“Rumbidza Jehovha, Mweya Wangu”
“MUMWEDZI ichangopfuura ushumiri hwangu hwazova husinganakidzi uye husingafadzi,” anodaro Nancy.a Ave ari piyona kwemakore gumi, muzivisi wenguva dzose wamashoko akanaka. Asi anowedzera kuti: “Handidi zviri kuitika kwandiri. Ndiri kuita sokunge ndiri kupa mashoko eUmambo zvakanyanya ndisina mbavarira uye zvisinganyatsobvi pamwoyo. Ndinofanira kuita sei?”
Chimbofungawo nezvaKeith, mumwe mukuru muungano yeZvapupu zvaJehovha. Akashamisika zvakadini kunzwa mukadzi wake achiti: “Unofanira kuva uri kufunga chimwe chinhu. Mumunyengetero wauchangobva kupa, waonga zvekudya, kunyange zvazvo ino isiri nguva yezvekudya!” Keith anobvuma achiti: “Ndinogona kuona kuti minyengetero yangu yangova yokudzokorora.”
Pasina mubvunzo, haudi kuti kutaura kwako kwekurumbidza Jehovha Mwari kuve kwakatonhora kwokungodzokorora. Kusiyana naizvozvo, unoda kuti kuve kwemwoyo wose, kuchibva mukunzwa kuda kuonga. Zvisinei, kumwe kunzwa hakugoni kupfekwa kana kubviswa sehembe. Kunofanira kubuda mukati momunhu. Mumwe anogona sei kuonga zvichibva pamwoyo? Pisarema 103 rechi103 rinotipa nzwisiso munhau iyi.
Mambo Dhavhidhi wemuIsraeri yakare akanyora Pisarema 103 rechi103. Anovamba nokuti: “Rumbidza Jehovha, mweya wangu; zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.” (Pisarema 103:1) “Shoko rokuti rumbidza, kana richishandisirwa kuna Mwari,” rinodaro rimwe bhuku, “rinoreva kukudza, rinogaroreva kumuda zvakasimba uyewo pfungwa yokumuonga.” Achida kurumbidza Jehovha nemwoyo wakazara norudo nokuonga, Dhavhidhi anorayira mweya wake—pachake—ku“rumbidza Jehovha.” Asi chii chinokonzera kunzwa uku kweushamwari mumwoyo maDhavhidhi pamusoro paMwari waanonamata?
Dhavhidhi anopfuurira achiti: ‘Urege kukanganwa zviito zvake [Jehovha].’ (Pisarema 103:2) Kunzwa kwekuonga Jehovha sezviri pachena kwakabatanidzwa nokufungisisa kwekuonga ‘zviito zvake.’ Chaizvoizvo zviito zvaJehovha zvipi zviri kufungwa naDhavhidhi? Kutarira chisiko chaJehovha Mwari, chakaita sedenga rakazara nenyeredzi pausiku hwakajeka, zvechokwadi kunogona kuzadza mwoyo nokuonga Musiki. Matenga akazara nenyeredzi akanyatsoorora Dhavhidhi. (Pisarema 8:3, 4; 19:1) Zvisinei, muPisarema 103 rechi103, Dhavhidhi anoyeuka chiito chaJehovha chorumwe rudzi.
Jehovha “Anokanganwira Zvakaipa Zvako Zvose”
Mupisarema iri, Dhavhidhi anorondedzera zviito zvaMwari zveunyoro. Achitaura chokutanga uye chikuru pakati peizvi, anoimba kuti: ‘Jehovha anokanganwira zvakaipa zvako zvose.’ (Pisarema 103:3) Zvechokwadi Dhavhidhi aiziva nezvekutadza kwake pachake. Pashure pokunge muprofita Natani andomuona nokuda kweupombwe hwake naBhati-shebha, Dhavhidhi akabvuma achiti: “Ndakakutadzirai imi [Jehovha], iyemi moga, ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu.” (Pisarema 51:4) Nemwoyo wakaputsika, akateterera achiti: “Ndinzwirei tsitsi, Mwari, nokuda kwounyoro hwenyu; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu.” (Pisarema 51:1, 2) Dhavhidhi anofanira kuva akaonga sei kunzwa kuti akakanganwirwa! Semunhu asina kukwana, akaita zvimwe zvivi muupenyu hwake, asi haana kumbokundikana kupfidza, kubvuma kutsiurwa, uye kugadzirisa nzira dzake. Kufungisisa zviito zvaMwari zvinoshamisa zvomutsa pamusoro pake kwakaita kuti Dhavhidhi arumbidze Jehovha.
Nesuwo hatitadzi here? (VaRoma 5:12) Kunyange muapostora Pauro akachema-chema achiti: “Nokuti ndinofarira murayiro waMwari nomunhu womukati; asi ndinoona mumwe murayiro pamitezo yangu, unorwa nomurayiro wemurangariro wangu, unonditapira kumurayiro wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu ari pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu?” (VaRoma 7:22-24) Tinogona sei kuonga kuti Jehovha haachengeti nhau dzekudarika kwedu! Anodzidzima nomufaro patinopfidza uye patinotsvaka kukanganwirwa.
Dhavhidhi anozviyeuchidza kuti: “[Jehovha] unoporesa kurwara kwako kwose.” (Pisarema 103:3) Sezvo kuporesa chiri chiito chokudzorera, kunobatanidza zvinopfuura kukanganwira zvakaipa. Kunobatanidza kubviswa kwe“kurwara”—migumisiro yakaipa yekutadza kwedu. Munyika itsva yaachaita, Jehovha zvechokwadi achabvisa migumisiro yechivi chomuviri, yakadai sekurwara nokufa. (Isaya 25:8; Zvakazarurwa 21:1-4) Zvisinei, kunyange nhasi, Mwari ari kutirapa kurwara kwomudzimu. Kuna vamwe, izvozvi zvinobatanidza hana yakaipa uye ukama naye hwakagurwa. “Urege kukanganwa” zvatakatoitirwa naJehovha semunhu mumwe nomumwe pachake munhau iyi.
“Unodzikinura Upenyu Hwako”
“[Jehovha] unodzikinura upenyu hwako pakuparadzwa,” Dhavhidhi anoimba kudaro. (Pisarema 103:4) “Kuparadza” iguva ravanhu vose—Sheori, kana Hadhesi. Kunyange asati ava mambo waIsraeri, Dhavhidhi akazviwana ari mungozi yorufu. Somuenzaniso, Mambo wavaIsraeri Sauro akachengeta ruvengo rwokuda kuuraya Dhavhidhi uye akaedza kumuuraya panguva dzakasiyana-siyana. (1 Samueri 18:9-29; 19:10; 23:6-29) VaFiristia vaidawo kuti Dhavhidhi afe. (1 Samueri 21:10-15) Asi nguva nenguva, Jehovha akamununura “pakuparadzwa.” Dhavhidhi anofanira kuve akaonga sei paakayeuka izvi zviito zvaJehovha!
Zvakadini newe? Jehovha akakutsigira munguva dzokuora mwoyo kana munguva dzokurasikirwa here? Kana kuti wakasvika pakuziva nezvezviitiko paakadzikinura upenyu hweZvapupu zvake zvakatendeka pakuparadzwa neguva reSheori munguva yedu here? Zvichida wakaororwa nokurava nhau dzezviito zvake zvokununura mumapeji emagazini ino. Huregererei kuwana nguva yokufunga uchionga zviito izvi zvaMwari wechokwadi? Uye, chokwadika, tose zvedu tine chikonzero chokuonga Jehovha nokuda kwetariro yorumuko.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Jehovha anotipa upenyu neizvo zvinoita kuti hunakidze uye kuti huve hwakafanira kurarama. Munyori wepisarema anozivisa kuti Mwari “unokuisa korona younyoro nengoni.” (Pisarema 103:4) Munguva yatinomuda, Jehovha haatisiyi asi anotibetsera kuburikidza nesangano rake rinooneka uye vakuru vakagadzwa, kana kuti vafudzi, vari muungano. Betsero yakadaro inotigonesa kubata nemamiriro ezvinhu anodenha tisingarasikirwi nekuzviremekedza kwedu uye chiremera chedu. Vafudzi vechiKristu vanotarisira kwazvo makwai. Vanokurudzira vanorwara nevakaora mwoyo uye vanoita zvose zvavanogona kudzorera vose avo vanenge vawa. (Isaya 32:1, 2; 1 Petro 5:2, 3; Judhasi 22, 23) Mudzimu waJehovha unoita kuti vafudzi ava vave netsitsi uye vade boka. “Unyoro hwake nengoni” zvechokwadi zvakaita sekorona iyo inotishongedza nokutipa chiremera. Tisingambofi takakanganwa zviito zvake, ngatirumbidzei Jehovha uye zita rake dzvene.
Achipfuurira nezano rake pachake, munyori wepisarema Dhavhidhi anoimba kuti: “[Jehovha] unogutisa mwoyo wako nezvakanaka; kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.” (Pisarema 103:5) Upenyu hunopiwa naJehovha ndohuya hunogutsa nehunofadza. Inga zivo chaiyo yechokwadi pachayo ipfuma isingaenzaniswi uye inopa mufaro mukuru! Uye funga kuti rinonyatsogutsa zvakadini basa iro Jehovha akatipa, iro rokuparidza nekuita vadzidzi. Mufaro wakadini wokuwana mumwe munhu anoda kudzidza pamusoro paMwari wechokwadi uye kubetsera munhu akadaro kuti asvike pakuziva Jehovha ndokumurumbidza! Asi, kunyange upi noupi ari munharaunda medu akateerera kana kuti kwete, iropafadzo yakaisvonaka kugoverana mubasa rine chokuita nokutsveneswa kwezita raJehovha uye kurevererwa kweuchangamire hwake.
Patinopfuurira mubasa rokuzivisa Umambo hwaMwari, ndiani asinganeti kana kuti kufinhwa? Asi Jehovha anoramba achivandudza simba ravabatiri vake, achivaita ‘semakondo’ ane mapapiro ane simba uye anobhururuka kure kure mudenga. Tingaonga sei kuti Baba vedu vanodiwa vokudenga vanotipa “simba” rakadaro kuti tiite ushumiri hwedu nenzira yokutendeseka zuva nezuva!—Isaya 40:29-31.
Kuenzanisira: Clara anoita basa rokunyika renguva yakazara uye anopedzawo anenge maawa 50 mwedzi woga woga muushumiri hwomumunda. Anoti: “Dzimwe nguva ndinenge ndakaneta, uye ndinozvimanikidza kuenda mubasa romumunda nokuda bedzi kwekuti ndakaita gadziriro dzokushanda nomumwe munhu. Asi kana ndangobuda, ndinogaronzwa ndasimba.” Iwewo ungave wakava nesimba rinobva pakutsigirwa naMwari muushumiri hwechiKristu. Ungada kutaura, sezvakaita Dhavhidhi mumashoko okuvamba episarema rino kuti: “Rumbidza Jehovha, mweya wangu; zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.”
Jehovha Anonunura Vanhu Vake
Munyori wepisarema anoimbawo kuti: “Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, nokururamisira vose vanomanikidzwa. Akazivisa Mosesi nzira dzake, navana vaIsraeri zvaakaita.” (Pisarema 103:6, 7) Zvimwe, Dhavhidhi ari kufunga nezvoku“manikidzwa” kwavaIsraeri pasi pavadzvinyiriri veEgipita mumazuva aMosesi. Kufungisisa nezvokuti Jehovha akazivisa sei nzira dzake dzokununura kuna Mosesi kwaifanira kuve kwakabudisa kunzwa kwekuonga mumwoyo maDhavhidhi.
Tinogona kuitwa kuti tionge saizvozvo nokufungisisa zviito zvaMwari nevaIsraeri. Asi hatifaniri kukundikana kufungisisa nezvezviitiko zvavabatiri vaJehovha vemuzuva razvino, zvakaita sezvinotaurwa muzvitsauko 29 ne30 zvebhuku rinonzi Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Nhau dzakanyorwa mariri uye mune mamwe mabhuku eWatch Tower Society dzinotiita kuti tione kuti Jehovha akabetsera sei vanhu vake munguva dzazvino kutsungirira kuiswa mujeri, chiito chenyongori, zvirambidzo, misasa yavasungwa, uye misasa yavaranda yechibharo. Kwave kune miedzo munyika dzakasakadzwa nehondo, dzakadai seBurundi, Liberia, Rwanda, uye yaichimbova Yugoslavia. Pose pakamuka chitambudzo, ruoko rwaJehovha rwaigarotsigira vabatiri vake vakatendeka. Kufunga zviito izvi zvaMwari wedu mukuru, Jehovha, kunogona kutiitira zvakaitirwa Dhavhidhi nokufungisisa pamusoro penhau yokununurwa muEgipita.
Fungawo kuti Jehovha anotinunura sei netsitsi pakuremerwa nechivi. Akagovera “ropa raKristu . . . richanatsa hana dzedu pamabasa akafa.” (VaHebheru 9:14) Patinopfidza zvivi zvedu ndokutsvaka kukanganwirwa nemhaka yechibayiro cheropa rakadeurwa raKristu, Mwari anoisa kudarika kwedu kure nesu—“sokuva kure kwamabvazuva namavirira”—uye anotidzorera kunyasha dzake. Uye funga nezvokugovera kwaJehovha munzira yemisangano yechiKristu, songaniro inovaka, vafudzi vari muungano, uye mabhuku akavakirwa paBhaibheri atinogamuchira kuburikidza ne“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateo 24:45) Zviito zvose izvi zvaJehovha hazvitibetseri kusimbisa ukama hwedu naye here? Dhavhidhi anozivisa kuti: “Jehovha ane tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. . . . Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.” (Pisarema 103:8-14) Kufungisisa kutarisira kwaJehovha kwerudo kunogona zvechokwadi kutiita kuti timurumbidze uye kuti tikudze zita rake dzvene.
“Rumbidzai Jehovha, Imi Mabasa Ake Ose”
Tichienzanisa nokusafa kwaJehovha, “Mwari wokusingagumi,” “mazuva” “emunhu” mashoma zvechokwadi—“akaita souswa.” Asi Dhavhidhi nenzira yokuonga anofunga achiti: “Ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo; kuna ivo vanochengeta sungano yake, nokuna vanorangarira zvaakarayira kuti vazviite.” (Genesi 21:33, NW, mashoko emuzasi; Pisarema 103:15-18) Jehovha haakanganwi avo vanomutya. Munguva yakafanira, achavapa upenyu husingaperi.—Johane 3:16; 17:3.
Achiratidza kuonga kwake nokuda kwoushe hwaJehovha, Dhavhidhi anoti: “Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; ushe hwake hunobata zvinhu zvose.” (Pisarema 103:19) Kunyange zvazvo ushe hwaJehovha hwakaratidzwa nenzira inooneka imwe nguva kuburikidza noumambo hwaIsraeri, chaizvoizvo chigaro chake chiri mudenga. Nokuda kwekuva kwake Musiki, Jehovha ndiye Mutongi Mukuru wechisiko chose anoshandisa kuda kwake saMwari mumatenga uye papasi maererano nechinangwa chake pachake.
Dhavhidhi anorayira kunyange zvisikwa zviri vatumwa vokudenga. Anoimba kuti: “Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza. Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, panzvimbo dzose dzoumambo hwake; rumbidza Jehovha, mweya wangu!” (Pisarema 103:20-22) Kufungisisa kwedu zviito zveunyoro zvaJehovha nokuda kwedu hakufaniri kutiita kuti timurumbidzewo here? Nemitoo yose! Uye tinogona kuva nechokwadi chokuti inzwi redu mukurumbidza Mwari kwemunhu oga harizorasiki pakati pekwaya huru yevarumbidzi iyo inobatanidza kunyange vatumwa vakarurama. Ngatirumbidze nemwoyo wose Baba vedu vokudenga, nguva dzose tichitaura zvakanaka nezvavo. Zvechokwadi, ngatifungisisei mashoko aDhavhidhi, anoti “Rumbidza Jehovha, mweya wangu.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Dhavhidhi akafungisisa zviito zveunyoro zvaJehovha. Unodaro here?