-
MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
1. Kunwa kwakaipa here?
Bhaibheri haritauri kuti kunwa kwakaipa. Parinotaura nezvezvipo zvatakapiwa naMwari rinototaura nezvewaini richiti “inoita kuti mwoyo wemunhu ufare.” (Pisarema 104:14, 15) Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vakatendeka vainwa waini.—1 Timoti 5:23.
-
-
Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Wobhabhatidzwa?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
4. Fungisisa rudo rwawakaratidzwa naJehovha
Jehovha akatipa zvipo zvakawanda zvinokosha. Isu tingamupawo chii? Ngationei VHIDHIYO.
Jehovha akakuitira chii kuratidza kuti anokuda? Verengai Pisarema 104:14, 15 uye 1 Johani 4:9, 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Zvipo zvipi zvaunonyanya kutenda kuti Jehovha akatipa?
Zvipo izvi zvinoita kuti unzwe sei nezvaJehovha?
Kana tikapiwa chipo chatinonyatsoda tinoratidza munhu wacho kuti tiri kutenda zvaatiitira. Verengai Dheuteronomi 16:17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kana ukafunga zvese zvawakaitirwa naJehovha, unonzwa mwoyo wako uchida kumupawo chii?
-