Batira Jehovha Nomwoyo Unofara
“Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, . . . nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara.” —DHEUTERONOMIO 28:45-47.
1. Ufakazii huripo hwokuti avo vanobatira Jehovha vanofara, kuri kwose kwavanomubatira?
VABATIRI vaJehovha vanofara, vangave vachiita kuda kwake mudenga kana kuti pasi pano. “Nyeredzi dzamambakwedza” dzengirozi dzakadanidzira nomufaro pakuteyiwa kwapasi, uye pasina kupokana nomufaro zviuru zvengirozi dzokudenga ‘zvinoita shoko raMwari.’ (Jobho 38:4-7; Pisarema 103:20) Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe bedzi akanga ari “mhizha” inofara mudenga uye akawana mufaro mukuita kuda kwoumwari somunhu Jesu Kristu pasi pano. Uyezve, “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.”—Zvirevo 8:30, 31; VaHebheru 10:5-10; 12:2.
2. Chii chaisarudza kana vaIsraeri vaiwana zvikomborero kana kuti kutukwa?
2 VaIsraeri vakawana mufaro apo vakafadza Mwari. Asi zvakadiniko kudai vasina kumuteerera? Ivo vakanyeverwa, kuti: “[Kutukwa ku]chava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi; nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose. Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo, uchinzwa nzara, nenyota, uchishayiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza.” (Dheuteronomio 28:45-48) Zvikomborero nokutukwa zvakajekesa avo vaiva naavo vaisava vabatiri vaJehovha. Kutukwa kwakadaro kwakasimbisawo kuti hapagoni kuva nokuputsa kuduku nheyo yaMwari nezvinangwa, kana kuti hapangavi nokuzvidzwa kwazvo. Nemhaka yokuti vaIsraeri vakaramba kuteerera nyevero dzaJehovha dzokuitwa matongo nokuenda kunyika yokumwe, Jerusarema rakava “chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.” (Jeremia 26:6) Naizvozvo ngatiteererei Mwari ndokufarikanya nyasha dzake. Mufaro chimwe chezvikomborero zvakawanda zvoumwari zvinowanwa navane umwari.
Nzira Yokubatira Nayo “Nomwoyo Unofara”
3. Mwoyo wokufananidzira chii?
3 VaIsraeri vaifanira kubatira Jehovha “nomufaro, nomwoyo unofara.” Ndizvo zvinofanira kuitawo vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno. Kufara “kufadzwa; kuzadzwa nomufaro.” Kunyange zvazvo mwoyo wokunyama uchidudzwa muMagwaro, hausati uchifunga chaizvoizvo kana kuti kurangarira. (Eksodho 28:30) Basa rawo guru kupomba ropa rinodyisa masero omuviri. Muzviitiko zvizhinjisa, zvisinei, Bhaibheri rinonongedzera kumwoyo wokufananidzira, uyo unopfuura ugaro hwechidakadaka, sundo, uye kungwara. Unotaurwa kuti unomirira “nzvimbo yapakati zvikurukuru, mukati, uye naizvozvo nokuda kwomunhu womukati seanozviratidzira amene mumibato yake yose yakasiyana-siyana, muzvishuvo zvake, zvidakadaka, mirangariro, diso, zvinangwa, mifungo yake, nzwisiso, fungidziro, uchenjeri hwake, zivo, unyanzvi, zvitendero zvake nokurangarira kwake, yeukwo yake nokuziva kwake.” (Journal of the Society of Biblical Literature and Exegesis, 1882, peji 67) Mwoyo wedu wokufananidzira unobatanidza kunzwa kwedu uye mirangariro, kubatanidza mufaro.—Johane 16:22.
4. Chii chinogona kutibetsera kubatira Jehovha Mwari nomwoyo unofara?
4 Chii chinogona kutibetsera kubatira Jehovha nomwoyo unofara? Murangariro wakanaka nowokuonga wezvikomborero zvedu neropafadzo dzinopiwa naMwari unobetsera. Somuenzaniso, tinogona kurangarira nomufaro ropafadzo yedu yokuti ti“shumire tisingatyi” Mwari wechokwadi. (Ruka 1:74) Pane ropafadzo yakabatanidzwa yokutakura zita raJehovha seZvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Kuna ikoku tinogona kuwedzera mufaro wokuziva kuti kupfurikidza nokutevera Shoko raMwari tiri kumufadza. Uye mufaro wakadini uripo mukuratidzira chiedza chomudzimu uye nokudaro kubetsera vakawanda kubuda murima!—Mateo 5:14-16; enzanisa na 1 Petro 2:9.
5. Manyuko omufaro woumwari chii?
5 Bva, kubatira Jehovha nomwoyo unofara hakusati kuchingova chete nhau yokufunga kwakanaka. Kunobetsera kuva akanaka mumurangariro. Asi mufaro woumwari hausi chimwe chinhu chatinobudisa kupfurikidza nokusimudzira unhu. Chibereko chomudzimu waJehovha. (VaGaratia 5:22, 23) Kana tisina mufaro wakadaro, tingadikanirwa kuita gadziridzo kuitira kuti tidzivise kufunga kana kuti kuita nomutoo wakati usiri wapamagwaro ungagona kuchemedza mudzimu waMwari. (VaEfeso 4:30) Saavo vakazvipira kuna Jehovha, zvisinei, ngatiregei kutya kuti kushayikwa kwomufaro mukuru pane imwe nhambo ufakazi hwokusatendera kwoumwari. Hatina kukwana uye tinonzwa marwadzo, kusuruvara, uye kunyange kuora mwoyo padzimwe nguva, asi Jehovha anotinzwisisa. (Pisarema 103:10-14) Naizvozvo ngatinyengetererei mudzimu mutsvene wake, tichiyeuka kuti chibereko chawo chomufaro chinopiwa naMwari. Baba vedu vokudenga vane rudo vachapindura minyengetero yakadaro uye vachatigonesa kuvabatira nomwoyo unofara.—Ruka 11:13.
Apo Mufaro Unenge Uchishayikwa
6. Kana mufaro uri kushayikwa mubasa redu kuna Mwari, tinofanira kuitei?
6 Kana mufaro uchishayikwa mubasa redu, pakupedzisira tingaderera mukubatira Jehovha kana kutobvumikisa kuva vasina kutendeka kwaari. Nokudaro, kwaizova kuchenjera nenzira yokuzvininipisa uye nenzira yokunyengetera kurangarira vavariro dzedu ndokuita gadziridzo dziri madikanwa. Kuti tive nomufaro unopiwa naMwari, tinofanira kubatira Jehovha norudo uye nomwoyo wedu wose, mweya, uye ndangariro. (Mateo 22:37) Hatifaniri kubatira nechimiro chendangariro chamakwikwi, nokuti Pauro akanyora, kuti: “Kana tichirarama nomweya, ngatifambewo nomweya, tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.” (VaGaratia 5:25, 26) Hatisati tichizova nomufaro wechokwadi kana tichibatira nemhaka yokuti tinoda kupfuura vamwe kana kuti tiri kutsvaka mbiri.
7. Tinogona sei kunyandurazve mwoyo wedu unofara?
7 Pane mufaro mukuita tsauriro yedu kuna Jehovha. Apo takanga tichangozvitsaurira kuna Mwari, nokushingaira takatanga kufamba panzira youpenyu yechiKristu. Takafunda Magwaro uye nguva dzose takatora rutivi mumisangano. (VaHebheru 10:24, 25) Kwakatipa mufaro kutora rutivi muushumiri. Bva, zvakadiniko kana mufaro wedu waderera? Fundo yeBhaibheri, kupinda misangano, kugoverana muushumiri—zvirokwazvo, kubatanidzwa zvakazara murutivi rwuri rwose rwechiKristu—kunofanira kupa upenyu hwedu dzikamo yomudzimu ndokunyandurazve zvose zviri zviviri rudo rwataiva narwo pakutanga uye mwoyo unofara wedu wakare. (Zvakazarurwa 2:4) Ipapo hatisati tichizova vakafanana navamwe vanoti ivei vasina mufaro uye vanowanzoda betsero yomudzimu. Vakuru vanofara kubetsera, asi isu somunhu oga tinofanira kuita tsauriro yedu kuna Mwari. Hapana mumwe munhuwo zvake anogona kutiitira izvozvi. Naizvozvo ngatikuitei nharidzano yedu kutevera muitiro wenguva dzose wechiKristu kuti tiite tsauriro yedu kuna Jehovha ndokuva nomufaro wechokwadi.
8. Neiko hana yakajeka ichikosha kana tichida kufara?
8 Kana tichizova nomufaro uyo uri chibereko chomudzimu waMwari, tinofanira kuva nehana yakajeka. Chero bedzi Mambo Dhavhidhi waIsraeri aiedza kuvanza chivi chake, aiva akasuruvara. Kutaura idi, tsigiro youpenyu hwake yairatidzika kuderera, uye angadai akava anorwara mumuviri. Inyaradzo yakadini yaakava nayo apo rupfidzo nokureurura zvakaitwa! (Pisarema 32:1-5) Hatigoni kuva vanofara kana tichiviga chivi chakati chakakomba. Ikoko kungasanotiparira kurarama upenyu hunotambudza. Zvirokwazvo, handiyo nzira yokuwana nayo mufaro. Asi kureurura norupfidzo zvinounza rusununguko uye kudzorerwa kwomudzimu unofara.—Zvirevo 28:13.
Kumirira Nomufaro
9, 10. (a) Abrahama akagamuchira chipikirwai, asi kutenda kwake nomufaro zvingave zvakaedzwa sei? (b) Tinogona sei kubetserwa nemienzaniso yaAbrahama, Isaka, uye Jakobho?
9 Chinhu chimwe kuva nomufaro apo tinotanga kudzidza pamusoro pechinangwa choumwari asi chimwe chakasiyana zvikuru kuramba tichifara apo makore anenge achipfuura. Ikoku kunogona kuenzanisirwa muchiitiko chaAbrahama akatendeka. Pashure pokunge iye aedza kubayira mwanakomana wake Isaka pakurayira kwaMwari, ngirozi yakapa iri shoko: “Ndakapika neni ndimene, ndichiti: Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete; ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa; van[a] vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera inzwi rangu.” (Genesi 22:15-18) Nenzira isina kupokana, Abrahama akafashukira nomufaro pachipikirwa ichi.
10 Abrahama angave akakarira kuti Isaka aizova “mbeu” kupfurikidza nayo zvikomborero zvakapikirwa zvaizouya. Asi kupfuura kwamakore pasina chinhu chinoshamisa chinoitwa kupfurikidza naIsaka kungava kwakaedza kutenda nomufaro zvaAbrahama nemhuri yake. Kusimbisa kwaMwari chipikirwa kuna Isaka uye gare gare kumwanakomana wake Jakobho kwakavavimbisa kuti kuuya kweMbeu kwakanga kuchiri mberi, uye ikoku kwakavabetsera kuchengeta kutenda kwavo nomufaro. Zvisinei, Abrahama, Isaka, uye Jakobho vakafa vasina kuona kuzadzikwa kwezvipikirwa zvaMwari kwavari, asi vakanga vasiri vabatiri vaJehovha vasina mufaro. (VaHebheru 11:13) Isuwo tinogona kuramba tichibatira Jehovha nokutenda nomufaro apo tinenge tichimirira kuzadzikwa kwezvipikirwa zvake.
Mufaro Pasinei Zvapo Nokutambudzwa
11. Neiko tichigona kufara pasinei zvapo nokutambudzwa?
11 Savabatiri vaJehovha, tinogona kubatira Jehovha nomwoyo unofara, kunyange zvazvo tichitambudzwa. Jesu akazivisa kuti vanofara avo vanotambudzwa nokuda kwake, uye muapostora Petro akati: “Farai zvamunogovana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuonekwa kwokubwinya kwake mufarewo nomufaro mukuru. Kana muchizvidzwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya waMwari ugere pamusoro penyu.” (1 Petro 4:13, 14; Mateo 5:11, 12) Kana uri kutsungirira kutambudzwa nokutambura nokuda kwokururama, une mudzimu netendero zvaJehovha, uye izvozvo zvirokwazvo zvinosimudzira mufaro.
12. (a) Neiko tichigona kusangana nemiedzo yokutenda nomufaro? (b) Chidzidzoi chikuru chinogona kudzidzwa muchiitiko chomumwe muRevhi aiva kune imwe nyika?
12 Tinogona kusangana nemiedzo yokutenda nomufaro nemhaka yokuti Mwari Utiziro hwedu. Ikoku kunojekeswa muMapisarema 42 ne 43. Nokuda kwechikonzero chakati, mumwe muRevhi aiva kune imwe nyika. Akashuva zvikuru kwazvo kunamata panzvimbo tsvene yaMwari zvokuti akanzwa senondo ine nyota, kana kuti nondo hadzi, iyo inoshuva mvura munzvimbo yakaoma neisina chinhu. Iye “akanzwa nyota,” kana kuti akashuva, Jehovha uye ropafadzo yokunamata Mwari panzvimbo tsvene Yake. (Pisarema 42:1, 2, NW) Chiitiko chouyu aiva kune imwe nyika chinofanira kutisunda kuratidza kuonga nokuda kwesonganiro yatinofarikanya navanhu vaJehovha. Kana mamiriro ezvinhu akadai sokuganhurirwa nemhaka yokutambudzwa akatidzivisa kwechinguvana kuva navo, ngatirangarire mifaro yomunguva yakapfuura pamwe chete mubasa rinoyera ndokunyengeterera tsungiriro apo tinenge tichi“tarira kuna Mwari” kuti atidzorere kumubato wenguva dzose navanamati vake.—Pisarema 42:4, 5, 11; 43:3-5.
“Shumirai Jehovha Nomufaro”
13. Pisarema 100:1, 2 rinoratidza sei kuti mufaro unofanira kuva chinhu chikuru chebasa redu kuna Mwari?
13 Mufaro unofanira kuva chakatanhamara chebasa redu kuna Mwari. Ikoku kwakaratidzwa murwiyo rwokupa kuonga umo wezvamapisarema akaimba, kuti: “Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose. Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake muchiimba.” (Pisarema 100:1, 2) Jehovha ndi“Mwari womufaro” uye anoda kuti vabatiri vake vawane mufaro mukuita kuzvitsaurira kwavo kwaari. (1 Timotio 1:11) Vanhu vamarudzi ose vanofanira kufara muna Jehovha, uye kutaura kwedu kwerumbidzo kunofanira kuva kwakasimba, kufanana no‘kudanidzira kworukundo’ kweuto rakurira. Sezvo basa kuna Mwari richizorodza, rinofanira kuperekedzwa nokufara. Nokudaro, wezvamapisarema akakurudzira vanhu kuuya pamberi paMwari vachi“imba.”
14, 15. Pisarema 100:3-5 rinoshanda sei kuvanhu vaJehovha vanofara nhasi?
14 Wezvamapisarema akawedzera, kuti: “Zivai [nzwisisai, bvumai] kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.” (Pisarema 100:3) Sezvo Jehovha ari Musiki wedu, tiri vake sezvinoita mufudzi makwai ake. Mwari anosanotitarisira zvakaisvonaka zvokuti tinomurumbidza nenzira yokuonga. (Pisarema 23) NezvaJehovha, wezvamapisarema akaimbawo, kuti: “Pindai pamasuo ake muchionga, napavazhe dzake muchirumbidza; chimuongai, murumbidze zita rake. Nokuti Jehovha wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.”—Pisarema 100:4, 5.
15 Nhasi, vanhu vanofara vamarudzi ose vari kupinda muvazhe dzenzvimbo tsvene yaJehovha kuti vape kuonga nerumbidzo. Nomufaro tinopa mbiri zita raMwari kupfurikidza nokutaura nguva dzose zvakanaka nezvaJehovha, uye mavara ake makuru anotisunda kumurumbidza. Iye akanaka chose chose, uye mutsa worudo wake kana kuti kurangarira kwokunzwira tsitsi nokuda kwavabatiri vake kunogona kuvimbwa nakwo nguva dzose, nokuti kunopfuurira kwenguva isingaperi. Ku“marudzi namarudzi,” Jehovha akatendeka mukuratidza rudo kuna avo vanoita kuda kwake. (VaRoma 8:38, 39) Zvirokwazvo, ipapo, tine chikonzero chakanaka cho“kushumira Jehovha . . . nomufaro.”
Fara Mutariro Yako
16. VaKristu vanogona kufarira tariroi nekariroi?
16 Pauro akanyora, kuti: “Farai patariro.” (VaRoma 12:12) Vateveri vakazodzwa vaJesu Kristu vanofara mutariro ine mbiri youpenyu husingafi mudenga uhwo Mwari akavazarurira kupfurikidza noMwanakomana wake. (VaRoma 8:16, 17; VaFiripi 3:20, 21) VaKristu vane tariro youpenyu husingagumi muParadhiso pasi pano vanewo hwaro hwokufara. (Ruka 23:43) Vabatiri vose vaJehovha vakatendeka vane chikonzero chokufara mutariro yoUmambo, nokuti zvimwe vachava rutivi rwehurumende iyeyo yokudenga kana kuti vachararama munzvimbo yayo yapasi. Chikomborero chinofadza zvakadini!—Mateo 6:9, 10; VaRoma 8:18-21.
17, 18. (a) Chii chakadeya kutaurwa pana Isaya 25:6-8? (b) Uhwu uporofita hwaIsaya huri kuzadzikwa sei zvino, uye zvakadini nokuzadzikwa kwahwo munguva yemberi?
17 Isaya akadeyawo kutaura nguva yemberi inofadza nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera. Akanyora, kuti: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka. Pagomo iri uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose. Wakaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose; uchabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.”—Isaya 25:6-8.
18 Mutambo womudzimu watinogoverana mauri nhasi savanamati vaJehovha mutambo wokudya unofadza zvirokwazvo. Kutaura idi, mufaro wedu unofashukira sezvatinobatira Mwari nokushingaira mukukarira madyo ezvinhu chaizvoizvo zvakanaka zvaakapikira nokuda kwenyika itsva. (2 Petro 3:13) Pahwaro hwechibayiro chaJesu, Jehovha uchabvisa “chidzitiro” chinofukidzira rudzi rwomunhu nemhaka yechivi chaAdhama. Uchava mufaro wakadini kuona chivi norufu zvabviswa! Mufaro wakadini kugamuchira vadiwa vanomutswa, kucherekedza kuti misodzi yanyangarika, uye kurarama muparadhiso yapasi, umo vanhu vaJehovha vasati vachizozvidzwa asi vachava vapa Mwari mhinduro kumushori mukuru, Satani Dhiyabhorosi!—Zvirevo 27:11.
19. Tinofanira kuita sei kukariro idzo Jehovha akaisa pamberi pedu seZvapupu zvake?
19 Hakusati kuchikuzadza nomufaro uye kuonga kuziva icho Jehovha achaitira vabatiri vake here? Zvirokwazvo, kariro huru dzakadaro dzinoparira mufaro wedu! Uyezve, tariro yedu yakakomborerwa inotiita titarire kuna Mwari wedu anofara, anorudo, anorupo nemirangariro seiyi: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” (Isaya 25:9) Netariro yedu yakaisvonaka yakaiswa mundangariro zvakasimba, ngatinangidzirei nhamburiko iri yose kuti tibatire Jehovha nomwoyo unofara.
Waizopindura Sei?
◻ Tinogona sei kubatira Jehovha no“mwoyo unofara”?
◻ Chii chatinogona kuita kana mufaro uchishayikwa mubasa redu kuna Mwari?
◻ Neiko vanhu vaJehovha vachigona kuva nomufaro pasinei zvapo nokutambudzwa?
◻ Zvikonzeroi zvatinazvo zvokuti tifare mutariro yedu?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kugoverana mumativi ose oupenyu hwechiKristu kuchawedzera mufaro wedu