-
“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Pamashandisiro Amunoita SimbaSwedera Pedyo naJehovha
-
-
10. (a) Mwari akapa vabereki masimba ekuita sei? (b) Shoko rekuti “kuranga” rinorevei, uye mwana anofanira kurangwa sei? (Onawo mashoko emuzasi.)
10 Vabereki vane masimba avakapiwawo naMwari. Bhaibheri rinovakurudzira kuti: “Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) MuBhaibheri, shoko rekuti “kuranga” rinogona kureva “kurera, kudzidzisa, kurayira.” Vana vanoda kurangwa, uye kana vachiisirwa miganhu yakanaka uye vachipiwa mitemo yakanyatsojeka, vanokura zvakanaka. Bhaibheri rinoratidza kuti vana vanofanira kurangwa uye kurayirwa zvine rudo. (Zvirevo 13:24) Saka “shamhu yekurayira” haifaniri kutomboshandiswa kushungurudza mwana kana kumukuvadza.a (Zvirevo 22:15; 29:15) Kuranga mwana zvisina tsitsi nerudo kunogona kuita kuti mwana aore mwoyo. (VaKorose 3:21) Asi kana mwana achirangwa zvakanaka anobva aona kuti vabereki vake vanomuda uye vane chido chekuti akure zvakanaka.
-
-
“Ivai Vatevedzeri vaMwari” Pamashandisiro Amunoita SimbaSwedera Pedyo naJehovha
-
-
a Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “shamhu” raireva tsvimbo yaishandiswa nemufudzi kutungamirira makwai ake. (Pisarema 23:4) Saka “shamhu yekurayira” inoreva masimba akapiwa mubereki ekuti atungamirire nerudo, kwete kuranga zveutsinye.
-