-
“Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”Nharireyomurindi—1999 | November 15
-
-
Mumashoko erudo ababa, Mambo Soromoni akachenjera weIsraeri yekare anoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirvheri, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.—Zvirevo 2:1-5.
Unoona pane mutoro wokuwana uchenjeri here? Mundima idzi, mashoko okuti “kana uka-” anowanika katatu. Saka, zviri kumumwe nemumwe wedu kuti atsvake uchenjeri nezvinohubatsira—njere nenzwisiso. Zvisinei, kutanga, tinoda “kugamuchira” noku“chengeta” mupfungwa mashoko ouchenjeri akanyorwa muMagwaro. Kuti tidaro tinofanira kufunda Bhaibheri.
-
-
“Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”Nharireyomurindi—1999 | November 15
-
-
Mashoko akadzokororwa okuti “kana uka-” muchikamu chokutanga chechitsauko chechipiri chaZvirevo anoteverwa nemashoko okuti “gamuchira,” “chengeta,” “chemera,” “tsvaka,” “tsvakisisa.” Nei munyori uyu akashandisa mashoko oukuru hwakadaro? Rimwe bhuku rinoti: “Chinhu chikuru [pano] chinosimbisa kudikanwa kwekushingairira kutsvaka uchenjeri.” Hungu, tinofanira kutsvakisisa nomwoyo wose uchenjeri nezvinhu zvinofambidzana nahwo—njere nenzwisiso.
-