-
Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza ZvekuitaRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
5. Fungawo nezvehana dzevamwe
Vanhu havasarudze zvakafanana. Tingaratidze sei kuti tinoremekedza hana dzevamwe? Ona mienzaniso miviri:
Muenzaniso wekutanga: Imwe hanzvadzi inofarira zvekupoda-poda inotamira kuungano ine hanzvadzi dzakawanda dzinoshora nyaya yacho.
Verengai VaRoma 15:1 uye 1 VaKorinde 10:23, 24, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Tichishandisa mavhesi aya, hanzvadzi iyi inogona kuita sei? Ungaita sei paunenge uine munhu ane hana inomurambidza kuita chimwe chinhu chaunoona hana yako ichikubvumira kuita?
Muenzaniso wechipiri: Imwe hama inoziva kuti Bhaibheri harirambidze kunwa doro zvine mwero, asi inosarudza kusanwa. Anokokwa kumabiko oona hama dzichinwa.
Verengai Muparidzi 7:16 uye VaRoma 14:1, 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Tichishandisa mavhesi aya, hama iyi inogona kuita sei? Ungaita sei kana ukaona mumwe munhu achiita chimwe chinhu chaunoona hana yako isingakubvumire kuita?
Matanho api atinofanira kutora kuti tizosarudza zvakanaka?
1. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kusarudza zvekuita.—Jakobho 1:5.
2. Tsvakurudza muBhaibheri nemumabhuku anotsanangura Bhaibheri kuti unzwe mafungiro aMwari. Unogona kunzwawo pfungwa dzemumwe muKristu ava nenguva achinamata dzinogona kukubatsira pakusarudza.
3. Funga kuti kana wasarudza uchasara uchinzwa sei uye hana dzevamwe dzichanzwawo sei.
-
-
Ungaita Sei Kuti Matauriro Ako Afadze Jehovha?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
5. Taura zvakanaka nezvevamwe
Tingaita sei kuti tisataura zvinogumbura kana kutaura zvakaipa nezvevamwe? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.
Muvhidhiyo iyi, nei hama iyi yakaona kuti yaifanira kuchinja matauriro ayaiita nezvevamwe?
Akaita sei kuti achinje?
Verengai Muparidzi 7:16, mobva makurukura mubvunzo uyu:
Chii chatinofanira kuyeuka kana tikaona tava kuda kutaura zvakaipa nezvemumwe munhu?
Verengai Muparidzi 7:21, 22, mobva makurukura mubvunzo uyu:
Mavhesi aya angakubatsira sei kuti usakurumidza kugumbuka kana mumwe munhu akataura zvakaipa nezvako?
-