“Munhu Awana Uchenjeri Une Mufaro”
AIVA mudetembi, muvaki, mambo. Akanga akapfuma kupfuura mambo upi noupi pasi pano, nokuti aiwana anopfuura mamiriyoni 200 emadhora pagore. Murume wacho aizivikanwawo nokuda kwouchenjeri hwake. Akashamiswa zvikuru ndimambokadzi aishanya zvokuti akati: “Tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.” (1 Madzimambo 10:4-9) Aya ndiwo aiva mamiriro ezvinhu aMambo Soromoni weIsraeri yekare.
Soromoni aiva nezvose pfuma nouchenjeri. Uye izvozvo zvakanyatsoita kuti akwanise kusarudza kuti ndechipi chezviviri chaikosha chaizvoizvo. Akanyora kuti: “Munhu, awana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.”—Zvirevo 3:13-15.
Zvisinei, uchenjeri hungawanikwa kupi? Nei huchikosha zvikuru kupfuura pfuma? Ndezvipi zviri pahuri zvinokwezva? Chitsauko 8 chebhuku reBhaibheri raZvirevo, rakanyorwa naSoromoni, chinopindura mibvunzo iyi munzira inofadza. Imomo uchenjeri hunotorwa somunhu, sokunge kuti hunogona kutaura nokuita chimwe chinhu. Uye uchenjeri pachahwo hunozivisa kukwezva kwahwo pamwe chete nokukosha kwahwo.
“Hunodanidzira”
Chitsauko 8 chaZvirevo chinotanga nomubvunzo usingadi mhinduro wokuti: “Ko uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?”a Hungu, uchenjeri nenjere zvinoramba zvichidanidzira, asi hunonyatsosiyana nomukadzi nzenza anovanda munzvimbo dzakasviba ozevezera mashoko anonyengedza munzeve dzepwere iri yoga uye isina ruzivo rwokuzviwanira. (Zvirevo 7:12) “Pamusoro pemitunhu panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire; parutivi rwamasuo, panopindwa paguta, pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira.” (Zvirevo 8:1-3) Inzwi rakasimba rouchenjeri nerisingatyi rinonzwika zvakanaka uye zvakajeka munzvimbo dzevoruzhinji—pamagedhi, pamharadzano dzenzira, pamikova yeguta. Vanhu vanogona kunzwa inzwi iroro nyore nyore voripindura.
Ndiani angaramba kuti uchenjeri hwaMwari hwakanyorwa muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, hunowanikwa neanenge munhu wose pasi pano anoda kuhuwana? “Bhaibheri ndiro bhuku rinoverengwa kudarika mamwe ose munhau yevanhu,” inodaro The World Book Encyclopedia. Inowedzera kuti: “MaBhaibheri akawanda akaparadzirwa kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Bhaibheri rakashandurwawo kakawanda, uye mumitauro yakawanda, kupfuura rimwe bhuku ripi neripi.” NeBhaibheri rakazara kana kuti zvikamu zvaro zvinowanikwa mumitauro netwumitauro tunopfuura 2 100, vanopfuura 90 muzana vevanhu vose semhuri vanogona kuwana chinenge chikamu cheShoko raMwari mumutauro wavo pachavo.
Zvapupu zvaJehovha zviri kuzivisa pachena shoko reBhaibheri kwose kwose. Munyika 235, zviri kushingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye zvinodzidzisa vanhu chokwadi chinowanikwa muShoko raMwari. Magazini azvo akavakirwa paBhaibheri Nharireyomurindi, inobudiswa mumitauro inopfuura 140, uye Mukai!, inodhindwa mumitauro 83, imwe neimwe inoparadzirwa kanopfuura mamiriyoni 20. Zvechokwadi uchenjeri hunoramba huchidanidzira zvinonzwika munzvimbo dzavose!
“Inzwi Rangu Rinodana Vanakomana Vavanhu”
Uchenjeri hunotorwa somunhu hunotanga kutaura, huchiti: “Ndinodanidzira kwamuri, imi varume, inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu. Nzwisisai uchenjeri, imi vasina mano; imi mapenzi, ivai nomwoyo une njere.”—Zvirevo 8:4, 5.
Kudanidzira kwouchenjeri kunosvika kwakawanda. Hunotambanudzira kukokera kwahwo kuvanhu vose. Kunyange vanhu vasina mano vanokokwa kuti vawane uchenjeri, kana kuti kungwara, uye mapenzi, kunzwisisa. Zvechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Bhaibheri ibhuku revanhu vose uye zvinoedza kukurudzira zvisingasaruri vanhu vose vazvinosangana navo kuti variverenge kuti vawane mashoko ouchenjeri arinawo.
‘Muromo Wangu Unotaura Chokwadi’
Huchiwedzera kukumbira kwahwo, uchenjeri hunopfuurira huchiti: “Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama. Nokuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari.” Hungu, dzidziso dzouchenjeri dzakanakisisa uye dzakati twasa, ndedzechokwadi uye dzakarurama. Hapana unyengeri kana kuti kukombama madziri. “Zvose zviri pachena kune une njere; zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.”—Zvirevo 8:6-9.
Zvakakodzera kuti uchenjeri hunokurudzira kuti: “Gamuchirai kurayira kwangu, murege kugamuchira sirivha; nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.” Chikumbiro ichi chine musoro, “nokuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; zvose zvinodikanwa hazvingaenzaniswi nahwo.” (Zvirevo 8:10, 11) Asi nemhaka yei? Chii chinoita kuti uchenjeri hukoshe kupfuura pfuma?
“Zvibereko Zvangu Zvakanaka Kupfuura Ndarama”
Zvipo izvo uchenjeri hunopa vateereri vahwo zvinokosha zvikuru kupfuura ndarama, sirivha, kana korari. Huchitaura kuti zvipo izvi chii, uchenjeri hunoti: “Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, ndinowana zivo namano akarurama. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.”—Zvirevo 8:12, 13.
Uchenjeri hunopa kungwara uye mano akarurama kumuridzi wahwo. Munhu ane uchenjeri hwaMwari anoremekedza nokutyawo Mwari, sezvo “kuvamba kwouchenjeri [kuri iko] kutya Jehovha.” (Zvirevo 9:10) Nokudaro, anovenga zvinovengwa naJehovha. Kuzvikudza, kudada, unzenza, kutaura kwakaipa, hazviwanikwi maari. Kuvenga kwaanoita zvakaipa kunomudzivirira pakushandisa simba nenzira youdyire. Zvinokosha sei kuti vaya vane nzvimbo dzomutoro muungano yechiKristu, uyewo misoro yemhuri, vatsvake uchenjeri!
“Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana;” uchenjeri hunopfuurira kudaro. “Ndini kuchenjera; ndine simba. Madzimambo anobata ushe neni, vabati vanotonga vanhu neni. Madzishe anofambisa ushe neni, navakuru, ivo vatongi vose vapasi.” (Zvirevo 8:14-16) Zvibereko zvouchenjeri zvinosanganisira njere, kunzwisisa, nesimba—zvinhu zvinodiwa zvikuru nevatongi, vakuru vakuru, uye vanokudzwa. Uchenjeri hunokosha kune vaya vari muzvinzvimbo zvesimba uye vaya vanopa vamwe zano.
Uchenjeri hwechokwadi hunowanika nyore nyore kuna vose, asi kwete kuti vose vanohuwana. Vamwe vanohuramba kana kuhudzivisa, kunyange apo hunenge huri pedyo navo. “Ndinoda vanondida;” hunodaro uchenjeri, “vanonditsvaka nomwoyo wose vachandiwana.” (Zvirevo 8:17) Uchenjeri hunowanikwa bedzi nevaya vanohutsvaka nomwoyo wose.
Nzira dzouchenjeri dzakanaka uye dzakarurama. Hunopa mubayiro vanohutsvaka. Uchenjeri hunoti: “Pfuma nokukudzwa zvineni, zvinokosha zvakaisvonaka nokururama. Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, mukati mamakwara okururamisa; kuti ndigarise nhaka vanondida, ndizadze zvivigiro zvepfuma yavo.”—Zvirevo 8:18-21.
Pamwe nounhu uye tsika dzakaisvonaka dzakadaro sokungwara, mano okufunga, kuzvininipisa, njere, uchenjeri hunoshanda, uye kunzwisisa, zvipo zvouchenjeri zvinosanganisira pfuma norukudzo. Munhu akachenjera angawana pfuma nenzira dzakarurama, uye achabudirira mumudzimu. (3 Johani 2) Uchenjeri hunoitawo kuti munhu akudzwe. Uyezve, anogutsikana nezvaanowana, uye ane rugare rwepfungwa nehana yakachena pamberi paMwari. Hungu, anofara munhu wawana uchenjeri. Zvechokwadi zvibereko zvouchenjeri zviri nani pane ndarama yakaisvonaka uye sirivha yakasarurwa.
Izano rakakodzera nguva sei kwatiri, sezvo tiri kurarama munyika inoda kuunganidza zvinhu munosimbiswa kuwana pfuma nenzira ipi neipi uye kunyange zvodini! Ngatisamborega kuona kuti uchenjeri hunokosha sei kana kuti kutendeukira kunzira dzisina kururama kuti tiwane pfuma. Ngatisamborerutsa gadziriro chaidzo dzinopa uchenjeri—misangano yedu yechiKristu uye kudzidza kwatinoita Bhaibheri nemabhuku anogoverwa no“muranda akatendeka, akangwara” tiri toga—nemhaka chete yokuwana pfuma.—Mateu 24:45-47.
“Ini Ndakamiswa Kubva Pakusingaperi”
Kutorwa somunhu kwouchenjeri kunowanikwa muchitsauko 8 chaZvirevo hakusati kuchingova zvakwo nzira yokutsanangura nayo unhu husingaoneki. Kunofananidzirawo chisikwa chaJehovha chinokosha zvikuru. Uchenjeri hunopfuurira kuti: “Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, kutangira mabasa ake akare. Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, pasi pasati pasikwa. Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; pasina matsime ane mvura zhinji. Makomo asati anyudzwa, zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa; iye asati aumba pasi namapani, kana guruva rokutanga renyika.”—Zvirevo 8:22-26.
Rondedzero inopfuurira youchenjeri hunotorwa somunhu inonyatsoenderana sei nezvakanyorwa maererano ne“Shoko” muMagwaro! “Pakutanga Shoko rakanga riripo,” akanyora kudaro muapostora Johani, “uye Shoko rakanga rina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari.” (Johani 1:1) Uchenjeri hunotorwa somunhu hunofananidzira Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, mukuvapo kwake asati ava munhu.b
Jesu Kristu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose; nokuti naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri pasi pano, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki.” (VaKorose 1:15, 16) “Panguva [Jehovha] yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo,” uchenjeri hunotorwa somunhu hunopfuurira huchiti, “pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa; panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, pakusimba kwamatsime amakungwa; panguva yaakaitira gungwa miganhu yaro, kuti mvura irege kudarika murayiro wake, pakutara kwake nheyo dzapasi; nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose, ndichitamba panyika yake, ndichifadzwa navanakomana vavanhu.” (Zvirevo 8:27-31) Mwanakomana waJehovha wedangwe aivapo pedyo naBaba vake, achishanda navo nokushingaira—Musiki wematenga nepasi asina anoenzana naye. Jehovha Mwari paakasika vanhu vokutanga, Mwanakomana Wake aishanda naye mubasa racho seMhizha. (Genesi 1:26) Hazvishamisi kuti Mwanakomana waMwari anofarira vanhu zvikuru, uye anovada!
“Munhu, Unondinzwa Akaropafadzwa”
Souchenjeri hunotorwa somunhu, Mwanakomana waMwari anoti: “Zvino vanakomana vangu, nditeererei; nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa. Inzwai kurayirira muve vakachenjera, regai kukuramba. Munhu, unondinzwa, akaropafadzwa, unorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, unomira pazvivivo zvemikova yangu. Nokuti wandiwana, wawana upenyu, uchapiwa nyasha naJehovha. Asi unondishayiwa, unotadzira mweya wake; vose vanondivenga, vanoda rufu.”—Zvirevo 8:32-36.
Jesu Kristu ndiye muenzaniso chaiwo wouchenjeri hwaMwari. “Pfuma yose youchenjeri neyezivo zvakanyatsovanzwa maari.” (VaKorose 2:3) Ipapo, ngatisarega kumuteerera uye tinyatsotevera tsoka dzake. (1 Petro 2:21) Kumuramba zvinoreva kuita chisimba kumweya wedu pachedu uye kuda kufa, nokuti “hapana mumwe angaponesa vanhu.” (Mabasa 4:12) Zvechokwadi, ngatibvumei Jesu souyo Mwari akatipa kuti tiponeswe. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Saka tichava nomufaro unobva ‘mukuwana upenyu uye kuwana nyasha dzaJehovha.’
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rechiHebheru rokuti “uchenjeri” riri muchimiro chechikadzi. Nokudaro, vamwe vashanduri vanoshandisa zvisazitasingwi zvechikadzi pavanotaura nezvouchenjeri.
b Kuti shoko rechiHebheru rokuti “uchenjeri” rinogarova muchimiro chechikadzi hakupesani nokushandiswa kwouchenjeri kumirira Mwanakomana waMwari. Shoko rechiGiriki rokuti “rudo” mumashoko okuti “Mwari rudo” ririwo muchimiro chechikadzi. (1 Johani 4:8) Asi rinoshandiswa kutaura nezvaMwari.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Uchenjeri hunokosha kune vaya vari munzvimbo dzemitoro
[Mifananidzo iri papeji 27]
Usarerutsa gadziriro dzinopa uchenjeri