Jehovha Haazvidzi Mwoyo Wakaputsika
“Zvibairo zvaMwari [mudzimu, NW] wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.”—PISAREMA 51:17.
1. Jehovha anorangarira sei vanamati vake vanotadza zvakakomba asi vanopfidza?
JEHOVHA anogona ‘kudzivirira kusvika kwaari amene senegore, kuti munyengetero urege kupfuura.’ (Mariro 3:44) Asi anoda kuti vanhu vake vamusvike. Kunyange kana mumwe wavanamati vake akafanira kukanganisa zvakakomba asi achipfidza, Baba vedu vokudenga vanoyeuka zvakanaka zvakaitwa nomunhu iyeyo. Nokudaro, muapostora Pauro aigona kuudza maKristu biyake, kuti: “Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.
2, 3. Chii icho vakuru vechiKristu vanofanira kurangarira mukubata navatendi biyavo vanokanganisa?
2 Vakuru vechiKristu vanofanirawo kurangarira makore ebasa rokutendeka akapiwa kuna Mwari navatendi biyavo. Ikoku kunobatanidza basa rinoyera ravanopfidza vakakanganisa kana kuti vakatadza kunyange zvakakomba. Vafudzi vechiKristu vanotsvaka garikano yomudzimu yaavo vose vari muboka raMwari.—VaGaratia 6:1, 2.
3 Mutadzi anopfidza anoda ngoni dzaJehovha. Bva, zvakawanda zvinodikanwa. Ikoku kunojekeswa namashoko aDhavhidhi ari paPisarema 51:10-19.
Mwoyo Wakachena Unodikanwa
4. Neiko Dhavhidhi akanyengeterera mwoyo wakachena nomudzimu mutsva?
4 Kana muKristu akazvitsaurira ari mumugariro wakaipa womudzimu nemhaka yechivi, chii chaangada kunze kwengoni dzaJehovha nekanganwiro? Eya, Dhavhidhi akateterera, kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu [mudzimu, NW] wakarurama.” (Pisarema 51:10) Sezviri pachena, Dhavhidhi akaita ichi chikumbiro nemhaka yokuti akaziva kuti kombamiro yechivi chakakomba yakanga ichiri mumwoyo make. Tingave tisina kubatanidzwa mumarudzi echivi chakabata Dhavhidhi pamusoro paBhati-shebha naUria, asi tinoda betsero yaJehovha kutidzivisa kutera kumuedzo wokupinda mumufambiro upi noupi wokutadza kwakakomba. Kupfuurirazve, tingada somunhu oga betsero youmwari yokubvisa mumwoyo wedu mavara okutadza akadai soruchiva noruvengo—mhaka dzakafanana nokuba nokuponda.—VaKorose 3:5, 6; 1 Johane 3:15.
5. (a) Kuva nomwoyo wakachena kunorevei? (b) Dhavhidhi akashuvei apo akakumbira mudzimu mutsva?
5 Jehovha anoda kuti vabatiri vake vave no“mwoyo wakachena,” ndiko kuti, rucheno rwevavariro kana kuti donzo. Achiziva kuti akanga asina kuratidzira rucheno rwakadaro, Dhavhidhi akanyengetera kuti Mwari achenese mwoyo wake ndokuupinza mutsinhirano nemipimo youmwari. Wezvamapisarema aidawo mudzimu mutsva, wakarurama, kana kuti kombamiro yendangariro. Aida mudzimu waizomubetsera kudzivisa muedzo ndokuomerera zvakasimba kumitemo nenheyo zvaJehovha.
Mudzimu Mutsvene Unokosha
6. Neiko Dhavhidhi akakumbira kuti Jehovha asatore mudzimu mutsvene kwaari?
6 Apo tinenge tichiora mwoyo pamusoro pezvikanganiso zvedu kana kuti chakaipa, tingagona kunzwa kuti Mwari ava kudokutikandira parutivi ndokubvisa kwatiri mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. Dhavhidhi akanzwa nenzira iyoyo, nokuti akakumbira Jehovha, kuti: “Regai kundirasha pamberi penyu; musabvisa [mudzimu, NW] wenyu mutsvene kwandiri.” (Pisarema 51:11) Dhavhidhi anonzwa urombo uye anozvininipisa akanzwa kuti zvivi zvake zvakanga zvamuita asingafanirwi nokubatira Jehovha. Kukandwa kubva pamberi pechiso chaMwari kwaizoreva kurasikirwa nenyasha dzake, nyaradzo, uye chikomborero. Kana Dhavhidhi aizodzorerwa mumudzimu, aida mudzimu mutsvene waJehovha. Nawo uri paari, mambo aigona nenzira yokunyengetera kutsvaka nhungamiro youmwari kuti agofadza Jehovha, agone kudzivisa chivi, uye agone kutonga nouchenjeri. Achiziva nezvezvivi zvake mukurwisana noMupi womudzimu mutsvene, Dhavhidhi nenzira yakakodzera akateterera kuti Jehovha asautore kwaari.
7. Neiko tichifanira kunyengeterera mudzimu mutsvene uye kudzivisa kuuchemedza?
7 Zvakadiniko nesu? Tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene uye tinofanira kudzivisa kuuchemedza kupfurikidza nokukundikana kutevera nhungamiro yawo. (Ruka 11:13; VaEfeso 4:30) Kana zvikasadaro, tingagona kurasikirwa nomudzimu uye tingasakwanisa kuratidzira zvibereko zvawo zvakapiwa naMwari zvorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. Jehovha Mwari zvikurukuru aizotora mudzimu mutsvene wake kwatiri kana tikaramba tichimutadzira nenzira yokusapfidza.
Mufaro Woruponeso
8. Kana tikatadza asi tichida kuva nomufaro woruponeso, chii chatinofanira kuva nacho?
8 Mutadzi anopfidza anowana kudzorerwa kwomudzimu anogona kufarirazve gadziriro yaJehovha yoruponeso. Achishuva ikoku, Dhavhidhi akakumbira Mwari, kuti: “Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; nditsigirei [nomudzimu, NW], unoda.” (Pisarema 51:12) Kwaiva kunoshamisa sei kufarira tariro yechokwadi yoruponeso inopiwa naJehovha Mwari! (Pisarema 3:8) Pashure pokutadzira Mwari, Dhavhidhi akatsvaka kudzorerwa kwomufaro woruponeso kupfurikidza Naye. Munguva dzapashure, Jehovha akagovera ruponeso kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kana isu savabatiri vakazvitsaurira vaMwari tikatadza zvakakomba asi tichida kuita kuti mufaro woruponeso udzorerwe kwatiri, tinofanira kuva nechimiro chendangariro chokupfidza kuti tigodzivisa kutadzira mudzimu mutsvene.—Mateo 12:31, 32; VaHebheru 6:4-6.
9. Dhavhidhi akanga achikumbirei apo akakumbira Mwari kumutsigira “no[mudzimu, NW], unoda”?
9 Dhavhidhi akakumbira kuti Jehovha amutsigire “no[mudzimu, NW], unoda.” Sezviri pachena, ikoku kunonongedzera, kwete kukudisa kwaMwari kuva anobetsera kana kuti kumudzimu mutsvene wake, asi kukombamiro yendangariro inosunda yaDhavhidhi. Dhavhidhi aida kuti Mwari amutsigire kupfurikidza nokupa kwaari mudzimu wokudisa kuita zvakanga zvakanaka ndokusawira muchivi zvakare. Jehovha Mwari anoramba achitsigira vabatiri vake uye anosimudza avo vakakotamiswa nemiedzo yakasiana-siana. (Pisarema 145:14) Kunonyaradza sei kuziva ikoku, zvikurukuru kana takakanganisa asi tichinzwa urombo uye tichida kubatira Jehovha nokutendeka nokusingaperi!
Kudzidzisa Vadariki Chii?
10, 11. (a) Dhavidhi aigona kudzidzisei vadariki vechiIsraeri? (b) Dhavhidhi aigona kudzidzisa vatadzi pashure bedzi pokuitei iye amene?
10 Kudai Mwari aizokubvumidza, Dhavhidhi nenzira isina udyire aida kuita chimwe chinhu chaizoratidza kuonga kwake nokuda kwengoni dzaJehovha uye aizobetsera vamwe. Nemirangariro yokunyengetera yakanangidzirwa kuna Jehovha, mambo anopfidza akatevera kuzivisa, kuti: “Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.” (Pisarema 51:13) Dhavhidhi anotadza aigona sei kudzidzisa vadariki voMutemo waMwari? Chii chaangavaudza? Uye ikoku kwaigona kuitei chakanaka?
11 Pakuratidza vadariki vechiIsraeri nzira dzaJehovha mutariro yokuvabvisa munzira yakaipa, Dhavhidhi aigona kuonesa kuti chivi chakaipa sei, icho rupfidzo runoreva, uye kuti ngoni dzaMwari dzinogamuchirwa sei. Achiva akanzwa marwadzo okusatendera kwaJehovha nehana ine mhaka, pasina panikiro Dhavhidhi aizova murairidzi anonzwira tsitsi wavatadzi vanopfidza, vakaputsika mwoyo. Chokwadika, aigona kushandisa muenzaniso wake kudzidzisa vamwe pashure bedzi pokunge iye amene agamuchira mipimo yaJehovha ndokugamuchira kanganwiro Yake, nokuti avo vanoramba kuzviisa pasi pezvinodikanwa zvoumwari havana maruramairo ‘okududza mirau yaMwari.’—Pisarema 50:16, 17.
12. Dhavhidhi akabetserwa sei nezivo yokuti Mwari akanga amununura mumhaka yeropa?
12 Achidzokorora vavariro dzake muchimwe chimiro, Dhavhidhi akati: “Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imi Mwari muponesi wangu; ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.” (Pisarema 51:14) Mhaka yeropa yaiuya neshurikidzo yorufu. (Genesi 9:5, 6) Naizvozvo zivo yokuti Mwari woruponeso rwake akanga amununura mumhaka yeropa pamusoro paUria kwaizopa Dhavhidhi rugare rwomwoyo nendangariro. Rurimi rwake rwaigona ipapo kuimba nomufaro pamusoro pokururama kwaMwari, kwete kwake amene. (Muparidzi 7:20; VaRoma 3:10) Dhavhidhi aisagona kudzima utere hwake kana kuti kudzorera Uria kubva muguva, kunyange sezvo munhu womuzuva razvino asingagoni kudzorera rucheno rwomunhu waakanyengera kana kuti kumutsa mumwe munhu waakauraya. Hatifaniri kufunga pamusoro paikoko here apo tinoedzwa? Uye tinofanira kuonga zvikuru sei ngoni dzaJehovha dzinoratidzwa kwatiri mukururama! Kutaura idi, kuonga kunofanira kutisunda kutungamirira vamwe kune aya Manyuko okururama nekanganwiro.
13. Mumigariroi bedzi mutadzi anogona kuva nokushamiswa kwemiromo yake kwakafanira kuti arumbidze Jehovha?
13 Hapana mutadzi anogona kuva nokuzarurwa kwakafanira kwemiromo yake kuti arumbidze Jehovha kutoti Mwari aivhura nenzira yetsitsi, sokunge zvakadaro, kuti ataure zvokwadi Dzake. Naizvozvo Dhavhidhi akaimba, kuti: “Ishe, zarurai miromo yangu; ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.” (Pisarema 51:15) Nehana yake yasunungurwa nemhaka yekanganwiro yaMwari, Dhavhidhi aizosundwa kudzidzisa vadariki nzira dzaJehovha, uye aigona kuMurumbidza nenzira yakasununguka. Vose vakakanganwirwa zvivi zvavo sezvakaitwa Dhavhidhi vanofanira kuonga mutsa usakafanirwa waJehovha kwavari, uye vanofanira kushandisa banza riri rose kuzivisa zvokwadi yaMwari ndoku‘taura rumbidzo yake.’—Pisarema 43:3.
Zvibairo Zvinogamuchirika kuna Mwari
14. (a) Zvibairoi zvaidikanwa mukuwirirana nesungano yoMutemo? (b) Nemhaka yei kwaizova kusino kururama kufunga kuti tinogona kuripa chakaipa chinopfuuridzirwa kupfurikidza nokuita zvinhu zvakanaka?
14 Dhavhidhi akanga awana uchenjeri hukuru hwakamuita kuti ati: “Nokuti imi [Jehovha] hamufariri zvibairo; ndingadai ndaikupai izvo; hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.” (Pisarema 51:16) Sungano yoMutemo yaida kuti zvibairo zvemhuka zvipiwe kuna Mwari. Asi zvivi zvaDhavhidhi zvoupombwe nokuuraya, zvinorangwa norufu, zvaisagona kuyananiswa nezvibairo zvakadaro. Nezvisizvo, angadai asina kurega kupa zvibairo zvemhuka kuna Jehovha. Pasina rupfidzo rwechokwadi, zvibairo hazvina maturo. Naizvozvo kwaizova kusina kururama kufunga kuti tingagona kuripa chakaipa chinopfuuridzirwa kupfurikidza nokuita zvinhu zvakanaka.
15. Chii chiri chimiro chendangariro chomunhu akazvitsaurira ane mudzimu wakaputsika?
15 Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Zvibairo zvaMwari [mudzimu, NW] wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” (Pisarema 51:17) Muchinoitika chomutadzi anopfidza, “zvibairo [zvinogamuchirika] zvaMwari [mudzimu, NW] wakaputsika.” Munhu akadaro haana chimiro chendangariro chokurwa. Mwoyo womunhu akazvitsaurira ane mudzimu wakaputsika unorwadziwa zvikuru pamusoro pechivi chake, anoninipiswa nemhaka yokunzwa kusatendera kwaMwari, uye anodisa kuita chinhu chipi nechipi kuwanazve nyasha dzoumwari. Hatigoni kupa Mwari chinhu choukoshi kusvikira tapfidza zvivi zvedu ndokumupa mwoyo yedu mukuzvipira kwapoga.—Nahumi 1:2.
16. Mwari anotarira sei pamunhu akaputsika mwoyo pamusoro pechivi chake?
16 Mwari haarambi chibairo chakadai somwoyo wakaputsika nowakapwanyika. Pasinei zvapo nechitambudzo chipi nechipi chatinosangana nacho savanhu vake, naizvozvo, ngatirege kutera kukuora mwoyo. Kana takagumbuka munzira youpenyu nomutoo wakati unoita kuti mwoyo wedu uchemere ngoni dzoumwari, mugariro wacho hausi usina tariro. Kunyange kana takatadza zvakakomba asi tichipfidza, Jehovha haasati achizofuratira mwoyo wedu wakaputsika. Achatikanganwira pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaKristu uye achatidzorera kunyasha Dzake. (Isaya 57:15; VaHebheru 4:16; 1 Johane 2:1) Kufanana naDhavhidhi, zvisinei, minyengetero yedu inofanira kuva yokudzorerwa kwenyasha dzoumwari uye kwete nokuda kwokupukunyuka tsiuro inodikanwa kana kuti kururamisa. Mwari akakanganwira Dhavhidhi, asi akamurangawo.—2 Samueri 12:11-14.
Kuitira Hanya Kunamata Kwakachena
17. Kunze kwokuteterera nokuda kwekanganwiro yaMwari, vatadzi vanofanira kuitei?
17 Kana takaita chivi chakakomba, pasina panikiro ichochi chichavhiringidza ndangariro yedu zvikuru, uye mwoyo unonzwa urombo uchatisunda kuteterera nokuda kwekanganwiro yaMwari. Kunyanguvezvo, ngatinyengetererewo vamwe. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aikarira kupa kunamata kunogamuchirika kuna Mwari zvakare, pisarema rake harina kusiya vamwe nenzira youdyire munhau yacho. Rinobatanidza iyi teterero kuna Jehovha: “Itirai Zioni zvakanaka nokuda kwenyu; vakai masvingo eJerusarema.”—Pisarema 51:18.
18. Neiko Dhavhidhi anopfidza akanyengeterera Zioni?
18 Hungu, Dhavhidhi aikarira kudzorerwa kwake kunyasha dzoumwari. Zvisinei, wakanga uriwo munyengetero wokuzvininipisa wowezvamapisarema kuti ‘mumutsa Mwari aizobata zvakanaka neZioni,’ dzimbahwe raIsraeri, Jerusarema, uko Dhavhidhi akanga akarira kuvaka tembere yaMwari. Zvivi zvakakomba zvaDhavhidhi zvakanga zvatyisidzira rudzi rwose, nokuti vanhu vose vaigona kuva vakatambura nemhaka yechakaipa chamambo. (Enzanisa na 2 Samueri, ganhuro 24.) Chaizvoizvo, zvivi zvake zvakasekesa “masvingo eJerusarema,” zvokuti aida kuvakwazve zvino.
19. Kana takatadza asi takakanganwirwa, kwaizova kwakafanira kunyengetera nokuda kwechii?
19 Kana takatadza zvakakomba asi takagamuchira kanganwiro yaMwari, kwaizova kwakakodzera kunyengeterera kuti neimwe nzira agadzirise kuvadziko ipi neipi mufambiro wedu wakaita. Tingave takaunza ruzvidzo pazita rake dzvene, tingave takasekesa ungano, uye tingave takaunza nhamo kumhuri yedu. Baba vedu vokudenga vano rudo vanogona kubvisa ruzvidzo rupi norupi rwakaunzwa pazita ravo, vanogona kuvaka ungano kupfurikidza nomudzimu mutsvene wavo, uye vanogona kunyaradza mwoyo yavadiwa vedu vanomuda nokumubatira. Kana chivi chichibatanidzwa kana kuti kwete, chokwadika, kutsveneswa kwezita raJehovha negarikano yavanhu vake zvinofanira nguva dzose kuva itiro hanya yedu.—Mateo 6:9.
20. Mumigariroi umo Jehovha aizofadzwa nezvibairo nezvipiriso zvaIsraeri?
20 Kana Jehovha akavakazve masvingo eZioni, chiizve chaizoitika? Dhavhidhi akaimba, kuti: “Ipapo muchafarira [Jehovha] zvibairo zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; ipapo vachabaira nzombe paatari yenyu.” (Pisarema 51:19) Dhavhidhi aishuva zvapachokwadi kuti iye norudzi vafarikanye nyasha dzaJehovha kuti vakwanise kuMunamata zvinogamuchirika. Ipapo Mwari aizofadzwa nezvibairo zvavo zvinopiswa uye zvibairo zvakakwana. Ikoku kwaizova kwakadaro nemhaka yokuti izvi zvaizova zvibairo zvokururama zvinopiwa navanhu vakazvitsaurira, vapachokwadi, uye vanopfidza vanofarikanya nyasha dzaMwari. Nokuda kwokuonga ngoni dzaJehovha, paatari yake vaizopa nzombe—zvibairo zvakanakisisa nezvinokosha zvikurusa. Nhasi, tinokudza Jehovha kupfurikidza nokumuunzira zvakanakisisa zvezvatinazvo. Uye zvipiriso zvedu zvinobatanidza “nzombe duku dzemiromo yedu,” zvibairo zverumbidzo kuna Mwari wedu ane ngoni, Jehovha.—Hosea 14:2, NW; VaHebheru 13:15.
Jehovha Anonzwa Kuchema Kwedu
21, 22. Pisarema 51 rine zvidzidzoi zvebetserwo yedu?
21 Munyengetero wapachokwadi waDhavhidhi wakanyorwa muPisarema 51 unotiratidza kuti tinofanira kuita chiito kuchivi chedu nomudzimu wokupfidza zvirokwazvo. Iri pisarema rinewo zvidzidzo zvakananga zvebetserwo yedu. Somuenzaniso, kana tikatadza asi tichipfidza, tinogona kuvimba nengoni dzaMwari. Zvisinei, ngativei vanoitira hanya zvikurukuru ruzvidzo rupi norupi tingave takaunza pazita raJehovha. (Ndima 1-4) Kufanana naDhavhidhi, tinogona kukumbira kuna Baba vedu vokudenga nokuda kwengoni pahwaro hwokutadza kwedu kwakagarwa nhaka. (Ndima 5) Tinofanira kuva vapachokwadi, uye tinofanira kutsvaka uchenjeri hunobva kuna Mwari. (Ndima 6) Kana takatadza, tinofanira kuteterera kuna Jehovha nokuda kwokuchenesa, mwoyo wakachena, uye mudzimu wakatsiga.—Ndima 7-10.
22 Mupisarema 51 tinogona kuonawo kuti hatitongofaniri kuzvibvumira timene kuva vanoomeswa muchivi. Kudai taizodaro, Jehovha aizobvisa kwatiri mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa. Nomudzimu waMwari patiri, kunyanguvezvo, tinogona kudzidzisa vamwe nokubudirira nzira dzake. (Ndima 11-13) Kana tikakanganisa asi tichipfidza, Jehovha achatibvumira kupfuurira kumurumbidza nemhaka yokuti haatongozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika. (Ndima 14-17) Iri pisarema rinoratidzazve kuti minyengetero yedu haifaniri kunanga patiri timene bedzi. Panzvimbo pezvo, tinofanira kunyengetera nokuda kwokukomborerwa negarikano yomudzimu yaavo vose vari mukunamatwa kwakachena kwaJehovha.—Ndima 18, 19.
23. Neiko Pisarema 51 richifanira kutisunda kuva vane ushingi navane tariro?
23 Iri pisarema rinoorora raDhavhidhi rinofanira kutisunda kuva vane ushingi navane tariro. Rinotibetsera kuziva kuti hatifaniri kufunga kuti zvose zvarasika kunyange kana tikawira muchivi. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti kana tichipfidza, ngoni dzaJehovha dzinogona kutidzivirira pakuora mwoyo. Kana tichinzwa urombo nokuzvipira chose chose kuna Baba vedu vokudenga vano rudo, vanonzwa kuchema kwedu nokuda kwengoni. Uye kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha haazvidzi mwoyo wakaputsika!
Waizopindura Sei?
◻ Neiko maKristu achida mwoyo wakachena nomudzimu mutsvene waMwari?
◻ Chii icho munhu anopfidza anogona kudzidzisa vadariki vomutemo waJehovha?
◻ Jehovha anorangarira sei mwoyo wakaputsika nowakapwanyika?
◻ Zvidzidzoi zvinowanikwa muPisarema 51?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Unonyengeterera mudzimu mutsvene ndokudzivisa kuuchemedza here?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Ratidza kuonga nokuda kwomutsa worudo waJehovha usakafanirwa kupfurikidza nokuzivisa zvokwadi yake