-
“Chengeta Mwoyo Wako”Nharireyomurindi—2000 | May 15
-
-
Achiyeuka zano rababa vake rorudo, Soromoni anoti: “Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri: Mwoyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; chengeta mirayiro yangu, urarame. Zviwanire uchenjeri, zviwanire [“kunzwisisa,” NW]; rega kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; usahurasa [uchenjeri], hugokuchengeta; uhude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; uzviwanire [“kunzwisisa,” NW] nezvose zvaunazvo.”—Zvirevo 4:4-7.
-
-
“Chengeta Mwoyo Wako”Nharireyomurindi—2000 | May 15
-
-
Kuwana kunzwisisa kunokoshawo. Kana tisinganzwisisi, tinganyatsoona here kubatana kunoita zvinhu ndokunyatsonzwisisa nhau iri kukurukurwa? Kana tisina kunzwisisa, tingaziva sei zvikonzero uye mashoko anotsanangura kuti nei zvinhu zvakadai, towana uchenjeri nenzwisiso? Hungu, kuti tigone kufunga maererano nezvinhu zvinotozivikanwa togumisa zvakarurama, tinoda kunzwisisa.—Dhanieri 9:22, 23.
-