Mwari Anoshandisa Nzira “Dzakakombama” Here?
“DEUS ESCREVE CERTO POR LINHAS TORTAS” (“MWARI ANONYORA nomazvo achishandisa mitsetse yakakombama”) iyi itsumo yemuBrazil. Inokarakadza kuti Mwari anogaroita zvinhu zvakarurama asi pane dzimwe nguva nenzira inoratidzika kuva yakakombama kumunhu. Somuenzaniso, kana mumwe achakasimba akafa, vakawanda vanoti, ‘Mwari amudaidza kudenga.’ Kana mumwe munhu akatambura nourema hwemuviri kana kuti akatarisana nenhamo, vamwe vanoti, ‘Kuda kwaMwari.’ Sezvo rufu, zvinetso zvemuviri, uye zvimwe zvikonzero zvekusuruvara nokudaro zvichinenedzerwa Mwari, kutaura kwakadaro kunoreva kuti Mwari ‘anonyora zvakakombama,’ kuti anoita zvinhu nenzira isinganzwisiswi nomunhu.
Nei vanhu vakawanda vezvitendero vachidavira kuti Mwari ndiye anoparira rufu uye nhamo? Izvi zvitendero zvinowanzovakirwa pakusanzwisisa mamwe emagwaro eBhaibheri ari oga. Ngationei nokupfupikisa mamwe emashoma acho.
● “Ndianiko unoita mbeveve kana matsi, kana unoona, kana bofu? Ko handizini Jehovha here?”—Eksodho 4:11.
Izvi zvinoreva kuti Mwari anofanira kunenedzerwa pane vose vanotambudzika neurema hwakasiyana-siyana here? Aiwa. Izvi hazvingatsinhirani nounhu hwaMwari. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka.” (1 Timotio 4:4) Hatifaniri kumunenedzera kana mumwe munhu akazvarwa ari bofu, mbeveve, kana matsi. Anongoda zvakanaka pane zvisikwa zvake, nokuti ndiye Anopa “zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.”—Jakobho 1:17.
Vakanga vari vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakazvisarudzira kupandukira Mwari ndokurasikirwa nokukwana uyewo kukwanisa kubereka vana vakakwana. (Genesi 3:1-6, 19; Jobho 14:4) Sezvo vazukuru vavo vakaroora ndokuva nevana, kusakwana kwakaramba kuchiwedzera, kubatanidza urema hwomuviri, kwakatanga kuratidzirwa muvanhu. Kunyange Jehovha Mwari asina kukonzera izvi, akazvibvumidza kuitika. Saka, anogona kuzvitaura se‘anoita’ mbeveve, matsi, uye bofu.
● “Chakakombama hachibviri kururamiswa.”—Muparidzi 1:15.
Aiva Mwari here akaita kuti zvinhu zvikombame? Sezviri pachena haasi. Muparidzi 7:29 inoti: “Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.” Contemporary English Version inotaura namamwe mashoko ndima iyi kuti: “Takanga takanyatsotendeseka Mwari paakatisika, asi zvino tava nepfungwa dzakamonyana.” Panzvimbo pokurambira pazvinodiwa naMwari zvakarurama, kazhinji kacho, varume navakadzi vakazvisarudzira kutevedzera zvavanoda pachavo, zvirongwa, mazano, kana nzira—dzinogumisira dzavakuvadza.—1 Timotio 2:14.
Uyewo, sezvakatsinhirwa nemuapostora Pauro, nemhaka yezvivi zvavanhu, “zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari.” (VaRoma 8:20) Uye mamiriro ezvinhu aya haa“bviri kururamiswa” nenhamburiko dzavanhu. Kukombama kwose nezvisingagari zvose muzvinhu zvapasi zvichabviswa nokupindira kwaMwari bedzi.
● “Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiani ungaruramisa chaakakombamisa iye?”—Muparidzi 7:13.
Namamwe mashoko, Mambo Soromoni ari kubvunza kuti: ‘Ndiani pakati pavanhu anogona kururamisa urema uye kusakwana uko Mwari anobvumira?’ Hapana, nokuti pane chikonzero nei Jehovha Mwari achibvumira zvinhu izvi kuitika.
Saka Soromoni anorumbidza kuti: “Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.” (Muparidzi 7:14) Munhu anofanira kuonga zuva iro zvinhu zvinomufambira zvakanaka uye anoratidza kuonga kwake nokufunga nezvezvakanaka. Anofanira kuona zuva rakanaka sechipo chinobva kuna Mwari. Asi zvakadini kana zuva racho riine kutambura? Munhu wacho anoita zvakanaka ku“cherekedza,” ndiko kuti, kuziva, kuti Mwari abvumidza kutambura kuti kuitike. Nei adaro? Soromoni anoti “Kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.” Izvi zvinorevei?
Kuti Mwari anotibvumira kutarisana nezvose zviri zviviri mifaro uye zvitambudzo zvinotiyeuchidza kuti hatigoni kutaura kuti zvii zvichaitika mune ramangwana. Kutambura kunogona kuwira vakarurama nevasina kururama. Hapana musiyano. Izvi zvinofanira kutiita kuti tizive kukosha kwekuvimba, kwete nesu pachedu, asi naMwari, tichiyeuka kuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Kunyange tingasanzwisisa zvimwe zvinhu iko zvino, tinogona kuva nechokwadi chokuti kana zvinhu zvose zvaitwa, zvinenge zvabvumirwa naMwari zvinenge zvabatira chinangwa chinobetsera vose vanobatanidzwa.
Chipi nechipi chaanobvumira hachimbofi chakakuvadza zvechigarire vose vane mwoyo yakarurama. Muapostora Petro akazvijekesa paakatsinhira nezvokutambura kwevaaitenda navo munguva yake kuti: “Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.”—1 Petro 5:10.
Nguva Yokururamisa Zvinhu
Jehovha anotipa simba rokutsungirira miedzo yedu panguva ino. Anopikirawo ku“vandudza zvose.” (Zvakazarurwa 21:5) Hungu, chinangwa chake kuti Umambo hwake hwokudenga nokukurumidza hudzorere utano kuna avo vanotambura neurema uye hutarisire kumutswa kwevakafa. Hurumende iyoyo ichabvisawo uyo ane nzira dzakakombama zvechokwadi—Satani Dhiyabhorosi. (Johane 5:28, 29; VaRoma 16:20; 1 VaKorinte 15:26; 2 Petro 3:13) Chikomborero chakadini pavanhu vanotya Mwari mupasi rose apo nguva yaMwari yokururamisa zvinhu ichasvika!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
Jobho Achinzwa Nezvokuparadzwa Kwake/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications