RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?
    Mukai!—2007 | July
    • Zvinotaura Bhaibheri

      Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?

      BHAIBHERI rinoti: “Mari inodzivirira.” (Muparidzi 7:12) Inotidzivirira pamatambudziko anokonzerwa nourombo, nokuti ndiyo yatinoshandisa pakutenga zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Zvechokwadi, mari inotenga zvinhu zvose zvatinoda. Muparidzi 10:19 inoti: “Inodiwa pazvinhu zvose.”

  • Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?
    Mukai!—2007 | July
    • Chimwe Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mari

      Kunyange achitaura kuti mari inodzivirira, Mambo Soromoni akawedzera kuti “uchenjeri hunodzivirira” nokuti “hunochengetedza varidzi vahwo.” (Muparidzi 7:12) Airevei? Pano Soromoni aireva uchenjeri hunobva pazivo yakarurama yeMagwaro uye pakutya Mwari kwakarurama. Zvahunokosha kupfuura mari, uchenjeri hwakadaro hunobva kuna Mwari hunogona kuchengetedza munhu kuti asapinde munataisireva uye kunyange kuti asakurumidze kuenda kwamupfiga nebwe. Uyewo, sekorona, uchenjeri hwechokwadi hunokwidziridza vaya vanahwo uye hunoita kuti varemekedzwe. (Zvirevo 2:10-22; 4:5-9) Zvakare nokuti hunoita kuti munhu afarirwe naMwari, hwave huchinzi “muti woupenyu.”—Zvirevo 3:18.

      Vaya vanoda nomwoyo wose uchenjeri hwakadaro, uye vanoda kuhutsvaka, vanoona kuti hunowanika nyore nyore. “Mwanakomana wangu . . . kana ukachemera kunzwisisa, ukashevedzera kuti uwane ungwaru, kana ukaramba uchizvitsvaka sesirivha, ukaramba uchizvitsvaka sepfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, uye uchawana zivo pamusoro paMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru.”—Zvirevo 2:1-6.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe