-
Ngwarira Kusava NokutendaNharireyomurindi—1998 | July 15
-
-
“Musawomesa Mwoyo Yenyu”
13. Pauro akapa nyeveroi, uye akashandisa sei Pisarema 95?
13 Pashure pokurangarira chimiro chokunzwirwa nyasha chavaKristu vechiHebheru, Pauro akapa nyevero iyi: “Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, napazuva rokuidzwa murenje.” (VaHebheru 3:7, 8) Pauro akanga achinokora mashoko muPisarema rechi95, uye naizvoizvo aigona kuti “sezvinotaura Mweya.”b (Pisarema 95:7, 8; Eksodho 17:1-7) Magwaro akafuridzirwa naMwari kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake.—2 Timotio 3:16.
14. VaIsraeri vakadavidza sei kuizvo Jehovha akanga avaitira, uye nei?
14 Pashure pokusunungurwa muuranda muEgipita, vaIsraeri vakaremekedzwa zvikuru kuti vave noukama hwesungano naJehovha. (Eksodho 19:4, 5; 24:7, 8) Panzvimbo pokuratidza kuonga zvavakanga vaitirwa naMwari, zvisinei, nokukurumidza vakaita nokupandukira. (Numeri 13:25–14:10) Izvozvo zvaigona sei kuva zvakaitika? Pauro akanongedzera kuchikonzero chaicho: kuomesa mwoyo yavo. Asi mwoyo inoziva neinodavidza Shoko raMwari ingaomeswa sei? Uye tinofanira kuitei kudzivisa izvi?
15. (a) ‘Inzwi raMwari amene’ rave richinzwiwa sei, munguva yakapfuura uye yazvino? (b) Mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza pamusoro pe‘inzwi raMwari’?
15 Pauro akatanga nyevero nechikamu chamashoko chokutanga chezvinobvira chokuti “kana muchinzwa inzwi rake.” Mwari akataura navanhu vake kupfurikidza naMosesi navamwe vaporofita. Ipapo, Jehovha akataura navo kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu. (VaHebheru 1:1, 2) Nhasi, tine Shoko rakakwana rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri Dzvene. Tinewo “muranda akatendeka, wakangwara,” akagadzwa naJesu kugovera “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47) Naizvozvo, Mwari achiri kutaura. Asi tiri kuteerera here? Somuenzaniso, tinodavidza sei kuzano pamusoro pomupfekero norutsvindo kana kuti chisarudzo chevaraidzo nenziyo? Tino“nzwa,” ndiko kuti, kupa ngwariro nokuteerera kune zviri kunzwiwa here? Kana tine muiitiro wokuzvipembedza kana kuti kuramba zano, tiri kuzviisa mungozi yamanomano yokuomesa mwoyo yedu.
16. Ndeipi iri imwe nzira iyo mwoyo yedu ingaomeswa nayo?
16 Mwoyo yedu inogonawo kuomeswa kana tikarega kuita zvatinogona kuita nezvatinofanira kuita. (Jakobho 4:17) Pasinei zvapo nezvose izvo Jehovha akaitira vaIsraeri, vakakundikana kushandisa kutenda, vakapandukira Mosesi, vakasarudza kudavira mushumo wakashata pamusoro peKanani, uye ndokuramba kupinda munyika yakapikirwa. (Numeri 14:1-4) Naizvozvo Jehovha akarayira kuti vaizopedza makore 40 murenje—nguva refu yakakwana nokuda kwemitezo isingatendi yechizvarwa ichocho kuti ife. Anyangadzwa navo, Mwari akati: “Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo; asi havana kuziva nzira dzangu. Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati; havangapindi muzororo rangu.” (VaHebheru 3:9-11) Tinoona chatinodzidza pano here?
-
-
Ngwarira Kusava NokutendaNharireyomurindi—1998 | July 15
-
-
19. Kukundikana kuteerera zano kungagona sei kutungamirira kumigumisiro yakakomba? Enzanisira.
19 Naizvozvo, chidzidzo ndechokuti kana tikawira mumuitiro wokukundikana ku“nzwa inzwi rake,” tichifuratira zano rinobva kuna Jehovha kupfurikidza neShoko rake neboka romuranda akatendeka, hakusati kuchizova nenguva refu mwoyo yedu isati yatindivara, yaomeswa. Somuenzaniso, vaviri vasina kuroorana vangati kwamiranei. Zvakadini kana vakangofuratira zvavo nhau yacho? Izvozvo zvingavadzivirira kudzokorora zvavakaita here, kana kuti izvozvo zvaingaita bedzi kuti zvive nyore kwavari kuti vazviite zvakare? Nenzira yakafanana, apo boka romuranda rinogovera zano pakunodikanwa kwokuva vanosarudza muchisarudzo chedu chenziyo nevaraidzo, uye zvichingunodaro, tinorigamuchira nokuonga ndokugadziridza pari madikanwa here? Pauro akatikurudzira ku‘sarega kuungana kwedu.’ (VaHebheru 10:24, 25) Pasinei zvapo neiri zano, vamwe vanova nomurangariro wokusakendenga misangano yechiKristu. Vanganzwa kuti kupotsa mimwe yayo kana kuti kurega mimwe misangano zvachose hakukoshi.
-
-
Ngwarira Kusava NokutendaNharireyomurindi—1998 | July 15
-
-
b Sezviri pachena Pauro akanokora mashoko muSeptuagint yechiGiriki, inoshandura chiHebheru chokuti “Meribah” se“bopoto” uye “Massah” se“kuedza.” Ona mapeji 350 ne379 muVhoriyamu 2 yeInsight on the Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
-