RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 12/1 pp. 4-8
  • Vanhu Vaduku Vane Ramangwana Rakachengeteka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vaduku Vane Ramangwana Rakachengeteka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Vanotyisa”
  • Kudenhwa
  • Tsvaka uye Uchawana
  • Kurovedza kwaMwari Kunopa Mibayiro
  • Koshesa Hwaro Hwakachengeteka Hweramangwana
  • Vaduku—Rongai Zvinangwa Zvinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Pwere Dzinofara Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
    Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
  • Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 12/1 pp. 4-8

Vanhu Vaduku Vane Ramangwana Rakachengeteka

“SEKUTYISA nokusemesa kungaita [kubata chibharo] kupi nokupi”—ndiyo nzira iyo mutongi aibata mhosva yemunguva pfupi yapfuura akatsanangura nayo utsotsi. Boka repwere sere, kubvira pazera remakore 14 kusvika ku18, rakavandira mumwe mushanyi wechikadzi aiva munharaunda yeguta reLondon, rakadzokorora kumubata zvisina kufanira mune zvevatano, uye ipapo rakamukandira murukova rwaiva pedyo kunyange zvazvo akati akanga asingagoni kushambira. Nenzira inonzwisisika, mai vomumwe wechiduku wacho vakataura kuti vakarwara pavakaona mushumo wenhau dzeTV pamusoro pezvakanga zvaitwa nomwanakomana wavo.

Nenzira inosuruvarisa, chiitiko ichi chinoratidza zviri kuitika munzanga nhasi. Utsinye hwava muitiro, mungava muutsotsi, masimba masimba omumba, kana kuti nharo dzenyika dzeBalkan, munyika dzepakati nekumadokero kweAfrica, uye kune imwe nzvimbo. Vanhu vaduku vanokura mumamiriro ezvinhu akadaro, kana kuti vanowanzonzwa pamusoro pawo. Hazvishamisi, ipapo, kuti vakawanda vanova nomwoyo wakaoma, havaratidzi “rudo chairwo,” uye hava“zvidzori.”—2 Timotio 3:3.

“Vanotyisa”

Muapostora wechiKristu Pauro paakanyorera tsamba yake yechipiri kumukuru biyake Timotio, Roma ndiro rakanga riri simba guru renyika. Utsinye namasimba masimba zvakanga zvakapararira munhandare dzeRoma. Bva, Pauro akanyevera kuti munguva yemberi, nguva dzaizova “dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Nenzira inofadza, shoko rechiGiriki rinorondedzera nguva idzi sedzaka“oma kubata nadzo” rinobatanidza mufungo wokuva kwadzo “dzinotyisa.” Chiitiko chakaitika muushumiri hwapasi hwaJesu makore anopfuura 30 pakuvamba chinoratidza chaiita kuti zvinhu zvityise munguva yake.

Jesu akanga achangosvika nechikepe pamahombekombe okumabvazuva eGungwa reGarirea. Sezvaakasvika pamahombekombe acho, varume vaviri vakamuchingamidza. Chitarisiko chavo choupengo nekuridza mhere zvakajekesa kuti chimwe chinhu pavari chakanga chakaipa zvikuru. Vakanga va“ne hasha kwazvo kwazvo,” kutaura idi, vakasvikirwa nemadhimoni.a Zvavaidanidzira zvaibva kumidzimu yakaipa yakanga ichidzora zviito zvavo zvamasimba masimba. “Tine mhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari?” vakadanidzira kudaro varume vacho. “Mauya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?” Midzimu yakaipa yakazadza vaviri ava yaiziva zvikuru kuti Mwari akanga atogadza nguva yokuita rutongeso rwake pamadhimoni. Izvi zvaizoreva kuparadzwa kwawo kusingaperi. Asi kusvikira panguva iyoyo yakanga ichizoshandisa mano ayo anopfuura avanhu kuti inyandure masimba masimba anotyisa. Chiito chinoshamisa chaJesu bedzi chokudzinga madhimoni iwayo chakanyaradza varume vacho vaviri.—Mateo 8:28-32; Judhasi 6.

Apo vanhu nhasi, kubatanidza pwere, vanoita nenzira yokupenga, tinoita zvakanaka kurangarira chiitiko ichocho. Nei? Nemhaka yokuti muzana rino ramakore rechi20, tinotarisana nengozi yakafanana, sokutsanangura kunoita bhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, kuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Cherekedza, tapota, kuti kunyadziswa kwaSatani hwakabatanidzwa no“kutsamwa kukuru” nemhaka yokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.

Kudenhwa

Sezvinowanzodudzwa mumapeji emagazini ino, gore ra1914 rakaona kugadzwa kwaKristu Jesu saMambo woUmambo hwaMwari mudenga. Jesu akakurumidza kuita chiito chokurwisa muvengi mukuru waMwari, Satani. Nokudaro, Dhiyabhorosi namadhimoni ake vakadzingwa kudenga, uye zvino vanoisa ngwariro yavo pasi pano. (Zvakazarurwa 12:7-9) Sezvo pesvedzero yake yakaganhurirwa zvikuru, Satani “unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Ndivanaani vari vanyajambwa vari nyore kwaari? Hazvinzwisisiki here kuti vangava zvikurukuru avo vasina ruzivo rwokuzviwanira muupenyu uye muukama hwavanhu? Vanhu vaduku nhasi nokudaro vakava vanyajambwa vaDhiyabhorosi. Kupfurikidza nedzakawanda dzenziyo dzavo nezvavanoronda zvemafaro, vanozviisa mumaoko omunyengeri wavo asingaoneki.—VaEfeso 6:11, 12.

Kunyange apo vanhu vaduku vanoedza kuita chimwe chinhu noupenyu hwavo, vanozviwana vavhiringidzwa. Chibviro chokuguma kweHondo Yenyika II, vanhu munyika dzakawanda vaimborwa hondo vakaedza kuripira kupfurikidza nokupa mhuri dzavo mararamire akabudirira. Zvinhu zvenyama, nhandaro isingaganhurirwi, uye varaidzo zvakava vavariro huru. Somugumisiro, vakawanda vakatambura. “Vanotsvaka kupfuma,” Pauro akanyevera Timotio, “vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza . . . Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.” (1 Timotio 6:9, 10) Kazhinji kazhinji, tinowana vanhu venzanga inodisa zvenyika yanhasi vachibayiwa namarwadzo ezvemari, uye emirangariro. Pakati pavo pane vaduku vakawanda, vanyajambwa vokunyengera kweuyu muvengi mukuru waMwari.

Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, kune mashoko anofadza. Uye ane chokuita navanhu vaduku, avo vane ramangwana rakachengeteka. Zvinogona sei kuva zvakadaro?

Tsvaka uye Uchawana

Vaduku vakawanda vane fungidziro dzokuchenjera. Vanoramba mipimo iri kuderera inozivikanwa navose vakura. Vanonetseka pamusoro pokusaruramisira uye chimiro chendangariro chokuoma mwoyo chevezvamatongerwe enyika vanoda simba nevezvebhizimisi. Kana uri muduku, zvichida aya ndiwo manzwire aunoita.

Rangarira Cedric, rimwe jaya rakanga riri mumakore aro oupwere, rine chakaitika chisiri chechienzi zvikuru.b Somwana, akanga achitya zvinhu zvakawanda, kubatanidza kutya vakafa. Aishamisika kuti muupenyu mune chinangwai. Asingawani mhinduro dzemibvunzo yake kusvikira panguva yaakanga ava nemakore 15, akarega kunetseka pamusoro poupenyu achifurirwa nedzimwe pwere dzaifungidzira zvakawanda. “Taiputa mbanje ndokugara tichitaura kwamaawa akawanda,” anoyeuka kudaro. “Waidavira kuti munhu wose anofunga zvakafanana nezvako, asi hapana munhu akanga ane mhinduro.”

Cedric, kufanana navanhu vaduku vakawanda, aipanga kufara. Kungoputa zvinodhaka hakuna kumugutsa. Akakurumidza kubatanidzwa mukuba nokutengesa zvinodhaka. Kunyange zvakadaro aitsvaka denho itsva. Akatanga kuba kuitira kuti agone kutengesa. “Ndainakidzwa nokuzviita,” anobvuma kudaro. “Asi handina kumbobira munhuwo zvake. Kana ndikaba mota, ndaiisiya iri mumugariro wakanaka. Kana ndikapaza bhizimisi, ndaidaro bedzi pandaiziva kuti vakanga vane inishuwarenzi. Zvakandibetsera kururamisa zvandaiita.” Sezvaungakarira, Cedric akaguma ava mujeri.

Cedric anoyeuka kuti: “Mark, musungwa wandaiva naye mujeri, akataura neni. Achicherekedza kuti ndakanga ndine zimuchinjikwa ziguru rakanyorwa pamusoro peruoko rwangu, akandibvunza kuti nei ndakanga ndinaro. Aifunga kuti raifanira kuva richikosha kwandiri munhau dzorudzidziso.” Mavhiki akati gare gare, Mark akapa Cedric kopi yebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.c “‘Unogona Kurarama Nokusingaperi’—mashoko mashomanene iwayo akandibaya nokukurumidza. Ndizvo zvatakanga tataura nezvazvo nguva dzose, asi takanga tisina kukwanisa kumbowana chokwadi chazvo.” Pashure pekurukurirano dzakawanda nomumwe weZvapupu zvaJehovha aishanyira jeri racho, Cedric akasvika pakuziva kuti zvaaitsvaka zvaigona kuwanika—asi bedzi nenzira yaMwari.

“Ndangorega kusonganirana nedzaimbova shamwari dzangu, ndakafambira mberi nokukurumidza,” anodaro Cedric. Kufambira mberi kwake mukunzwisisa nomufaro zvave zvisiri nyore. “Ndichiri kushandira pazviri,” anodaro. “Ndinofanira kungwarira nzira yandinofunga nayo.” Hungu, Cedric zvino anonzwisisa kuti kufungidzira zvinhu kwakamutungamirira mumusungo waDhiyabhorosi, achifunga kuti vavariro dzake dzaigona kuwanwa bedzi kupfurikidza nokubatanidzwa mumibato inofadza.

Nenzira inofadza, Cedric akabuda mujeri kare kare, uye anofarikanya ushamwaridzani hwenguva dzose navamwe vakawana zvavakanga vachitsvaka. Zvino mumwe weZvapupu zvaJehovha uye anogoverana tariro yazvo yokurarama muParadhiso pasi pano. Anokarirawo mugumo wepesvedzero yaSatani munzira dzayo dzose.

Chokwadika, havasi vanhu vaduku bedzi vakaita saCedric vane nguva yemberi yakachengeteka; vamwe vakakudzwa navabereki vanoda Mwari, vakaroverera muvana vavo kuda chokwadi cheBhaibheri.

Kurovedza kwaMwari Kunopa Mibayiro

“Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi,” akanyora kudaro Mambo akachenjera Soromoni wekare. (Zvirevo 22:6) Izvi zvakava chokwadi muzviitiko zvevaduku vakawanda vakasarudza kutevera mupimo weBhaibheri.

Sheila, Gordon, uye Sarah vakazviita. Vanoyeuka kuti vabereki vavo vaikoshesa zvikuru kuteerera murayiro waKristu woku‘enda ndokuita vadzidzi’ kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 24:14; 28:19, 20) “Muzvisarudzo zvipi nezvipi zvakanga zvichifanira kuitwa, Mai neni taiwanzoti kune mumwe nomumwe, ‘Chichatapura sei basa rokuparidza?’” anoyeuka kudaro Sheila. “Takarega zvirongwa zvakawanda somugumisiro wokurangarira uku,” anobvuma kudaro, achiwedzera kuti, “asi takava nezvikomborero zvakawanda!” Kunyange pakupera kwemazuva marefu aipedzwa tichishanyira misha yavanhu nemashoko akanaka, Sheila namai vake vaienda kumba vachiimba. “Mufaro wangu wakanga wakazara,” anodaro. “Ndichiri kuunzwa nanhasi.”

Gordon anoyeuka manheru eMugovera avaifarikanya kakawanda. “Ndaikokwa kumisha yavakuru veungano, kwataiva nekurukurirano dzine mufungo uye dzinobetsera. Taikurudzirwa kuziva nomusoro ndima dzomuBhaibheri, kutaura takasununguka nhau dzomuMagwaro, kurondedzera chakaitika chokuparidzira, uye kuziva kuti basa roUmambo rakanga riri kukura sei,” anoyeuka kudaro Gordon. “Zvinhu zvose izvi zvakandibetsera kuisa hwaro hwakanaka ndokusakurira kuda Jehovha Mwari.”

Sarah anoyeuka nomufaro manheru aipedzerwa mukushanyira Zvapupu. “Taidya zvokudya pamwe chete. Pakunopera kweshanyo yacho, tairidza piano, tichikumbanira vaya vakanga vachiimba nziyo dzoUmambo hwaMwari. Nziyo dzakatibetsera zvikuru, zvikurukuru mumakore edu echikoro, nemhaka yokuti dzaigonesa kuita zvinhu pamwe chete semhuri.”

Chokwadika, havasi vanhu vaduku vose vanoda kufadza Jehovha vane mamiriro ezvinhu emumhuri akanaka. Zvisinei, kusonganirana zvapedyo nedzimwe mhuri dzeZvapupu muungano kunovapa chengeteko uye pfungwa yokuva pamwe.

Koshesa Hwaro Hwakachengeteka Hweramangwana

Vanhu vaduku nhasi vane chisarudzo. Vanogona kupfuurira nenyika ino yakaipa sezvainonyura mukuparadzwa mu“kutambudzika kukuru” kuri kuuya kwakafanotaurwa naJesu. Kana kuti vanogona kuita “kuti tariro yavo ive kuna Mwari . . . vachengete mirayiro yake,” sokuimba kwakaita wezvemapisarema Asafi. Kuteerera Mwari kuchavadzivisa kuva “rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa mwoyo yavo, uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.”—Mateo 24:21; Pisarema 78:6-8.

Muungano dzinopfuura 80 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, uchawana vanhu vaduku vakawanda vaunogona kuyemura. Vakateerera zano raPauro kumuduku Timotio “kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya.” Somugumisiro, zvino vaka“batisis[a] upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:18, 19) Wana zvakawanda pamusoro peava vaKristu vechokwadi kupfurikidza nokupinda misangano yavo. Ipapo iwewo unogona kuva netariro yenguva yemberi yakachengeteka.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rokuti “kutyisa” rinoshandura shoko rimwe chete rechiGiriki rinoshandiswa pana Mateo 8:28 nepana 2 Timotio 3:1.

b Mazita akachinjwa.

c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Midzimu yakaipa yakanga iri seri kwevarume “vaityisa” vakaporeswa naJesu

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kuvaka “nheyo dzakanaka dzenguva inouya”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe