RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chii Chichakubatsira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Chidzidzo 12. Amai nevana vavo vaviri vachidzidziswa Bhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha.

      CHIDZIDZO 12

      Chii Chichakubatsira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

      Kudzidza Bhaibheri kune mibayiro yakawanda. Asi pane pazvinomboti omei. Pamwe pacho unogona kumbozvibvunza kuti, “Ndichazvikwanisa here kuramba ndichidzidza Bhaibheri?” Zvakanakirei kuti uite zvese zvaunogona kuti urambe uchidzidza? Ungaita sei kuti urambe uchidzidza pasinei nezvaungasangana nazvo?

      1. Nei kudzidza Bhaibheri kuchikosha?

      “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Bhaibheri rinokosha nekuti rinokuudza kuti Mwari anofungei nezvako uye anokuona sei. Rinokupa zvese, ruzivo, uchenjeri hwechokwadi, netariro. Asi chikuru ndechekuti rinokubatsira kuti uve shamwari yaJehovha. Paunodzidza Bhaibheri, unenge uchibvumira simba raro kuti rishande muupenyu hwako.

      2. Nei zvakakosha kuti tiremekedze chokwadi chiri muBhaibheri?

      Chokwadi chiri muBhaibheri chakafanana nepfuma inokosha. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti, “tenga chokwadi uye usambochitengesa.” (Zvirevo 23:23) Kana tikagara tichiyeuka kuti chokwadi chiri muBhaibheri chinokosha, tichashanda nesimba kuti tiridzidze, kunyange kana paine zvipingamupinyi.—Verengai Zvirevo 2:4, 5.

      3. Jehovha anogona kukubatsira sei kuti urambe uchidzidza?

      Sezvo ari Shamwari yako uye Musiki wemasimbaose, Jehovha anoda kukubatsira kuti udzidze nezvake. Anogona kukupa “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.” (Verengai VaFiripi 2:13.) Saka panguva yaunenge uchinzwa nungo dzekudzidza kana kuti uchizeza kushandisa zvaunodzidza, anogona kukubatsira. Paunenge uchisangana nezvipingamupinyi kana kuti paunopikiswa, anogona kukupa simba rekutsungirira. Gara uchinyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuramba uchidzidza Bhaibheri.—1 VaTesaronika 5:17.

      WEDZERA KUONGORORA

      Ona mazano achakubatsira kuramba uchidzidza Bhaibheri pasinei nekuwandirwa nezvekuita kana kupikiswa. Uchaonawo kuti Jehovha achakubatsira sei kuti urambe uchidzidza Bhaibheri.

      4. Kudzidza Bhaibheri ngakuve pekutanga muupenyu hwako

      Dzimwe nguva tinogona kuwandirwa nezvekuita muupenyu zvekuti tinogona kufunga kuti hatina nguva yakakwana yekudzidza Bhaibheri. Chii chingakubatsira? Verengai VaFiripi 1:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Unofunga kuti ndezvipi zvaungati ndizvo “zvinokosha kupfuura zvimwe” muupenyu?

      • Ungaita sei kuti kudzidza Bhaibheri kuve pekutanga muupenyu?

      A. Mifananidzo: Gaba riri kuiswa matombo nejecha. 1. Murwi wejecha nemurwi wematombo. 2. Gaba rine jecha. 3. Matombo makuru ari pamusoro pejecha uye mamwe adonha pasi nekuti haasi kukwana. B. Mifananidzo: 1. Murwi wejecha nematombo wakafanana newekutanga. 2. Gaba rimwe chete iroro raiswa matombo makuru. 3. Jecha ranyatsopinda rakawanda, rikazadza gaba racho. Jecha shoma razosara riri pasi.
      1. Kana ukazadza gaba nejecha, wozoedza kuisa matombo, matombo acho haazokwane

      2. Kana ukatanga nekuisa matombo, jecha rakawanda rinokwanisa kuzopinda. Saka paunoisawo “zvinokosha kupfuura zvimwe” pekutanga muupenyu hwako, unokwanisa kuzviita uchisara uine nguva yekuitawo zvimwe zvinhu

      Kudzidza Bhaibheri kunotibatsira kuziva kuti tinoda kutungamirirwa naMwari uye kumunamata. Verengai Mateu 5:3, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Kana kudzidza Bhaibheri kukava pekutanga muupenyu hwedu zvinotibatsira sei?

      5. Usadzokera shure paunopikiswa

      Dzimwe nguva vamwe vanogona kukushora kuti urege kudzidza Bhaibheri. Chimboona zvakaitika kumurume anonzi Francesco. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Haana Kuneta (5:22)

      Mufananidzo uri kubva pavhidhiyo inonzi “Haana Kuneta.” Francesco anosiyana neshamwari dzake pashure pekudziudza kuti haachada kushamwaridzana nadzo.
      • Muvhidhiyo iyi, hama neshamwari dzaFrancesco dzakaita sei paakadziudza zvaaidzidza?

      • Kusadzokera shure kwakazobatsira sei?

      Verengai 2 Timoti 2:24, 25, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Hama neshamwari dzako dziri kuona sei zvauri kudzidza?

      • Maererano nezvataverenga mumavhesi aya, unofanira kupindura sei munhu anenge achipikisa kudzidza kwauri kuita Bhaibheri? Nei uchidaro?

      6. Vimba naJehovha kuti akubatsire

      Patinoramba tichiswedera pedyo naJehovha, chido chedu chekumufadza chinowedzerawo. Asi dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuti tichinje zvimwe zvinhu muupenyu hwedu kuti timufadze. Kana izvozvo zviri kuitika kwauri, usaneta. Jehovha achakubatsira. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Jehovha Anotibatsira Kuchinja Upenyu (3:56)

      • Muvhidhiyo iyi, Jim akachinja sei upenyu hwake kuti afadze Jehovha?

      • Ndezvipi zvawafarira pane zvaakaita?

      Verengai VaHebheru 11:6, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Jehovha achaitirei vaya “vanomutsvaga nemwoyo wese,” vanoita zvese zvavanogona kuti vamuzive uye vamufadze?

      • Maererano nevhesi iyi, Jehovha anonzwa sei paanoona zvese zvaunoedza kuita kuti udzidze Bhaibheri?

      VAMWE VANOTI: “Uri kuzvinetserei nekudzidza Bhaibheri?”

      • Ungavapindura sei?

      PFUPISO

      Kunyange zvazvo zvisiri nyore nguva dzese, kudzidza Bhaibheri kunogona kuita kuti uzorarama nekusingaperi uchifara. Ramba uchivimba naJehovha, uye achakupa mubayiro.

      Kudzokorora

      • Nei uchikoshesa chokwadi chiri muBhaibheri?

      • Ungava sei “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe”?

      • Nei uchifanira kukumbira Jehovha kuti akubatsire kuramba uchidzidza Bhaibheri?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Dzidza mazano 4 akabatsira vanhu vakawanda kushandisa nguva yavo zvakanaka.

      “Zvaungaita Kuti Ushandise Nguva Zvakanaka” (Mukai!, March 2014)

      Ona kuti Jehovha akabatsira sei mumwe mukadzi aiva nemurume akanga asingafariri kunamata kwaaiita Mwari.

      Jehovha Anotipa Simba Rekutakura Mutoro Wedu (5:05)

      Ona kuti mumwe murume akabatsirwa sei nekutsungirira kwakaita mudzimai wake.

      Ndakaongorora Chokwadi Sezvinoita Magweta (6:30)

      Dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha zvinopomerwa kuti zvinopunza dzimba dzevanhu. Asi ichokwadi here?

      “Zvapupu zvaJehovha Zvinoparadza Mhuri Here Kana Kuti Zvinodzivaka?” (Nyaya iri paIndaneti)

  • Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza Zvekuita
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Chidzidzo 35. Murume ari kutsvaga mota yekutenga paIndaneti mudzimai wake nevana vakatarisa.

      CHIDZIDZO 35

      Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza Zvekuita

      Tese tine zvatinofanira kusarudza muupenyu. Zvakawanda zvacho zvinogona kutibatsira kana kutikanganisa uye zvinogona kubatabata ushamwari hwedu naJehovha. Zvimwe zvezvinhu zvatinosarudza zvingasanganisira nyaya dzakadai sekwekugara, basa ratingaita, uye kuroora kana kuroorwa. Tikasarudza zvakanaka, tinogona kuva neupenyu hunofadza uye tinofadzawo Jehovha.

      1. Bhaibheri ringakubatsira sei kuti usarudze zvakanaka?

      Usati wasarudza zvekuita, nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire, woongorora Bhaibheri kuti uone kuti anoona sei nyaya yacho. (Verengai Zvirevo 2:3-6.) Pamwe pacho Jehovha anenge akapa mutemo wakajeka. Pakadaro kungotevedzera mutemo iwoyo ndiko kuchenjera.

      Ko kana pasina mutemo wakajeka wemuBhaibheri unokuudza zvekuita? Kunyange ipapo Jehovha “anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Anozviita sei? Panogona kunge paine dzimwe pfungwa dziri muBhaibheri dzinogona kukutungamirira kunyange pasina mutemo chaiwo. Dzinogona kutibatsira kuona mafungiro aJehovha uye kuti anonzwa sei nezveimwe nyaya. Kazhinji tinodzidza kuti Mwari anonzwa sei nezveimwe nyaya patinoverenga zvakamboitika zvakanyorwa muBhaibheri. Kana tava kunzwisisa kuti Jehovha anoona sei nyaya yacho tinogona kubva tasarudza zvinomufadza.

      2. Tinofanira kufunga nezvei tisati tasarudza zvekuita?

      Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” (Zvirevo 14:15) Izvi zvinoreva kuti tisati tasarudza, tinofanira kuzvipa nguva yekunyatsofunga kuti toita zvipi. Paunenge uchiongorora chimwe nechimwe chezvaunogona kuita, zvibvunze kuti: ‘Bhaibheri rinotii nezvazvo? Ndezvipi zvandingasarudza zvandisingazodembi? Zvandichasarudza zvichabatsira sei vamwe kana kuvakanganisa?’ Uye mubvunzo unokosha pane mimwe yese ndewekuti, ‘Zvichaita kuti Jehovha afare here?’—Dheuteronomi 32:29.

      Jehovha ane kodzero yekutiudza kuti ichi chakanaka, ichi chakaipa. Kana tikajairana nemafungiro aJehovha, tiine shungu dzekuatevedzera, tinenge tichidzidzisa hana yedu. Hana zvinoreva pfungwa iri matiri yekusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaRoma 2:14, 15) Hana yakadzidziswa inotibatsira kusarudza zvakanaka.

      WEDZERA KUONGORORA

      Wedzera kuongorora kukosha kwazvinoita kuti tizive mafungiro aJehovha tichishandisa Bhaibheri uye kuti tive nehana yakadzidziswa patinenge tichida kuona kuti tosarudza zvipi.

      3. Tungamirirwa neBhaibheri

      Bhaibheri ringatitungamirira sei pakusarudza zvekuita? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

      VHIDHIYO: Tungamirirwa Nechokwadi Chiri muBhaibheri (5:54)

      • Chii chinonzi rusununguko rwekusarudza?

      • Nei Jehovha akatipa rusununguko rwekusarudza?

      • Akatipa chii kuti atibatsire kushandisa rusununguko rwedu rwekusarudza zvakanakisisa?

      Kuti tione muenzaniso wekushanda kunoita Bhaibheri kana pasina mutemo wakanyatsonyorwa ngativerengei VaEfeso 5:15, 16 tobva takurukura kuti ‘tingashandisa sei nguva yedu nekuchenjera’ . . .

      • pakugara tichiverenga Bhaibheri.

      • pakuva murume kana kuti mudzimai akanaka, mubereki akanaka, kana kuti mwana akanaka.

      • pakupinda misangano.

      4. Dzidzisa hana yako kuti ikubatsire pakusarudza

      Kana paine mutemo wakajeka unobva muMagwaro, zviri nyore kusarudza zvekuita. Asi ko kana pasina mutemo wakadaro? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

      VHIDHIYO: “Ivai Nehana Yakanaka” (5:13)

      • Muvhidhiyo iyi, matanho api akatorwa nehanzvadzi iyi kuti idzidzise hana yayo uye kuti isarudze zvinofadza Jehovha?

      Nei tisingafanire kubvunza vamwe kuti toita sei panyaya dzatinenge tichifanira kusarudza tega? Verengai VaHebheru 5:14, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Kunyange zvazvo zvichiita sezviri nyore kubvunza vamwe kuti vatisarudzire zvekuita, iwe pachako unofanira kukwanisa kusiyanisa chii?

      • Chii chatiinacho chaunokwanisa kushandisa pakudzidzisa hana yako kuti ukwanise kusarudza?

      Munhu ari kutyaira motokari mumugwagwa. GPS iri mumota inobatsira mutyairi kuti asarasika.

      Hana yedu yakafanana nemepu; inotibatsira kusarudza kuti toenda kupi muupenyu

      5. Fungawo nezvehana dzevamwe

      Vanhu havasarudze zvakafanana. Tingaratidze sei kuti tinoremekedza hana dzevamwe? Ona mienzaniso miviri:

      Muenzaniso wekutanga: Imwe hanzvadzi inofarira zvekupoda-poda inotamira kuungano ine hanzvadzi dzakawanda dzinoshora nyaya yacho.

      Verengai VaRoma 15:1 uye 1 VaKorinde 10:23, 24, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Tichishandisa mavhesi aya, hanzvadzi iyi inogona kuita sei? Ungaita sei paunenge uine munhu ane hana inomurambidza kuita chimwe chinhu chaunoona hana yako ichikubvumira kuita?

      Muenzaniso wechipiri: Imwe hama inoziva kuti Bhaibheri harirambidze kunwa doro zvine mwero, asi inosarudza kusanwa. Anokokwa kumabiko oona hama dzichinwa.

      Verengai Muparidzi 7:16 uye VaRoma 14:1, 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

      • Tichishandisa mavhesi aya, hama iyi inogona kuita sei? Ungaita sei kana ukaona mumwe munhu achiita chimwe chinhu chaunoona hana yako isingakubvumire kuita?

      Matanho api atinofanira kutora kuti tizosarudza zvakanaka?

      Mukadzi ari kunyengetera.

      1. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kusarudza zvekuita.—Jakobho 1:5.

      Mukadzi uya ava kutsvakurudza achishandisa Bhaibheri nekombiyuta nemabhuku anotsanangura Bhaibheri.

      2. Tsvakurudza muBhaibheri nemumabhuku anotsanangura Bhaibheri kuti unzwe mafungiro aMwari. Unogona kunzwawo pfungwa dzemumwe muKristu ava nenguva achinamata dzinogona kukubatsira pakusarudza.

      Mukadzi uya ava kufunga.

      3. Funga kuti kana wasarudza uchasara uchinzwa sei uye hana dzevamwe dzichanzwawo sei.

      VAMWE VANOTI: “Ikodzero yako kuita zvaunoda. Zvekuti vamwe vanotii hazvina basa izvo.”

      • Nei tichifanira kufunga kuti Mwari uye vamwe vanhuwo vanonzwa sei nezvatinoita?

      PFUPISO

      Tichasarudza zvakanaka kana tikatanga taziva kuti Jehovha anonzwa sei nezveimwe nyaya, tozofunga kuti zvatichaita zvichabatsira vamwe here kana kuti zvichavakanganisa.

      Kudzokorora

      • Ungasarudze sei zvinofadza Jehovha?

      • Ungadzidzisa sei hana yako?

      • Ungaratidze sei kuti unoremekedza hana dzevamwe?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Ungasarudze sei zvinoita kuti ushamwari hwako naMwari husimbe?

      “Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari” (Nharireyomurindi, April 15, 2011)

      Wedzera kunzwisisa kuti Jehovha anotipa sei mazano.

      Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake (9:50)

      Ona zvakabatsira mumwe murume kusarudza pazvakanga zvakamuomera kuti oita zvipi.

      Jehovha Anovimbisa Kuti Zvinhu Zvichatifambira Zvakanaka (5:46)

      Wedzera kudzidza zvatingaita kuti tifadze Jehovha kunyange kana pasina mutemo wakanyatsojeka nezvenyaya inenge iripo.

      “Unoda Murayiro weBhaibheri Nguva Dzose Here?” (Nharireyomurindi, December 1, 2003)

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe