-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
“Isai Misodzi Yangu Mumudziyo Wenyu”
12. Tinoziva sei kuti Jehovha anonyatsoziva kutambura kunoita vanhu vake?
12 Jehovha haangozivi vashumiri vake somunhu mumwe nomumwe asiwo anonyatsoziva matambudziko ayo mumwe nomumwe anotarisana nawo. Somuenzaniso, vaIsraeri pavaitambudzwa sevaranda, Jehovha akati kuna Mosesi: “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vemabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo.” (Eksodho 3:7) Zvinonyaradza sei kuziva kuti patinenge tichitsungirira muedzo, Jehovha anoona zviri kuitika uye anonzwa kuchema kwedu! Zvechokwadi ane hanya nokutambura kwedu.
13. Chii chinoratidza kuti zvechokwadi Jehovha anonzwira tsitsi vashumiri vake?
13 Kuva nehanya kwaJehovha nevanhu vane ukama naye kunoonekwawo mumanzwiro aaiita pamusoro pevaIsraeri. Kunyange zvazvo kutambura kwavo kwaiwanzokonzerwa nokuti vaiva vakaoma musoro, Isaya akanyora nezvaJehovha achiti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo wakanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Saka, somushumiri waJehovha akatendeka, unogona kuva nechokwadi chokuti paunenge uchirwadziwa, Jehovha anorwadziwawo. Izvozvo hazvikukurudziri kuti utarisane nematambudziko usingatyi uye kuti urambe uchiita nepaunogona napo kuti umushumire here?—1 Petro 5:6, 7.
14. Zvinhu zvakanga zvakamira sei pakanyorwa Pisarema 56?
14 Chivimbo chaiva naMambo Dhavhidhi chokuti Jehovha aiva nehanya naye uye aimunzwira tsitsi chinobudiswa pachena muPisarema 56, rakanyorwa naDhavhidhi paaitiza Mambo Sauro aida kumuponda. Dhavhidhi akatizira kuGati, asi aitya kubatwa paakazivikanwa nevaFiristiya. Akanyora kuti: “Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose; nokuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.” Nemhaka yemamiriro ake ezvinhu aiva nengozi zvikuru, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha. “Zuva rose vanoshandura mashoko angu,” akadaro. “Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.”—Pisarema 56:2, 5.
15. (a) Dhavhidhi airevei paakakumbira Jehovha kuti aise misodzi yake mumudziyo kana kuti murugwaro? (b) Patinenge tichitsungirira mamiriro ezvinhu anoedza kutenda kwedu, tingava nechokwadi chei?
15 Zvadaro, sezvakanyorwa pana Pisarema 56:8, Dhavhidhi anotaura mashoko aya anonakidza: “Imi munoverenga madzungairire angu; isai misodzi yangu mumudziyo wenyu; haizi murugwaro rwenyu here?” Irondedzero inobaya mwoyo zvikuru yokuva nehanya kwaJehovha kworudo! Patinenge tichishushikana, tingachema misodzi kuna Jehovha. Kunyange munhu akakwana Jesu akaitawo saizvozvo. (VaHebheru 5:7) Dhavhidhi akanga aine chokwadi chokuti Jehovha aimuziva uye aiyeuka kurwadziwa kwaaiitwa, sezvinonzi aichengeta misodzi yake mumudziyo kana kuti aiinyora murugwaro.d Zvichida unofunga kuti misodzi yako ingazadza chikamu chakakura chomudziyo iwoyo kana kuti mapeji akawanda ebhuku rakadaro. Kana zvakadaro, unogona kunyaradzwa. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.
-
-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
d Kare, midziyo yaigadzirwa nematehwe akasukutwa emakwai, embudzi, neemombe. Midziyo yakadaro yaishandiswa kuisira mukaka, ruomba, chizi, kana kuti mvura. Matehwe aya ainge anyatsosukutwa aigona kuisirwa mafuta kana kuti waini.
-