Rudzi Rwomunhu Runoda Kuziva Mwari
“Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.”—ZVIREVO 2:5.
1. Neiko kuchigona kutaurwa kuti mwoyo womunhu ibasa rounyanzvi rokugadzira kwoumwari?
MWOYO yavanhu inenge 5 600 000 000 iri kurova pasi pano iko zvino. Zuva riri rose, mwoyo wako umene unorova ka100 000 uye unopomba ropa rinokwana marita 7 600 nomugadziriro yetsinga dzomumuviri wako dzakareba makiromita 100 000. Hapana imwe tsandanyama inoshanda zvakaoma zvikuru kupfuura iri basa rounyanzvi rokugadzira kwoumwari.
2. Waizorondedzera sei mwoyo wokufananidzira?
2 Kunewo mwoyo 5 600 000 000 yokufananidzira iri kushanda pasi pano. Mumwoyo wokufananidzira munogara mirangariro yedu, sundo dzedu, zvishuvo zvedu. Ndiwo musimboti wemufungo wedu, nzwisiso yedu, kuda kwedu. Mwoyo wokufananidzira unogona kuva unodada kana kuti unozvininipisa, usingafari kana kuti unofara, uri murima kana kuti wakavhenekerwa.—Nehemia 2:2; Zvirevo 16:5; Mateo 11:29; Mabasa 14:17; 2 VaKorinte 4:6; VaEfeso 1:16-18.
3, 4. Mwoyo iri kusvikwa sei namashoko akanaka?
3 Jehovha Mwari anogona kuziva zviri mumwoyo womunhu. Zvirevo 17:3, inoti: “Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; asi Jehovha unoidza mwoyo yavanhu.” Panzvimbo pokungoziva zviri mumwoyo mumwe nomumwe nokuzivisa rutongeso, zvisinei, Jehovha ari kushandisa Zvapupu zvake kusvika mwoyo yavanhu namashoko akanaka. Ikoku kunotsinhirana namashoko omuapostora Pauro, anoti: “Ani naani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?”—VaRoma 10:13-15.
4 Kwakafadza Jehovha kutuma Zvapupu zvake kumigumo yapasi kuti zvindo“uya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka” uye kuti zviwane avo vane mwoyo inogamuchira. Zvino tave kupfuura vanenge 5 000 000—reshiyo yeChapupu 1 kuvanhu 1 200 pasi pano. Kusvika mabhiriyoni apasi namashoko akanaka hakusi nyore. Asi Mwari ari kutungamirira iri basa kupfurikidza naJesu Kristu uye ari kukweva vane mwoyo yakatendeseka. Nokudaro, uporofita hwakanyorwa pana Isaya 60:22 huri kubvumikisa kuva hwechokwadi, hunoti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.”
5. Zivo chii, uye chii chinogona kutaurwa nezveuchenjeri hwenyika?
5 Zvino ndiyo nguva iyeyo, uye chinhu chimwe chakajeka—mabhiriyoni apasi anoda zivo. Zvikurukuru, zivo kurovedzana namaidi anowanikwa kupfurikidza noruzivo rwokuzviwanira, kucherekedza, kana kuti kufunda. Nyika yakaunganidza zivo yakawanda zvikuru. Fambiro mberi yakaitwa mumativi akadai sezvokufambisa, kutarisirwa kwoutano, uye kurukurirano. Asi izivo yokunyika here iyo rudzi rwomunhu runoda chaizvoizvo? Nyangwe! Hondo, dzvinyiriro, hosha, uye rufu zvinopfuurira kutambudza rudzi rwomunhu. Uchenjeri hwenyika hwakawanzobvumikisa kuva hunochinja-chinja.
6. Pamusoro peropa, kuziva Mwari kunoenzana sei nouchenjeri hwenyika?
6 Kuenzanisira: Mazana amakore maviri apfuura, waiva muitiro kutendeukira kukubudisa ropa sokurapa kunofungidzirwa. George Washington, purezidhendi wokutanga weUnited States, akabudiswa abudiswazve ropa mumaawa okupedzisira oupenyu hwake. Pane imwe nguva akati: “Regai ndife hangu chinyararire; handigoni kurarama kwenguva refu.” Akanga akarurama, nokuti akafa zuva iroro rimene—December 14, 1799. Panzvimbo pokubudisa ropa, nhasi kune simbiso yokuisira ropa mumuviri womunhu. Miitiro yose iri miviri yave yakazara nezvinetso zvinouraya. Munguva iyi yose, zvisinei, Shoko raMwari rakati: “Regai . . . ropa.” (Mabasa 15:29) Kuziva Mwari kwakarurama nguva dzose, kwakavimbika, kunowirirana nomusi.
7. Zivo yakarurama yapaMagwaro inoenzana sei nouchenjeri hwenyika pamusoro pokurerwa kwavana?
7 Rangarira mumwe muenzaniso wouchenjeri hwenyika husina kuvimbika. Kwamakore akati vezvesayenzi yendangariro vakatsigira kurera vana kwamadiro, asi mumwe wavatsigiri vako gare gare akabvuma kuti ikoku kwakanga kuri chikanganiso. Philological Association yeGermany yakambotaura kuti kuita madiro ndiko “kungangove kunoparira nenzira isina kunanga zvinetso zvatinazvo zvino navanhu vaduku.” Uchenjeri hwenyika hungapeperetswa-peperetswa sokunge hunosundwa nemhepo, asi zivo yakarurama yapaMagwaro yave isingazununguswi. Bhaibheri rinopa zano rakadzikama pakurovedzwa kwavana. “Rayirira mwanakomana wako, agokuzorodza; zvirokwazvo uchafadza mweya wako,” inodaro Zvirevo 29:17. Chirango chakadaro chinofanira kupiwa norudo, nokuti Pauro akanyora, kuti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.
“Zivo yaMwari”
8, 9. Waizotsanangura sei izvo Zvirevo 2:1-6 inotaura pamusoro pezivo iyo rudzi rwomunhu runoda chaizvoizvo?
8 Kunyange zvazvo Pauro akanga ari munhu akadzidza, akati: “Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.” (1 VaKorinte 3:18, 19) Mwari bedzi ndiye anogona kugovera zivo iyo rudzi rwomunhu runoda chaizvoizvo. Pamusoro payo, Zvirevo 2:1-6 inoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere.”
9 Avo vanosundwa nemwoyo yakanaka vanopa ngwariro kuuchenjeri kupfurikidza nokushandisa zvakarurama zivo inopiwa naMwari. Vanorerekera mwoyo yavo kunzwisiso, vachisanorangarira maidi avari kudzidza. Chaizvoizvo, vanochemera kunzwisisa, kana kuti mano okuona nzira iyo mativi enhau anowirirana nayo. Vane mwoyo yakarurama vanoshanda sokunge kuti vari kuchera sirivha uye vari kutsvaka pfuma yakavanzwa. Asi ipfumai huru inowanwa naavo vane mwoyo inogamuchira? I“zivo yaMwari.” Iyoyo chii? Kuchitaurwa zvakapfava, izivo inowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri.
10. Tinofanira kuitei kuti tifarikanye utano hwomudzimu hwakanaka?
10 Zivo yaMwari yakanaka, yakatsiga, inopa upenyu. Inosimudzira utano hwomudzimu. Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Ramba wakabata mutoo wamashoko akanaka awakanzwa kwandiri nekutenda nerudo zvine chokuita naKristu Jesu.” (2 Timotio 1:13, NW) Mutauro une mutoo wamashoko. Nenzira yakafanana, “mutauro wakachena” wezvokwadi yapaMagwaro uye “mutoo wamashoko akanaka,” wakavakirwa zvikurukuru pamusoro weBhaibheri wokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kupfurikidza noUmambo. (Zefania 3:9, NW) Tinofanira kuchengeta uyu mutoo wamashoko akanaka mundangariro nemwoyo. Kana tichizodzivisa hosha yomwoyo wokufananidzira ndokuramba takasimba mumudzimu, tinofanira kushandisa Bhaibheri muupenyu ndokushandisa zvakazara gadziriro dzomudzimu idzo Mwari ari kuita kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47; Tito 2:2) Ngatiyeukei nguva dzose kuti nokuda kwoutano hwakanaka hwomudzimu, tinoda kuziva Mwari.
11. Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei rudzi rwomunhu rwuchida kuziva Mwari?
11 Rangarira zvimwe zvikonzero nei mabhiriyoni apasi achida kuziva Mwari. Vose zvavo vanoziva here nzira iyo pasi norudzi rwomunhu zvakavapo nayo? Aiwa, havazivi. Rudzi rwose rwomunhu runoziva Mwari wechokwadi noMwanakomana wake here? Munhu ari wose anoziva here nezvenhau idzo Satani akamutsa pamusoro pouchangamire hwoumwari neperero yomunhu? Aiwa zvakare. Vanhu vose zvavo vanoziva here chikonzero nei tichikwegura ndokufa? Zvakare tinofanira kuti aiwa. Vagari vose vapasi vanoziva here kuti Umambo hwaMwari zvino huri kutonga uye kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira? Vanoziva here nezvemasimba emidzimu yakaipa? Vanhu vose vane zivo yakavimbika here pamusoro penzira yokuva nayo noupenyu hwemhuri hunofadza? Uye vazhinji zvikuru vanoziva here kuti upenyu hunofadza muParadhiso ndicho chinangwa choMusiki wedu nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera? Kuiyi mibvunzowo mhinduro ndiaiwa. Nenzira yakajeka, ipapoka, rudzi rwomunhu runoda kuziva Mwari.
12. Tinogona sei kunamata Mwari “mumweya nezvokwadi”?
12 Rudzi rwomunhu runodawo kuziva Mwari nemhaka yeizvo Jesu akataura mumunyengetero pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi. Vaapostora vake vanofanira kuva vakasundwa zvikuru kumunzwa achitaura, kuti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Kushandisa zivo yakadaro ndiyo bedzi nzira yokunamata nayo Mwari zvinogamuchirika. “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi,” akadaro Jesu. (Johane 4:24) Tinonamata Mwari “mumweya” apo tinosundwa nomwoyo yakazadzwa nokutenda norudo. Tinomunamata sei ‘nezvokwadi’? Kupfurikidza nokufunda Shoko rake uye kumunamata maererano nezvokwadi yake yakaziviswa—“zivo yaMwari.”
13. Chiitikoi chakanyorwa pana Mabasa 16:25-34, uye tinogona kudzidzei imomo?
13 Zviuru zvinovamba kunamata Jehovha gore rimwe nerimwe. Bva, fundo dzeBhaibheri dzinofanira kuitiswa vanhu vanofarira kwenguva refu here, kana kuti kunobvira here kuti vane mwoyo yakatendeseka vasvike kupfundo rokubhapatidzwa nokukurumidza zvikuru? Eya, rangarira chakaitika muchiitiko chomuchengeti wetorongo nemhuri yake chinodudzwa pana Mabasa 16:25-34. Pauro naSirasi vakanga vaiswa mutorongo paFiripi, asi pakati pousiku, kudengenyeka kwepasi kukuru kwakazarura masuo etorongo. Achifunga kuti vasungwa vose vakanga vatiza uye kuti aizorangwa zvakakomba, muchengeti wetorongo akanga odokuzviuraya apo Pauro akamuudza kuti vakanga varimo vose. Pauro naSirasi “vakaparidza Shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.” Muchengeti wetorongo iyeyo nemhuri yake vakanga vari Vamarudzi vakanga vasina ruzivo rwaMagwaro Matsvene. Bva, muusiku humwe chete ihwohwo, vakava vatendi. Kupfuura izvozvo, aka“bhapatidzwa pakarepo, iye navose vake.” Iwayo akanga ari mamiriro ezvinhu asiri enguva dzose, asi vatsva vakadzidziswa zvokwadi dzehwaro uye ipapo vakadzidza zvimwe zvinhu pamisangano yeungano. Chimwe chinhu chakafanana chinofanira kuva chinobvira nhasi.
Kucheka Kukuru!
14. Neiko kune kudikanwa kwokuitisa fundo dzeBhaibheri dzakawanda zvikuru dzinobudirira munhambo pfupi zvikuru yenguva?
14 Kwaizova kwakaisvonaka kudai Zvapupu zvaJehovha zvaigona kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinobudirira dzakawanda zvikuru munhambo pfupi zvikuru yenguva. Kune kudikanwa chaikoiko kwaikoku. Munyika dzeEastern Europe, somuenzaniso, vanhu vanofanira kuva pandaza yokumirira nokuda kwefundo dzeBhaibheri. Ndizvo zvakwakaitawo kune dzimwe nzvimbo. Mune rimwe taundi muDominican Republic, Zvapupu zvishanu zvakanga zvine zvikumbiro zvakawanda kwazvo zvokuti zvaisagona kuitisa fundo dzose. Zvakaitei? Zvakakurudzira vanofarira kupinda misangano paHoro yoUmambo ndokuva pandaza yokumirira nokuda kwefundo dzeBhaibheri. Mamiriro ezvinhu mamwe chetewo ariko munzvimbo dzakawanda kupota pasi rose.
15, 16. Chii chakagoverwa kuparadzira kuziva Mwari nokukurumidza zvikuru, uye ndeapi ari mamwe maidi pamusoro pacho?
15 Ndima huru—minda mikuru yokukohwa—iri kuzarukira vanhu vaMwari. Kunyange zvazvo Jehovha, “[I]she Wokucheka,” ari kutumira vashandi vakawanda, kuchine zvakawanda zvokuita. (Mateo 9:37, 38) Kuparadzira kuziva Mwari nokukurumidza zvikuru, naizvozvo, ‘muranda akatendeka’ akagovera chimwe chinhu chinogovera nokupfupikisa mashoko akananga kuitira kuti vadzidzi veBhaibheri vagogona kuita fambiro mberi yomudzimu nechidzidzo chimwe nechimwe. Chinyorwa chitsva chinogona kuti kurumidzei kufukidzwa pafundo dzeBhaibheri dzapamusha—zvichida mumwedzi mishomanene. Uye chinogona kutakurwa zviri nyore mumabhirifikesi edu, mabhegi edu, uye kunyange homwe dzedu! Mazana ezviuru akaungana paKokorodzano Dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha dza“Varumbidzi Vanofara” akafadzwa kugamuchira iri bhuku idzva ramapeji 192 rine musoro unoti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
16 Vanyori munyika dzakasiyana-siyana vakagadzira mashoko ayo akasanoiswa muchimiro chokupedzisira nokuda kwebhuku raZivo. Naizvozvo rinofanira kufadza marudzi akawanda. Asi ichava nguva refu here iri bhuku risati rabudiswa mumitauro yevanhu kupota nyika yose? Aiwa, nokuti bhuku ramapeji 192 rinogona kushandurwa nokukurumidza zvikuru kupfuura mabhuku makuru. Pakazosvika October 1995, Dare Rokunyora reMutumbi Unodzora rakanga ratendera kushandurwa kweiri bhuku kubva muchiNgezi kuisa mumitauro inopfuura 130.
17. Zvisakisoi zvinofanira kukuita kuti kuve nyore kushandisa bhuku raZivo?
17 Udzame huri muganhuro rimwe nerimwe rebhuku raZivo hunofanira kugonesa vadzidzi kuita fambiro mberi yomudzimu inoti kurumidzei. Bhuku racho rinopa zvokwadi dzapaMagwaro nenzira inovaka. Haritsananguri zvizere dzidziso dzenhema. Kujeka kwomutauro uye kukudziridza kune mufungo zvinofanira kuita kuti kuve nyore kushandisa bhuku racho kuitisa fundo dzeBhaibheri ndokubetsera vanhu kunzwisisa kuziva Mwari. Kunze kwamagwaro akanokorwa mashoko, mune magwaro eBhaibheri akarongwa ayo mudzidzi anogona kutarira mukugadzirira kurukurirano yacho. Iwaya angaraviwa mukati mefundo yacho kana nguva ichibvumira, kunyange zvazvo kwaizova kusachenjera kupinza mashoko okuwedzera ayo angagona kudzikatidza mapfundo makuru. Panzvimbo pezvo, avo vari kuitisa fundo dzeBhaibheri vanofanira kuedza kunzwisisa ndokupa mudzidzi izvo bhuku riri kubvumikisa muganhuro rimwe nerimwe. Ikoku kunoreva kuti mudzidzisi anofanira kufunda nokushingaira, zvokuti mifungo mikuru inova yakajeka zvikuru mundangariro yake.
18. Zvikarakadzoi zvinoitwa pamusoro pokushandiswa kwebhuku raZivo?
18 Bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rinogona sei kukurumidzisa basa rokuita vadzidzi? Iri bhuku ramapeji 192 rinogona kufundwa munguva pfupi zvikuru, uye avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi” vanofanira kukwanisa kudzidza zvakakwana kupfurikidza nokurifunda kuti vaite tsauriro kuna Jehovha ndokubhapatidzwa. (Mabasa 13:48) Naizvozvo ngatishandise zvakanaka bhuku raZivo muushumiri. Kana mudzidzi weBhaibheri atofamba zvikuru mukufunda rimwe bhuku, kungava kune mufungo kuripedza. Nezvisizvo, kunokarakadzwa kuti fundo dzeBhaibheri dzichinjirwe kubhuku raZivo. Pashure pokupedza ichi chinyorwa chitsva, hakukarakadzwi kuti imwe fundo iitwe nomudzidzi mumwe cheteyo mubhuku rechipiri. Avo vanogamuchira zvokwadi vanogona kuita kuti zivo yavo ikwane kupfurikidza nokupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha pamwe chete nokurava Bhaibheri uye zvinyorwa zvechiKristu zvakasiyana-siyana vari voga.—2 Johane 1.
19. Usati waitisa fundo yeBhaibheri mubhuku raZivo, neiko kwaizova kunobetsera kuhwirudzura mapeji 175 kusvikira ku218 muna Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu?
19 Bhuku raZivo rakanyorwa nechinangwa chokubetsera munhu kupindura mibvunzo yose iyo vakuru vanohwirudzura navaparidzi vasina kubhapatidzwa vanoda kubhapatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Nokudaro, usati wachinjira fundo dzako dzeBhaibheri dzazvino kuichi chinyorwa chitsva, kunorumbidzwa kuti upedze maawa mashomanene uchihwirudzura mibvunzo iri pamapeji 175 kusvikira ku218 ebhuku raTakarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu.a Ikoku kuchakubetsera kusimbisa mhinduro kumibvunzo yakadaro mukati mefundo dzeBhaibheri mubhuku raZivo.
20. Chii chaunoronga kuita nebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi?
20 Vanhu kwose kwose vanofanira kunzwa mashoko akanaka. Hungu, rudzi rwomunhu runoda kuziva Mwari, uye Jehovha ane Zvapupu zvake zvokukuzivisa. Zvino tine bhuku idzva rakagoverwa naBaba vedu vokudenga vane rudo kupfurikidza nomuranda akatendeka uye akangwara. Ucharishandisa here kudzidzisa zvokwadi ndokuunza rukudzo kuzita dzvene raJehovha? Jehovha zvirokwazvo achakukomborera sezvaunoita nhamburiko iri yose kuita kuti zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi iwanike kuvakawanda.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Waizopindura Sei?
◻ Waizorondedzera sei mwoyo wokufananidzira?
◻ Chii chiri kuziva Mwari?
◻ Neiko kuziva Mwari kuchidiwa norudzi rwomunhu?
◻ Ibhukui idzva rinowanikwa, uye unoronga kurishandisa sei?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kune zvikonzero zvakawanda nei mabhiriyoni apasi achida kuziva Mwari