Pasi Rino Richaparadzwa Here?
WAKAMBOZVIBVUNZA here kuti, ‘Chii chichaitika kupasi rino mune ramangwana?’ Vanhu vakawanda pavari kuona zviri kuitika kupasi rino rakanaka, vanofunga kuti richaparara.
Kutaura zvazviri, pasi rino riri kukanganiswa nemhaka yokusabatwa zvakanaka kwezvinhu zvakatipoteredza zvakadai semvura, masango, uye mhepo. Uyewo, vamwe vesayenzi vari kuyambira kuti pasi nezvinhu zvose zvipenyu zviri pariri zvingava pangozi kana pakadonha dombo guru richibva kudenga, kana imwe nyeredzi ikaputika, kana kuti gasi rehydrogen riri muzuva rikapera.
Vesayenzi vanofunga kuti zvishoma nezvishoma, zvichida kwapera mabhiriyoni emakore, pasi rino richave risisaiti kuti vanhu vararame pariri. Encyclopædia Britannica inozvitsanangura ichiti “kuparara kwezvinhu kusingadzokeri mumashure.”
Zvisinei, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha Mwari haasi kuzosiya pasi rino richiparadzwa kana kuti richiitwa kuti vanhu vatadze kurarama pariri. SoMusiki, ane ‘simba guru’ risingaperi, saka zvinoita kuti arambe achipa simba kuzvinhu zvose zvakasikwa. (Isaya 40:26) Nokudaro, unogona kuvimba nemashoko aya anoti: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” “Murumbidzei, imi zuva nomwedzi. Murumbidzei, imi mose nyeredzi dzechiedza. . . . Nokuti iye akarayira, izvo zvikasikwa. Iye anoramba akazvimisa nokusingaperi, nokusingagumi.”—Pisarema 104:5; 148:3-6.
Chinangwa chaMwari Chokusika Pasi
Hachina kumbobvira chava chinangwa chaMwari kuti pasi ribatwe zvisina kunaka richisvibiswa sezvariri nhasi. Pane kudaro, Mwari akasika murume nomukadzi vokutanga Adhamu naEvha, ndokuvaisa mubindu rakanaka reEdheni. Kutaura chokwadi, musha wavo weParadhiso hawaizoramba wakanaka pasina aiutarisira. Mwari akavapa basa rokuti va“urime nokuutarisira.” (Genesisi 2:8, 9, 15) Chokwadi Mwari akanga apa vabereki vedu vakakwana basa rinonakidza uye rinogutsa!
Asi chinangwa chaMwari chokusika pasi chaisangogumira pakutarisira chete bindu iroro rokutanga. Aida kuti pasi rose riitwe paradhiso. Ndosaka Mwari akarayira Adhamu naEvha kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”—Genesisi 1:28.
Zvisinei, chinangwa chaMwari chakavhiringidzwa nengirozi inozvikudza yakazozivikanwa saSatani. Akanzwa shungu dzokuti anamatwe naAdhamu naEvha. Achitaura kuburikidza nenyoka, Satani akavaita kuti vapandukire utongi hwaMwari. (Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9) Chimbofunga kuti kusagutsikana kwavo kwakarwadza sei Musiki wedu! Asi kupanduka kwavo hakuna kuchinja chinangwa chaJehovha Mwari chaakanga asikira pasi. Anoti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”—Isaya 55:11.
Nechikonzero chakanaka, Jehovha akabvumira kuti kupanduka kwakaitwa naSatani kurambe kuripo nanhasi. Kubvira ipapo, vanhu vave vachiedza marudzi ose okuzvitonga asi zviri kuitika zvinoratidza kuti kuramba kutongwa naMwari kwakakurudzirwa naSatani, hakuna chakunobura.a—Jeremiya 10:23.
Pasinei nezvakaipa zvakakonzerwa nokupanduka kwaSatani, Mwari ave achikomborera vanhu munzira dzakasiyana-siyana. Uyewo akachengeta muBhaibheri nhoroondo yezvinoitika kana vanhu vakateerera Mwari kana kuti vakaramba utongi hwake. Kunze kwaizvozvo, Jehovha akaita zvinhu zvakanaka zvichatibatsira mune ramangwana. Akatipa Muponesi nokutuma Mwanakomana wake waanoda, Jesu Kristu, kuti atidzidzise mararamiro akanakisisa uye kuti atifire. (Johani 3:16) Jesu aisakodzera kufa, saka Mwari akaita kuti rufu rwake ruve nzira yakakodzera yokuti pave netariro youpenyu husingaperi munyika inenge yava paradhiso, zviri izvo zvakaraswa naAdhamu naEvha.b Kuti aite izvozvo, Jehovha Mwari akagadza hurumende kudenga kuti izotonga vanhu, uye akaita kuti Mwanakomana wake, Jesu Kristu akamutswa, ave Mambo woUmambo ihwohwo. Urongwa ihwohwo hunoshamisa huchaita kuti chinangwa chaMwari chaakasikira pasi rino chizadzike.—Mateu 6:9, 10.
Saka unogona kuva nechivimbo chakasimba muzvipikirwa izvi zviri muBhaibheri: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” “‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’ Uya akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’”—Pisarema 37:9, 29; Zvakazarurwa 21:3-5.
Bhaibheri Harizvipikisi
Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti, ‘Tingawiriranisa sei ndima dzeBhaibheri dzataurwa pamusoro apa nedzimwe dziya dzinotaura nezvokuti nyika ino ichaguma?’ Ngatimboonai mimwe mienzaniso. Kuongorora ikoko kucharatidza kuti Bhaibheri harizvipikisi.
Kare kare vesayenzi vasati vaziva kwavakazoti “kuparara kwezvinhu” zvose zvatinoona, munyori wepisarema riri muBhaibheri akati: “Imi [kureva Mwari] makavaka nheyo dzenyika kare kare, uye matenga ibasa remaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo. Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazoperi.”—Pisarema 102:25-27.
Mumashoko aya, munyori wepisarema akanga asiri kupikisana nechinangwa chaMwari chokuti pasi rigare nokusingaperi. Asi chiripo ndechokuti airatidza kusiyana kwakaita Mwari uyo anogara nokusingaperi, nezvinhu zvose zvaakasika zvinogona kuparara. Kana pasina simba raMwari risingaperi rinoita kuti zvinhu zvigare zvichishanda, zvinhu zvose zvakasikwa zvaizoparara, kusanganisira kumira kwakaita pasi redu, zuva, nemamwe mapuraneti nemwedzi yawo, izvo zvinoita kuti nyika irambe iri panzvimbo yayo uye tiwane chiedza. Saka kana pasi rino rikasatsigirwa naMwari, rino“sakara,” kana kuti rinoparara zvachose.
Pane dzimwe ndima dziri muBhaibheri dzokuti uchingoverenga dzinoita sedzinopikisana nechinangwa chaMwari chokusika pasi. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura ‘nezvokupfuura’ kwedenga nenyika. (Zvakazarurwa 21:1) Chokwadi, mashoko aya haapikisani nezvakavimbiswa naJesu kuti: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Saka Bhaibheri rinorevei parinotaura ‘nezvokupfuura’ kwedenga nenyika?
Kazhinji Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “nyika” sedimikira, richireva vanhu. Somuenzaniso, funga nezvendima inotevera inoti: “Nyika yose yakaramba iine mutauro mumwe chete uye iine mashoko mamwe chete.” (Genesisi 11:1) Zviri pachena kuti “nyika” pano yaireva vanhu vairarama pasi pano. Mumwe muenzaniso uri pana Pisarema 96:1, uye maererano neKing James Version, inoti: “Imbirai ISHE, imi nyika yose.” Hapana mubvunzo kuti mundima idzi nedzimwe dzakawanda, shoko rokuti “nyika” rinoshandiswa sedimikira richireva vanhu.—Pisarema 96:13.
Dzimwe nguva Bhaibheri rinofananidza vanhu vanenge vachitonga nematenga kana kuti nyeredzi. Somuenzaniso, vatongi vokuBhabhironi vaidzvinyirira vainzi vakaita senyeredzi nokuti vaizviona sevanokosha kupfuura vanhu vavaitonga. (Isaya 14:12-14) Sezvakanga zvafanotaurwa, “matenga” okufananidzira, kana kuti vatongi vokuBhabhironi, uye “nyika,” kureva vatsigiri veutongi ihwohwo, zvakaparara muna 539 B.C.E. (Isaya 51:6) Izvi zvakaita kuti vaJudha vakanga vapfidza vadzokere kuJerusarema, uko “matenga matsva,” utongi hutsva, hwakatonga “nyika itsva,” vanhu vakarurama.—Isaya 65:17.
Saka zviri pachena kuti mashoko ari muBhaibheri anotaura ‘nezvokupfuura’ kwedenga nenyika anoreva nezvokuparadzwa kwehurumende dzevanhu dziriko nhasi dzakaipa nevatsigiri vadzo vasingadi Mwari. (2 Petro 3:7) Izvozvo zvichadziura nzira yokuti hurumende itsva yaMwari yokudenga ikomborere vanhu vakarurama, nokuti “kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:13.
Naizvozvo, unogona kutenda zvakapikirwa naMwari kuti pasi redu richavapo nokusingaperi. Uyewo, Bhaibheri rinotaura zvaunofanira kuita kuti uzoraramawo panguva iyo nyika yose inenge yaitwa paradhiso. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Wadii kuchiita chinangwa chako kuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri nezveramangwana renyika nevanhu? Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara zvichafara kukubatsira panyaya iyoyi.
[Mashoko Omuzasi]
a Chikonzero nei Mwari akabvumira kutambura chinokurukurwa pamapeji 106-14 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Mamwe mashoko nezvorufu rwechibayiro chaJesu anowanika pamapeji 47-56 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari 12]
Bhaibheri rinovimbisa kuti pasi redu richavapo nokusingaperi
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 10]
Background globe: NASA/The Visible Earth (http://visibleearth.nasa.gov/); polar bear: © Bryan and Cherry Alexander Photography