Jehovha Anotiratidza Maverengero Atingaita Mazuva edu
“Tidzidzisei kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.”—PISAREMA 90:12.
1. Nei zvakakodzera kukumbira Jehovha kutiratidza ‘maverengero atingaita mazuva edu’?
JEHOVHA MWARI ndiye Musiki wedu noMupi Woupenyu. (Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11) Naizvozvo hapana mumwezve angakwanisa kutiratidza mashandisiro atingaita makore edu oupenyu nouchenjeri. Saka, nenzira yakakodzera munyori wepisarema akakumbira Mwari kuti: “Tidzidzisei kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” (Pisarema 90:12) Chokwadi tinofanira kuongorora Pisarema rechi90, matinowana chikumbiro ichocho. Kunyange zvakadaro, regai titange tatarira muchidimbu zviri murwiyo urwu rwakafuridzirwa naMwari.
2. (a) Ndiani anonzi akanyora Pisarema 90, uye ringadaro rakanyorwa rini? (b) Pisarema rechi90 rinofanira kuita kuti tione sei upenyu?
2 Mashoko akanyorwa nechepamusoro pePisarema 90 anoridana kuti “Munyengetero waMosesi, munhu waMwari.” Sezvo pisarema iroro richisimbisa kukurumidza kupfuura kunoita upenyu hwevanhu, zvichida rakanyorwa vaIsraeri vanunurwa muusungwa hwomuIjipiti pavaifamba murenje kwemakore 40, pakapera kufa zviuru zvechizvarwa chakanga chisina kutenda. (Numeri 32:9-13) Chero nguva yarakanyorwa, Pisarema 90 rinoratidza kuti upenyu hwevanhu vasina kukwana hupfupi. Saka zviri pachena kuti tinofanira kushandisa mazuva edu anokosha nokuchenjera.
3. Ipfungwa huru dzipi dziri muPisarema rechi90?
3 MuPisarema rechi90, ndima 1 kusvikira ku6 dzinoti Jehovha ndiye ugaro hwedu husingagumi. Pis 90 Ndima 7 kusvikira ku12 dzinoratidza chatinoda kuti tishandise makore edu oupenyu anokurumidza kupfuura nenzira yaanogamuchira. Uye sezvinotsanangurwa Pis 90 mundima 13 kusvikira ku17, tinonyatsoda kugamuchira rudo rwaMwari rwomutsa nezvikomborero zvake. Ichokwadi kuti pisarema iri harifanotaura zvichaitika kune mumwe nomumwe wedu sevashumiri vaJehovha. Kunyange zvakadaro, tinofanira kufungisisa mashoko okunyengetera ari mariri. Regai tichinyatsoongorora Pisarema 90 mumaonero evaya vakazvitsaurira kuna Mwari.
Jehovha—‘Ugaro Hwedu Hwechokwadi’
4-6. Jehovha “ugaro” hwechokwadi kwatiri sei?
4 Munyori wepisarema anozarura nemashoko anoti: “Ishe, makanga muri ugaro hwedu pamarudzi namarudzi. Makomo asati azvarwa [“sokunge kuti nemarwadzo okusununguka,” NW], musati matongosika nyika nevhu, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.”—Pisarema 90:1, 2.
5 Kwatiri, Jehovha “Mwari asingaperi,” “ugaro” hwechokwadi—nzvimbo yokumudzimu yokupotera. (VaRoma 16:26) Tinonzwa takachengeteka, nokuti aripo nguva dzose kuti atibatsire somunhu “wokunzwa minyengetero.” (Pisarema 65:2) Nokuti tinokandira zvinotinetsa kuna Baba vedu vokudenga nokuMwanakomana wavo anodiwa, ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yedu nemasimba edu okufunga.’—VaFiripi 4:6, 7; Mateu 6:9; Johani 14:6, 14.
6 Tinonzwa takachengeteka mumudzimu nokuti, kutaura nenzira yokufananidzira, Jehovha ndiye “ugaro” hwedu hwechokwadi. Anopawo ‘imba dzomukati’—zvichida dzine chokuita zvikuru neungano dzevanhu vake—senzvimbo dzokumudzimu dzokutizira, umo vafudzi vane rudo vanobatsira zvikuru kuti tinzwe takachengeteka. (Isaya 26:20; 32:1, 2; Mabasa 20:28, 29) Uyezve, vamwe vedu tinobva mumhuri dzine nguva refu dzichishumira Mwari uye takaona pachedu kuti iye ‘ugaro hwechokwadi pamarudzi nemarudzi.’
7. Makomo aka“zvarwa” uye nyika yakasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka” mupfungwa ipi?
7 Jehovha aivapo makomo asati “azvarwa” kana kuti nyika isati yasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka.” Tichitarira nemaonero evanhu, kusika nyika ino nezvose zvainazvo zvinonetsa kunzwisisa kwaida simba guru. Uye nokutaura kuti makomo aka“zvarwa” uye nyika yakasikwa sokunge kuti “nemarwadzo okusununguka,” munyori wepisarema ari kuratidza kuremekedza zvikuru basa rakaitwa apo Jehovha akasika zvinhu izvi. Hatifaniriwo kuremekedza uye kuonga basa roMusiki here?
Jehovha Anogara Akagadzirira Kutibatsira
8. Mashoko okuti Jehovha ndiMwari “kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi” anorevei?
8 “Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari,” akaimba kudaro munyori wepisarema. Shoko rokuti “kusingaperi” rinogona kureva zvinhu zvine magumo asi pazvinogumira pacho hapana kutaurwa. (Eksodho 31:16, 17; VaHebheru 9:15) Zvisinei, pana Pisarema 90:2 nokumwewo muMagwaro echiHebheru, “kusingaperi” zvinoreva kuti “zvisina magumo.” (Pisarema 90:2; Muparidzi 1:4) Pfungwa dzedu hadzingagoni kunzwisisa kuti zvinobvira sei kuti Mwari ave ariko nguva dzose. Asi, Jehovha haana paakatangira uye haana paachagumira. (Habhakuki 1:12) Achave ari mupenyu nguva dzose uye akagadzirira kubatsira.
9. Munyori wepisarema anoenzanisa nechii makore ane chiuru okuvapo kwevanhu?
9 Munyori wepisarema akafuridzirwa kutaura kuti kuMusiki anorarama nokusingaperi, makore ane chiuru okurarama kwevanhu akaenzana nenguva pfupi pfupi. Achitaura naMwari, akanyora kuti: “Munodzosera munhu kuguruva; muchiti: Dzokai vana vavanhu. Nokuti kwamuri makore ane chiuru akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, senguva yokurinda yousiku.”—Pisarema 90:3, 4.
10. Mwari anoita sei kuti munhu ‘adzokere kuguruva’?
10 Munhu anofa, uye Mwari anomuita kuti ‘adzokere kuguruva.’ Zvinoreva kuti, munhu anodzokera “kuguruva,” sevhu rapwanywa-pwanywa, kana kuti rakuyiwa. Chaizvoizvo, Jehovha ari kuti: ‘Dzokera kuguruva revhu kwawakatorwa.’ (Genesi 2:7; 3:19) Izvi zvinotaurwa kumunhu wose—ane simba kana asina simba, mupfumi kana murombo—nokuti hapana munhu asina kukwana ‘angatongodzikinura hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; kuti arambe ari mupenyu misi yose.’ (Pisarema 49:6-9) Asi tinoonga kwazvo kuti ‘Mwari akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti wose anotenda maari awane upenyu husingaperi’!—Johani 3:16; VaRoma 6:23.
11. Nei tingati nguva refu kwatiri ipfupi pfupi kuna Mwari?
11 Kuna Jehovha, kunyange Metusara aiva nemakore 969 akararama risingasviki zuva rimwe. (Genesi 5:27) Kuna Mwari makore ane chiuru akangoita sazuro—nhambo yemaawa 24 chete—kana apfuura. Munyori wepisarema anotaurawo kuti kuna Mwari makore ane chiuru akangoita semaawa mana okurinda kwomurindi usiku. (Vatongi 7:19) Saka zviri pachena kuti nguva refu kwatiri ipfupi pfupi kuna Mwari asingagumi, Jehovha.
12. Vanhu vano‘kukurwa’ naMwari sei?
12 Kusiyana nokuvapo kusingagumi kwaMwari, upenyu hwazvino hwevanhu hupfupi zvechokwadi. Munyori wepisarema anoti: “Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; mangwanani vakaita souswa hunomera. Mangwanani hunotumbuka, hunomera; madekwana hunodzurwa, ndokusvava.” (Pisarema 90:5, 6) Mosesi akaona zviuru zvevaIsraeri zvichifa murenje, ‘zvichikukurwa’ naMwari sokunge nemafashamo. Chikamu ichi chepisarema chakashandurwa kuti: “Munokukura vanhu norufu.” (New International Version) Kune rimwe divi, urefu hwoupenyu hwevanhu vasina kukwana ‘ihope’ dzenguva pfupi—hwakafanana nokurara kwousiku humwe chete.
13. Takafanana sei no“uswa hunomera,” uye izvi zvinofanira kuita kuti tifunge sei?
13 Takangoita ‘souswa hunomera hunotumbuka mangwanani’ asi panozosvika manheru hunenge hwasvava nokupiswa nezuva. Hungu, upenyu hwedu hunokurumidza kupfuura sezvinoita uswa hunosvava nomusi mumwe chete. Naizvozvo, ngatirege kutambisa chinhu chinokosha ichi. Asi tinofanira kuda kuudzwa naMwari mashandisiro atinofanira kuita makore atasara nawo munyika ino.
Jehovha Anotibatsira ‘Kuverenga Mazuva Edu’
14, 15. Pisarema 90:7-9 rakazadzika sei pavaIsraeri?
14 NezvaMwari, munyori wepisarema anowedzera kuti: “Tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, tinotambudzika nehasha dzenyu. Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu. Nokuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; makore edu anopera [sezevezeve].”—Pisarema 90:7-9.
15 VaIsraeri vakanga vasina kutenda ‘vakapedzwa nokutsamwa kwaMwari.’ Vaka‘tambudzika nehasha dzake,’ kana kuti ku‘vhundutswa nokutsamwa kwake.’ (New International Version) Vamwe vaka“paradzwa murenje” nokuti vakanga vatongwa naMwari. (1 VaKorinde 10:5) Jehovha ‘akaisa zvakaipa zvavo pamberi pake.’ Akaita kuti vazvidavirire zvivi zvavo zvavaiita pachena, asi kunyange “zvakavanzika” zvavo, kana kuti zvivi zvakavanzwa, zvaiva ‘pachiedza chechiso chake.’ (Zvirevo 15:3) Sevanhu vakanga vatsamwirwa naMwari, vaIsraeri vasingapfidzi ‘vakapedza makore avo sezevezeve.’ Maererano naizvozvo, upenyu hwedu hupfupi hwakaita semhepo iri kupfuura nepamiromo yedu sekazevezeve zvako.
16. Kana vamwe vachiita chivi pachivande, vanofanira kuitei?
16 Kana mumwe wedu aizoita chivi pachivande, taizokwanisa kuviga muitiro wakadaro kuvamwe vanhu kwekanguva. Asi zvakaipa zvedu zvakavigwa zvaizova ‘pachiedza chechiso chaJehovha,’ uye zviito zvedu zvaizokuvadza ukama hwedu naye. Kuti Jehovha atide zvekare, taizofanira kunyengetera kuti atikanganwire, tosiya zvakaipa zvedu, tobvuma nomwoyo wose kubatsirwa pakunamata kwedu nevakuru vechiKristu. (Zvirevo 28:13; Jakobho 5:14, 15) Zvingava nani sei pane kuzo‘pedza makore edu sezevezeve,’ taparadza tariro yedu youpenyu husingaperi!
17. Vanhu vazhinji vanowanzorarama upenyu hwakareba sei, uye makore edu akazara nei?
17 Achitaura nezvourefu hwoupenyu hwevanhu vasina kukwana, munyori wepisarema anoti: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda. (Pisarema 90:10) Vanhu vazhinji vanowanzorarama makore 70, uye pazera remakore 85, Karebhi akataura nezvesimba rake raishamisa. Vashoma vakapfuura makore iwayo, vakadai saAroni (123), Mosesi, (120), naJoshua (110). (Numeri 33:39; Dheuteronomio 34:7; Joshua 14:6, 10, 11; 24:29) Asi pachizvarwa chaisava nokutenda chakabuda muIjipiti, vakanyoreswa vaiva nemakore 20 zvichienda mberi vakafa mukati memakore 40. (Numeri 14:29-34) Nhasi, munyika dzakawanda upenyu hwevakawanda huchakangopfupika sezvakataurwa nomunyori wepisarema. Makore edu akazara no“kutambudzika nenhamo.” Anokurumidza kupfuura, uye “tabhururuka taenda.”—Jobho 14:1, 2.
18, 19. (a) Ku“verenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera” kunorevei? (b) Kushandisa kwedu uchenjeri kuchaita kuti tiitei?
18 Munyori wepisarema anopfuurira kuimba achiti: “Ndianiko unoziva simba rokutsamwa kwenyu, nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira . . . ? Tidzidzisei kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” (Pisarema 90:11, 12) Hapana nomumwe wedu anonyatsoziva kuti Mwari anotsamwa zvakadini kana kuti hasha dzake dzinosvika papi, uye izvi zvinofanira kuita kuti titye Jehovha noruremekedzo. Kutaura chokwadi, zvinofanira kutiita kuti timubvunze “[maverengero atingaita] mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.”
19 Mashoko omunyori wepisarema munyengetero wokuti Jehovha adzidzise vanhu vake kushandisa kwavangaita uchenjeri pakukoshesa nokushandisa mazuva avasara nawo nenzira inotenderwa naMwari. Upenyu hunotarisira kuraramwa nevanhu hwemakore 70 hunopa tariro yokurarama mazuva 25 500. Kunyange zvakadaro, pasinei nezera redu ‘hatizivi zvichava zvakaita upenyu hwedu mangwana, nokuti tiri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika.’ (Jakobho 4:13-15) Sezvo ‘tose tichiwirwa nenguva nezvinoitika zvatisingafanoona,’ hatigoni kutaura kuti tichararama kwenguva yakareba sei. Naizvozvo ngatinyengeterere kuwana uchenjeri hwokubata nemiedzo, kubata zvakanaka nevamwe, uye kuita zvakanakisisa zvatinogona mubasa raJehovha iye zvino—nhasi! (Muparidzi 9:11; Jakobho 1:5-8) Jehovha anotitungamirira achishandisa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake. (Mateu 24:45-47; 1 VaKorinde 2:10; 2 Timoti 3:16, 17) Kushandisa uchenjeri kunotiita kuti ‘titange kutsvaka Umambo hwaMwari’ uye tishandise mazuva edu nenzira ichaunza mbiri kuna Jehovha zvoita kuti mwoyo wake ufare. (Mateu 6:25-33; Zvirevo 27:11) Ichokwadi kuti kumunamata nomwoyo wose hakutibvisiri zvinetso zvedu zvose, asi chokwadi kunoita kuti tifare zvikuru.
Chikomborero chaJehovha Chinounza Mufaro
20. (a) Mwari ‘anozvidemba’ munzira ipi? (b) Jehovha achabata sei nesu kana tikakanganisa zvakakomba asi topfidza zvechokwadi?
20 Zvaizova zvakanaka kwazvo kudai taigona kufara muupenyu hwedu hwose! Maererano neizvi, Mosesi anoteterera kuti: “Dzokai Jehovha; kusvikira riniko? Muzvidembe pamusoro pavaranda venyu. Tigutsei mangwanani nengoni [kana kuti “rudo rwokuvimbika,” NW, Ref.; mashoko omuzasi] dzenyu; kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.” (Pisarema 90:13, 14) Mwari haakanganisi. Kunyange zvakadaro, ‘anozvidemba’ ‘odzora’ hasha dzake achirega kupa chirango apo yambiro yake pamusoro pokuita chiito chakadaro inoita kuti vatadzi vanopfidza vachinje mafungiro nomufambiro wavo. (Dheuteronomio 13:17) Saka kunyange taizokanganisa zvakakomba asi topfidza zvechokwadi, Jehovha ‘aizotigutsa nengoni dzake,’ uye taizova nechikonzero ‘chokufara.’ (Pisarema 32:1-5) Uye nokutevera nzira yakarurama, tichanzwa rudo rwaMwari rwokuvimbika uye tichakwanisa “kuv[a] nomufaro mazuva edu ose.”
21. Mumashoko akanyorwa pana Pisarema 90:15, 16, Mosesi angava aikumbirei?
21 Munyori wepisarema anonyengetera nomwoyo wose kuti: “Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, namakore atakaona zvakaipa. Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.” (Pisarema 90:15, 16) Mosesi angava aikumbira Mwari kukomborera Israeri nomufaro waienzana, kana kuti wakareba semazuva okutambudzika kwavo nemakore avakawirwa nematambudziko. Akakumbira kuti ‘zvakaitwa’ naMwari zvokukomborera vaIsraeri zvive pachena kuvaranda Vake uye kuti kunaka Kwake kuoneswe pavanakomana, kana kuti vana vavo. Tinganyengeterera zvakakodzera kuti vanhu vanoteerera vadururirwe zvikomborero munyika itsva yaMwari yakapikirwa.—2 Petro 3:13.
22. Maererano naPisarema 90:17, chii chatinganyengeterera zvakakodzera?
22 Pisarema 90 rinogumisa nechikumbiro ichi: “Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; mutisimbisire basa ramaoko edu; zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.” (Pisarema 90:17) Mashoko aya anoratidza kuti zvakarurama kuti tinyengeterere kuti Mwari akomborere zvatinoita mubasa rake. SevaKristu vakazodzwa kana kuti shamwari dzavo, “mamwe makwai,” tinofara nokuti “kunaka kwaJehovha” kuri pamusoro pedu. (Johani 10:16) Tiri kufara zvikuru kuti Mwari ‘akasimbisa basa remaoko edu’ sevazivisi voUmambo uye nomudzimwe nzira!
Ngatirambe Tichiverenga Mazuva Edu
23, 24. Tingabatsirwa sei nokufungisisa Pisarema rechi90?
23 Kufungisisa Pisarema rechi90 kunofanira kuwedzera kuvimba kwedu naJehovha, “ugaro” hwedu hwechokwadi. Nokufungisisa mashoko aro pamusoro pokupfupika kwoupenyu, tinofanira kuziva zvakanyanya kukosha kwokutungamirirwa naMwari pakuverenga mazuva edu. Uye kana tikapfuurira kutsvaka nokushandisa uchenjeri hwaMwari, tichagamuchira mutsa une rudo uye chikomborero chaJehovha.
24 Jehovha acharamba achitiratidza maverengero atingaita mazuva edu. Uye kana tikateerera zvaanotirayira, tichakwanisa kuramba tichiverenga mazuva edu nokusingaperi. (Johani 17:3) Zvisinei, kuti tizoramba tichifunga nezvoupenyu husingagumi, Jehovha anofanira kuva utiziro hwedu. (Judha 20, 21) Sezvatichaona munyaya inotevera, izvi zvichanyatsojekeswa mumashoko anokurudzira ePisarema rechi91.
Ungapindura Sei?
• Jehovha “ugaro” hwechokwadi kwatiri sei?
• Nei tingati Jehovha anogara akagadzirira kutibatsira?
• Jehovha anotibatsira sei ku“verenga mazuva edu”?
• Chii chinoita kuti tikwanise kuva “nomufaro mazuva edu ose”?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jehovha ave ari Mwari “makomo asati azvarwa”
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kuna Jehovha, Metusara aiva nemakore 969 akararama risingasviki zuva rimwe
[Mifananidzo iri papeji 14]
Jehovha ‘akasimbisa basa remaoko edu’