Uzivi
Tsanangudzo: Shoko rokuti philosophy ratiri kushandura kuti uzivi rinobva pashoko rechiGiriki rinoreva kuti “kuda uchenjeri.” Semashandisirwo arakaitwa munyaya ino, shoko racho harina kubva papfungwa yokuti kuna Mwari asi rakabva papfungwa yokuedza kuita kuti vanhu vave nemaonero akafanana pamusoro pezvinhu zvose zviriko uye vanyanye kuongorora. Uzivi hunonyanyoita kuti vanhu vatsvake chokwadi vachiita zvokufungidzira panzvimbo pokuongorora.
Mumwe nomumwe wedu angawana sei zivo yechokwadi nouchenjeri?
Zvir. 1:7; Pis. 111:10: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwezivo . . . [uye] kwouchenjeri.” (Dai zvinhu zvose zviripo zvakangoerekana zvavapo pasina Musiki akachenjera, zvaizoita here kuti pave nepfungwa dzakabatana pamusoro pemaonerwo azvinoitwa? Hunganzi uchenjeri here kana huchibva pakudzidza chimwe chinhu chisina musoro? Vaya vanoedza kunzwisisa zvinhu zviripo kana kuti upenyu hwakavapo sei asi ivo vachifuratira Mwari nezvinangwa zvake, vanowanzoona pasina chavanobura. Vanorondedzera zvisizvo zvavanenge vadzidza uye chokwadi chavanenge vawana havachishandisi zvakanaka. Pfungwa yokuti hakuna Mwari inovatadzisa kuwana zivo yakarurama uye inoita kuti vasave netsanangudzo yakati twasu yavanobuda nayo.)
Zvir. 2:4-7: “Kana ukaramba uchizvitsvaka sesirivha, ukaramba uchizvitsvaka sepfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, uye uchawana zivo pamusoro paMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru. Achachengetera vanhu vakarurama uchenjeri hunobatsira.” (Jehovha anobatsira vanhu kunzwisisa achishandisa Shoko rake uye sangano rake rinooneka. Asi zvinodawo kuti iwe wacho uedze uye uve nechido chomwoyo wose, uchishandisawo pfungwa dzako nenzira yakanaka.)
Zvine musoro here kuti titarisire kuwana chokwadi chakajeka kubva muBhaibheri?
2 Tim. 3:16; Joh. 17:17: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” “[Jesu akati kuna Baba vake vokudenga:] Shoko renyu ichokwadi.” (Hazvisi pachena here kuti Musiki wezvinhu zvose anonyatsonzwisisa zvinhu zvaakasika. MuBhaibheri haana kudonongodza zvose pamusoro pezvinhu zvose zvakasikwa, asi zvakanyorwa hazvisi zvokufungidzira, ndezvechokwadi. MuBhaibheri imomo akataurawo kuti chinangwa chake nokuda kwenyika uye vanhu ndechipi uye kuti achachizadzika sei. Simba rake risingaenzaniswi, uchenjeri hwake hukuru, kururama kwake kwakakwana, uye rudo rwake rukuru zvinosimbisa kuti zvechokwadi chinangwa ichi chichanyatsozadziswa semarongero akanaka aakaita. Unhu hwake hunoita kuti tive nechivimbo chokuti zvaakataura nezvechinangwa chake zvinhu zvatinogona kuvimba nazvo, uye ndezvechokwadi.)
Ko uzivi hwevanhu hwakatanga sei?
Hunobva kuvanhu vane zvimwe zvavasingakwanisi kuita: Bhaibheri rinotiudza kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Zvakaitika zvinoratidza kuti hapana chakanaka chinobuda nokuedza kufuratira chokwadi ichi. Pane imwe nguva, “Jehovha akapindura Jobho ari mudutu, akati: ‘Ndianiko uyu ari kudzikatidza zvakarongwa nemashoko asina zivo? Ndapota, zvisunge muchiuno somurume, uye rega ndikubvunze, iwe undiudze. Wakanga uri kupi pandakavaka nheyo yenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.’” (Job. 38:1-4) (Vanhu vakangoberekwa vaine zvimwe zvavasingagoni. Uyezve, zvavakasangana nazvo muupenyu zvishoma uye kazhinji vakangokurira munzvimbo imwe chete. Vanongoziva zvishomanana, uye kuti zvose zvinongosangana-sangana zvokuti vanogara vachiwana zvinhu zvavakanga vasina kufunga nezvazvo. Uzivi hwose hwavanotanga hunoratidza kuti vane zvavasingakwanisi kuita.)
Hwakatangwa nevanhu vasina kukwana: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaR. 3:23) “Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.” (Zvir. 14:12) (Pamusana pokuti vanhu vanotadza, uzivi hwevanhu kazhinji hunoratidza udyire zvongoita kuti vanhu vafare kwenguva pfupi pakupedzisira vovhiringidzika voshaya mufaro.)
Hunokurudzirwa nemadhimoni: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) ‘Uyo anonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa.’ (Zvak. 12:9) “Makambofamba maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” (VaEf. 2:2) (Uzivi hunokurudzira kuti vanhu vasateerera mirayiro yaMwari yakarurama hunoratidza kuti ndiko kwahunobva. Ndosaka zvisingashamisi kuti sezvinoratidzwa nezvakaitika, uzivi hwevanhu kazhinji hwakaita kuti vanhu vakawanda vatambure.)
Nei kudzidza zvinodzidziswa naJesu Kristu chiri chiratidzo chokufunga zvakanaka pane kudzidza uzivi hwevanhu?
VaK. 1:15-17: “Iye [Jesu Kristu] ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika . . . Zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa pachishandiswa iye uye nokuda kwake. Uyewo, akatangira zvimwe zvinhu zvose uye zvimwe zvinhu zvose zvakaitwa kuti zvivepo pachishandiswa iye.” (Ushamwari hwake hwepedyo naMwari hunoita kuti tibatsirwe kudzidza chokwadi pamusoro paMwari. Uyezve, sezvo zvinhu zvose zvakasikwa pachishandiswa iye, Jesu anonyatsoziva masikirwo akaitwa zvinhu zvose. Hapana kana muzvinafundo angaziva zvakadai.)
VaK. 1:19, 20: “Mwari akaona zvakanaka kuti kuzara kwose kugare maari [Jesu Kristu], uye achishandisa iye kuti ayananisezve kwaari zvimwe zvinhu zvose nokuita rugare neropa raakateura padanda rokutambudzikira.” (Saka Jesu Kristu ndiye akarongwa naMwari kuti adzorere zvose zvakasikwa kuti zvienderane nezvinodiwa naMwari. Mwari akapawo Jesu simba rokutonga nyika yose, sezvinoratidzwa pana Dhanieri 7:13, 14. Saka tariro yedu yeramangwana inobva pakumuziva uye kuteerera mirayiridzo yake.)
VaK. 2:8: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.” (Kwaizova kukanganisa zvikuru chaizvo kusarudza uzivi hunonyengera zvakadaro tichisiya kuwana uchenjeri hwechokwadi somudzidzi waJesu Kristu, munhu wechipiri paukuru kubva kuna Mwari uye pane zvose zvakasikwa!)
Jehovha anoona sei “uchenjeri” hunopiwa nouzivi hwevanhu?
1 VaK. 1:19-25: “Zvakanyorwa kuti: ‘Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ndichasundira parutivi ungwaru hwevanhu vakangwara.’ Munhu akachenjera ari kupi? Munyori ari kupi? Munhu ane nharo womumamiriro ezvinhu epanguva ino ari kupi? Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here? Nokuti maererano nouchenjeri hwaMwari, nyika zvaisina kusvika pakuziva Mwari nouchenjeri hwayo, Mwari akaona zvakanaka kuti aponese vaya vanotenda noupenzi [semaonerwo azvinoitwa nenyika] hwezvinoparidzwa. . . Nokuti chinhu chaMwari chinonzi ndechoupenzi [semaonerwo azvinoitwa nenyika] chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba [kana chichionekwa nenyika] chakasimba kupfuura vanhu.” (Maonero aMwari akadaro haanganzi haana musoro kana kuti haana basa. Akapa mashoko akajeka pamusoro pechinangwa chake mubhuku rinowanikwa nevanhu vakawanda munyika, Bhaibheri. Akatuma zvapupu zvake kuti zvikurukure Bhaibheri nevanoda kuteerera. Upenzi hwakadini kana paine munhu anofunga kuti akachenjera kupfuura Mwari!)