Chikonzero Nei Mugariro Womunyunyuti Usingafadzi
MUFARO wakanga wava kuora mwoyo mumavhiki mashomanene chete. Mufarwa wokutanga wavaIsraeri pamusoro porusununguko rwavo rwakanga rwuchangobva kuwanwa kubva muusungwa hweEgipita wakanga waderera kuva kupopota kwenhando pamusoro pezvokudya. Mukati momwedzi wechipiri pashure pokunge vabva muEgipita, rudzi rwusingagutswi rwakataura kuti vaizoda havo mugariro womuranda kupfuura upenyu hwakaoma murenje. Mumwedzi yakatevera, uyu mudzimu wokunyunyuta wakanetesa kutsunga kwavo kuteerera Jehovha ndokuparadza kariro dzechizvarwa ichocho dzokupinda muNyika Yakapikirwa.—Eksodho 16:1-3; Numeri 14:26-30.
Kunyunyuta, chokwadika, hakuna kutongoganhurirwa kuchizvarwa chimwe kana kuti vanhu vamwe. Ndiani asinganyunyuti panhambo nenhambo pamusoro pebasa, zvokudya, mugariro wokunze, vana, vavakidzani, kana kuti ndyiko yokurarama? Kunoratidzika kuti kusakwana kwohunhu kunonyunyutisa.—VaRoma 5:12; Jakobho 3:2.
Neiko tichinyunyuta nyore nyore kwazvo? Zvichida tiri kunzwa taodzwa mwoyo, tapera mwoyo, kana kuti tichirwara. Kunyunyuta kungava kubudisa kangaidziko yedu, kana kuti kungagona kuva nzira isina kunanga yokuti: “Ndingaita basa racho zviri nani!” Pane dzimwe nguva nyunyuto dzinowedzerwa nebonderano dzohunhu. Ipapo zvakare, kune zvigumbu zvapachokwadi.
Chipi kana chipi chingava chisakiso chikuru, seizvo muenzaniso uchangobva kududzwa wavaIsraeri unoratidza, kunyunyuta kunogona kuva kunoparadza kana kukapfuurira. Munhu anogona kuva munyunyuti wenguva dzose, kunyange kun’un’una pamusoro penzira yaJehovha yokuita nayo zvinhu. Neiko ikoko kune ngozi kwazvo? Uye nyunyuto dzakarurama dzinofanira kubatwa sei nenzira yakafanira?
Nyunyuto Dzakarurama
Kana chigumbu chisina kukomba, mubvunzo wokutanga watinofanira kubvunza ndouyu, Ndinogona kuchifuratira murudo here? Chokwadi, tingava nechisakiso chakanaka chokunyunyutira mumwe munhu, zvichida kunyange mutendi biyedu. Iye angave akatibata nenzira isina mutsa kana kuti nenzira isina kururama. Kunyanguvezvo, ko kunyunyuta kuvamwe pamusoro pokubatwa kusina kunaka kuchavandudza zvinhu here? Bhaibheri rinorondedzera kuti tiite sei? VaKorose 3:13 inoti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; [Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.” Naizvozvo kunyange apo nyunyuto ingaruramiswa, Magwaro anorumbidza chimiro chendangariro chokukanganwira panzvimbo pomudzimu wokunyunyuta.—Mateo 18:21, 22.
Zvakadiniko kana nhau yacho yakakomba zvokusagona kufuratira? Pangava nechikonzero chakanaka chokutaura nyunyuto. Apo “kudanidzira kwokunyunyuta” kwakanaka kwakakwira kuna Jehovha pamusoro peSodhoma neGomora, iye akaita chiito chokubata nomugariro unonyadzisa mumaguta iwayo akaipa. (Genesi 18:20, 21, NW) Imwe nyunyuto yakarurama yakamuka nokukurumidza pashure pePentekosta 33 N.V. Apo zvokudya zvakagoverwa kuchirikadzi dzaishaiwa, rusaruro rwakaratidzwa kuvakadzi vaitaura chiHebheru. Nenzira inonzwisisika, ikoku kwakaparira pfunde-pfunde pakati pechirikadzi dzaitaura chiGiriki. Pakupedzisira, nyunyuto yacho yakanzwiwa navaapostora, uye ivo vakakurumidza kuronga boka ravarume vakavimbika kuti varuramise chinetso chacho.—Mabasa 6:1-6.
Vakuru vechiKristu vakagadzwa nhasi vanofanira nenzira yakafanira kusanonoka mukuita nhano dziri madikanwa apo nhau dzakakomba dzinounzwa kungwariro yavo. Zvirevo 21:13 inoti: “Unodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, iyewo uchachema, asi haanganzwiki.” Panzvimbo pokufuratira nyunyuto yakarurama, vakuru vanofanira kuteerera nenzira yetsitsi. Pane rumwe rutivi, tose zvedu tinogona kubatira pamwe kupfurikidza nokunangidzira nyunyuto dzakakomba kuvakuru, panzvimbo pokudzidzokorora kumunhu ari wose achateerera.
Kunyanguvezvo, vazhinjisa vedu taizobvuma pachena kuti kune nguva apo kusakwana kwohunhu kunotiparira kunyunyuta nenzira isiri madikanwa. Kusanonzverwa kwomufambiro wavaIsraeri murenje kuchatibetsera kuona ngozi yokubvumira kupopota kwapanhambo nenhambo kukura kuva mudzimu wokunyunyuta.
Murangariro waMwari Wavanyunyuti
Kun’un’una kwavaIsraeri pamusoro pemigove yezvokudya kunozivisa ngozi mbiri dzomuzvarirwo mukunyunyuta. Yokutanga, kunyunyuta kunotapukira. Nhauro yacho inotaura kuti “ungano yose yavaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje.” (Eksodho 16:2) Sezvingabvira, vashomanene vakavamba kunyunyuta pamusoro peperevedzo yezvokudya, uye nguva refu isati yapera munhu ari wose akanga onyunyuta.
Yechipiri, munyunyuti kazhinji kazhinji anokatutsira chinetso. Muchinoitika chino, vaIsraeri vakataura kuti vaizova vari nani muEgipita, uko vaigona kudya chingwa nenyama zvakawanda sezvavaida. Vakanyunyuta kuti vakanga vatungamirirwa kupinda murenje kuzongofa bedzi nenzara.—Eksodho 16:3.
Ko mugariro wavaIsraeri ivavo wakanga wakakomba zvakadaro chaizvoizvo here? Sezvinobvira migove yavo yezvokudya yakanga yava kuva mishomanene, asi Jehovha akanga adeya kuona chinetso ichocho, uye munguva yakanaka akagovera mana kuti agovere zvinodikanwa zvavo zvokunyama. Nyunyuto dzavo dzakakatutsirwa dzakaratidzira kushaikwa kwakakwana kwechivimbo muna Mwari. Vari muEgipita vakanga vanyunyuta nenzira inoruramiswa pamusoro pemirairo yakaipa. (Eksodho 2:23) Asi apo Jehovha akavasunungura muuranda, vakatanga kunyunyuta pamusoro pezvokudya. Ikoko kwakanga kuri kun’un’una kusina kururama. “Hamutipopoteri isu, asi Jehovha,” Mosesi akanyevera kudaro.—Eksodho 16:8.
Uyu mudzimu wokunyunyuta wavaIsraeri wakazviratidzira wazviratidzirazve umene. Mukati megore rimwe mana yakava chisakiso chenyunyuto. (Numeri 11:4-6) Nokukurumidza pashure paikoko mushumo wakashata wakabva kugumi dzenhume 12 dzechiIsraeri wakabudisa danidzo pamusoro pedzaifungidzirwa kuva ngozi dzaibatanidzwa mukukundwa kweNyika Yakapikirwa. Vanhu vakasvika pakuti: “Dai takafira hedu munyika yeEgipita! Dai takafira hedu murenje rino!” (Numeri 14:2) Kushaikwa kwakakomba zvakadini kwokuonga! Nenzira isingashamisi, Jehovha akati kuna Mosesi: “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko?” (Numeri 14:11) Vanyunyuti ivavo vasingatendi vakashurikidzirwa kudzungaira murenje kwamakore 40 kutozosvikira chizvarwa ichocho chapfuura.
Muapostora Pauro anotiyeuchidza nezvouyu muenzaniso. Iye anonyevera maKristu biyake kusatongova akafanana navaIsraeri ivavo avo vakava van’un’uni, kuzongoparara bedzi murenje. (1 VaKorinte 10:10, 11) Nenzira yakajeka, kun’un’una kusina kururamiswa nomudzimu wokunyunyuta zvinogona kusekesa kutenda kwedu ndokutungamirira kukusafara kwaJehovha.
Bva, Jehovha anoshivirira vabatiri vake vanganyunyuta panhambo nenhambo nemhaka yemigariro inoodza mwoyo. Apo Eria akatizira kuGomo reHorebhi nemhaka yechitambudzo chakaitwa naMambokadzi akaipa Jezebheri, akapwiswa kuti basa rake somuporofita rakanga rasvika pamugumo. Iye nenzira isina kururama akarangarira kuti akanga ari munamati bedzi waJehovha asara munyika macho. Kuti asimbise kutenda kwaEria, Mwari akatanga kumupa kuratidzwa kwesimba Rake roumwari. Muporofita wacho ipapo akaudzwa kuti kwakanga kuchine vabatiri vakatendeka 7 000 vaJehovha muna Israeri uye kuti paiva nebasa rakawanda rokuti aite. Naizvozvo, Eria akakanganwa nyunyuto dzake ndokupfuurira nesimba rakamutsidzirwa. (1 Madzimambo 19:4, 10-12, 15-18) Sezvo vakuru vechiKristu vanoshandisa nzwisiso, vanogona zvakafanana kutaura nenzira inonyaradza kuvakatendeka, vachivabetsera kuona basa ravo mukushanda kwedonzo raMwari.—1 VaTesaronika 5:14.
Kukurira Mudzimu Wenyunyuto
Mudzimu wenyunyuto unogona sei kukurirwa? Eya, avo vanopiwa chibvumikiso pamusoro pekuvadziko fodya inoita kumuviri vane kurudziro ine simba yokurega kusvuta. Nenzira yakafanana, kunzwisisa chikonzero nei mudzimu wenyunyuto uchikuvadza kwazvo kunogona kutisunda kurega tsika ipi neipi yokunyunyuta.
Ibetseroi dzinouya kuavo vanokurira mudzimu wokunyunyuta? Betsero imwe inokosha inofarikanywa naavo vanodzivisa kunyunyuta ndeyokuti vanogona kurangarira zvinhu nenzira yapaMagwaro uye nenzira yakanaka zvikuru. Munyunyuti haawanzomira kuti afunge pamusoro pechinetso mumurangariro waJehovha. VaIsraeri vanonyunyuta vakakanganwa kuti Jehovha Mwari akanga avasunungura muusungwa uye akanga aparadzanisa nenzira yenenji mvura dzeGungwa Dzvuku nokuda kwavo. Kufunga kwavo kwakaipa kwakavapofumadzira kusimba raMwari ndokuvatorera mufarwa wavo. Somuuyo, chivimbo chavo muna Jehovha chakapera.
Kupfuurirazve, munhu anogona kuita kunzverwa kwakanaka kwezvinetso zvake anonzwisisa apo zvikanganiso zvake amene zvinenge zvava zviri zvisakiso zvokutanga zvezvitambudzo zvake. Iye sezvingabvira zvishomanene achaita mhosho imwe cheteyo. Jeremia akanyevera vaIsraeri biyake kusanyunyuta pamusoro penhamo dzavakanga vachiwana pashure poruparadziko rweJerusarema. Kutambura kwavo wakanga uri muuyo wakananga wezvivi zvavo vamene, uye ichocho chakanga chiri chimwe chinhu ivo vaida kuti vanzwisise kuti vatendeuke kuti vadzokere kuna Jehovha. (Mariro 3:39, 40) Nenzira yakafanana, mudzidzi Judhasi akatsiura “vanhu vasingadi Mwari” avo vakaramba nhungamiro yaJehovha uye vakanga vari “vanyunyuti pamusoro pomugariro wavo woupenyu” venguva dzose.—Judhasi 3, 4, 16.
Mambo akachenjera Soromoni akamboti, “mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora, asi [mudzimu, NW] wakaputsika unoomesa mapfupa.” (Zvirevo 17:22) Mudzimu wokunyunyuta unotipedza mumirangariro uye unotora mufaro wedu. Unoratidzira kusava netariro, kwete kuva netariro. Asi avo vanodzidza kufunga ndokutaura pamusoro pe‘zvinhu zvinorumbidzwa,’ vane mwoyo unofara, uyo ungatovaita vanzwe zviri nani.—VaFiripi 4:8.
Pasina panikiro, upenyu hwedu huchapfuma zvikuru kana tikacherechedza zvakanaka zvavanhu panzvimbo pekundikano dzavo. Tichakurudzirwa kana tikashandisa zvakanakisisa migariro inotambudza panzvimbo pokun’un’una pamusoro pemhinganidzo dzedu. Kunyange miedzo inogona kuva chisakiso chomufaro kana tikairangarira sebanza rokusimbisa kutenda kwedu nokusimbaradza tsungiriro yedu.—Jakobho 1:2, 3.
Kunokoshawo kuyeuka kuti apo tinon’un’una, hatisi kuzvikuvadza timene bedzi. Kupfurikidza nokutaura nyunyuto nguva dzose, tingasanosekesa kutenda kwavamwe. Mushumo wakashata wetsori dzechiIsraeri gumi wakaparira rudzi rwose kurangarira kukundwa kweNyika Yakapikirwa sebasa risina tariro. (Numeri 13:25–14:4) Pane imwe nhambo, Mosesi akava akaora mwoyo kwazvo nemhaka yokun’un’una kwenguva dzose kwavanhu zvokuti akakumbira Jehovha kutora upenyu hwake. (Numeri 11:4, 13-15) Pane rumwe rutivi, kana tikataura pamusoro pezvinhu munzira inovaka, tingakwanisa kusimbisa kutenda kwavamwe ndokugovera kumufaro wavo.—Mabasa 14:21, 22.
Kunyange zvazvo tingaedzwa kunyunyuta pamusoro pavashandi biyedu, shamwari dzedu, mhuri yedu, kana kuti kunyange vakuru veungano, Jehovha anoda kuti vanhu vake “vave norudo rukuru nokuda kwomumwe nomumwe.” Rudo rwakadaro runotisunda kufukidza mhosho dzavamwe panzvimbo pokusimbisa zvikanganiso zvavo. (1 Petro 4:8, NW) Nenzira yokuonga, Jehovha anoyeuka kuti tinongova zvedu guruva uye haasati achitarira mhosho dzedu. (Pisarema 103:13, 14; 130:3) Kana tose zvedu tikaedza kutevedzera muenzaniso wake, pasina panikiro tinganyunyuta zvishomanene zvikuru.
Apo rudzi rwomunhu runodzorerwa kukukwana, hakuna munhu achava nechisakiso chokunyunyuta pamusoro pomugariro wake muupenyu. Kutozosvikira nguva iyoyo yasvika, tinofanira kudzivisa muedzo wokunyunyuta pamusoro pavamwe kana kuti pamusoro pemigariro yedu timene inotambudza. Kuratidza kuti tinovimba naJehovha uye tinoda chaizvoizvo vatendi biyedu, ngati“rambei tichiita zvinhu zvose tisinganyunyuti.” (VaFiripi 2:14, NW) Ikoku kuchafadza Jehovha uye kuchatibetsera zvikuru kwazvo. Nokuda kwegarikano yedu timene neiyo yavamwe, ipapoka, tisakanganwa kuti mugariro womunyunyuti haufadzi.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kunyange gadziriro yenenji yaMwari yemana yakava chisakiso chenyunyuto