ane chinetso ichocho.
9. (a) Ko zvakaitika sei kuti Naamani akaenda kundoona Erisha? (b) Ko iye aikarirei, asika chii chakaitika zvomenemene?
9 Naamani akanga achinetswa namaperembudzi. Asi nemhaka yokuti nhapwa duku yechiIsraeri noushingi yakaratidzira kutenda kwayo kwokuti Naamani aizoporeswa kudai bedzi aizoenda kuna Erisha muporofita waJehovha, Naamani akaenda Israeri. Ainamabhiza nengoro dzehondo iye akakwira kuimba yaErisha. Zvino, Naamani akanga ari munhu akatanhamara nokudaro iye aikarira Erisha kubuda kuzomuchingura uye ipapo ndokuita chinoitika, achidana pana Jehovha achipuruzira chanza chake panyama ine hosha kutozosvikira yaporeswa. Munzvimbo mezvo, Erisha akangotuma bedzi nhume kundomuudza kuenda kurwizi rwaJoridhani kundoshamba ikoko kanomwe.—2 Madzimambo 5:1-12.
10. (a) Ko Naamani akaita sei? (b) Chii chakamusunda pakupedzisira kuteerera? (c) Chii chakava muuyo?
10 Rudado rwaNaamani rwakatsamwiswa. Iye akaenda atsamwa. Asi pashure pokunge varindiri vake varangarira naye, iye akazvidukupisa amene mukutenda. “Pana ikoku iye akaburuka ndokuvamba kunyura muJoridhani kanomwe mukuwirirana neshoko romunhu waMwari wechokwadi; pashure pakwo nyama yake yakadzoka yafanana nenyama yomwana muduku uye iye akava akachena.” Naamani akapwiswa kuti Jehovha ndiye Mwari bedzi wechokwadi, uye iye akaziva kuti, pasinei hapo nokuita kwake kwokutanga, mirairidzo yakapiwa naErisha yakanga ichibva zvomenemene kuna Mwari.—2 Madzimambo 5:13-15.
11. (a) Ko “mamwe makwai” akafananidzirwa naNaamani munzirai? (b) Ko isu tose tinodzidza zvifundoi zvinokosha?
11 Ko unoona here pane dzimwe nguva mavara aNaamani mauri? Sezvazvakaita kuna vamwe vasati vari vaIsraeri vakatenda, Naamani anoshandiswa muMagwaro kufananidzira “mamwe makwai” anokumbanira mukunamata kwechokwadi. Ivava vose, zvavakaberekerwa muchivi, vaichimbova vane hosha yomudzimu. Ivo vose vaitofanira kutsvaka betsero yeboka romuranda akazodzwa raJehovha dzokonokei voita nomutoo wokuteerera pamsoro peizvo uyu “muranda” akavadzidzisa muShoko raMwari. (Mateo 24:45) Vamwe pane imwe nguva havana kunzwisisa zano rose rapaMagwaro ravakapiwa—rakadai sechinodikanwa chokupinda misangano yeungano nguva dzose, kukosha kwokuparadzana nenyika kana kuti kworubhapatidzo rwomumvura rwechiKristu. Vangave vakarega tsauriro norubhapatidzo rwomumvura nemhaka yokuti mwoyo wavo wakadzivisa kudikanwa kwoku‘zviramba’ nokuda kwokuva muteveri waKristu. Mune zvimwe zvinoitika ivo vakatsoropodza mutoo uyo zano rakapiwa nomauri kwavari naavo vano mutoro muungano. Asi mukufambira mberi kwenguva vose avo vaizova zvomenemene “mamwe makwai” aShe vaidikanirwa kudzidza kukosha kwokuzvininipisa nokuteerera kworudo.—Jakobho 4:6; Mateo 16:24.
MIRAIRO INOTIBETSERA
12, 13. (a) Neiko kuteerera mirairo yaJehovha kuchitibetsera? (b) Ko ikoku kungaenzanisirwa sei?
12 Sezvatinosvika pakuziva Jehovha nenzira dzake, tinosvika pakunzwisisa kuti ndeechokwadi sei mashoko aakataura kuvabatiri vake munguva dzakapfuura: “Ini, Jehovha, ndiri Mwari wako, Uyo unokudzidzisa kuzvibetsera iwe umene, Uyo unokusakisa munzira yaunofanira kufamba nomairi. Haiwa! kudai bedzi wakateerera zvomenemene mirairo yangu!” (Isaya 48:17, 18) Chishuvo chokudisisa chaJehovha ndechokuti vanhu vake vadzivise ngwavaira ndokufarikanya upenyu kupfurikidza nokuteerera mirairo yake. Iye anoziva maitirwo edu nechichatiunzira mufarwa chaiwoiwo. Anotinyevera pamsoro pomufambiro ungatishatsa kana kuti kukuvadza ukama hwedu navamwe.
13 Avo vakatetekera nyevero dzake pamsoro poufeve noupombwe vakasunungurwa panhamo yepfungwa, hosha nokubereka kusati kuri kwapamutemo kunoparirwa naizvozvi. (1 VaKorinte 6:18; VaHebheru 13:4) Kupfurikidza nokushandisa zano rakadai serero riri pana 2 VaKorinte 7:1, ivo vakaramba vasitongorina kupindwa muropa nefodya nemimwe mirimo izvo, zvinokuvadza utano hwomunhu uye zvinogona kuparira rufu rwokukurumidza. Murairo wake woku‘rega ropa’ wakabetsera vabatiri vake kusimbaradza kutsamira kwavo paari soUyo kariro dzavo dzose nokuda kwoupenyu hwomunguva yemberi dzinotsamira paari, uye panguva imwe cheteyo wakavataviridzira pahosha dzinotyisa dzinogona kuparadzirwa nokuisirwa ropa.—Mabasa 15:28, 29.
14. Ko tinobetserwa sei kupfurikidza nokutanga kutsvaka Umambo panzvimbo pokuzvibatanidza timene nomutoo usiri madikanwa nenyika?
14 Chero bedzi tiri munyika, pane mwero wakati kuti wokubatana nayo kuri madikanwa. Asika Jehovha anotinyevera kusaroverera tariro dzedu pairi, kusava rutivi rwayo. Iye anoziva chine nguva yemberi nokuda kwenyika. Haiwa hwaizova ufuza hwakadini kupedza upenyu hwako uchivaka icho Mwari achakoromora! Zvakatoipisisa, avo vanoita kudaro vachawana kuti ivo vachawana mubairo wenyika yavakatsaurira upenyu hwavo kwairi. Haiwa! rinobetsera sei, nokuda kweichi chikonzero, zano rakapiwa noMwanakomana waMwari, rinoti: Tsvakai Umambo hwaMwari! Huise pakutanga muupenyu hwako!—1 Johane 2:17; Mateo 6:33.
15. (a) Kuti tigova pakati paavo vachawana icho Adhama akarasha, tinofanira kudzidza kuitei? (b) Ko Jehovha achataura sei kwatiri mukati meMireniyumu?
15 Kupfurikidza nokusvinurira zvizere chatinoda, Jehovha ari kugadzirira vanhu vake nokuda kwoupenyu mutsika itsva yake yezvinhu yakarurama. Kusateerera kwaAdhama kwakaparira kusakwana kwohunhu, kurashika kwoupenyu husingagumi uye kudzingwa muParadhiso. Zvamazvirokwazvo kana tichizova pakati paavo vanokomborerwa neicho Adhama akarasha, tinofanira kubvumikisa kuti tinoteerera apo Mwari anotaura. Asika iye achataura sei mukati meMireniyumu inouya, apo vanhu vanenge vachisvitswa kukukwana? Kupfurikidza noUmambo hwaMesia. Ko Umambo ihwohwo huchavawo navamiriri vanooneka vapasi here? Hungu. Mambo achava ne“machinda mupasi rose” mubasa rake. (Pisarema 45:16; enzanisa Isaya 32:1, 2.) Kupfurikidza nokuteerera kworudo aya machinda, vanhu vacharatidzira kuzviisa pasi kuna Mambo wavo wokudenga.
16. Neiko kuteerera vakuru kuri taviridziro zvino, uye iko igadziriro sei nokuda kwoupenyu muNhevedzo Itsva yaMwari?
16 Mukugadzirira nokuda kwenguva iyoyo, Jehovha zvino anogovera kurovedza kupfurikidza nesangano rake rinooneka roubati ushe hwoumwari. Iye akamutsa varume vakuru kana kuti vakuru mumudzimu mukati meungano. Ivava vanogovera kutarisira kunodikanwa nokuda kwemisangano yeungano uye vanotungamirira mukuparidzirwa kweshoko roUmambo. Vanobetsera vose vanoda kubatira Jehovha kudzidza mashandisirwe enheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo uye nomutoo worudo vanonyevera pamsoro pemisungo ingagona kukuvadza ukama hwako naMwari. Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakasvinurirawo kuti kutetekera mirairidzo yavakuru kazhinji kazhinji kwakaparira kuchengetwa kwoupenyu mukati mamadutu, kudengenyeka kwapasi nokugundika kwamasimba masimba ane zvombo. Ungano haisati iri yavakuru; ndeyaMwari. Vakuru havasati vachikambira kuva vakafuridzirwa. Asi, sokuratidzira kunoita Magwaro, Mwari anovashandisa kutungamirira, uye kuvateerera kunoratidzira ruremekedzo nokuda kwegadziriro iyo Jehovha ari kushandisa kugadzirira vabatiri vake nokuda kwokupukunyuka ndokupinda muNhevedzo Itsva yake.—Mabasa 20:28; VaHebheru 13:17.
17. Chii chinofanira kutisundira kukuteerera?
17 Zvisinei, hachizati chichingova zvacho chishuvo chokuva pakati pavapukunyuki vokuparadzwa kunouya kwenyika kunosundira kukuteerera kwakadaro. Kune zvizhinji zvakawanda. Zvii? Kuonga upenyu negadziriro dzose idzo Mwari akaita kuhutsigira. Kuonga zvipo zvake zvinovandudza upenyu hwedu—mano okurangarira, kucherekedza runako rwemipimo yomudzimu, simba rokuziva ndokunamata Musiki wedu. Uyewo, kusvinurira rudo rukuru kuna Mwari amene rwakamusunda kupa Mwanakomana wake amene kuvanzarika upenyu hwake muchibairo kuti tigova nebanza rokurarama nokusingaperi.
18. Patinosvika pakusanoziva Mwari, ko isu tinorangarira sei kumuteerera uye sangano rake?
18 Kuna avo vakasvika pakusanoziva Mwari, kuteerera hakuzati kuri mubato usingafadzi. Kunzwisiswa kwakarurama kwamadonzo ake nezvinodikanwa, pamwe chete nokuwana miuyo yakanaka inobva mukushandisa iyoyi, hakusii panikiro mundangariro dzavo nokuti kuita zvinhu nenzira yaMwari ndiyo bedzi nzira ine murangariro nepfungwa. Vanoiziva kuva taviridziro. Iyo inzirawo yokuratidzira kuda kwavo Mwari. Vanowana mufaro mukuru mukumuteerera.—1 Johane 5:3; Pisarema 119:129.
[Mifananidzo iri papeji 135]
Vamwe vanodikanirwa kukurira rudado sezvakaita Naamani wamaperembudzi