RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 3/1 p. 32
  • “Makomo Asati”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Makomo Asati”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 3/1 p. 32

“Makomo Asati”

“IMI mave muri hugaro hwedu muzvizvarwa zvose. Makomo asati azvarwa kana kuti musati masika pasi nenyika, kubva kukusingaperi kuenda kukusingaperi imi muri Mwari.” (Pisarema 90:1, 2, New International Version) Mashoko iwayo akataurwa kuMusiki wedu, uye anonyaradza sei—zvikurukuru nhasi, apo panoratidzika kuva pasina chinhu chakatsiga!

Mumugariro wemari unoipa, vashomanene vanonzwa vane chivimbo pamusoro penguva yemberi. Wedzero inotyisa muutsotsi nokushandisa mirimo zvisakafanira yakachinja mamwe maguta kuva nhandare dzehondo. Kunyange sangano riya rekare kare, mhuri, riri kudzadzarika. Tinonzwa nezvezvitsva zvakadai semhuri dzine mitezo yevatano yakafanana dzinovatana. Mhuri dzine mubereki mumwe dziri kukura muchiverengero, mubereki mumwe kazhinji kazhinji achifanira kugonana nedzvinyiriro huru. Rugare rwemhuri zhinji runoparadzwa nezvakaipa zvakadai sokurova mukwanyina nokushatisa vana.

Ndiani achatitungamirira muidzi nguva dzakaoma? Eya, hapana kushaikwa kwezano rinobva kuvazivi vokushanda kwendangariro, vadzidzisi, uye vamwe, asi rakawanda raro rinozvipokanidza. Nokuda kwechizvarwa chose muMadokero, Dr. Benjamin Spock akanga ari mupi wezano mukurusa munhau yokudzidzisa vana. Ipapo iye akabvuma kuti zano rake rakanga rakaipa!

Kuchenjera zvikuru sei kuva naMwari so“hugaro” hwedu! Munguva dzino dzakanyongana, iye ndiye dombo rokuterama, achivapo “kubva kukusingaperi kusvika kukusingaperi.” Iye akati nezvake amene kupfurikidza nomuporofita Maraki: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Maraki 3:6, NW) Mipimo yaMwari, seyakanyorwa muBhaibheri, yakavimbika chose chose. Iye aivapo “makomo asati,” uye zano rake, rinowanika muMagwaro Matsvene, rakavakirwa pauchenjeri hwake husingagumi. Ndiro zvomenemene ratinoda nokuda kwomufarwa nebudiriro.

Kuchenjera, ipapoka, kuva nechivimbo muShoko raMwari, Bhaibheri. Rifunde kuti ubetserwe nouchenjeri hwaMwari. Vimba nezvaunodzidza, uye ngarive chiedza chokukutungamirira munzira youpenyu. (Pisarema 119:105) Avo bedzi vanoita saizvozvo vane chikonzero chokuva nechivimbo munguva yemberi ndokuva norugare rwechokwadi rwendangariro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe