“Tsvakai Jehovha Nesimba Rake”
“Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 MAKORONIKE 16:9.
1. Simba chii, uye vanhu vakarishandisa sei?
SIMBA rinogona kureva zvinhu zvinoverengeka, zvakadai sesimba rokudzora, chiremera, kana kuti kuchinja vamwe; kukwanisa kuita chimwe chinhu kana kuti kukonzera chimwe chinhu; simba romuviri; kana kuti simba repfungwa kana retsika. Vanhu havana chinyorwa chakanaka kana tichitaura nezvokushandisa simba. Munyori wenhau dzakaitika Lord Acton, achitaura nezvesimba rinoshandiswa nevezvematongerwe enyika, akati: “Simba rinowanzoita kuti pave nouori uye simba rakakwana rinoitisa uori chose chose.” Nhau dzakaitika dzamazuva ano dzakazara nemienzaniso inoratidza chokwadi chose hacho chemashoko aLord Acton. Muzana ramakore rechi20, “munhu a[kava] nesimba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa” zvisina kumboitika kare. (Muparidzi 8:9) Vadzvinyiriri vane uori vakashandisa kwazvo simba ravo zvisina kufanira uye vakapedza mamiriyoni evanhu. Simba risingadzorwi norudo, uchenjeri, uye kururamisira rine ngozi.
2. Tsanangura kuti unhu hwaJehovha hunotapura sei nzira iyo anoshandisa nayo simba rake.
2 Kusiyana nevanhu vakawanda, nguva dzose Mwari anoshandisa simba rake zvakanaka. “Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jehovha anoshandisa simba rake munzira inodzorwa. Kushivirira kunodzivisa Mwari kuuraya vakaipa kuti avape mukana wokupfidza. Rudo runomuita kuti aite kuti zuva rivhenekere vanhu vamarudzi ose—vakarurama nevasina kururama. Kururamisira kuchamuita kuti pakupedzisira ashandise simba rake risingaperi kuparadza uyo ane simba rokukonzera rufu, Satani Dhiyabhorosi.—Mateu 5:44, 45; VaHebheru 2:14; 2 Petro 3:9.
3. Nei simba guru raMwari riri chikonzero chokuvimba naye?
3 Simba rinotyisa raBaba vedu vokudenga chikonzero chokutenda uye chokuvimba—nezvipikirwa zvake uye kudzivirira kwake. Mwana muduku anonzwa akachengeteka pakati pevaasingazivi kana akabata ruoko rwababa vake, sezvo achiziva kuti baba vake havazoregi chimwe chinhu chichimukuvadza. Saizvozvowo, Baba vedu vokudenga, avo va“ne simba rokuponesa,” vachatidzivirira pakukuvara kwechigarire kupi nokupi kana tikafamba navo. (Isaya 63:1; Mika 6:8) Uye saBaba vakanaka, Jehovha anogarozadzika zvipikirwa zvake. Simba rake risingaperi rinovimbisa kuti ‘shoko [rake] richava nokubudirira kwechokwadi pane zvaakaritumira.’—Isaya 55:11; Tito 1:2.
4, 5. (a) Chii chakaitika Mambo Asa paakavimba zvakakwana naJehovha? (b) Chii chingaitika kana tikavimba kuti vanhu vachagadzirisa zvinetso zvedu?
4 Nei zvichikosha zvikuru kuti tive vakatsunga kuramba tichiona kudzivirira kwaBaba vedu vokudenga? Nokuti zvinobvira kukurirwa nemamiriro ezvinhu ndokukanganwa kuti kuchengeteka kwedu chaikoiko kuri kupi. Izvi zvinoonekwa mumuenzaniso waMambo Asa, mumwe murume aiwanzovimba naJehovha. Munguva yokutonga kwaAsa, uto rine simba reEtiopia raiva nevarume miriyoni rakarwisa Judha. Achiziva kuti uto raiva nevarwi vakawanda raiva ravavengi vake, Asa akanyengetera kuti: “Jehovha [“kana kuri kubetsera, hamunei nokuti kune vakawanda kana kuti avo vasina simba,” NW] Tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.” (2 Makoronike 14:11) Jehovha akabvuma kukumbira kwaAsa ndokumukundisa zvisina mubvunzo.
5 Zvisinei, papera makore akawanda ebasa rokutendeka, chivimbo chaAsa musimba raJehovha rokuponesa chakaderera. Kuti adzivise kutyisidzira kwehondo kwaibva kuumambo hwokuchamhembe kweIsraeri, akaenda kuSiriya kuti imubetsere. (2 Makoronike 16:1-3) Kunyange zvazvo chiokomuhomwe chake kuna Mambo weSiriya Bheni-hadhadhi chakaguma nokubvisa kutyisidzirwa kwaiitwa Judha neIsraeri, sungano yaAsa neSiriya yakaratidza kushaya chivimbo muna Jehovha. Muprofita Hanani akamubvunza zvakananga kuti: “Ko vaEtiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye wakavaisa muruoko rwako.” (2 Makoronike 16:7, 8) Kunyange zvakadaro, Asa akaramba kutsiura uku. (2 Makoronike 16:9-12) Patinotarisana nezvinetso, ngatisavimba nokuti vanhu vachazvigadzirisa. Asi, ngativimbe naMwari, nokuti kuvimba nesimba ravanhu nenzira isingadzivisiki kunoguma nokuora mwoyo.—Pisarema 146:3-5.
Tsvaka Simba Rinopiwa naJehovha
6. Nei tichifanira ku‘tsvaka Jehovha nesimba rake’?
6 Jehovha anogona kupa vashumiri vake simba uye kuvadzivirira. Bhaibheri rinotikurudzira ku‘tsvaka Jehovha nesimba rake.’ (Pisarema 105:4) Nei? Nokuti patinoita zvinhu musimba raMwari, simba redu richashandiswa zvinobetsera vamwe, pane kuvakuvadza. Hakuna kumwe kwatinowana muenzaniso uri nani weizvi kunze kwokuna Jesu Kristu, uyo akaita zvishamiso zvakawanda mu“simba raJehovha.” (Ruka 5:17) Jesu aigona kudai akazvipira kuti ave mambo akapfuma, ane mukurumbira, kana kuti kunyange ane simba rose. (Ruka 4:5-7) Asi, akashandisa simba raakapiwa naMwari kurovedza uye kudzidzisa, kubetsera uye kuporesa. (Mako 7:37; Johani 7:46) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwedu!
7. Unhu hwakadini hunokosha hwatinokudziridza patinoita zvinhu musimba raMwari pane redu pachedu?
7 Uyezve, patinoita zvinhu mu“simba rinogoverwa naMwari,” zvichatibetsera kuramba tichizvininipisa. (1 Petro 4:11) Vanhu vanozvitsvakira simba vanova vanozvikudza. Muenzaniso chaiwoiwo ndewaMambo weAsiria Esari-hadhoni, akazivisa nokudada kuti: “Ndine simba, Ndine simba rose, Ndiri gamba, Ndiri mukuru, Ndiri muhombe.” Kusiyana neizvozvo, Jehovha “akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise zvinhu zvakasimba.” Saka, kana muKristu wechokwadi akadada, anodada muna Jehovha, nokuti anoziva kuti zvaakaita hazvina kuitwa musimba rake pachake. ‘Kuzvininipisa pasi poruoko rwaMwari rune simba’ kuchaunza kukudzwa kwechokwadi.—1 VaKorinde 1:26-31; 1 Petro 5:6.
8. Chii chatinofanira kutanga kuita kuti tigowana simba raJehovha?
8 Tinowana sei simba raMwari? Chokutanga, tinofanira kurikumbira mumunyengetero. Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti Baba vake vaizopa mudzimu mutsvene kune vaya vanoukumbira. (Ruka 11:10-13) Funga kuti izvi zvakazadza sei vadzidzi vaKristu nesimba pavakasarudza kuteerera Mwari panzvimbo pevatungamiriri vezvitendero vakanga vavaudza kuti varege kupupura nezvaJesu. Pavakanyengeterera kubetserwa naJehovha, munyengetero wavo wemwoyo wose wakapindurwa, uye mudzimu mutsvene wakavasimbisa kuramba vachiparidza mashoko akanaka noushingi.—Mabasa 4:19, 20, 29-31, 33.
9. Dudza chinhu chechipiri kwatinowana simba romudzimu, uye dudza muenzaniso unobva muMagwaro kuti uratidze simba racho.
9 Chechipiri, tinogona kuwana simba romudzimu kubva muBhaibheri. (VaHebheru 4:12) Simba reshoko raMwari rakava pachena mumazuva aMambo Josia. Kunyange zvazvo uyu mambo weJudhiya akanga atobvisa zvidhori zvechihedheni munyika, kuwana Mutemo waJehovha mutemberi asingatarisiri kwakamukurudzira kuti akudze purogiramu iyi yokuchenesa.a Josia aravira vanhu Mutemo pachake, rudzi rwose rwakaita sungano naJehovha, uye kurwisa kunamata zvidhori kwechipiri kwakasimba zvikuru, kwakatangwa. Mugumisiro wakaisvonaka wokuchinja zvinhu kwaJosia waiva wokuti mu“mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha.”—2 Makoronike 34:33.
10. Ndeipi nzira yechitatu yokuwana nayo simba rinobva kuna Jehovha, uye nei ichikosha?
10 Chechitatu, tinowana simba rinobva kuna Jehovha nokusonganirana kwechiKristu. Pauro akakurudzira vaKristu kupinda misangano nguva dzose kuitira kuti va“nyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo” uye kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Petro paakabudiswa mujeri nenzira inoshamisa, aida kuva nehama dzake, saka akaenda zvakananga kumba kwamai vaJohani Mako, uko “vakawanda vakanga vakaungana vachinyengetera.” (Mabasa 12:12) Chokwadi, vose vaigona kudai vakanga vagara kumba ndokunyengetera. Asi vakasarudza kuungana kuti vanyengetere nokukurudzirana munguva iyoyo yakaoma. Pedyo nomugumo werwendo rwaPauro rurefu uye rwaiva nenjodzi rwokuRoma, akasangana nedzimwe hama muPuteori uye gare gare nedzimwe dzakanga dzafambira kuzosangana naye. Akaita sei? “Pauro achidziona [dzapashure], akaonga Mwari akashinga.” (Mabasa 28:13-15) Akasimbiswa nokuva nevaKristu vaainamata navo zvakare. Isuwo tinowana simba nokusonganirana nevaKristu vatinonamata navo. Chero bedzi takasununguka uye tichikwanisa kusonganira nevamwe, hatifaniri kuedza kufamba toga mumugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu.—Zvirevo 18:1; Mateu 7:14.
11. Dudza mamwe mamiriro ezvinhu anonyanya kudiwa “simba rinopfuura romuzvarirwo.”
11 Nomunyengetero wenguva dzose, kudzidza Shoko raMwari, uye kusonganirana nevatinotenda navo, ti‘noramba tichiwana simba munaShe muukuru hwesimba rake.’ (VaEfeso 6:10) Pasina mubvunzo tose zvedu tinoda “simba munaShe.” Vamwe vanotambura nezvirwere zvinopedza simba, vamwe nemigumisiro yokuchembera kana kuti nokurasikirwa neshamwari yenguva refu. (Pisarema 41:3) Vamwe vanotsungirira kushora kunoitwa newavakaroorana naye asingatendi. Vabereki, zvikurukuru vabereki vari voga, vangaona kuti kuita basa renguva yakazara pavanenge vachirera mhuri mutoro unonetesa. VaKristu vaduku vanoda simba rokudzivisa kuda kufanana nevezera ravo uye kuramba zvinodhaka uye unzenza. Hapana munhu anofanira kutya kukumbira Jehovha “simba rinopfuura romuzvarirwo” kuti akunde zvinetso zvakadaro.—2 VaKorinde 4:7.
“Vanoziya Unovapa Simba”
12. Jehovha anotitsigira sei muushumiri hwechiKristu?
12 Uyezve, Jehovha anopa vashumiri vake simba pavanoita ushumiri hwavo. Tinorava muuprofita hwaIsaya kuti: “Vanoziya unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake. . . . Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:29-31) Muapostora Pauro pachake akagamuchira simba rokuita ushumiri hwake. Saka, ushumiri hwake hwaibudirira. KuvaKristu vomuTesaronika, akanyora kuti: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene.” (1 VaTesaronika 1:5) Kuparidza nokudzidzisa kwake zvaiva nesimba rokuchinja zvikuru upenyu hwevaya vaimuteerera.
13. Chii chakasimbisa Jeremia kuti apfuurire pasinei zvapo nokushorwa?
13 Pakutarisana nokusava nehanya mundima yedu—ndima yatingave takaparidzira taparidzirazve kwemakore pasina kufarira kukuru—tingaora mwoyo. Jeremia akaperawo mwoyo nokushorwa, kusekwa, uye kusakendenga zvaakasangana nazvo. “[Mwari] handichamurangariri, kana kutaura nezita rake,” akadaro mumwoyo make. Asi aisagona kuramba akanyarara. Shoko rake raka“va somoto unopfuta, wakapfigirwa mapfupa [ake].” (Jeremia 20:9) Chii chakamupa simba rakavandudzwa pasinei zvapo nematambudziko akawanda kudaro? “Jehovha [aiva] neni semhare inotyisa,” akadaro Jeremia. (Jeremia 20:11) Kunzwisisa kwaiita Jeremia kukosha kukuru kweshoko rake uye basa rake raakapiwa naMwari kwakamuita kuti abvume kukurudzira kwaJehovha.
Simba Rokurwadzisa Nesimba Rokuporesa
14. (a) Rurimi chinhu chine simba zvakadini? (b) Ipa mienzaniso kuti uratidze kukuvadza kungaitwa norurimi.
14 Harisi simba rose ratinaro rinobva zvakananga kuna Mwari. Somuenzaniso, rurimi rune simba rokurwadzisa uyewo rokuporesa. “Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu,” anonyevera kudaro Soromoni. (Zvirevo 18:21) Migumisiro yokukurukurirana kupfupi kwaSatani naEvha inoratidza kuti mashoko angakuvadza zvakadini. (Genesi 3:1-5; Jakobho 3:5) Isuwo tingakuvadza zvikuru norurimi. Mashoko okuzvidza pamusoro pokufuta kunoita mumwe musikana muduku anogona kumuita kuti atange kusanzwa kuda kudya. Kudzokorora kuchera nokusarangarira kungakuvadza ushamwari hwenguva refu. Hungu, rurimi runoda kudzorwa.
15. Tingashandisa sei rurimi rwedu kuvaka uye kuporesa?
15 Zvisinei, rurimi rungavaka uyewo rungaparadza. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) VaKristu vakachenjera vanoshandisa simba rorurimi kunyaradza vakaora mwoyo nevakafirwa. Mashoko okunzwira tsitsi angakurudzira vayaruki vari kurwisa kuda kufanana nevezera ravo kunokuvadza. Rurimi runotaura nokurangarira rungakurudzira hama nehanzvadzi dzati kurei kuti dzichiri kufarirwa uye dzinodiwa. Mashoko omutsa angapa tariro vaya vanorwara. Kupfuura zvose, tingashandisa rurimi rwedu kugovana shoko roUmambo rine simba navose vachateerera. Kuzivisa Shoko raMwari kuri musimba redu kana mwoyo wedu uri mariri. Bhaibheri rinoti: “Munhu wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.”—Zvirevo 3:27.
Kushandiswa Kwakarurama Kwesimba
16, 17. Pakushandisa chiremera chavo chavakapiwa naMwari, vakuru, vabereki, varume, uye vakadzi vangatevedzera sei Jehovha?
16 Kunyange zvazvo ari wamasimba ose, Jehovha anotonga ungano norudo. (1 Johani 4:8) Vachimutevedzera, vatariri vechiKristu vanotarisira boka raMwari norudo—vachishandisa zvakanaka, kwete zvisina kufanira chiremera chavo. Chokwadi, vatariri dzimwe nguva vanoda ku‘tsiura, kuranga, kurayira,’ asi izvi zvinoitwa “nemwoyo murefu wose nounyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Timoti 4:2) Saka vakuru vanoramba vachifungisisa mashoko akanyorwa nomuapostora Petro kune vaya vane chiremera muungano okuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; kana nemhaka yokuda pfuma yokusatendeseka, asi nemwoyo wose; musingaremedzi avo vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Petro 5:2, 3; 1 VaTesaronika 2:7, 8.
17 Vabereki nevarume vane chiremerawo chavakapiwa naJehovha, uye simba iri rinofanira kushandiswa kubetsera, kutarisira, uye kuda. (VaEfeso 5:22, 28-30; 6:4) Muenzaniso waJesu unoratidza kuti chiremera chinogona kushandiswa zvinobudirira munzira yorudo. Kana chirango chiri chakafanira uye chichipiwa nguva dzose, vana havazoori mwoyo. (VaKorose 3:21) Mhuri dzinosimbiswa kana varume vechiKristu vachishandisa norudo umusoro hwavo uye vakadzi vachiremekedza zvikuru umusoro hwevarume vavo panzvimbo pokupfuura nzvimbo yavo yokuita zvinhu yavakapiwa naMwari kuti vatonge kana kuti vaite zvavanoda.—VaEfeso 5:28, 33; 1 Petro 3:7.
18. (a) Tinofanira kutevedzera sei muenzaniso waJehovha mukudzora hasha dzedu? (b) Vaya vane chiremera vanofanira kuedza kuisei mupfungwa dzevaya vavanotarisira?
18 Vaya vane chiremera mumhuri uye muungano vanofanira kunyanyongwarira kudzora hasha dzavo, sezvo hasha dzichikonzera kutya pane rudo. Muprofita Nahumi akati: “Jehovha haakurumidzi kutsamwa, ane simba guru.” (Nahumi 1:3; VaKorose 3:19) Kudzora hasha dzedu chiratidzo chesimba, asi kudzibvumira uchapupu hwokushaya simba. (Zvirevo 16:32) Mumhuri nomuungano, vavariro yacho ndeyokuisa mupfungwa rudo—kuda Jehovha, kudanana, uye kuda nheyo dzakarurama. Rudo ndirwo chisungo chomubatanidzwa chakasimba uye chinhu chakasimba kupinda zvose chinokurudzira kuita zvakarurama.—1 VaKorinde 13:8, 13; VaKorose 3:14.
19. Jehovha anopa vimbisoi inonyaradza, uye tinofanira kuita sei?
19 Kuziva Jehovha kunoreva kuziva simba rake. Achishandisa Isaya, Jehovha akati: “Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti.” (Isaya 40:28) Simba raJehovha hariperi. Kana tikavimba naye kwete kuzvivimba, haatisiyi. Anotivimbisa kuti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isaya 41:10) Tinofanira kuita sei kukutarisira kwake kworudo? Kufanana naJesu, nguva dzose ngatishandisei simba ripi neripi ratinopiwa naJehovha kubetsera uye kuvaka. Ngatidzorei rurimi rwedu kuti ruporese panzvimbo pokukuvadza. Uye nguva dzose ngatirambei takamuka mumudzimu, ngatimirei takasimba mukutenda, uye ngatikurei musimba roMusiki wedu Mukuru, Jehovha Mwari.—1 VaKorinde 16:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezviri pachena, vaJudha vakawana kopi yoMutemo waMosesi yapakutanga, yakanga yaiswa mutemberi mazana emakore izvi zvisati zvaitika.
Ungatsanangura Here?
• Jehovha anoshandisa sei simba rake?
• Tingawana simba raJehovha munzirai?
• Simba rorurimi rinofanira kushandiswa sei?
• Simba rinopiwa naMwari ringava sei chikomborero?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akashandisa simba raJehovha kubetsera vamwe
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kuzivisa Shoko raMwari kuri musimba redu kana mwoyo wedu uri mariri