Ngoni dzaJehovha Dzinotidzivirira Pakuora Mwoyo
“Ndiratidzei nyasha, haiwa Mwari, mukuwirirana nomutsa wenyu worudo. Mukuwirirana nokuwanda kwengoni dzenyu dzimai kudarika kwangu.”—PISAREMA 51:1, NW.
1, 2. Mumwe wavabatiri vaJehovha anogona sei kutapurwa nechivi chakakomba?
MUTEMO waJehovha haugoni kuputswa pasina chirango. Ikoku kunova pachena sei kana tikaitira Mwari chivi chakakomba! Kunyange zvazvo tingave takabatira Jehovha nokutendeka kwamakore, kuputsa mutemo wake kungaparira funganyo huru kana kuti kuora mwoyo kukuru. Tinganzwa kuti Jehovha atisiya uye kuti hatichakakodzeri kumubatira. Chivi chedu chingaratidzika segore guru rinodzivisa chiedza chenyasha dzaMwari.
2 Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare akambozviwana amene ari mumugariro wakadaro. Uyu mugariro wakatanga sei?
Zvikanganiso Zvinogona Kutungamirira Kuchivi Chakakomba
3, 4. Chii chakaitika kuna Mambo Dhavhidhi mukati menhambo yokubudirira?
3 Dhavhidhi aida Mwari asi aiita zvikanganiso zvakatungamirira kuzvivi zvakakomba. (Enzanisa naVaGaratia 6:1.) Ikoku kunogona kuitika kumunhu upi noupi asina kukwana, zvikurukuru kana ane chiremera pavamwe. Samambo anobudirira, Dhavhidhi aifarikanya mbiri nesimba. Ndiani aitsunga kudenha shoko rake? Varume vanokwanisa vakanga vakagadzirira uye vaidisa kumubatira, uye vanhu vaiita nokudisa izvo aivakumbira kuita. Bva, Dhavhidhi akatadza kupfurikidza nokuzviwanzira amene vadzimai uye kuverenga vanhu.—Dheuteronomio 17:14-20; 1 Makoronike 21:1.
4 Mukati meiyi nhambo yokubudirira kwokunyama, Dhavhidhi akaitira Mwari nomunhu zvivi zvakakomba. Chokwadi, chivi chimwe chakatungamirira kune chimwe kufanana neshinda dzakarukwa dzejira rakarongwa naSatani! Apo vaIsraeri biyake vakarwisa vaAmoni, ari pamusoro pedenga rake Dhavhidhi akatarira mudzimai akaisvonaka waUria, Bhati-shebha, achizvishambidza amene. Uria ari kuhondo, mambo akaita kuti mukadzi wacho aunzwe kudzimbahwe rake uye akaita upombwe naye. Fungidzira kukatyamadzwa kwake pakuziva gare gare kuti akanga ana pamuviri! Dhavhidhi akadana Uria, achikarira kuti aizopedza usiku naBhati-shebha uye aizorangarira mwana kuva wake amene. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akamudhakisa, Uria akaramba kuvata naye. Zvino apererwa nezano, Dhavhidhi akatumira mutungamiriri wamauto Joabhi miraidzo yapachivande yokuisa Uria mumitsetse yapamberi apo aizova nechokwadi chokufa. Uria akaurawa muhondo, chirikadzi yake yakachengeta nhambo yokuchema yenguva dzose, uye Dhavhidhi akamuroora vanhu vasati vaziva nezvapamuviri pake.—2 Samueri 11:1-27.
5. Chii chakaitika pashure pokunge Dhavhidhi atadza naBhati-sheba, uye zvivi zvake zvakava netapuroi paari?
5 Kupfurikidza nomuporofita Natani, Mwari akaratidza zvivi zvaDhavhidhi ndokuti: “Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako.” Nenzira inowirirana, mwana akaberekwa naBhati-shebha akafa. (2 Samueri 12:1-23) Mwanakomana wedangwe waDhavhidhi, Amnoni, akabata chibharo hanzvadzi yake amene kuna baba Tamari uye akaurawa nehanzvadzi yake. (2 Samueri 13:1-33) Mwanakomana wamambo Absaromi akaedza kubvuta chigaro choumambo uye akanyadzisa baba vake kupfurikidza nokuvata navarongo vaDhavhidhi. (2 Samueri 15:1–16:22) Hondo yavagari vemo yakapera norufu rwaAbsaromi nenhamo huru nokuda kwaDhavhidhi. (2 Samueri 18:1-33) Zvisinei, zvivi zvaDhavhidhi zvakamuninipisa ndokumuita kuti azive nezvedikanwo yokugara pedyo naMwari wake anonzwira tsitsi. Kana tikakanganisa, ngatipfidzei nokuzvininipisa ndokuswedera pedyo naJehovha.—Enzanisa naJakobho 4:8.
6. Neiko Mambo Dhavhidhi akanga ane mhaka zvikuru?
6 Dhavhidhi akanga ane mhaka zvikuru nemhaka yokuti akanga ari mutongi wechiIsraeri aiziva zvizere Mutemo waJehovha. (Dheuteronomio 17:18-20) Akanga asati ari farao weEgipita kana kuti mambo weBhabhironi akanga asina zivo yakadaro uye angaita zvinhu nguva dzose zvisingatenderwi naMwari. (Enzanisa naVaEfeso 2:12; 4:18.) Somutezo worudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, Dhavhidhi aiziva kuti upombwe nokuuraya zvivi zvakakomba. (Eksodho 20:13, 14) MaKristu anozivawo mutemo waMwari. Kufanana naDhavhidhi, zvisinei, vamwe vavo vanouputsa nemhaka yokutadza kwakagarwa nhaka, utera hwohunhu, uye muedzo usina kudziviswa. Kana ikoko kukafanira kuitika kuna ani naani wedu, hatifaniri kuramba tiri mumugariro wakasviba unodzikatidza chiono chedu chomudzimu ndokutiputira mukuora mwoyo zvikuru.
Kureurura Kunounza Rusununguko
7, 8. (a) Chii chakaitika kuna Dhavhidhi apo akaedza kuvanza zvivi zvake? (b) Kureururireiko ndokusiya zvivi zvako?
7 Kana tiine mhaka yokudarika mutemo waMwari kwakakomba, tingakuwana kwakaoma kureurura zvivi zvedu, kunyange kuna Jehovha. Chii chinogona kuitika mumigariro iyoyo? MuPisarema 32, Dhavhidhi akabvuma, kuti: “Panguva yandakaramba ndinyerere, [panzvimbo pokureurura] mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu [Jehovha] rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku; unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.” (Pis 32 Ndima 3, 4) Kuedza kuvanza chivi chake nokudzvinyirira hana ine mhaka kwakapedza Dhavhidhi anotsauka. Nhamo yakaderedza simba rake zvikuru zvokuti akanga akafanana nomuti unoshaya mvura usina unyoro hunopa upenyu. Kutaura idi, angave akatambura miuyo yakaipa mundangariro nomumuviri. Zvisinei hazvo, akarasikirwa nomufaro wake. Kana vapi navapi vedu tikazviwana timene tiri mumugariro wakafanana, chii chatinofanira kuita?
8 Kureurura kuna Mwari kunogona kuvigira kanganwirwo norusununguko. “Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu,” akaimba kudaro Dhavhidhi. “Ndakati: ‘Ndichazvireurura kudarika kwangu kuna Jehovha;’ imi makandikanganwira kuipa kwechivi changu.” (Pisarema 32:5) Unotambudzika pamusoro pechivi chakati chakavanzwa here? Kwaisazova kwakanakisisa kureurura ndokuchirega kuti ugamuchire ngoni dzaMwari here? Huregerereiko kudana vakuru veungano ndokutsvaka kuporesa kwomudzimu? (Zvirevo 28:13; Jakobho 5:13-20) Mudzimu wako wokupfidza uchabvumwa, uye pashure penguva yakati mufaro wako wechiKristu unogona kudzorerwa. “Wakakomborerwa wakakanganwirwa kudarika kwake, wakafukidzirwa zvivi zvake,” akadaro Dhavhidhi. “Wakakomborerwa munhu usingaverengerwi zvakaipa naJehovha; usino kunyengera pa[mudzimu, NW] wake.”—Pisarema 32:1, 2.
9. Pisarema 51 rakarongwa rini, uye nemhaka yei?
9 Dhavhidhi naBhati-shebha vaizvidavirira kuna Jehovha Mwari nokuda kwechakaipa chavo. Kunyange zvazvo vaigona kuve vakaurawa nokuda kwezvivi zvavo, Mwari akava nengoni pavari. Zvikurukuru akava nengoni kuna Dhavhidhi nemhaka yesungano yoUmambo. (2 Samueri 7:11-16) Chimiro chendangariro chokupfidza chaDhavhidhi kuzvivi zvake zvaibatanidza Bhati-shebha chinoonekwa muPisarema 51. Iri pisarema rinoorora rakarongwa namambo anonzwa urombo pashure pokunge muporofita Natani amutsa hana yake kuukuru hwokudarika kwake mutemo woumwari. Kwakada ushingi kuti Natani adanire zvivi zvaDhavhidhi kungwariro yake, kunyange seizvo vakuru vechiKristu vakagadzwa vanofanira kuva noushingi kuti vagoita zvinhu zvakadaro nhasi. Panzvimbo pokuramba pomero nokuraira kuurawa kwaNatani, mambo akareurura nenzira yokuzvininipisa. (2 Samueri 12:1-14) Pisarema 51 rinoratidza izvo akataura kuna Mwari mumunyengetero pamusoro pechinoitika chake chakaipa uye rakakodzera zvikuru nokuda kwokurangarira kwokunyengetera, zvikurukuru kana takanganisa uye tichishuva ngoni dzaJehovha.
Tinozvidavirira kuna Mwari
10. Dhavhidhi aigona sei kuwana kunaya kwomudzimu?
10 Dhavhidhi haana kutsvaka kupembedza chivi chake asi akakumbira, kuti: “Ndiratidzei nyasha, haiwa Mwari, mukuwirirana nomutsa wenyu worudo. Mukuwirirana nokuwanda kwengoni dzenyu dzimai kudarika kwangu.” (Pisaraema 51:1, NW) Kupfurikidza nokudarika, Dhavhidhi akanga apfuura miganhu yoMutemo waMwari. Paiva netariro yokunaya kwake kwomudzimu, zvisinei, kudai Mwari akamuratidza nyasha mukuwirirana nomutsa Wake worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika. Kuwanda kwengoni dzaMwari dzomunguva yakapfuura kwakapa mambo anopfidza hwaro hwokutenda kuti Muiti wake aizodzima kudarika kwake.
11. Chii chakakarakadzwa nezvibairo zveZuva reYananisiro, uye chii chinodikanwa nokuda kworuponeso nhasi?
11 Kupfurikidza nemimvuri youporofita yezvibairo zveZuva reYananisiro, Jehovha akaonesa kuti aiva nenzira yokuchenesa nayo vanhu vanopfidza muchivi chavo. Zvino tinoziva kuti ngoni dzake nekanganwiro zvinotambanudzirwa kwatiri pahwaro hwokutenda kwedu muchibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Kana Dhavhidhi, achirangarira marudzi nemimvuri bedzi zvechibairo ichi, aigona kuvimba nomutsa worudo nengoni zvaJehovha, vabatiri vaMwari vomuzuva razvino vanofanira kushandisa zvikuru sei kutenda murudzikinuro rwakagoverwa nokuda kworuponeso rwavo!—VaRoma 5:8; VaHebheru 10:1.
12. Kutadza kunorevei, uye Dhavhidhi akanzwa sei pamusoro pechakaipa chake?
12 Mukuteterera kuna Mwari, Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.” (Pisarema 51:2, 3) Kutadza kupotsa chiratidzo kana toreva nezvemipimo yaJehovha. Dhavhidhi akanga aita izvozvo zvamazvirokwazvo. Bva, akanga asina kufanana nomuurayi kana kuti mhombwe isingaitiri hanya mhosva yayo, inongotambudzika chete pamusoro pechirango chayo kana kuti bviro yokubata hosha. Somudi waJehovha, Dhavhidhi aivenga chakaipa. (Pisarema 97:10) Ainyangadzwa nechivi chake chimene uye aida kuti Mwari amuchenese chose chose pachiri. Dhavhidhi aiziva zvizere nezvokudarika kwake uye aiva nourombo zvikuru kuti akanga aregera chishuvo chake chokutadza chichimukurira. Chivi chake chakanga chiri pamberi pake nguva dzose, nokuti hana ine mhaka yomunhu anotya Mwari haitongonyaradzwi kusvikira pava nokupfidza, kureurura, uye kanganwiro yaJehovha.
13. Nemhaka yei Dhavhidhi aigona kutaura kuti akanga atadzira Mwari oga?
13 Achibvuma kuzvidavirira kwake kuna Jehovha, Dhavhidhi akati: “Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, muve musine mhosva pakutonga kwenyu.” (Pisarema 51:4) Dhavhidhi akanga aputsa mitemo yaMwari, azvidza nzvimbo youmambo, uye “pasina panikiro akanga azvidza Jehovha,” achiMuratidza kuruzvidzo. (2 Samueri 12:14, NW; Eksodho 20:13, 14, 17) Zviito zvaDhavhidhi zvokutadza zvaivawo mhaka pachaunga chechiIsraeri nemitezo yemhuri yake, kungofanana nomutadzi akabhapatidzwa nhasi anoparira rusuruvaro kana kuti nhamo muungano yechiKristu uye pakati pavadiwa. Kunyange zvazvo mambo anopfidza aiziva kuti akanga atadzira vanhu biyake vakadai saUria, akaziva mutoro mukuru zvikuru kuna Jehovha. (Enzanisa naGenesi 39:7-9.) Dhavhidhi akabvuma kuti rutongeso rwaJehovha rwaizova rwakarurama. (VaRoma 3:4) MaKristu akatadza anofanira kuva nomurangariro mumwe chetewo.
Migariro Inoparira
14. Migariroi inoparira yakadudzwa naDhavhidhi?
14 Kunyange zvazvo Dhavhidhi asina kuedza kuzvipembedza amene, iye akati: “Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; mai vangu vakandigamuchira muzvivi.” (Pisarema 51:5) Dhavhidhi akaberekwa nechikanganiso, uye mai vake vakava namarwadzo okubereka nemhaka yokutadza kwakagarwa nhaka. (Genesi 3:16; VaRoma 5:12) Mashoko ake haarevi kuti vatano yakafanira yeroorano, kunamba, uye kubereka kutadza, kungofanana nokugovera kwakaita Mwari roorano nokubereka vana; uyewo Dhavhidhi akanga asiri kunongedzera kuchivi chipi nechipi chakananga chamai vake. Akanambirwa muchivi nemhaka yokuti vabereki vake vaitadza kufanana navanhu vose vasina kukwana.—Jobho 14:4.
15. Kunyange zvazvo Mwari angarangarira migariro inoparira, chii chatisingafaniri kuita?
15 Kana tichinge tatadza, tinogona kududza mumunyengetero kuna Mwari migariro ipi neipi inoparira ingave yakaparira chakaipa chedu. Asi ngatiregei kushandura mutsa usakafanirwa waMwari kuva pembedzo yomufambiro usingadzorwi kana kuti kushandisa kutadza kwakagarwa nhaka sechokuhwanda seri kwacho mutoro wechivi chedu. (Judhasi 3, 4) Dhavhidhi akagamuchira mutoro wokuchengeta mifungo isina kuchena nokutera kumuedzo. Ngatinyengetere kuti tirege kusiiwa kumuedzo uye ipapo ngatiite chiito mutsinhirano nomunyengetero wakadaro.—Mateo 6:13.
Teterero Yokuchenesa
16. Mwari anofarira varai, uye iroro rinofanira kutapura sei mufambiro wedu?
16 Vanhu vangaratidzika kuva vanhu vakaisvonaka vakazvipira kuna Mwari, asi anotarisa pasi pepamusoro uye anoona zvavari mukati. Dhavhidhi akati: “Tarirai [Jehovha], munoda zvokwadi pamwoyo; munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.” (Pisarema 51:6) Dhavhidhi aiva nemhaka yenhema nounyengeri mukuronga rufu rwaUria uye kuedza kuvanza maidi pamusoro pepamuviri paBhati-shebha. Kunyanguvezvo, aiziva kuti Mwari anofarira uzvokwadi noutsvene. Ikoku kunofanira kutapura mufambiro wedu munzira yakanaka, nokuti Jehovha aizotishurikidza kana tiri vanonyengera. (Zvirevo 3:32) Dhavhidhi akazivawo kuti kana Mwari aizo‘muparira kuziva uchenjeri chaihwoihwo,’ samambo anopfidza, aizokwanisa kuwirirana nemipimo youmwari upenyu hwake hwose hwasara.
17. Chii chaiva revo yokunyengeterera kucheneswa nehisopi?
17 Nemhaka yokuti wezvamapisarema akaona kuda kwake betsero yaMwari mukukurira kombamiro dzokutadza, akatetererazve, kuti: “Ndinatsei nehisopi, ndive wakanaka, ndishambidzei, ndichene kupfuura mazaya echando.” (Pisarema 51:7) Pakati pezvimwe zvinhu, muhisopi (zvichida marjoram, kana kuti Origanum maru) waishandiswa mumutambo wokuchenesa vanhu vaimbova vakazadzwa namaperembudzi. (Revhitiko 14:2-7) Naizvozvo kwakanga kwakakodzera kuti Dhavhidhi aifanira kunyengetera kuti acheneswe muchivi nehisopi. Mufungo wokuchena unobatanidzwawo nokukuteterera kwake kwokuti Jehovha amushambidze kuti agova akachena chose chose, kuchena zvikuru kunyange kupfuura chando chisati chava nechin’ai kana kuti imwe tsvina. (Isaya 1:18) Kana vapi navapi vedu zvino vari kutambura marwadzo ehana pamusoro pechakaipa chakati, ngative nokutenda kuti kana tikatsvaka kanganwiro yaMwari nenzira yokupfidza, anogona kutichenesa ndokutinatsa pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu.
Teterero Yokudzorerwa
18. Chii chaiva mugariro waDhavhidhi asati apfidza ndokureurura, uye zivo yaikoku inogona sei kubetsera nhasi?
18 MuKristu upi noupi akambotambura nehana ine mhaka anogona kunzwisisa mashoko aDhavhidhi: “Ndinzwisei [Jehovha] mufaro ndive nomwoyo muchena; kuti mapfupa amakavhuna afare.” (Pisarema 51:8) Dhavhidhi asati apfidza ndokureurura zvivi zvake, hana yake yakatambudzwa yakamusuruvarisa. Haana kunyange kuwana mufaro munziyo dzomufarwa nokufara dzakagoverwa navaimbi vakaisvonaka uye vaimbi vane unyanzvi. Marwadzo aDhavhidhi anotadza aiva makuru kwazvo pamusoro pokusatendera kwaMwari zvokuti akanga akafanana nomunhu ane mapfupa akanga apwanywa zvinorwadza. Akashuva kanganwirwo, kunaya kwomudzimu, uye kudzorerwa kwomufaro waakanga ambova nawo. Mutadzi anopfidza nhasi anodawo kanganwiro yaJehovha kuti awanezve mufaro waaiva nawo asati aita chimwe chinhu chinopinza mungozi ukama hwake naMwari. Kudzorerwa kwo“mufaro womudzimu mutsvene” kumunhu anopfidza kunoratidza kuti Jehovha amukanganwira uye anomuda. (1 VaTesaronika 1:6, NW) Inyaradzo yakadini ikoko kunounza!
19. Dhavhidhi aizonzwa sei kudai Mwari akadzima zvikanganiso zvake zvose?
19 Dhavhidhi akanyengeterazve, kuti: “Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, dzimai zvakaipa zvangu zvose.” (Pisarema 51:9) Jehovha aisagona kukarirwa kutarira pachivi nokutendera. Nokudaro, akakumbirwa kuvanza chiso chake pazvivi zvaDhavhidhi. Mambo akatetererawo kuti Mwari adzime zvikanganiso zvake zvose, adzime kusarurama kwake kwose. Kudai bedzi Jehovha aizoita izvozvo! Kwaizosimudza midzimu yaDhavhidhi, kubvisa mutoro wehana yakatambudzwa, uye kuzivisa mambo anopfidza zvino kuti akanga akanganwirwa naMwari wake ane rudo.
Zvakadiniko Kana Uchinge Watadza?
20. Chii chinorumbidzwa nokuda kwomuKristu upi noupi anenge atadza zvakakomba?
20 Pisarema 51 rinoratidzira kuti vapi navapi vavabatiri vaJehovha vakazvitsaurira vakatadza zvakakomba asi vanopfidza vanogona kumukumbira nechivimbo kuvaratidzira nyasha ndokuvachenesa muchivi chavo. Kana uri muKristu akakanganisa munzira yakadaro, huregerereiko kutsvaka kanganwiro yaBaba vedu vokudenga mumunyengetero wokuzvininipisa? Bvuma kuda kwako betsero yaMwari kuti umire wakatenderwa pamberi pake, uye kumbira kuti adzorere mufaro wako wekare. MaKristu anopfidza anogona nenzira ine chivimbo kuenda kuna Jehovha mumunyengetero nezvikumbiro zvakadaro, nokuti “uchakanganwira zvikuru.” (Isaya 55:7; Pisarema 103:10-14) Chokwadika, vakuru veungano vanofanira kudanwa kuti vagogona kupa betsero yomudzimu inodikanwa.—Jakobho 5:13-15.
21. Chii chatichatevera kunzvera?
21 Ngoni dzaJehovha dzinodzivirira vanhu vake pakuora mwoyo. Asi ngatinzverei dzimwe teterero dzapachokwadi dzaDhavhidhi anopfidza muPisarema 51. Fundo yedu icharatidza kuti Jehovha haazvidzi mwoyo wakaputsika.
Waizopindura Sei?
◻ Chivi chakakomba chinogona kuva netapuroi pane mumwe wavabatiri vaJehovha?
◻ Dhavhidhi akatapurwa sei apo akaedza kuvanza chivi chake?
◻ Neiko Dhavhidhi akataura kuti akanga atadzira Mwari oga?
◻ Kunyange zvazvo Mwari angarangarira migariro inoparira kana tikatadza, chii chatisingafaniri kuita?
◻ Chii icho muKristu anofanira kuita kana achinge atadza zvakakomba?