RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uri Kuitira Mwari Zvose Zvaunofanira Kuita Here?
    Nharireyomurindi—1999 | November 15
    • 12. Mumashoko ako pachako, ungataura sei zvakataurwa naSoromoni zvakanyorwa pana Muparidzi 12:11, 12?

      12 Kunyange pasina nzira dzokudhinda nadzo dzemazuva ano, kwaiva nemabhuku akawanda muzuva raSoromoni. Mabhuku akadaro aifanira kuonekwa sei? Akati: “Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwe chete. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.”—Muparidzi 12:11, 12.

  • Uri Kuitira Mwari Zvose Zvaunofanira Kuita Here?
    Nharireyomurindi—1999 | November 15
    • 14. (a) “Kudzidza kuzhinji” hakubatsiri pamabhuku orudzii? (b) Tinofanira kunyanya kurava mabhuku api, uye nei?

      14 Zvisinei, nei Soromoni akataura zvaakaita pamusoro pemabhuku? Zvakanaka, zvichienzaniswa neShoko raJehovha, mavhoriyamu asingaperi enyika ino ane mafungiro zvawo evanhu. Akawanda emafungiro iwaya anoratidza pfungwa yaSatani Dhiyabhorosi. (2 VaKorinde 4:4) Naizvozvo, “kudzidza kuzhinji” mabhuku enyika akadaro kunobudisa zvishoma zvinokosha kwenguva yakareba. Kutaura zvazviri, akawanda awo anogona kukuvadza mumudzimu. Kufanana naSoromoni, ngatifungisisei zvinotaura Shoko raMwari nezveupenyu. Izvi zvichasimbisa kutenda kwedu ndokutiswededza pedyo naJehovha. Kunyanyorava mamwe mabhuku kana kuti zvinopa mashoko okurayiridza kunogona kutinetesa. Kunyanya kana mabhuku akadaro ari emafungiro enyika anorwisana nouchenjeri hwaMwari, haana kuchena uye anoparadza kutenda muna Mwari nezvinangwa zvake. Nokudaro, ngatirangarirei kuti mabhuku anonyanya kubatsira emuzuva raSoromoni neredu ndeaya anoratidza uchenjeri hwe“Mufudzi mumwe,” Jehovha Mwari. Akagovera mabhuku 66 eMagwaro Matsvene, uye iwaya ndiwo atinofanira kunyanyokoshesa. Bhaibheri nemabhuku anobatsira e‘muranda akatendeka’ zvinoita kuti tikwanise kuwana “zivo yaMwari.”—Zvirevo 2:1-6.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe