-
Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine UnzenzaNharireyomurindi—2000 | July 15
-
-
Chikonzero nei mano okufunga achikosha pakuramba wakachena mutsika munyika isina kuchena ndechokuti nzira dzomunhu wounzenza dzinonyengedza. Soromoni anonyevera kuti: “Miromo yomukadzi wokumwe inodonha uchi; muromo wake unot[sv]edza kupfuura mafuta; asi pakupedzisira unovava segavakava; unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.”—Zvirevo 5:3, 4.
-
-
Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine UnzenzaNharireyomurindi—2000 | July 15
-
-
Migumisiro younzenza inovava segavakava uye inopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka—inorwadza uye inouraya. Hana inonetseka, pamuviri pasingadiwi, kana kuti hosha inopfuudzwa pabonde ndeimwe yemigumisiro inorwadza yomufambiro wakadaro. Uye funga nezvemarwadzo akakura omupfungwa anonzwiwa neakaroorana nomunhu asina kutendeka. Chiitiko chimwe chokusavimbika chingakonzera maronda akadzika kwazvo anogara kwoupenyu hwose. Hungu, unzenza hunokuvadza.
-