Ganhuro 1
Chii Chichava Mburumbwa Yapasi?
1. Rudzii rwenguva yemberi yaunokarira, uye neiko?
KO NGUVA yemberi yakakuchengeterei somumwe wamabhirioni avanhu vanorarama zvino pamburumbwa yaPasi? Ko waizoda kuti ive upenyu hworugare nechengeteko, pakati pavanhu vanodanana zvomenene here? Iyeyo nezvimwe zvizhinji zvinogona kuva zvako. Asi haizati iri nguva yemberi iyo vazhinjisa vanokarira. Inokona neiko?
2, 3. Ko kutyisidzira kwehondo yenyukireya kunopesvedzera sei nzira inorangarira nayo vanhu vazhinji nguva yemberi?
2 Tyisidziro yehondo yenyukireya yakamutsa kupanikira kwakakomba kana kuchizotongova nenguva yemberi nokuda kwavazhinjisa vorudzi rwomunhu. Apo bhomba reatomu rakatanga kushandiswa muhondo muna 1945, vanopfuura varume, vakadzi, navana vane 70 000 vakaurawa pakare pakarepo. Zvimwe zviuru zvizhinji zvakafa kufa kunorwadza mukati mamazuva namakore akatevera. Asi nhasi muromo wechombo chinokandwa chenguva dzose chimwe chete chine zvinoputika zvamabhomba ose akadonhedzwa mukati meHondo yeNyika II. Kuna makumi ezviuru ezvombo zvenyukireya zvakarongwa nokuda kwokushandiswa pakare pakarepo. Zvakare nyika inopedza $2 000 000 000 pazuva panhangemutange yezvombo inosiya vanhu vazhinji vachifemuruka mukutya.
3 Asika zvakadiniko kudai kuchingova bedzi ne“hondo yenyukireya yakaganhurirwa”? Miuyo yacho ingangovawo ichityisa. Mukuwirirana naCarl Sagan, wezvesayenzi akakurumbira, kudai marudzi aizoshandisa kunyange rutivi rudukusa rwesimba rao renyukireya, “hapana panikiro yokuti pepuko yedu yemburumbwa ingaparadzwa. . . . Uye panoratidzika kuva pane kubvira chaikoiko kwokuparadzanywa kwendudzi dzavanhu.” Vanhu vazhinji vanoedza kubvisa kariro dzakadaro mundangariro dzavo, asika ikoko hakuzati kuchibvisa ngozi. Chiverengero chinowedzera nokukurumidza chavamwe chakaumba masangano avezvoruzivo rwokupukunyuka. Mukukarira kuti vamwe vachapukunyuka, ivo vakavaka nzvimbo dzoutiziro munzvimbo dziri dzoga ndokudzizadza nezvokudya nemigove yemishonga yokurapa, uyewo nepfuti dzokutandanisa nadzo vavhozhokeri vasingadikanwi.
4. Neiko kushandiswa zvisina kufanira kwemhoteredzo kuchirangarirwa setyisidziro yakakomba?
4 Kunze kwehondo yenyukireya, vezvesayenzi vanonyevera nezvokubvira kwengwavaira yemburumbwa yose inobva munzira iri kushandiswa nayo zvisina kufanira mhoteredzo. Kushatswa kwemhepo yatinofema manyuko okuitira hanya kwakakomba. Masango ari kuparadzwa mumwero unotyisa; asika iwawa anokosha mugadziriro yemhepo inofemwa yapasi, gadziriro yaro yokunaya kwemvura nokuchengetedzwa kwevhu. Kupfurikidza nokusaziva noudyire, ndimo inokosha iri kuparadzwa. Nzizi dzemvura dziri kushatswa, kazhinji kazhinji namakemikoro anouraya. Asika manyuko ose iwawa ndizvinodikanwa zvokutsigira upenyu hwavanhu.
5, 6. Ndimimwe migariroi inodzivisa vanhu kukarira upenyu kuva hwakakotsekana nohunofadza?
5 Iwe ungarangarira hako, kuti chokuitira hanya zvikuru kwazvo ndiro idi rokuti utsinye hwamasimba masimba huri kuita kuti vanhu vave vasungwa mudzimba dzavo vamene. Kusaterama kwezvamatongerwe enyika nokugarisana kwavanhu kunoita kuti upenyu huve nengozi. Urovha hwakapararira nokukwira kwemitengo kunoparira kushaikwa kwezvinodikanwa zvoupenyu nokuvhiringidzika. Upenyu hwapamusha hwavazhinji hahutongogutsi; zvisungo zvorudo zvinofanira kubatanidza mhuri pamwe chete zvinowanzoshaikwa. Kunzvimbo iri yose chimiro chavanhu ndechokuti “Ini pakutanga!”
6 Ko zvino, ko munhu upi noupi angawana kupi nheyo yakanaka yokukarira kufarikanya upenyu hwechengeteko? Kana nguva yedu yemberi savagari vapasi yakatsamira chose chose pane izvo vanhu namarudzi anogoverana mukuparira izvi zvinetso vanodisisa kuita uye vanokwanisa, kariro yenguva yemberi ingava zvamazvirokwazvo isina maturo. Asika kwakadaro here?
MAIDI ASINGAFANIRI KUFURATIRWA
7. (a) Ufakazii hunoratidzira kuti Bhaibheri iShoko ra Mwari? (b) Neiko kuchikosha kuvanhu kuziva zvinorehwa neBhaibheri?
7 Mukurongedzera kwavo, vanhu vanonyanyowanzokundikana zvikuru kurangarira Musiki wapasi nowavanhu. Asika tingagona sei kuziva riri donzo Rake? Bhaibheri rinotizivisa. Mukudzokorora radzokororazve Bhuku iri rinotsanangura kuti zvarinazvo ndezvamavambo oumwari, zvakafuridzirwa naMwari. Ko kambiro iyi ndeyechokwadi here? Kana yakadaro, upenyu hwako hunotsamira pakuita zvinhu mukutsinhirana naro. Nokuda kwoukoshi hweiyi nhau, tinokukuchidzira kunzvera Bhaibheri iwe umene. Uchawana zviporofita zvaro zvizhinji zvakatanhamara zvinoratidzira kuziva kunoudzame nguva yemberi. Uchenjeri hwaro hahuenzanisirwi apo rinotsanangura nhau dzinoisvokosha zvikuru dzomufaro wako usingaperi. Tinovimba kuti, kana iwe ukarangarira nomutoo wokusafungira mano akaipa ufakazi, uchaziva kuti Bhaibheri rinogona bedzi kuve rakabva kumanyuko anopfuura simba romuzvarirwo, kuna Mwari anoda vanhu.a Bhaibheri rina mashoko anokosha kukupukunyuka kwedu panguva ino inotambudza munhau yavanhu. Nomutoo wakakodzera, ibhuku rinoisvoparadzirwa zvakafara pasi pano.—Ona 2 Petro 1:20, 21; 3:11-14; 2 Timotio 3:1-5, 14-17.
8. Ko Bhaibheri rinozivisa Musiki wemburumbwa yaPasi kupfurikidza nezitai?
8 Ndima duku yokutanga yeBhaibheri inorondedzera sezvokwadi yenheyo kuti “Mwari akasika matenga napasi.” (Genesi 1:1)b Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachisarudza kusiya Mwari asina zita, Bhaibheri harisati richidaro. Ichizivisa Musiki nezita, Genesi 2:4 inotizivisa kuti “Jehovha Mwari akaita pasi nedenga.” (Onawo Genesi 14:22; Eksodho 6:3; 20:11.) Huzhinji hweBhaibheri hwakanyorwa mukuvamba vamba muchiHebheru, uye murugwaro rweBhaibheri rwechiHebheru zita raMwari rinowanikwa kanenge kane 7 000 setetragrammaton tsvene (יהוה). Vamwe vashanduri vanorishandura kuva Yahwe, asi muchiNgezi chimiro chinowanzoshandiswa zvikuru chezitaro ndechokuti Jehovha.
9. (a) Ko zita raMwari rakatumidzwa naani? (b) Ko zita raMwari rinokosha sei kwatiri? (Joeri 2:32; Mika 4:5)
9 Iri zita harina kutumidzwa navanhu vakazvipira. Rakasarudzwa noMusiki iye amene. (Eksodho 3:13-15; Isaya 42:8) Iro harizati riri zita rinofanira kushandiswa nomutoo wokutsinhaniswa naBuddha, Brahma, Allah kana kuti Jesu. Nomutoo wakakodzera muporofita Mosesi akayeuchidza rudzi rwekare rwaIsraeri, kuti: “Iwe unosanoziva nhasi, uye unofanira kurangarira mumwoyo wako kuti Jehovha [chiHebheru: יהוה] ndiye Mwari wechokwadi ari mumatenga kumusoro napasi pano. Hakuna mumwe.” (Dheuteronomio 4:39) Uyu ndiye Mwari uyo Jesu akanyengetera kwaari, uyo iye akataura kuva “Mwari bedzi wechokwadi.” Nhasi Iye anonamatwa navanhu vakaisvochenjera vanobva murudzi rwuri rwose pasi pano.—Johane 17:3; Mateo 4:8-10; 26:39; VaRoma 3:29.
10. Neiko kutyisidzira kwehondo yenyukireya nekuvadziko inoitwa nokushatswa kwomugariro kusati kuchizodzivisa donzo raMwari nokuda kwapasi?
10 Nokuda kweidi rokuti Jehovha ndiye Musiki wapasi, mburumbwa yose ndeyake, uye nguva yemberi yayo iri kuna iye amene. (Dheuteronomio 10:14; Pisarema 89:11) Zvinetso zvavanhu hazvizati zvichikurira simba raMwari rokutarisira. Kariro yehondo yenyukireya inotyisa vanhu. Asika mitemo yaani inodzora zvinoitika zvenyukireya zvinoitika pamwero unotyisa mumabhirioni asingaverengeki enyeredzi? Ko Mwari haana zivo nesimba rinodikanirwa kutaviridzira upenyu pamburumbwa yaPasi here? Nenzira yakafanana, zvinetso zvakawedzereka nokuti vanhu pose pari paviri nomutoo wokusaziva uye nomutoo woudyire vakashatsa mhoteredzo yavo hazvizati zvichizopinganidza donzo raMwari Wamasimba ose. Uyo akanga anouchenjeri nesimba zvinodikanwa kusika pasi nezvimiro zvinoyevedza zvoupenyu zviri pariri anogonawo kuzvipa mavambo akachenurwa kana kuri kuda kwake. (Isaya 40:26; Pisarema 104:24) Ko zvino, chii chiri donzo raJehovha pamsoro pomusha wedu wemburumbwa?
KO PASI RICHAGARA KUSVIKIRA RINI?
11. (a) Ko vamwe vezvesayenzi vanodavira kuti chii chichaitika pakupedzisira kupasi? (b) Ndianiko anoziva zvizhinji pamsoro peidzi nhau kupinda zvavanoita, uye nei?
11 Ko idonzo raMwari kuparadza pasi nezvinhu zvipenyu zvose zviri pariri here? Vamwe vazivi vezvemitumbi yomuchadenga vanorangarira kuti pakupedzisira zuva redu richaputika ndokukudziridzika mumwero uye richamonzvera pasi. Kuna avo vanorangarira kuti, nokuda kwomusikirwo umene wechisiko chapose pose chinooneka, nguva inofanira kusvika apo zuva risati richasitongozopenyazve uye pasi risati richasitongozotsigirazve upenyu. Asika vakarurama here? Ko Musiki anotii—Uyo akasakisa kuvapo kwesimba nezvinhu, Uyo akavamba mitemo iyo kuvapo kwedu kunotsamira pairi?—Jobho 38:1-6, 21; Pisarema 146:3-6.
12. Ko mashoko aMuparidzi 1:4 akabvumikisa sei kuva echokwadi?
12 Jehovha akafuridzira Mambo Soromoni akachenjera kunyora pamsoro penduramo yomunhu kuva inoenzanisirwa nenguva yokuvapo kwapasi iro rimene. Pana Muparidzi 1:4 Soromoni akanyora aya mashoko, kuti: “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi pasi rimire kunyange kusvikira kunguva isingazikanwi.” Nhau yavanhu inopupurira uzvokwadi hwaikoku. Kunyange zvazvo chimwe chizvarwa chavanhu chakatsiviwa nechimwe, pasi, mburumbwa yatinogara pairi, inoramba iripo. Asika kusvikira riiniko? Mukuwirirana nokushandura chaikoiko kweNew World Translation of the Holy Scriptures, richavapo “kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Ko ikoko kunorevei?
13. (a) Ko“nguva isingazivikanwi” inogona kurevei? (b) Ko tingagona sei kusimbisira, ipapoka, kuti pasi richavapo nokusingaperi?
13 Shoko rechiHebheru rokuti ‘oh·lamʹ, rinoshandurwa pano kuti “nguva isingazivikanwi,” zvikurukuru rinoreva nhambo yenguva iyo, mumurangariro wenguva iripoyi, isingazivikanwi kana kuti yakavanzika mukuona asi yenduramo refu. Ikoko kunogona kureva kuti nokusingaperi. Ingava yakadaro muna iyoyi here? Kana kuti kutaura ikoku kunoratidzira kuti zvimwe pane imwe nguva yemberi isingazivikanwi, zvino yakavanzika kwatiri, pasi richasvika mugumo waro here? Zvimwe zvinhu zvinonzi neBhaibheri zvaizopfuurira “kusvikira kunguva isingazivikanwi” pakupedzisira zvakaguma. (Enzanisa Numeri 25:13; VaHebheru 7:12.) Asika Magwaro anobatanidzawo ‘oh·lamʹ neicho chiri chokusingagumi—somuenzaniso, Musiki iye amene. (Enzanisa Pisarema 90:2 na 1 Timotio 1:17.) Kana chiri chinorehwa nokutaurakwo pamsoro papasi, hatisati tichisiiwa mukupanikira. Pana Pisarema 104:5 tinoudzwa, kuti: “Iye akateya pasi pamusoro penzvimbo dzaro dzakasimbiswa; iro harisati richizozununguswa kusvikira kunguva isingazivikanwi, kana kuti nokusingaperi.”c—Onawo Pisarema 119:90.
14. Ko tinoziva sei kuti mburumbwa parimwe zuva haizati ichizova renje?
14 Ichavapo nokusingaperi haizati ichingovawo zvayo mburumbwa isina ndimo, isingabereki zvibereko. Pana Jeremia 10:10-12 tinoziviswa, kuti: “Jehovha ndiMwari wezvokwadi. . . . Iye ndiye Muiti wapasi kupfurikidza nesimba rake, Uyo anotsigisa nyika inobereka zvibereko kupfurikidza nouchenjeri hwake, uye Uyo anotatamura matenga kupfurikidza nokunzwisisa kwake.” Cherekedza kuti iye haano kungoita bedzi “pasi” asi akatsigisawo “nyika inobereka zvibereko.” Munzvimbo youku kutaura kwapashure, vashanduri vazhinji vanoshandura shoko rechiHebheru rokuti te·velʹ nokungoti bedzi “nyika.” Zvisinei, mukuwirirana neOld Testament Word Studies rakanyorwa naWilliam Wilson, te·velʹ rinoreva “pasi, semburumbwa yakaorera neinogarwa navanhu, inogarika, nyika.” Kana riri donzo raJehovha pamusoro peiri pasi rakaorera, rinogarwa navanhu, Pisarema 96:10 nomutoo wokusimbisira rinozivisa, kuti: “Jehovha iye amene ava mambo. Nyika inobereka zvibereko inovawo yakatsigiswa zvikuru zvokuti haingagoni kuva inozununguswa.”—Onawo Isaya 45:18.
15. Ko maidi aya anobvumirana sei nomunyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake?
15 Nokudaro Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari pamsoro pemburumbwa yaPasi yatinogara pairi, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 6:9, 10.
16. (a) Ko rudzii rwavanhu ruchagara papasi panguva iyeyo? (b) Chii chiri “pasi idzva” rinotaurwa nezvaro neBhaibheri?
16 Kuda kwaMwari hakuzati kuri kwokuti pasi rigogarwa navanhu vasingarangariri Muridzi waro navasingadanani. Kare kare iye akapikira, kuti: Vaiti vezvakashata ivo vamene vachagurwa, asi avo vanokarira muna Jehovha ndivo vachava varidzi vapasi. Vakarurama ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachagara pariri nokusingaperi.” (Pisarema 37:9, 29) “Pasi rinogarwa rinouya,” rinotaurwa nezvaro neBhaibheri, richazadzwa navanhu vanotya Mwari navanoda zvapachokwadi vanhu biyavo. (VaHebheru 2:5; enzanisa Ruka 10:25-28.) Kuchinja kunoitika muUmambo hwokudenga hwaMwari kuchava kukuru zvikuru zvokuti Bhaibheri rinoreva nezve“pasi idzva”—isati iri mburumbwa yakasiana, asi chaunga chitsva chavanhu chichararama pakati pemigariro yeparadhiso iyo Musiki wavanhu akaita donzo kubvira panguva yaakavamba kusika kwake pasi.—Zvakazarurwa 21:1-5; Genesi 2:7-9, 15.
17. Neiko kuri kunokosha kuziva zvinodikanwa zvaMwari nokuda kwokupukunyuka zvino?
17 Kugadzwa kwe“pasi idzva” irero, kuri madikanwa, kuchatangirwa noruparadziko rukuru—urwo runopfuura zvikuru chinhu chipi nechipi icho vanhu vati vamboona. Nokuda kworubudiriro rwapasi iro rimene navose vanoonga zvapachokwadi Musiki waro, iye acha“paradza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:17, 18) Nguva yaMwari yokuita ikoku yaswedera pedyo zvikuru! Pakunenge kwaitwa, ko iwe uchawanwa uri pakati pavapukunyuki here?—1 Johane 2:17; Zvirevo 2:21, 22.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Is the Bible Really the Word of God?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Kutoti akaratidzirwa neimwe nzira, magwaro eBhaibheri ari mubhuku rino anonokorwa mashoko muNew World Translation of the Holy Scriptures, chinyorwa cha 1981.
c Naizvozvo vamwe vanyori vedudza mashoko vanonzwisisa ‘oh·lamʹ serinoshandiswa pana Muparidzi 1:4 kureva kuti “nokusingaperi.” The New English Bible, Revised Standard Version, The Jerusalem Bible, The Bible in Living English, King James Version nedzimwe dzinorishandura nenzira iyoyo.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 5]