RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 5. Kurira zviri kukutadzisa kubhabhatidzwa

      Musikana uya ari kuisa Bhaibheri mubhegi amai vake vachimupopotera.

      Munhu wese paanosarudza kuzvitsaurira obhabhatidzwa anosangana nematambudziko. Ngationei VHIDHIYO, tione mumwe akasangana nematambudziko tobva takurukura mibvunzo inotevera.

      VHIDHIYO: Kuda Jehovha Kunokunda Zvipingamupinyi (5:22)

      • Muvhidhiyo iyi, Narangerel aifanira kukurira matambudziko api kuti akwanise kushumira Jehovha?

      • Kuda Jehovha kwakamubatsira sei kukurira matambudziko aya?

      Verengai Zvirevo 29:25 uye 2 Timoti 1:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

      • Chii chingatipa ushingi hwekukurira zvipingamupinyi?

  • Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Tinofanira kusimbisa chivimbo chedu muna Jehovha iye zvino. Wana nguva yekunyengetera kwaari uye kuverenga Shoko rake zuva rega rega. Gara uchipinda misangano yeungano. Izvi zvichakubatsira kuramba wakasimba uye wakashinga paunotambudzwa, kunyange nevemumhuri. Muapostora Pauro, uyo aiwanzotambudzwa, akanyora kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.”—VaHebheru 13:6.

      Chimwe chinogona kutipa ushingi kugara tichiparidza. Kuparidza kunotidzidzisa kuvimba naJehovha uye kusatya vanhu. (Zvirevo 29:25) Kana ukava neushingi hwekuparidza iye zvino, uchakwanisa kuparidza kunyange kana hurumende ikarambidza basa redu.—1 VaTesaronika 2:2.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe