Chisiko Chose Chinotyisa
‘Chimwe Chinhu Chinoshayikwa’—Chii?
PASHURE pokutarira nyeredzi pausiku hwakajeka, hwakasviba, tinopinda mukati, tichitonhorwa uye tichibwaira-bwaira nokuteyiwa, ndangariro dzedu dzichitenderera nerunako rukuru uye nemibvunzo yakawanda. Nei chisiko chose chiri pano? Chakabva kupi? Chiri kuenda kupi? Iyi ndiyo mibvunzo iyo vazhinji vanoedza kupindura.
Pashure pemakore mashanu okunzvera munzvero yemavambo nechimiro chechisiko chose, iyo yakamupinza mumisangano yesayenzi nenzvimbo dzenzvero dziri kwose kwose mupasi rose, munyori wesayenzi Dennis Overbye akarondedzera kurukurirano nachiremba akakurumbira munyika yose Stephen Hawking, achiti: “Pakupedzisira chandaida kuziva kuna Hawking ndicho ndanguve ndiri kuda kuziva kubva kuna Hawking: Kwatinoenda apo tinofa.”
Kunyange zvazvo ane chibhende, mashoko aya anozivisa zvakawanda pamusoro penguva yedu. Mibvunzo haisiri zvikuru kwazvo pamusoro penyeredzi dzimene nerondedzero uye mirangariro inorwisana yevanzveri vemavambo nechimiro chechisiko chose vanodzinzvera. Vanhu nhasi vachine nzara yemhinduro dzemibvunzo inokosha yakanetsa rudzi rwomunhu kwamamireniyumu: Nei tiri pano? Kuna Mwari here? Tinoenda kupi apo tinofa? Mhinduro dzemibvunzo iyi dziri kupi? Dzinofanira kuwanwa munyeredzi here?
Mumwe munyori wesayenzi, John Boslough, akataura kuti sezvo vanhu vakasiya rudzidziso, vezvesayenzi vakadai sevanzveri vemavambo nechimiro chemitumbi yomuchadenga vakava “uprista hwakakwana nokuda kwezera renyika. Ivo, kwete vatungamiriri verudzidziso, ndivo zvino vaizowadzanyura zvakavanzika zvose zvechisiko chose zvishoma nezvishoma, kwete nomutoo wekunzwisisa zvinhu kwomudzimu asi nomutoo wemasvomhu asina kujeka kuna vose asi vakazodzwa.” Asi vachawadzanyura zvakavanzika zvose zvechisiko chose ndokupindura mibvunzo yose yakanetsa rudzi rwomunhu kwemazera here?
Vanzveri vemavambo nechimiro chechisiko chose vari kuwadzanyurei zvino? Vazhinjisa vanotsigira rudzi rwakati rwedudziro ye“rudzidziso” rwebig bang, urwo rwazova rudzidziso rwenyika rwenguva yedu, kunyange sezvo vanokakavadzana nguva dzose pamusoro peudzame. “Bva,” Boslough akati, “muzvakapoteredza zvecherechedzo itsva nedzinopokanidza, rondedzero yebig bang inovamba kuratidzika zvikuru serondedzero yakapfava zvikuru inoda kuwirirana nechiito chokusika. Pakasvika mavambo ema1990 rondedzero yebig bang yakanga. . . isingakwanisi nenzira inowedzera kupindura mibvunzo inokosha zvikurusa.” Akawedzera kuti “varondedzeri vashomanene vakataura murangariro wokuti haizopedzi kunyange ma1990.”
Zvichida kumwe kwekufembera kwazvino kune chokuita nemavambo nechimiro chechisiko chose kuchabvumikisa kuva kwakarurama, zvichida kwete—sezvo zvichida kune dzimwe nyika dziri kuumbika chaizvoizvo mukubwinya kunenge kwechipoko kwenebula yeOrion, zvichida kwete. Idi risingarambiki nderokuti hapana munhu ari pasi pano anoziva zvechokwadi chaizvoizvo. Rondedzero dzakawanda, asi vacherechedzi vakatendeseka vanodzokorora tsinhiro yokunzwisisa yaMargaret Geller kuti pasinei zvapo nokutaura kusina chokwadi, chimwe chinhu chinokosha chinoratidzika kuva chinoshayika mukunzwisisa chisiko chose kwazvino uno kwesayenzi.
Chinoshayika—Kuda Kutarisana Nemaidi Asingafadzi
Vezvesayenzi vazhinjisa—uye uku kunobatanidza vanzveri vamavambo nechimiro chechisiko chose vazhinjisa—vanotsigira rondedzero yemhindumupindu. Vanowana kutaura kusingafadzi kunopa uchenjeri nechinangwa basa muchisiko, uye vanodedera pakungodudzwa zvako kwaMwari soMusiki. Vanoramba kunyange kurangarira kutsauka pazvokwadi kwakadaro. Pisarema 10:4 inotaura nenzira yokuzvidza nezvemunhu anozvikudza asi“ngabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti: Hakuna Mwari.” Mwari wake anosika iTsaona. Asi sezvo zivo inowedzera nemasanga uyewo kungoitikawo zvinokundikana pasi pemutoro uri kukura, musayendisiti anovamba kutendeukira zvikuru kuzvisingabvumiki zvakadai souchenjeri nokuronga. Rangarira mienzaniso inotevera:
“Chimwe chinhu sezviri pachena chave chichishayikwa mufundo dzemavambo nechimiro zvechisiko chose. Mavambo eChisiko chose, kufanana nemhinduro dzebhokisi raRubik, anoda uchenjeri,” yakanyora kudaro nyanzvi yesayenzi yemitumbi yomudenga Fred Hoyle mubhuku rake rinonzi The Intelligent Universe, peji 189.
“Kana ndikanzvera chisiko chose zvikuru ndokufunda udzame hwemarongerwe acho, ndinowana ufakazi hwakawanda hwokuti chisiko chose mupfungwa yakati chinofanira kuva chakaziva kuti taiuya.”—Disturbing the Universe, rakanyorwa naFreeman Dyson, peji 250.
“Mativii eChisiko chose akanga achikosha nokuda kwekubuda kwezvisikwa zvakadai sesu timene, uye kuri kupfurikidza nokungoitikawo here, kana kuti nokuda kwechimwe chikonzero chakaoma zvikuru, kuti Chisiko chedu chose chine aya mativi? . . . Kune imwe rongedzero yakati yakaoma iyo inovimbisa kuti Chisiko chose chakakodzereswa rudzi rwomunhu?”—Cosmic Coincidences, rakanyorwa naJohn Gribbin naMartin Rees, mapeji xiv, 4.
Fred Hoyle anotsinhirawo pana aya mavara, papeji 220 yebhuku rake ranokorwa mashoko pamusoro apa, kuti: “Mavara akadaro anoratidzika seakabatanidzwa zvizere enhevedzano yetsaona dzinofadza. Asi kune kwakawanda kwazvo kweuku kungoitikawo hako kwechienzi kunokosha kuupenyu zvokuti tsananguro yakati inoratidzika kuva inodikanwa kuti ikutsanangure.”
“Hakusati kuri bedzi kuti munhu akakodzereswa kuchisiko chose. Chisiko chose chakakodzereswa munhu. Fungidzira chisiko chose umo chimwe kana kuti chimwe chacho chezvisingachinjiki zvisina mativi zvephysics chinochinjwa nechikamu chishomanene muzana nenzira yakati? Munhu aisatongogona kuvapo muchisiko chakadaro. Ndiwo musimboti wenheyo yokurarama kwavanhu pasi pano. Maererano nenheyo iyi, chinopa upenyu ndiwo manyuko emuchina wose uye murongerwo wenyika.”—The Anthropic Cosmological Principle,” rakanyorwa naJohn Barrow naFrank Tipler, peji vii.
Mwari, Kuronga, Uye Zvisingachinji Zvephysics
Zvii zviri zvimwe zvezvisingachinji zvinokosha zvephysics izvi zvinokosha kuti upenyu huvepo muchisiko chose? Mumwe mushumo uri muThe Orange County Register yaJanuary 8, 1995, wakaronga zvishomanene zvezvisingachinji izvi. Wakasimbisa kuwirirana zvakaisvonaka kunofanira kuita mativi aya, uchiti: “Ukoshi hwouwandu hwezvisingachinji zvinokosha zvakawanda zvephysics zvinorondedzera chisiko chose—somuenzaniso, charge yeelectron, kana kuti mwero usingachinji wokumhanya kwechiedza, kana kuti reshiyo yekusimba kwemasimba anokosha ari muchisiko—akarurama zvinoorora, mamwe kusvika kunhamba dzinotevera koma dzine 120. Kukura kwechisiko chose chinobereka upenyu kunotapurwa zvikuru neizvi zvinodikanwa. Mutsaukano upi noupi muduku—chidimbu chimwe mubhiriyoni chesekondi pano, chidimbu chimwe chamabhiriyoni 10 emita apo—uye chisiko chose chingadai chakafa uye chisina chinhu.”
Munyori wemushumo uyu ipapo akadudza zvisingawanzodudzika, kuti: “Kunoratidzika kuva kune mufungo zvikuru kufungidzira kuti pesvedzero yakati yechienzi yakavanda mumuitiro wacho, zvichida muchiito chesimba rakangwara rinoita richiziva rakagadzira chisiko chose zvakaisvonaka mukugadzirira kusvika kwedu.”
George Greenstein, purofesa weunyanzvi hwemitumbi yomudenga nokunzvera mavambo nechimiro zvechisiko chose, akapa ndaza yakareba zvikuru yezvisingachinji izvozvi zvephysics mubhuku rake rinonzi The Symbiotic Universe. Pakati pezviri mundaza paiva nezvisingachinji zvakarongwa zvakaisvonaka kwazvo zvokuti dai zvaingopotsa nedhigirii dukusa zvikuru, hapana maatom, hapana nyeredzi, hapana chisiko chose, chaizombodai chaibvira. Udzame hweukama uhwu hwakarongwa mubhokisi rakabatanidzwa. Zvinofanira kuvapo kuitira kuti upenyu hwekunyama hubvire. Zvakaoma kunzwisisa uye zvingasanzwisiswa nevaverengi vose, asi zvinozivikanwa, pamwe chete nezvimwe zvakawanda, nenyanzvi dzesayenzi yomudenga dzakarovedzwa munharaunda idzi.
Sezvo ndaza iyi yakareba, Greenstein akashamiswa. Akati: “Kungoitikawo zvako kwakawanda kwazvo! Apo ndakarava zvikuru, ndakapwiswa zvikuru kuti ‘kungoitikawo hako’ kwakadaro kwaisatongogona kuva kwakaitika netsaona. Asi sezvo uku kupwiswa kwakakura, chimwe chinhuwo zvacho chakakurawo. Kunyange zvino kwakaoma kutaura ‘chimwe chinhu’ ichi mumashoko. Kwakanga kuri kuvenga kwakakomba, uye padzimwe nguva kwainge chaikoiko muchimiro. Ndaishaya zororo chaizvoizvo nokusagadzikana. . . . Kunobvira here kuti kamwe kamwe, pasina kuronga, takawana netsaona chibvumikiso chesayenzi chokuvapo kwaNyadenga? Akanga ari Mwari here akapindira ndokuronga nouchenjeri kwazvo chisiko chose nokuda kwenakirwo yedu?”
Afinhwa uye atyiswa nepfungwa yacho, Greenstein akakurumidza kurega, ndokuwanazve chitendero chake cheorthodox cherudzidziso chesayenzi ndokuzivisa, kuti: “Mwari haasi tsananguro.” Hapana chikonzero—zvaisangofadza kwazvo zvokuti mufungo wacho wakamufinha!
Chinodikanwa Chomunhu Chomuzvarirwo
Hapana nokumwe kwaikoku kuri kuzvidza basa rakaoma revezvesayenzi vapachokwadi, kubatanidza vanzveri vemavambo nechimiro chechisiko chose. Zvikurukuru Zvapupu zvaJehovha zvinoonga kuwana kwazvo kuzhinji kune chokuita nechisiko kunoratidza simba nouchenjeri uye rudo zvaMwari wechokwadi, Jehovha. VaRoma 1:20 inozivisa, kuti: “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo.”
Kuongorora nemabasa zvevezvesayenzi kuita kwomunhu kwomuzvarirwo kuchinodikanwa chinokosha kurudzi rwomunhu sekudikanwa kwechokudya, pokugara, uye chokupfeka. Ndichinodikanwa chokuziva mhinduro dzemibvunzo yakati ine chokuita neramangwana nechinangwa choupenyu. Mwari a“kaisa kusaguma mumwoyo yevanhu; bva havagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pamavambo kusvikira kumugumo.”—Muparidzi 3:11, The Holy Bible—New International Version.
Aya haasiri mashoko akaipa zvikuru. Anoreva kuti rudzi rwomunhu harusati ruchitongozoziva zvose, asi havasati vachizotongoshayiwa zvinhu zvitsva zvokudzidza: “Ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haangazvinzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, wakachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.”—Muparidzi 8:17.
Vamwe vezvesayenzi vanoramba kuti kuita Mwari “mhinduro” kuchinetso kunopedza chishuvo cheimwe nzvero. Zvisinei, munhu anobvuma Mwari soMusiki wematenga nepasi ane udzame hwokuwedzera hunofadza hwakawanda hwokuwana uye zvakavanzika zvinoshamisa zvokunzvera. Kwakaita sokunge kuti ane tendero yokupinda muchiitiko chinofadza chokuwana nokudzidza!
Ndiani unogona kudzivisa kokero yaIsaya 40:26? “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone.” Tasimudza meso edu mudenga mumapeji aya mashomanene, uye zvataona ndi‘chimwe chinhu chinoshayika’ chakanzvenga vanzveri vemavambo nechimiro chechisiko chose. Tawanawo mhinduro dzinokosha kumibvunzo iya inopfuurira iyo yakanetsa ndangariro yomunhu mumazera ose.
Mhinduro Dzinowanwa Mune Rimwe Bhuku
Mhinduro dzanguve dziripo, asi kufanana nevozvorudzidziso vomuzuva raJesu, vanhu vazhinji vakapofumadza meso avo, vakavhara nzeve dzavo, uye vakaomesa mwoyo yavo kumhinduro dzaisafadza rondedzero dzavo dzevanhu kana kuti mararamire avo akasarudzwa. (Mateo 13:14, 15) Jehovha akatiudza kwakabva chisiko chose, nzira iyo pasi rakavapo nayo, uye vachagara pariri. Akatiudza kuti vagari vepasi vanhu vanofanira kuririma ndokuitira miti nemhuka hanya nenzira yorudo zvinorigoverana navo. Akatiudzawo chinoitika apo vanhu vanofa, kuti vanogona kudzoka kuupenyu, uye zvavanofanira kuita kuti vararame nokusingaperi pasi pano.
Kana uchifarira kupiwa mhinduro mumutauro weShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, tapota rava magwaro anotevera: Genesi 1:1, 26-28; 2:15; Zvirevo 12:10; Mateo 10:29; Isaya 11:6-9; 45:18; Genesi 3:19; Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5; Mabasa 24:15; Johane 5:28, 29; 17:3; Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:3-5.
Kuregerei kurava magwaro aya nemhuri yako kana kuti nemuvakidzani kana kuti neboka reshamwari mumusha wako mamwe madekwana? Iva nechokwadi chokuti ichaita kurukurirano inorayiridza neinofadza!
Unofadzwa nezvakavanzika zvechisiko chose ndokuororwa nerunako rwacho here? Kuregerei kusvika pakuziva zviri nani Munhu akachisika? Kuda kuziva kwedu nokushamisika hakurevi chinhu kumatenga asina upenyu, asi Jehovha Mwari, Musiki wawo, ndiyewo Musiki wedu, uye anoitira hanya vanyoro avo vanofarira kudzidza pamusoro pake nezvisikwa zvake. Kokero iri kupiwa zvino mupasi rose, yokuti: “Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17.
Iyi ikokero inofadza zvakadini inobva kuna Jehovha! Panzvimbo pokuputika kusina ndangariro, nokusina chinangwa, chisiko chose chakasikwa naMwari wouchenjeri husingaperi nechinangwa chaicho uyo aikurangarira kubva pakuvamba. Matura ake esimba risina kuganhurirwa anodzorwa nokungwarira uye anogara achiwanika kuti atsigire vabatiri vake. (Isaya 40:28-31) Tuso yako yokusvika pakumuziva ichave isina mugumo sechisiko chose chikuru chimene!
“Kudenga denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.”—Pisarema 19:1.
[Bhokisi riri papeji 29]
Ndaza Yezvimwe Zvezvisingachinji Zvephysics Zviri Madikanwa kuti Upenyu Huvepo
Macharge emaelectron nemaproton anofanira kuva akaenzana uye akapesana; neutron rinofanira kurema kupfuura proton nechiverengero chiduku muzana; kufanana kunofanira kuvapo pakati petembiricha yezuva nemavara anopinza echlorophyll photosynthesis isati yagona kuitika; kudai simba rakasimba raiva shoma zvishomanene, zuva raisagona kugadzira simba nereaction yenyukireya, asi kudai raive rakasimba zvishoma kupfuura, mafuta anodikanwa kugadzira simba aizova asina kudzikama nemasimba masimba; pasina maresonance akaparadzana anokosha pakati penuclei iri pakati penyeredzi dzered giant, hapana element inopfuura helium ingadai yaigona kuumbwa; kudai muchadenga manga musina mativi matatu, mibatanidzwa yemukati yokuyerera kweropa negadziriro yetsinga yaizodai isingabviri; uye kudai muchadenga maive mune mativi anopfuura matatu, nyika dzomuchadenga dzaisagona kutenderera zuva zvakaterama.—The Symbiotic Universe, mapeji 256-7.
[Bhokisi riri papeji 30]
Munhu Upi Noupi Akaona Zvinhu Zvangu Zvinoshayika Here?
Gwara renzou reAndromeda, kufanana nemakwara enzou ose akatenderera, rinotenderera nesimba muchadenga sokunge kuti idutu guru. Nyanzvi dzemitumbi yomudenga dzinogona kuera mwero wokutenderera kwemakwara enzou akawanda kubva pamumvuri wechiedza, uye apo vanodaro, vanowana chimwe chinhu chinokatyamadza. Mwero yokutenderera inoratidzika kuva isingabviri! Makwara enzou ose akatenderera anoratidzika kuva anotenderera nokukurumidza zvikuru. Anoita sokunge kuti nyeredzi dzinooneka dzegwara renzou dzaive dzakavigwa mudenderedzwa guru zvikuru rezvinhu zvakasviba, zvisingaoneki netelescope. “Hatizivi zvimiro zvezvinhu zvakasviba zvacho,” inobvuma kudaro nyanzvi yemitumbi yomudenga James Kaler. Vanzveri vemavambo nechimiro chechisiko chose vanofungidzira kuti 90 muzana yezvinhu zvinoshayika haitsanangurwi. Vanodisa kuzviwana, zvimwe muchimiro chemaneutrino akawanda kana kuti rudzi rwakati rusingazivikanwi asi rwakawanda zvikuru rwezvinhu.
Kana ukawana zvinhu zvinoshayika, iva nechokwadi chokuita kuti munzveri wemavambo nechimiro chechisiko chose womunzvimbomo azive pakarepo!