Kuziva Utera, Uipi, Uye Rupfidzo
CHIVI chimwe chinhu icho vaKristu vanovenga—kukundikana kusvitsa mipimo yakarurama yaJehovha. (VaHebheru 1:9) Nenzira isingafadzi, tose zvedu tinotadza nguva nenguva. Tose zvedu tinorwisana noutera nokusakwana zvomuzvarirwo. Muzviitiko zvakawanda zvikurusa, kunyanguvezvo, kana tikareurura zvivi zvedu kuna Jehovha ndokuedza zvapachokwadi kusazvidzokorora, tinogona kumusvika nehana yakachena. (VaRoma 7:21-24; 1 Johane 1:8, 9; 2:1, 2) Tinoonga Jehovha kuti, pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro, anogamuchira basa redu rinoyera pasinei zvapo noutera hwedu.
Kana mumwe munhu akawira muchivi chakakomba nemhaka youtera hwenyama, anoda nokukurumidza kufudzwa mutsinhirano nomuitiro wakarongwa pana Jakobho 5:14-16, unoti: “Kune mumwe unorwara [mumudzimu] pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; . . . kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa. Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe.”
Nokudaro, apo muKristu akazvitsaurira anoita chivi chakakomba, chimwe chinhu chinopfuura kureurura kwomunhu oga kuna Jehovha chinodikanwa. Vakuru vanofanira kuita matanho akati, sezvo rucheno kana kuti rugare rweungano runotyisidzirwa. (Mateo 18:15-17; 1 VaKorinte 5:9-11; 6:9, 10) Vakuru vangafanira kuziva, kuti: Munhu wacho anopfidza here? Chii chakatungamirira kuchivi chacho? Wakanga uri mugumisiro wenhambo imwe youtera here? Wakanga uri muitiro wechivi here? Kuziva kwakadaro hakusati kuri nyore kana kuti kwakajeka nguva dzose uye kunorayira nzwisiso yakati.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana chivi chacho chiri nemhaka yokuronda chisakarurama uye mufambiro wakaipa? Ipapo, mutoro wavakuru wakajeka. Pakupa nhungamiro yamabatirwe enhau yakakomba muungano yeKorinte, muapostora Pauro akati: “Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.” (1 VaKorinte 5:13) Vanhu vakaipa havana nzvimbo muungano yechiKristu.
Kunzvera Utera, Uipi, uye Rupfidzo
Vakuru vanogona sei kuziva apo mumwe munhu anenge achipfidza?a Uyu hausati uri mubvunzo wakapfava. Funga, somuenzaniso, nezvaMambo Dhavhidhi. Akaita upombwe uye ipapo, kutaura idi, akaponda. Bva, Jehovha akamubvumira kuramba achirarama. (2 Samueri 11:2-24; 12:1-14) Ipapo funga nezvaAnaniasi naSafira. Vakaedza nenzira yokureva nhema kunyengera vaapostora, vachiedzesera nenzira yokunyengera kuva vane rupo zvikuru kupfuura zvavaiva chaizvoizvo. Kwakakomba here? Hungu. Kwakashata sokuponda noupombwe here? Nyangwe! Bva, Ananiasi naSafira vakaripa noupenyu hwavo.—Mabasa 5:1-11.
Neiko paiva norutongeso rwakasiyana? Dhavhidhi akawira muchivi chakakomba nemhaka youtera hwenyama. Apo akanangana nezvaakanga aita, akapfidza, uye Jehovha akamukanganwira—kunyange zvazvo akarangwa zvakakomba pamusoro pezvinetso mumhuri yake. Ananiasi naSafira vakatadza mukuti vakareva nhema nenzira yokunyengera, vachiedza kunyengera ungano yechiKristu uye nokudaro ‘vakarevera nhema mudzimu mutsvene uye Mwari.’ Ikoko kwakabvumikisa kuva ufakazi hwomwoyo wakaipa. Nokudaro, vakatongwa zvakakomba zvikuru.
Muzviitiko zvose zviri zviviri Jehovha akaita rutongeso, uye rutongeso rwake rwakanga rwakarurama nemhaka yokuti anogona kunzvera mwoyo. (Zvirevo 17:3) Vakuru vari vanhu havagoni kuita izvozvo. Naizvozvo vakuru vanogona sei kuziva kana chivi chakakomba chiri ufakazi hwoutera kupfuura zvikuru hwouipi?
Kutaura idi, chivi chose chakaipa, asi havasati vari vatadzi vose vakaipa. Zvivi zvakafanana zvingava ufakazi hwoutera mumunhu mumwe uye uipi mune mumwe. Zvirokwazvo, kuita chivi kazhinji kazhinji kunobatanidza mwero wakati wezvose zviri zviviri utera nouipi kumutadzi. Chinhu chimwe chinozivisa inzira iyo mutadzi anorangarira nayo icho aita uye icho anoronga kuita pamusoro pacho. Anoratidza mudzimu wokupfidza here? Vakuru vanoda nzwisiso kuti vazive ikoku. Vanogona sei kuwana nzwisiso iyoyo? Muapostora Pauro akavimbisa Timotio, kuti: “Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.” (2 Timotio 2:7) Kana vakuru “vakafunga” nokuzvininipisa mashoko akafuridzirwa aPauro navamwe vanyori veBhaibheri, vachawana nzwisiso inodikanwa kurangarira nenzira yakafanira avo vanotadza muungano. Ipapo, zvisarudzo zvavo zvicharatidzira kufunga kwaJehovha, kwete kwavo vamene.—Zvirevo 11:2; Mateo 18:18.
Ikoku kunoitwa sei? Nzira imwe kunzvera nzira iyo Bhaibheri rinorondedzera nayo vanhu vakaipa ndokuona kana rondedzero yacho ichishanda kumunhu ari kubatwa naye.
Kubvuma Kuva Nemhaka uye Kupfidza
Vanhu vokutanga avo vakasarudza nzira youipi vakanga vari Adhama naEvha. Pasinei zvapo nokuva vakakwana uye vane zivo yakazara yomutemo waJehovha, vakapandukira uchangamire hwoumwari. Apo Jehovha akavananga nezvavakanga vaita, kuita kwavo kwakanga kwakafanirwa necherekedzo—Adhama akapa Evha mhaka, uye Evha akapa nyoka mhaka! (Genesi 3:12, 13) Enzanisa ikoku nokuzvininipisa kukuru kwaDhavhidhi. Apo akanangwa nezvivi zvake zvakakomba, akabvuma kuva nemhaka ndokukumbira kanganwirwo, achiti: “Ndatadzira Jehovha.”—2 Samueri 12:13; Pisarema 51:4, 9, 10.
Vakuru vanoita zvakanaka kurangarira iyi mienzaniso miviri pakubata nhau dzechivi chakakomba, zvikurukuru kumunhu akura. Mutadzi wacho—kufanana naDhavhidhi apo akapwiswa nezvechivi chake—nenzira yakajeka anobvuma mhaka yacho uye nenzira yokupfidza anotarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero nekanganwiro, kana kuti anotsvaka kurerutsa icho aita here, zvichida achipa mumwe munhuwo zvake mhaka? Chokwadi, munhu anoita chivi angada kutsanangura chakatungamirira kuzviito zvake, uye kungava kune mamiriro ezvinhu, omunguva yakapfuura kana kuti zvimwe azvino, ayo vakuru vangada kurangarira pakusarudza nzira yokumubetsera nayo. (Enzanisa naHosea 4:14.) Asi anofanira kubvuma kuti iye ndiye akatadza uye kuti iye ndiye ane mhaka pamberi paJehovha. Yeuka: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.
Kuita Chakashata
Mubhuku raMapisarema, mune nongedzero dzakawanda kuvanhu vakaipa. Magwaro akadaro anogona kubetsera zvakare vakuru kunzwisisa kana mumwe munhu zvikurukuru ari akaipa kana kuti akaneta. Somuenzaniso, rangarira munyengetero wakafuridzirwa waMambo Dhavhidhi, unoti: “Musandibvuta pamwe chete navakaipa, navanoita zvakashata; ivo, vanotaura rugare kuna vavanogara navo, asi zvakashata zviri mumwoyo mavo.” (Pisarema 28:3) Cherekedza kuti vanhu vakaipa vanodudzwa mukuenzaniswa na“vanoita zvakashata.” Munhu anotadza nemhaka youtera hwenyama sezvingabvira achamira nokukurumidza apo anoziva. Kana, kunyanguvezvo, mumwe munhu ‘achiita’ chakashata zvokuti chinova rutivi rwoupenyu hwake, ikoku kungagona kuva ufakazi hwomwoyo wakaipa.
Dhavhidhi akadudza chimwe chinozivisa uipi mundima iyoyo. Kufanana naAnaniasi naSafira, munhu akaipa anotaura zvinhu zvakanaka nomuromo wake asi ane zvinhu zvakashata mumwoyo make. Angava munyengeri—kufanana navaFarise vomuzuva raJesu avo ‘nechokunze zvirokwazvo vairatidzika kuva vakarurama kuvanhu asi mukati vakanga vakazara nounyengeri uye kusateerera mutemo.’ (Mateo 23:28; Ruka 11:39) Jehovha anovenga unyengeri. (Zvirevo 6:16-19) Kana mumwe munhu akaedza nenzira yokunyengera kuramba chivi chake chakakomba kunyange pakutaura nedare rinotonga, kana kuti achibvuma nokusadisa bedzi izvo zvinotozivikanwa navamwe, achiramba kureurura zvizere, ikoku kungasanova ufakazi hwomwoyo wakaipa.
Kuzvidza Jehovha Kwokuzvikudza
Zvimwe zvinhu zvinoratidzira munhu akaipa zvakarongwa muPisarema 10. Imomo tinorava, kuti: “Pakuzvikudza kwake wakaipa unotambudza murombo zvikuru; . . . unoramba Jehovha.” (Pisarema 10:2, 3) Tinofanira kurangarira sei muKristu akazvitsaurira uyo anozvikudza uye asingaremekedzi Jehovha? Zvirokwazvo, izvi zvimiro zvendangariro zvakashata. Munhu anotadza nemhaka youtera, paanongoziva chivi chake kana kuti pachinounzwa kungwariro yake, anopfidza ndokuvavarira zvakaoma kuchinja maitiro ake. (2 VaKorinte 7:10, 11) Mukupesana, kana munhu akatadza nemhaka yokusaremekedza Jehovha kukuru, chii chichamudzivisa kudzoka adzokazve kunzira yake yechivi? Kana achizvikudza pasinei zvapo nokupiwa zano mumudzimu wounyoro, anogona sei kuva nokuzvininipisa kunodikanwa kuti apfidze zvapachokwadi uye zvirokwazvo?
Rangarira zvino mashoko aDhavhidhi gare gare zvishoma mupisarema rimwe chetero: “Wakaipa unozvidzireiko Mwari, achiti mumwoyo wake: Haangabvunzi?” (Pisarema 10:13) Mumamiriro ezvinhu eungano yechiKristu, munhu wakaipa wacho anoziva musiyano pakati pechakarurama nechisakarurama, asi haazenguriri kuita chisakarurama kana achifunga kuti anogona kusarangwa. Chero bedzi pasina kutya kuonekwa, anopa rusununguko rwakazara kuzvimiro zvake zvendangariro zvokutadza. Kusafanana naDhavhidhi, kana zvivi zvake zvikaratidzwa, acharonga manomano okudzivisa chirango. Munhu akadaro haaremekedzi Jehovha zvikuru. “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake. . . . Haasemi zvakaipa.”—Pisarema 36:1, 4.
Kukuvadza Vamwe
Kazhinji kazhinji, anopfuura munhu mumwe anotapurwa nechivi. Somuenzaniso, mhombwe inotadzira Jehovha; inoita mudzimai wayo navana vananyajambwa; kana mubiyake muchivi akachata, inoita mhuri yayo vananyajambwa; uye inosvibisa zita rakanaka reungano. Inorangarira sei zvose izvozvo? Inoratidza rusuruvaro rwomwoyo wose pamwe chete norupfidzo rwechokwadi here? Kana kuti inoratidzira here mudzimu unorondedzerwa muPisarema 94, kuti: “Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi. Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, vachitambudza nhaka yenyu. Vanouraya chirikadzi nomweni, nenherera vanodziuraya. Vachiti: Jehovha haazvioni.”?—Pisarema 94:4-7.
Sezvingabvira, zvivi zvinobatwa muungano hazvisati zvichizobatanidza kuponda nokuuraya. Bva mudzimu unoratidzirwa pano—mudzimu wokuva akagadzirira kuita vamwe vananyajambwa nokuda kwebetsero yomunhu oga—ungava pachena sezvo vakuru vanoongorora chakaipa. Ikokuwo kuzvitutumadza, chiratidzo chomunhu akaipa. (Zvirevo 21:4) Imhesano yachose chose yomudzimu womuKristu wechokwadi, uyo anodisa kuzvibayira amene nokuda kwehama dzake.—Johane 15:12, 13.
Kushandisa Nheyo Dzoumwari
Idzi nhungamiro shomanene hadzina kurongwa kuti dzive mitemo. Dzinopa, zvisinei, mufungo wezvimwe zvinhu izvo Jehovha anorangarira sezvakaipa zvirokwazvo. Pane kuramba kubvuma mhaka nokuda kwechakaipa chakaitwa here? Munhu akatadza akafuratira nokusanyara zano romunguva yakapfuura panhau imwe cheteyi zvikuru here? Pane muitiro wakasimba wechakaipa chakakomba here? Mutadzi wacho anoratidzira kufuratirwa kwakajeka kwomutemo waJehovha here? Akaita nhamburiko dzamanomano dzokuvanza chakashata chacho, zvichida achishatisa vamwe panguva imwe cheteyo here? (Judhasi 4) Nhamburiko dzakadaro dzinowedzera bedzi apo chakashata chinoonekwa here? Mutadzi wacho anoratidza kufuratira chose chose kuvadziko yaakaita kuvamwe uye kuzita raJehovha here? Zvakadiniko nechimiro chake chendangariro? Pashure pokunge zano romutsa rapaMagwaro rapiwa, anozvikudza kana kuti kuzvitutumadza here? Anoshaya chishuvo chomwoyo wose chokudzivisa kudzokorora chakaipa chacho here? Kana vakuru vakaziva zvinhu zvakadai, izvo zvinoratidzira zvakasimba kushayikwa kworupfidzo, vangagumisa kuti zvivi zvakaitwa zvinopa ufakazi hwouipi panzvimbo pouterawo zvahwo hwenyama.
Kunyange pakubata nomunhu anoratidzika kuva nezvimiro zvendangariro zvakaipa, vakuru havaregi kumukurudzira kuronda kururama. (VaHebheru 3:12) Vanhu vakaipa vangapfidza ndokuchinja. Kudai kwakanga kusina kudaro, nei Jehovha akakurudzira vaIsraeri, kuti: “Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”? (Isaya 55:7) Zvichida, mukati mokutonga, vakuru vachaona chinjo huru mumamiriro omwoyo wake sezvinoratidzirwa muchimiro nechimiro chendangariro chokupfidza.
Kunyange panguva yokudzinga mumwe munhu, vakuru, savafudzi, vachamukurudzira kupfidza ndokuedza kudzoka mufariro yaJehovha. Yeuka “murume akaipa” muKorinte. Nenzira yakajeka akachinja nzira yake, uye Pauro gare gare akarumbidza kudzorerwa kwake. (2 VaKorinte 2:7, 8) Rangarirawo Mambo Manase. Akanga akaipa zvikuru zvirokwazvo, asi apo akapfidza pakupedzisira, Jehovha akabvuma rupfidzo rwake.—2 Madzimambo 21:10-16; 2 Makoronike 33:9, 13, 19.
Chokwadi, pane chivi chisingazokanganwirwi—kutadzira mudzimu mutsvene. (VaHebheru 10:26, 27) Jehovha oga ndiye anoziva kuti ndiani akaita chivi ichocho. Vanhu havana chiremera chokuita kudaro. Basa ravakuru nderokuchengeta ungano yakachena uye kubetsera kudzorera vatadzi vanopfidza. Kana vakaita kudaro nenzwisiso nokuzvininipisa, vachirega zvisarudzo zvavo zvichiratidzira uchenjeri hwaJehovha, ipapo Jehovha achakomborera urwu rutivi rwokufudza kwavo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaMarch 1, 1982, mapeji 26-9; Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 772-4.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Ananiasi naSafira vakarevera mudzimu mutsvene nhema nenzira yokunyengera, vachiratidza mwoyo wakaipa