Kufarikanya Ukama Hwoushamwari Hwehama Dzomuroorano
FUJIKO, muroora ane shungu adudzwa munyaya yokutanga, pakupesvedzera murume wake kutama muimba yababa vake ndokupinda muimba imwe yavakavakidzana nayo. Asi zvinhu hazvina kuvandudzika zvikuru. Vhiringidzo inoitwa nehama dzomuroorano dzake yakapfuurira uye kupererwa nezano kwake kwakapfuurira. Ipapo pane rimwe zuva muenzi akamushanyira.
Shanyo iyeyo yakatanga Fujiko kuchinja panzira yakaguma nohunhu hwakachinja, uye iyoyi yakavandudza ukama hwake navamwe. Akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mukufambira mberi kwenguva, chimiro chake chendangariro chakachinja zvikuru kwazvo zvokuti sezawani wake vakada kupinda fundodzo kuti vazvionere ivo vamene kuti ‘rwakanga rwuri rudzii rworudzidziso rwakanga rwachinja zvikuru hunhu hwake.’
Kuziva Chisungo Chitsva
Bhaibheri rinopa mufananidzo wakajeka wegadziriro yapaMagwaro yeroorano. Pashure pokunge Mwari asika vaviri vokutanga vohunhu ndokuvaisa pamwe chete, iye akagadza nheyo inotevera: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye iye achanamatira kumudzimai wake uye ivo vanofanira kuva nyama imwe.” (Genesi 2:24) Naizvozvo vanyakuroorana vatsva vanofanira kuziva kuti ivo vapinda muchisungo chitsva. Vanofanira zvino kunamatirana semhuri inozvimirira kunyange zvazvo ivo vangave vachigara nehama dzavo dzomuroorano.
Zvisinei, kusiya baba naamai hakuzati kuchireva kuti vana apo ivo vanoroora vanogona kutendeutsira makotsi avo pana vabereki vavo uye kuti ivo havazati vachadazve kuvaremekedza nokuvakudza. “Usazvidza amai vako nemhaka bedzi yokuti ivo vachembera,” rinoraira kudaro Bhaibheri. (Zvirevo 23:22) Asika, neroorano, pane gadziridzo muukama. Chero bedzi mutezo mumwe nomumwe wemhuri uchisanorangarira iyoyi, vanyakuroorana vechiduku vanogona kubetserekana noruzivo rwokuzviwanira nouchenjeri hwavabereki.
Timotio, jaya rine mukurumbira wakanaka iro muapostora Pauro akaenda naro panzendo dzake dzoushumiri, akarerwa naamai vake vechiJudha, Juniki. Zvisinei, ambuya vake Roisi sezvinooneka vakavawo nebetsero kuumba upenyu hwake. (2 Timotio 1:5; 3:15) Ikoku hakuzati kuri kureva kuti vanambuya vane maruramiro okupindira mukurovedzwa kwavana ndokugadza mipimo yakasiana neyeyo yavabereki. Pane mutoo wakakodzera umo chizvarwa chekare chinogona kubetsera vechiduku mukurovedzwa kwavana.—Tito 2:3-5.
“Mukadzi Wakachenjera Zvamazvirokwazvo”
Kana zvizvarwa zviviri zvichizobatira pamwe munhau yakakomba yakadai sokurovedza vana, vose vari vaviri vanofanira kuita muuchenjeri. “Mukadzi akachenjera zvamazvirokwazvo akavaka imba yake,” chinodaro chirevo cheBhaibheri, “asi benzi rinoikoromora namaoko aro rimene.” (Zvirevo 14:1) Ko mukadzi anogona sei kuvaka imba yake? Tomiko anotaura kuti yakanga iri kurukurirano yakamubetsera kubatanidza ukama hwake nomuroora wake, Fujiko. “Uko kusina kurukurirano yapachivande kune kukangaidzika kwerongedzero,” rinozanura kudaro Bhaibheri.—Zvirevo 15:22.
Kurukurirano haizati ichireva kutaura kwokusachenjera chinhu chiri chose chiri mundangariro mako pasina rangariro nokuda kwokunzwa kwavamwe. Hepano panoshanda uchenjeri. “Munhu akachenjera achateerera” izvo vamwe vanotaura. Padzimwe nguva hama dzako dzomuroorano dzingava nechimwe chinhu chokutaura, asi dzichizengurira kutaura idzo dzimene. Cherekedza, uye ‘budisa mifungo yadzo.’ Ipapo ‘fungisisa’ usati wataura.—Zvirevo 1:5; 15:28; 20:5.
Kuziva nguva yokutaura kunokosha zvikuru. “Shoko rinotaurwa panguva yakarurama nokuda kwaro rakafanana namaapuro endarama ari mundiro yesirvheri,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. (Zvirevo 25:11) Tokiko nomuroora wake vanotaura kuti vanomirira kutosvikira panguva yakarurama vasati vataura mifungo ingatsautsira mumwe munzira isino kururama. “Ndinoedza kufunga ndisati ndataura apo ndinoda kuratidzira chimwe chinhu kumuroora wangu,” anodaro Tokiko. “Ndinochengeta mapfundo acho mundangariro mangu ndokutaura apo iye anenge ari muchimiro chendangariro chakanaka uye asina nzara. Unoonaka, kuri nyore kutsamwiswa apo unenge une nzara.”
Mukadzi akachenjera acharega kutaura zvakashata nezvehama dzake dzomuroorano. “Kunyange tiri vana amwene kana kuti varoora, tinofanira kuva vanoziva kuti zvakashata zvipi nezvipi zvatinotaura nezvomumwe munhu, pakupedzisira zvichava zvinozivikanwa kwavari,” anodaro Sumie Tanaka, munyori weJapan uyo akagara navamwene vake kwamakore 30. Kupfuurezvo, iye anoreverera kusanotaura zvakanaka nezvehama dzomuroorano nomutoo wakananga uye nomutoo usakananga.
Zvakadiniko, kana hama dzako dzomuroorano dzisingadavidzi kunhamburiko dzako?
Iva Anokanganwira
Zvinetso zvakakomba pakati pehama dzomuroorano zvinowanzoparirwa nezvinhu zvisati zvaizoparira chinetso kudai zvaizoitwa kana kuti zvaizotaurwa nomumwe munhuwo zvake. Sezvo isu tose tisina kukwana uye “tichigumburwa mushoko,” padzimwe nguva tinga‘taura nokusava nomufungo senokubaya kwomunondo.’ (Jakobho 3:2; Zvirevo 12:18) Asika, kuchenjera kusatsamwiswa neshoko riri rose rokusava nomufungo.
Avo vakakurira zvinetso zvehama dzomuroorano vakatetekera zano reBhaibheri, rinoti: “Pfuurirai kuregererana nokukanganwirana norusununguko kana mumwe munhu ane chisakiso chokugurukutira mumwe.” (VaKorose 3:13) Chokwadi, kungava kusi nyore kuregerera hama dzako dzomuroorano ndokuvakanganwira, zvikurukuru apo pane chisakiso chokugurukuta. Asi chikonzero chakasimba chokuita kudaro isimbisiro yokuti kupfurikidza nakwo tichawana kanganwiro inobva kuna Mwari iye amene nokuda kwemhosho dzedu.—Mateo 6:14, 15.
Kunyange munyika dzokuMabvazuva, uko mugamuchidzanwa vanhu vanotevera chiBuddha, chiTao, chiConfucius, uye chiShinto, kuna vazhinji vakafunda Bhaibheri uye vakasvika pakunzwisisa zvokwadi pamusoro poMusiki ane tsitsi. Nzwisiso yakadaro yakavabetsera kukurira kunoratidzika kuva kunzwa kweshungu kusingadzoreki.
“Rudo Harutongokundikani”
Ukama hunofadza hwehama dzomuroorano hunoda nheyo yechokwadi. Kubetsera hama yomuroorano yakwegura kana kuti inorwara nokuda kwepfungwa yomusengwa hakuzati kuchibetsera nokuda kwoukama hwakanakisisa. Haruko akaziva ikoko apo vamwene vake vakanga vachifa negomarara. Aipedza nguva yakawanda yezuva rake ari kuchipatara achitarisira vamwene vake, uye mukuwedzera, aitarisira mhuri yake amene. Akanga ari muchinetso chakakura zvikuru zvokuti iye pakupedzisira akarashikirwa nevhudzi rake zhinjisa.
Rimwe zuva achicheka nzara dzavamwene vake, iye nomutoo usati uri wamaune akavacheka. “Hauzati uchinditarisira zvomenemene!” vakataura kudaro vamwene.
Akatyamadzwa namashoko iwawo okusaonga, Haruko haati aigona kudzivisa misodzi yake. Ipapo iye akaziva kuti mashokowo akuvadza zvikuru kwazvo nokuti iye akanga achiitira chinhu chiri chose vamwene vake nepfungwa yomusengwa. Iye akasarudza kurega simba rinosunda nokuda kwebasa rake richiva riri rorudo. (VaEfeso 5:1, 2) Ikoku kwakamugonesa kukurira shungu dzake uye kwakaguma noukama hwakadzorerwa kuna vamwene vake kutozosvikira ivo vafa.
Zvamazvirokwazvo, rudo runorondedzerwa muBhaibheri ndiro chinhu chikuru chokunyaradza kusawirirana kwemhuri. Rava izvo muapostora Pauro akataura pamusoro pazvo, ndokuona kana usati uchibvumirana nazvo. “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa,” akanyora kudaro. “Rudo harune godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzati ruchiita nomutoo usina kufanira, haruzati ruchizvitsvakira fariro dzarwo rumene, harutsamwiswi. Harurangariri zvakashata. Harufariri zvisino kururama, asi runofarira zvokwadi. Runotsungirira zvinhu zvose, runodavira zvinhu zvose, runokarira zvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.” Hakuzatiwo kuchishamisa kuti Pauro anowedzera, kuti: “Rudo harutongokundikani.” (1 VaKorinte 13:4-8) Unogona sei kukudziridza rudo rwakadaro?
Bhaibheri rinoronga “rudo” sorutivi rwe“chibereko” chomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22, 23) Nokudaro, mukuwedzera kunhamburiko dzako umene, kuri madikanwa kuva nomudzimu waMwari kana uchizokudziridza urwu rudzi rworudo. Kupfuurirazve, unogona kukumbira Jehovha, Mwari weBhaibheri, kukubetsera kuwedzera rudo rwakafanana norwake kuhunhu hwako. (1 Johane 4:8) Chokwadika, ikoku kose kunoda kuti udzidze pamusoro pake kupfurikidza nokufunda Shoko rake, Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvichava zvinofara zvikurusa kukubetsera, sezvazvakaita Fujiko navamwe vazhinji.
Sezvaunoshandisa zvaunodzidza muBhaibheri, uchawana kuti ukama hwako naMwari hahuzati huchizokuvadzika bedzi asi ukama hwako naMwari nomunhu ari wose ari pauri huchadarowo, kubatanidza nehama dzako dzomuroorano. Uchawana izvo Bhaibheri rinopikira, ndiko kuti, “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose.”—VaFiripi 4:6, 7.
Fujiko navamwe vadudzwa munyaya dzino vakasvika pakufarikanya rugare rwakadaro—unogonawo kudaro. Hungu, kupfurikidza nokuvimba naJehovha Mwari nokutevera zano reShoko rake, Bhaibheri, iwewo unogona kuvaka ndokuchengeta ushamwari hunofadza nehama dzako dzomuroorano.
[Bhokisi riri papeji 8, 9]
Murume—Muyananisi Here Kana Kuti Imharadzi?
Apo zvizvarwa zviviri kana kuti zvitatu zvinogara muimba imwe cheteyo, basa romurume mukuchengeta rugare rwemhuri harizati richifanira kufuratirwa. Pamusoro pomurume akadaro anonzvenga mutoro wake, Purofesa Tohru Arichi wapaYunivhesiti yeKyushu, mazvikokota muruzivo rwamagariro avanhu, anonyora, kuti:
“Apo vanyakuroorana vanogara na[amai], amai vanofunga zvinodikanwa zvomwanakomana wavo, uye nomutoo usati uri wamaune vanotarisira mwanakomana wavo apo ivo vanocherekedza zvinoshaikwa zvakadaro. Mwanakomana anogamuchira tarisiro yakadaro pasina zenguriro ipi neipi. Kudai mwanakomana aizofunga zvakati kurei nezvomugariro womudzimai wake ndokuisa amai vake munzvimbo yake pamusoro pokupindira kwavo, chinetsocho chingapedzwa. Nomutoo unosuruvarisa uye kazhinji kazhinji zvikuru kwazvo, mwanakomana haazati achitongocherekedza ikoko.”
Ko zvino, murume anogona sei kuita basa rokushingaira mukuita rugare mumhuri yake? Mitsuharu anotaura kuti kushandisa kwake nheyo dzeBhaibheri kwakabetsera mhuri yake. “Chisungo pakati paamai nomwanakomana wavo chakasimba zvikuru kunyange zvazvo iye akura kuva mukuru,” iye anobvuma kudaro, “naizvozvo mwana anofanira kuita nhamburiko yokuitira hanya ‘kusiya baba vake naamai vake ndokunamatira kumudzimai wake.’” Akashandisa nheyo kupfurikidza nokukurukura nhau pamusoro petarisirwo yavana nerovedzwo inoitwa bedzi nomudzimai wake, uye iye haana kuenzanisa mudzimai wake naamai vake pakwakauya pabasa rapamba. “Zvino,” iye anopfuurira, “isu navabereki vangu tinoremekedzana. Mumwe nomumwe anoziva apo kupindira kuchava kunoshatirisa uye apo betsero nebatira pamwe zvichava zvichaongwa.”
Mukuwedzera kuku‘namatira kumudzimai wake’ murume anofanira kuva mureveri pakati paamai vake nomudzimai wake. (Genesi 2:24) Anoda kuva muteereri akanaka uye kuvaita kuti vadurure mwoyo yavo. (Zvirevo 20:5) Mumwe murume, uyo akadzidza kutarisira migariro mukuchenjera, anotanga kuwana kuti mudzimai wake anonzwa sei. Ipapo, mudzimai wake aripo, iye anotaura naamai vake pamusoro penhau dzinobatanidzwa. Kupfurikidza nokudarokwo kuita basa rake somuyananisi, mwanakomana anogona kubetsera kuparira ukama hunofadza mumusha pakati pavakadzi vaviri vaanoda.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Iva nenzeve dzinonzwa ndokukurukura
[Mufananidzo uri papeji 10]
Rudo, haruzati ruri kunzwa kwomusengwa, runoumba ukama hwakaisvonaka