Kusaroora—Nzira Inotusa Youpenyu
“Iye akasununguka kuti aroorwe nowaanoda, muna Ishe bedzi. Asi iye anofara zvikuru kana akaramba ari sezvaakaita.”—1 VAKORINTE 7:39, 40, NW.
1. Tingave tisina kuroora kana kuti takaroora, chii chatine ngava nacho kuna Jehovha?
JEHOVHA anofanirwa nenamato yomweya wose yaavo vose vakazvitsaurira kwaari. Tingave takaroora kana tisina kuroora, tinofanira kuda Jehovha nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:30) Chokwadi, muKristu asina kuroora ane zvinotsausa zvishoma kupfuura zvinoita avo vakabatana muchisungo cheroorano. Asi mubatiri asina kuroora waJehovha anogona kuva anofara zvirokwazvo here?
2, 3. (a) Chaizvoizvo, chii chakataura Pauro pana 1 VaKorinte 7:39, 40? (b) Mibvunzoi inofanirwa nerangariro?
2 Muapostora Pauro anopindura kuti hungu. Pamsoro paavo vakamboroora asi avo vane migariro yakanga yachinja, iye akanyora, achiti: “Mukadzi akasungwa mukati menguva yose murume wake achiri mupenyu. Asi kana murume wake akafanira kurara murufu, iye asununguka kuti aroorwe nowaanoda, muna Ishe bedzi. Asi iye anofara zvikuru kana iye akaramba ari sezvaakaita, mukuwirirana nomufungo wangu. Zvamazvirokwazvo ini ndinofunga kuti iniwo ndino mudzimu waMwari.”—1 VaKorinte 7:39, 40, NW.
3 Sezvo Pauro achiratidzira kuti vanhu vasina kuroora vanogona kuva vanofara, ndiani anogona nenzira ine mufungo kurangarira kuramba asina kuroora, kweinenge zvayo nguva yakati? Chii chinogovera kumufarwa wamaKristu asina kuroora? Zvamazvirokwazvo, kusaroora kunogona sei kuva nzira inotusa youpenyu?
Makore Anotusa Okusaroora
4. Chii chiri chechokwadi nezvamakore oujaya noumhandara?
4 Mambo akachenjera Soromoni akakurudzira, kuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa [oukweguru] asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: ‘Handifariri izvozvo’” (Muparidzi 12:1) Makore oujaya noumhandara kazhinji kazhinji inguva yesimba rakati noutano hwakanaka. Haiwa kwakakodzera sei, ipapoka, kuti izvi zvinhu zvishandiswe mubasa raJehovha pasina kutsauswa! Uyezve, aya makore apakuvamba inguva yokuwana ruzivo rwokuzviwanira muupenyu, kukudziridza gadzikano. Asi iyiwo inhambo apo vanhu vaduku venyika vanotambura rudo rusina mufungo. Somuenzaniso, rangarira miuyo yenzvero inobatanidza vanhu 1 079 vari pakati pamazera 18 ne 24. Ivo vakanga vava neavhareji ye“zvinoitika zvorudo” zvinomwe mumwe uye nguva dzose vakataura kuti chinoitika chavo chazvino chaiva rudo rwechokwadi, kwete rudo rusina mufungo.
5. Pamsoro peroorano, mibvunzoi yomunhu oga yakafanira kuti munhu muduku arangarire?
5 Zviverengero zveparadzano, chatanuro, uye zvimwe roorano dzakapunzika zvinoratidzira kusava nomufungo kweroorano dzokukurumidza. Panzvimbo pokumhanyira mukuronga misi yokundovhakacha, nyengano, uye roorano, maKristu maduku akachenjera kufunga zvakananga pamsoro penzira yaanogona kushandisa nayo anenge zvawo makore awo apakuvamba mubasa risina kutsauswa rokuna Jehovha. Mukuyera migariro yako somunhu muduku, ungasanozvibvunza umene mibvunzo yakadai seiyi: Ko ini zvino ndakura mundangariro uye ndagadzirira kufunga zvakakomba pamsoro peroorano here? Ko ini ndine ruzivo rwokuzviwanira rwakakwana muupenyu zvokuva mukwanyina weroorano akanaka here? Ko ini ndingagona here kuita nenzira yakafanira mitoro yeroorano uye sezvinobvira yemhuri ine vana? Nemhaka yetsauriro yangu kuna Jehovha, handifaniri kumupa here simba noumhare zvepwere pasina zvinotsausa zvine chokuita neroorano?
Tuso Dzokusaroora Kwakachena
6, 7. (a) Ndedzipi dziri betsero dzinowanzofarikanywa namaKristu asina kuroora? (b) Muna ikoku, chii chakataura mumwe mufundisi asina kuroora muAfrica?
6 MaKristu asina kuroora anofarikanya rusununguko pakutsauswa uye anogona kuwana “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 7:32-34; 15:58, NW) Panzvimbo pokunangidzira ngwariro pamunhu mumwe uyo ari mukadzi kana kuti murume, munhu asina kuroora ane mabanza akawanda okukura murudo rwechiKristu nokuda kwavazhinji vari muungano, kubatanidza vakwegura navamwe vanoda betsero yorudo. (Pisarema 41:1) Kazhinji kazhinji, vanhu vasina kuroora vane nguva yakawanda yefundo nefungisiso pamsoro peShoko raMwari. (Zvirevo 15:28) Ivo vane banza guru rokusakurira ukama hwapedyo naJehovha, kudzidza kumuvimba zvikuru nokutsvaka nhungamiro yake. (Pisarema 37:5; VaFiripi 4:6, 7; Jakobho 4:8) Murume asina kuroora uyo akabatira Jehovha kwamakore somufundisi muAfrica akati:
7 “Upenyu mumisha yeAfrica hwave hwakapfava muaya makore ose, pasina zvinotsausa zvakawanda zvikuru zvepepuko yazvino uno. Pasina izvi zvinotsausa, ndakava nebanza guru rokufunda nokufungisisa paShoko raMwari. Ikoku kwakandichengeta ndakasimba. Hungu, upenyu hwoufundisi hwave huri chikomborero chaichoicho nedziviriro pakudisa zvenyika. Mukati mamadekwana anofadza omunzvimbo dzinopisa dzapasi mave mune nguva yakawanda yokufungisisa nokurangarira pamsoro pechisiko chaJehovha nokuswedera pedyo naye. Mufarwa wangu mukurusa unosvika madekwana mamwe mamamwe apo ndangariro yangu inenge ichiri yakamuka, uye ndiri ndoga ndinogona kupedza nguva yakati ndiri pasi pedenga rakazadzwa nenyeredzi ndichifamba nokutaura naJehovha. Ikoku kwakandikwevera pedyo zvikuru naJehovha.”
8. Pamsoro pokusaroora, chii chakataurwa nehanzvadzi isina kuroorwa ine makore akawanda ebasa padzimbahwe reSosaiti?
8 Inokoshawo ndeiyi tsinhiro yeimwe hanzvadzi isina kuroorwa ine makore akawanda ebasa padzimbahwe reWatch Tower Society: “Ndakasarudza kurarama upenyu hwokusaroorwa mubasa rangu kuna Jehovha. Ndinombova noushoma here? Nyangwe. Chaizvoizvo, nguva dzangu ndiri ndoga dziri pakati pedzinokosha zvikurusa. Ndinogona kukurukura naJehovha mumunyengetero. Ndinogona kufarikanya fungisiso nefundo yomunhu oga pasina chinotsausa. . . . Kusaroorwa kwakagovera kwete zvishomanene kumufaro wangu.”
9. Ndedzipi dziri ropafadzo dzebasa idzo muKristu asina kuroora angakwanisa kufarikanya?
9 Munhu asina kuroora anogonawo kugamuchira maropafadzo ebasa angasazarukira vanhu vakaroora vane mitoro yemhuri. Somuenzaniso, pangava namabanza okupinda muushumiri hwenguva yakazara sapiona munharaunda umo kudikanwa kwavazivisi voUmambo kuri kukuru. Kana kuti jaya risina kuroora ringaropafadzwa kubatira somutezo wemhuri yeBheteri padzimbahwe reWatch Tower Society kana kuti hofisi yebazu. Mukadzi muduku asina kuroorwa angakwanisa kukumbanira hanzvadzi isina kuroorwa yati kurei mubasa roupiona muungano yokumusha kwavo kana kuti imwe ine ndima inoda kufukidzwa. Kuregerereiko kukurukura zvinobvira zvakadaro nomutariri wedunhu? SomuKristu asina kuroora, zviite umene anowanika nokuda kwebasa rakawedzerwa kurumbidzwo yaJehovha, uye iye achakukomborera zvikuru kwazvo.—Maraki 3:10.
Mienzaniso Yomunguva Yakapfuura
10. Ndiani akagovera muenzaniso mukurusa womubatiri asina kuroora waJehovha, uye neiko uchifunga kuti kusaroora kwake kwaibetsera?
10 Muenzaniso mukurusa womubatiri asina kuroora waJehovha akanga ari Jesu Kristu. Iye akanga akanyura zvizere mukuita kuda kwaMwari. “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma nokupedza basa rake,” akadaro Jesu. (Johane 4:34) Haiwa iye akanga akabatikana sei—kuparidzira, kuporesa vanorwara, uye zvichingodaro! (Mateo 14:14) Jesu aiva nefariro yechokwadi muvanhu uye akanga akasununguka ane varume, vakadzi, uye vana. Zvamazvirokwazvo, iye akafamba-famba muushumiri hwake, vamwe vachimuperekedza panhambo dzakati. (Ruka 8:1-3) Asi mubato iwoyo ungadai wakava wakaoma sei kudai iye akanga aperekedzwa nomudzimai navana vaduku! Nenzira isingapanikirwi, kusaroora kwaiva betsero muchinoitika chaJesu. Nhasi, muKristu asina kuroora angafarikanya betsero dzakafanana, zvikurukuru kana akakumbirwa kuzivisa shoko roUmambo munharaunda dziri kure kana kuti dzine ngozi.
11, 12. Mienzanisoi yakaisvonaka inodudzwa yavakadzi vasina kuroorwa vanobatira Jehovha nhasi?
11 Asi vamwe vakawanawo kusaroora kuchishanda uye kuchitusa. Mwanasikana waJefta akaita nokuzvidira mhiko yababa vake kupfurikidza nokuramba asina kuroorwa muchaunga chaisimbisa zvikuru roorano navana. Iye akawana mufaro mubasa rake kuna Jehovha, uye kunokosha kuti vamwe vaimukurudzira nguva dzose. Chokwadi, “pagore negore vanasikana vaIsraeri vaienda kundopa rumbidzo kumwanasikana waJefta muGireadhi, mazuva mana mugore”! (Vatongi 11:34-40, NW) Nenzira yakafanana, maKristu akaroora navamwe vanofanira kurumbidza nokukurudzira vakadzi vasina kuroorwa vanobatira noushingi Jehovha nhasi.
12 Mhandara ina dzaFiripo “dzakaporofita.” (Mabasa 21:8, 9) Ava vakadzi vasina kuroorwa vanofanira kuva vakawana gutsikano huru mubasa ravo rokushingaira kurumbidzwo yaJehovha. Nenzira yakaenzana, vakadzi vaduku vazhinji vasina kuroorwa nhasi vane ropafadzo inotusa yokubatira samapiona, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara. Zvirokwazvo, ivo vanofanirwa nerumbidzo sorutivi rwe‘hondo huru yavakadzi vanozivisa mashoko akanaka.’—Pisarema 68:11.
13. Chinoitika chaPauro chinoenzanisira sei kuti kusaroora kunogona kuva nzira inotusa youpenyu?
13 Muapostora Pauro akawana kusaroora kuva kune betsero. Iye akafamba zviuru zvamamaira muushumiri hwake ndokutarisana nenhamo huru, ngozi dzakawanda, usiku hwokusarara, nzara inorwadza. (2 VaKorinte 11:23-27) Nenzira isingapanikirwi, kwose ikoku kungadai kwakava kwakaoma zvikuru kwazvo nokunotambudza kudai Pauro akanga akaroora. Uyezve, hakusati kuchitongobvira kuti iye angadai akambova namaropafadzo ake so“muapostora kumarudzi” kudai iye akanga ave achirera mhuri. (VaRoma 11:13, NW) Pasinei zvapo nemiedzo yaakatarisana nayo, Pauro akava noufakazi hwakananga hwokuti kusaroora kunogona kuva nzira inotusa youpenyu.
Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno
14. Ndizvinoitikai zvakafarikanywa namacolporteur, mazhinjisa ayo akanga asina kuroora?
14 Kufanana naPauro namamwe maKristu apakuvamba asina kuroora, chiverengero chakati chavanhu vaMwari avo vakagoverana mubasa recolporteur (kuvambira muna 1881 zvichienda mberi) vaiva vanhu vasina kuroora vasina mhuri dzinotsamira pavari. Ivo nokudisa vakapinda mumaguta asina kurovedzanwa nawo, mataundi, uye nharaunda dzomumaruwa, vachitsvaka avo vane mwoyo yakanaka nokuvagovera mabhuku eBhaibheri. Kufamba kungava nechitima, bhasikoro, ngoro inodhonzwa namabhiza, kana kuti motokari. Kazhinjisa, ivo vaifamba nomufaro paimba neimba. (Mabasa 20:20, 21) “Pane dzimwe nguva ivo vaichinjanisa [mabhuku eBhaibheri] nezvirimwa zvapapurazi, huku, sipo nezvose, izvo vaizoshandisa kana kuti kutengesa kuvamwe,” chakayeuka kudaro chimwe Chapupu chaJehovha, chichiwedzera, kuti: “Padzimwe nguva, munharaunda inogarwa zvakapararira, ivo vaigara navanasapurazi navachengeti vemombe usiku, uye padzimwe nguva kunyange kurara muheyi . . . Ava vakatendeka [vazhinjisa vavo vakanga vasina kuroora] vakapfuurira kwamakore kutozosvikira ukweguru hwavasvikira.” Zvirokwazvo, mumwe wavo akataura nokuda kwamacolporteur akare iwayo ose zvawo apo iye akanyora, kuti: “Takanga tiri vaduku navanofara mubasa, tichifara kushandisa simba redu mukubatira Jah.”
15. Nokuda kwamapiona akawanda asina kuroora, isuoi rinotungamirira kumubato mukuru rakazaruka makore 45 apfuura?
15 Mapiona akawanda, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara, enguva dzapashure akanga asina kuroorawo. Ivo kazhinji kazhinji vaipupurira munharaunda dziri dzoga, vakabetsera kutanga ungano itsva, uye vakafarikanya zvimwe zvikomborero mubasa raJehovha. Nokuda kwavamwe vavo, suo rinofadza rinotungamirira kumubato mukuru rakazaruka apo Watch Tower Bible School of Gilead yakavamba kushanda muna 1943 apo Hondo yeNyika II yakanga ichiri kupenga. (1 VaKorinte 16:9) Hungu, vazhinji vamapiona iwayo asina kuroora akagamuchira rovedzo youfundisi paGilead School uye nokukurumidza vakanga voparadzira shoko roUmambo mundima itsva. Vasingaremedzwi nemitoro yeroorano, ivo vakazviita vamene vanowanika nokuda kwebasa raJehovha, uye vamwe vavakapedza kudzidza ivavo vapakuvamba vachiri vasina kuroora navanoshingaira mumunda woufundisi kana kuti rumwe rutivi rwebasa renguva yakazara.
16. Hufakazii huripo hwokuti mitezo isina kuroora yemhuri yeBheteri yakawana kusaroora kuva nzira inotusa youpenyu?
16 MaKristu asina kuroora akawanda akabatira kwamakore semitezo yemhuri yeBheteri padzimbahwe reWatch Tower Society kana kuti pamapazu aro kune imwe nzvimbo munyika. Ko ivo vakawana kusaroora kuva nzira inotusa youpenyu here? Hungu, zvamazvirokwazvo. Somuenzaniso, imwe hama isina kuroora iyo yakanga yabatira paBheteri yeBrooklyn kwamakore akawanda yakati: “Mufaro wokuona mamirioni amagazini nezvimwe zvinyorwa zvine shoko reShoko raMwari zvichipararira kumigumo yapasi yave iri tuso inoshamisa mairi imene.” Pashure pamakore 45 ebasa reBheteri, imwe hama isina kuroora yakati: “Zuva riri rose ndinokumbira Baba vedu vokudenga vanodiwa mumunyengetero nokuda kwebetsero nouchenjeri kundichengeta ndimene ndine utano uye ndakasimba mumudzimu pamwe chete nomunyama kuti ndigoramba ndichipfuurira kuita kuda kwake kutsvene. . . . Zvamazvirokwazvo ndakafarikanya nzira inofadza, inotusa neyakakomborerwa youpenyu.”
Kuchengeta Kusaroora Kwakachena
17. Ndedzipi dziri yamuro mbiri mukuchengeta kusaroora kwakachena?
17 Kuti upenyu hwokusaroora hunogona kuva hunotusa kuri pachena kubva mumienzaniso yeBhaibheri neyomuzuva razvino uno. Chokwadika, mukati menhambo ipi neipi youpenyu hwako inoshandiswa mumugariro wokusaroora, unodikanirwa ‘kuramba wakadzikama mumwoyo mako.’ (1 VaKorinte 7:37) Asi chii chinogona kukubetsera kuchengeta rucheno usina kuroora? Manyuko makurusa ebetsero ndiJehovha, “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2, NW) Naizvozvo kuite tsika kumukumbira kazhinji kazhinji. “Pfuurira mumunyengetero,” uchikumbira mudzimu waMwari nebetsero yake mukuratidzira chibereko chawo, icho chinobatanidza rugare nokuzvidzora. (VaRoma 12:12, NW; Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23) Ipapowo, nechimiro chokunyengetera, nguva dzose rangarira uye shandisa nguva dzose zano reShoko raMwari.
18. 1 VaKorinte 14:20 ine chii chokuita nokuramba kwomunhu akachena somunhu asina kuroora?
18 Imwe yamuro mukuchengeta kusaroora kwakachena kudzivisa chinhu chipi nechipi chinonyandura zemo revatano. Sezvinooneka, ikoko kunobatanidza mabhuku outere nevaraidzo youtere. Pauro akati: “Muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru.” (1 VaKorinte 14:20) Usatsvaka zivo kana kuti ruzivo pamsoro pezvakaipa, asi nebetsero yaMwari ramba nenzira yokuchenjera usina ruzivo uye usina zvaunoziva somwana muna ikoku. Panguva imwe cheteyo, yeuka kuti utere hwevatano nokuita chakaipa hazvina kufanira pamberi paJehovha.
19. Magwaroi anonongedzera kudzimwe nzira dzokuramba nadzo takachena somunhu asina kuroora?
19 Uchabetserwawo kuramba wakachena somunhu asina kuroora kupfurikidza nokungwarira songaniro dzako. (1 VaKorinte 15:33) Dzivisa kusonganirana naavo vanoita vatano neroorano zvinhu zvikuru muupenyu hwavo nekurukurirano. Napaunogona napo pose dzivisa kutamba kusakafanira! Pauro akapa zano, kuti: “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.”—VaEfeso 5:3, 4.
Nguva Yemberi Inotusa
20. Kushandisa zvakanakisisa makore omunhu okusaroora mubasa raJehovha kuchaguma nechii?
20 Kushandisa makore ako somuKristu asina kuroora zvakanakisisa zvinobvira mubasa raJehovha kuchaunza gutsikano yazvino norugare rwendangariro. Kuita saizvozvo kuchagoverawo kuukuru hwako hwomudzimu nedzikamo. Kana ukaramba usina kuroora nokuda kwoUmambo kutozosvikira pamugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu, Jehovha haasati achizokanganwa nhamburiko dzako dzokuzvibaira mubasa rake rinoyera.
21. Kana iwe ukafanira kuroora pashure penhambo yakati yokusaroora kwakachena nokunotusa, sezvingabvira uchapinda muroorano nechii?
21 Kana ukaronda nokushingaira fariro dzoUmambo somurume asina kuroora kana kuti mukadzi asina kuroorwa, uchafarikanya zvikomborero zvakawanda. (Zvirevo 10:22) Ipapo kana ukafanira kuroora gare gare muupenyu, uchapinda muroorano noruzivo rwokuzviwanira rukuru noruzivo rwomudzimu rukuru. Uyezve, kupfurikidza nokutevera zano raMagwaro, uchasarudza mukwanyina akazvitsaurira anochengeta perero uyo achakubetsera kubatira Mwari nokutendeka. Munguvayi, unogona kuwana kusaroora kuva nzira inotusa youpenyu mubasa raMwari wedu ane rudo, Jehovha.
Ungapindura Sei?
◻ Pakati pavabatiri vaJehovha, ndedzipi dziri dzimwe tuso dzokusaroora kwakachena?
◻ Mienzanisoi yapaMagwaro iripo yokuratidza kuti kusaroora kunogona kuva kunotusa?
◻ Munguva dzazvino uno, mienzanisoi yokusaroora kunotusa yatinayo?
◻ Chii chinogona kubetsera muKristu kuramba akachena asina kuroora?
[Bhokisi riri papeji 19]
Yamuro Mukuchengeta Kusaroora Kwakachena
◆ Nyengetera nguva dzose nokuda kwomudzimu waMwari nebetsero yake mukuratidzira chibereko chawo
◆ Fungisisa uye nguva dzose shandisa zano reShoko raMwari
◆ Dzivisa mabhuku outere nevaraidzo youtere
◆ Ngwarira songaniro dzako
◆ Dzivisa mutauro usina kuchena nokutamba kwakashata
[Mifananidzo iri papeji 18]
Mwanasikana waJefta, muapostora Pauro, uye vamwe vabatiri vaJehovha vakawana kusaroora kuva nzira inotusa youpenyu. Iwe unogona here?