Mwari Anoona Sei Doro?
MUSIKI wedu anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka, haarambidzi kunwiwa kwedoro zvine mwero.a Pane kuti adaro, akapa munhu “waini inofadza mwoyo womunhu nemafuta anojekesa uso, nechingwa chinosimbisa mwoyo womunhu.” (Pisarema 104:15, Bhaibheri Rinoyera) Kamwe chete Jesu akabatsira kuti pamuchato panakidze nokuchinja mvura kuti ive “waini yakanaka.”—Johani 2:3-10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Zvine musoro kufunga kuti Musiki wedu anonyatsoziva kuti doro rinoita sei mumuviri uye mupfungwa. Mumapeji eBhaibheri, Baba vedu vokudenga ‘vanotidzidzisa kuti tibatsirwe,’ uye vanotiyambira zvakasimba kuti tisapfuure mwero patinonwa zvinodhaka. (Isaya 48:17) Ona nyevero idzi dzakajeka:
“Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa.” (VaEfeso 5:18) ‘Zvidhakwa hazvizogari nhaka youmambo hwaMwari.’ (1 VaKorinde 6:9-11, Bhaibheri Rinoyera) Shoko raMwari rinoshora “kunwira kudhakwa, mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi.”—VaGaratiya 5:19-21.
Ngatichikurukurai ngozi dzokushapira doro.
Zvakaipira Kushapira Doro
Kunyange zvazvo doro ringabatsira, rine zvimwe zvinhu zvarinaro zvine simba zvingakanganisa kushanda kunoita pfungwa nemuviri. Kudutira doro kungakonzera matambudziko anotevera:
Kushapira doro kunokanganisa munhu pakusarudza, zvokuti ‘anenge ava kutadza kufunga zvakanaka.’ (Zvirevo 23:33, TEV) Allen musiya dzasukwa ambotaurwa munyaya yatangira ino akati: “Udhakwa hachisi chirwere chomuviri chete asi chemafungiro uye maitiro. Haumbofungi kuti unenge uchirwadzisa vamwe sei.”
Kushapira doro kungaitawo kuti munhu ashaye nyadzi. Magwaro anonyevera kuti: “Waini newaini inotapira ndizvo zvinobvisa kunzwisisa.” (Hosiya 4:11) Sei? Kakawanda munhu paanenge akanwa, zvinhu zvaanofunga kana kuti zvaanoshuva, zviya zvatisingabudisi pachena kune vamwe tichiti zvinonyadzisa, kwaari zvinenge zvisingachanyadzisi kutaura kana kuita. Kunwisa kunoita kuti kuda kwedu kuita zvakarurama kungova zinyekenyeke. Doro rinogona kukanganisa tsika dzedu, zvoita kuti tive mutsekwende mune zvokunamata.
Somuenzaniso, John akanga apopotedzana nomukadzi wake paakaviruka nehasha ndokunanga kubhawa. Akanga anwa huro shoma shoma mumwe mukadzi paakaenda kwaari. Adutirazve rimwe doro uye asara oga nomukadzi wacho akaita upombwe. Zvadaro, John akazvidemba kuti dai hake asina kunwa doro nokuti rakanga ramuitisa zvaainge asingambofungi kuita.
Kushapira doro kunogona kuita kuti munhu ave nomukanwa makaumburukwa nechidembo uye asave nounhu. “Ndiani anoti: Maiwe! Ndiani anokakavara?” rinobvunza kudaro Bhaibheri. “Ndivo vanogarisa pawaini.” (Zvirevo 23:29, 30, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kushapira doro kunoita kuti uite “somunhu avete pakati pegungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.” (Zvirevo 23:34, Bhaibheri Rinoyera) Chidhakwa chinogona kumuka “chine maronda muviri wose asi chisingayeuki kuti zvakaitika sei.”—Zvirevo 23:35, Contemporary English Version.
Kushapira doro kunogona kukanganisa utano. “Pakupedzisira [doro kana kuti waini] inoruma senyoka, inobaya semvumbi.” (Zvirevo 23:32, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vanachiremba vakabvumirana kuti chirevo ichocho chekare chine uchenjeri. Kumedza doro kwakangofanana nokudya muchetura unogona kukonzera zvirwere zvakasiyana-siyana zvekenza, chirwere chechitaka uye kunyange kutoita kuti chiparare, kuzvimba kwerwatata, ropa shoma kune vane chirwere cheshuga, kukanganisa pfungwa nomuviri zvemwana asati azvarwa, sitiroko, kana kuti chirwere chemwoyo—kungotaura zvishomanana. Uye kunyange kudusva doro kamwe chete zvako kana kuti kuyedzerwa munhu achinwa kunogona kuuraya kana kuita kuti munhu ave pakoma. Kunyange zvakadaro, ngozi huru dzinokonzerwa nokunyanyonwisa hadzitaurwi mumabhuku avanachiremba.
Ngozi huru kupfuura dzose. Kunyange zvazvo munhu angasadhakwa, kunyanyonwisa doro kunokanganisa munhu pakunamata. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vane nhamo vaya vanofumomuka kuti vatsvake doro rinodhaka chete, vanoswerera kusvikira manheru kwasviba zvokuti waini yacho inovapengesa!” Nei? Isaya anotsanangura kuti kunwisa doro kunokanganisa sei munhu pakunamata achiti: “Havatariri basa raJehovha, uye havana kuona basa remaoko ake.”—Isaya 5:11, 12.
Shoko raMwari rinotiyambira kuti ‘tisanwisa waini.’ (Zvirevo 23:20) Vakadzi vakura vanopiwa yambiro yokuti ‘vasaitwa varanda newaini zhinji.” (Tito 2:3) Nei vasingafaniri kunwisa? Nokuti zvishoma nezvishoma vasingazvioni, vanhu vanotanga vachinwa doro shoma asi vanozoramba vachiriwedzera nokufamba kwenguva. Zvinoguma zvaitika ndezvokuti munhu wacho “angarara akasvinura achibvunza kuti, ‘Ndichamuka rini, kuitira kuti ndinwezve rimwe doro?’” (Zvirevo 23:35, CEV) Zvidhakwa zvinoguma zvava parumananzombe, zvichitonzwa zvichifanira kunwa doro mangwanani oga oga kubvisa bhabharasi.
Bhaibheri rinonyevera kuti vaya ‘vanonwisa waini, pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa vachazvidavirira kune uya akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.’ (1 Petro 4:3, 5) Nezvenguva yakaoma yatiri kurarama mairi, Jesu akanyevera kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro [raJehovha] rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva.”—Ruka 21:34, 35.
Kunyange zvakadaro, zvidhakwa zvingaitei kuti ‘zvirege kuremerwa nokunwisa’?
[Mashoko Omuzasi]
a Munyaya ino shoko rokuti “doro” kana kuti “mukombe” rinoreva zvose doro remasese kana romubhodhoro, waini, uye zvimwe zvinwiwa zvinodhaka.
[Mifananidzo iri papeji 4, 5]
Kushapira doro kunogona kukonzera matambudziko akawanda