RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anotiratidza Maverengero Atingaita Mazuva edu
    Nharireyomurindi—2001 | November 15
    • 9. Munyori wepisarema anoenzanisa nechii makore ane chiuru okuvapo kwevanhu?

      9 Munyori wepisarema akafuridzirwa kutaura kuti kuMusiki anorarama nokusingaperi, makore ane chiuru okurarama kwevanhu akaenzana nenguva pfupi pfupi. Achitaura naMwari, akanyora kuti: “Munodzosera munhu kuguruva; muchiti: Dzokai vana vavanhu. Nokuti kwamuri makore ane chiuru akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, senguva yokurinda yousiku.”—Pisarema 90:3, 4.

  • Jehovha Anotiratidza Maverengero Atingaita Mazuva edu
    Nharireyomurindi—2001 | November 15
    • 11. Nei tingati nguva refu kwatiri ipfupi pfupi kuna Mwari?

      11 Kuna Jehovha, kunyange Metusara aiva nemakore 969 akararama risingasviki zuva rimwe. (Genesi 5:27) Kuna Mwari makore ane chiuru akangoita sazuro—nhambo yemaawa 24 chete—kana apfuura. Munyori wepisarema anotaurawo kuti kuna Mwari makore ane chiuru akangoita semaawa mana okurinda kwomurindi usiku. (Vatongi 7:19) Saka zviri pachena kuti nguva refu kwatiri ipfupi pfupi kuna Mwari asingagumi, Jehovha.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe