Basa Rinogona Kukufadza
“NDAIDA chaizvoizvo basa rangu somutsikiriri,” anodaro Antonio muGenoa, Italy. “Ndaibhadharwa zvakanaka, uye ikoku kwakandiita kuti ndishande maawa akawanda eovhataimu. Mumakore mashomanene chete, pasinei zvapo nezera rangu duku, ndakava murume anovimbwa zvikuru wavashandirwi vangu.” Antonio akaratidzika kuva akawana nharidzano idzo dzinosunda vazhinji kushanda zvakaoma: pfuma, nzvimbo, uye basa rinofadza iro iye akafarikanya.
Ko Antonio akanga ‘achiona zvakanaka nokuda kwebasa rake rose rakaoma here’? (Muparidzi 3:13) Uye ko basa rakadaro rakanga richimufadza chaizvoizvo here? “Nemhaka yefunganyo yakaparirwa namararamiro edu oupengo,” iye anopfuurira, “takavamba kuva nezvinetso semhuri. Ikoku kwakatiita vasingafari.” Antonio kana kuti mudzimai wake vakanga vasingafari pasinei zvapo namabasa avo anogutsa. Zvakadiniko newe? Ko iwe uri ‘kuona zvakanaka nokuda kwebasa rako rose rakaoma here’? Ko basa rako riri kukufadza chaizvoizvo here?
Ivavariro Dzakanaka Here?
Chikonzero chikuru chokushanda zvakaoma ndechokuwana chokurarama nacho. Mudzimwe nyika, vanhu vanofanira kushanda maawa marefu kuti vangowane chete chokurarama nacho. Vamwe vanoshanda zvakaoma masikati nousiku kuti vana vavo vagozova noupenyu huri nani. Vamwezve vanoshanda nguva dzose kuunganidza pfuma.
Leonida womuPhilippines aiva namabasa maviri. Iye aishanda kubhangi mukati mamasikati uye aidzidzisa kukoreji maawa matatu kana kuti mana mumadekwana. Ko mari yomuraudzo yakanga yakakufanira here? “Nguva dzose ndaitarira wachi,” iye anotsanangura kudaro. “Ndakafinhwa. Ndakanga ndichiriita pasina gutsikano.”
Aiwa, kungoshandira mari chete hakugumi negutsikano yechokwadi nomufarwa. “Usazvinetsa kuwana pfuma,” anopa zano Mambo akachenjera Soromoni, “nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.” (Zvirevo 23:4, 5) Mamwe makondo sezvinoshumwa anobhururuka pasipidhi dzinosvika kumakiromita 130 paawa. Ikoku kunosanoratidzira kukurumidza kunogona kubhururuka nako pfuma inowanwa zvakaoma. Kunyange kana munhu akaunganidza pfuma, apo iye anofa haagoni kuenda nechinhu chipi nechipi.—Muparidzi 5:15; Ruka 12:13-21.
Kubatikana mukuwana chokurarama nacho pane dzimwe nguva kunopa ngozi dzakakomba. Kungatungamirira kurudo rwemari. Muzana rokutanga ramakore, kwakanga kune boka ravezvorudzidziso vainzi vaFarise avo vaizivikanwa nokuda kworudo rwavo rwemari. (Ruka 16:14) Seaichimbova muFarise, muapostora wechiKristu Pauro aiziva zvizere nezvamararamiro avo. (VaFiripi 3:5) “Vanotsvaka kupfuma,” anonyevera kudaro Pauro, “vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru . . . vakazvibaya neshungu zhinji.” (1 Timotio 6:9, 10) Hungu, “kuda mari,” kuita chinhu chipi nechipi uye chinhu chiri chose nokuda kwayo, kunogona kuparadza upenyu hwomunhu. Nzira yakadaro haigumi nomufarwa.
Nokuda kwavamwe, vavariro yavo mukuzvishandisa vamene kusimudzirwa musangano. Kunyanguvezvo, ivo pakupedzisira vanotarisana nechinhu chaichoicho. “Vaduku vanobudirira,” inodaro magazini yeFortune, “avo vakarega zvimwe zvinhu mumakore avo omuma 20 uye kuvamba kwama 30 kuti vasvike pavatarisiri vapakati vava kusvika pakuziva kwakashata asi kusingadzivisiki kuti, pasinei zvapo nebasa rakaoma rakawanda, haasati ari munhu ari wose achasvika pamusoro. Vachidzadzarika nokushanda, ivo vanoedzwa kubvunza chakunoreva. Kurwirei zvakaoma kwazvo? Ndiani anokendenga?”
Upenyu hwomumwe munhu akadaro, Mizumori, hwakanga hwakanangidzirwa pakufambira mberi munyika. Achironda basa munzvimbo dzoumanija nerimwe ramabhangi makurusa muJapan, iye haana kuva nenguva yemhuri yake. Pashure pokushanda zvakaoma kwamakore anopfuura 30, utano hwake hwakaparadzwa, uye iye zvamazvirokwazvo akanga asingafari. “Ndakaziva,” iye anodaro, “kuti mapitse enzvimbo pakati pavanhu vanoedza kutanhamara ‘haana maturo uye kutandanisa mhepo.’”—Muparidzi 4:4.
Asi zvakadiniko nezvaavo vakafanana naAntonio, vanofarikanya basa ravo? Afadzwa nebasa rake, Antonio akabayira upenyu hwake hwemhuri paatari yebasa. Vamwe vanobayira utano hwavo uye kunyange upenyu hwavo, sezvinoratidzirwa norufu rwakamwe kamwe rwavatungamiriri vechiJapan vazhinji vakatanhamara navanonyanyoshanda. Vanopa zano vavafirwi vavo vakagamuchira foni dzinoshamisa 135 muzuva rimwe chete.
Vamwe vanopa upenyu hwavo kukubetsera vamwe. Jesu akakurudzira uyu mudzimu. (Mateo 7:12; Johane 15:13) Kuramba wakabatikana mubasa rakafanira rokubetsera vamwe chaizvoizvo kunounza mufarwa.—Zvirevo 11:25.
Zvisinei, rubishairo rwakadaro rwakanaka harusi rusina ngozi. Somuenzaniso, mambo waJudha Uzia akapinda mubasa guru ravanhu rokuchera madziva murenje. Uzia anofanira kuva airangarira kubetserwa kwavanhu vake, sezvo iye akanga “achitsvaka Jehovha” panguva iyoyo uye sezviri pachena akateerera murairo woumwari wokuti madzimambo ave asina udyire. (2 Makoronike 26:5, 10; Dheuteronomio 17:14-20) Ikoku kwakawedzera budiriro yake yehondo, uye “mbiri yake yakapararira.” Asi pakuva akasimba, akava anozvitutumadza, kuchiguma nokuwa kwake. (2 Makoronike 26:15-20; Zvirevo 16:18) Munhu anozvipira kukubetsera vamwe asi uyo anosundwa nokuzvigutsa norudado anogonawo kuguma noruparadziko. Ipapo, neiko munhu upi noupi achifanira kuda kushanda zvakaoma?
Munhu Akaitwa Kuti Ashande
Tinogona kudzidza zvakawanda pamusoro pebasa kumumwe murume akaita zvakanaka zvikuru kwazvo kupfuura mumwe munhu upi noupi akamborarama pasi pano. Iye ndiJesu Kristu. (Mateo 20:28; Johane 21:25) Apo akafa padanda rokutambudzira, akati, “Zvapera!” (Johane 19:30) Upenyu hwake hwamakore 331/2 hwakanga hwave huchigutsa.
Upenyu hwaJesu hunobetsera kupindura mubvunzo unoti, “Ibasai rinogona kukufadza?” Kwakanga kuri kuitwa kwokuda kwaBaba vake vokudenga uko kwakamuunzira mufarwa usingaenzaniswi. Nenzira yakafanana, kuita kuda kwoMusiki wedu kunogona kutipa kunzwa kwebudiriro uye kunotifadza. Neiko? Nemhaka yokuti Iye anoziva kuitwa kwedu uye zvinodikanwa zvedu kunyange zvikuru kupfuura zvatinoita.
Apo Mwari akasika murume wokutanga, Adhama, Iye akamupa zvose zviri zviviri basa ramaoko nerendangariro rokuita. (Genesi 2:15, 19) ‘Kudzora’ zvimwe zvisikwa zvose zvapasi, Adhama aiva nebasa roumanija rokuitawo. (Genesi 1:28) Chero bedzi Adhama akararama mukuwirirana neiyi gadziriro, basa rake raizoramba rine revo uye rakafanira. Mugove webasa muduku mumwe nomumwe wakareva rimwe banza rokufadza Wokumusorosoro.
Ikoku, zvisinei, hakuna kupfuurira kuva kwakadaro naAdhama. Iye akasarudza kubva mugadziriro yaMwari. Adhama haana kuzovazve nomufaro mukuita kuda kwaMwari asi akada kuita zvaaida. Iye akatadzira Musiki. Somuuyo wechisarudzo chake, Adhama, mudzimai wake, uye vana vake vose vaka“iswa pasi pokusava namaturo.” (VaRoma 5:12; 8:20, NW) Panzvimbo pokuunza mufarwa, basa rakava risingafadzi. Tongero yaMwari pana Adhama yakabatanidza awa mashoko: “Nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa noutumbambeva; iwe uchadya miriwo yomusango; uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu.” (Genesi 3:17-19) Basa, iro rinofanira kuva rakaremekedzwa mukuva senharidzano yaro yokupedzisira kufadzwa kwoMusiki womunhu, zvino rakareva mushando unorwadza bedzi kungowana chete zvokudya zvomunhu amene.
Imhedzisoi yatinogona kuwana muaya maidi? Iyi: Basa rakaoma rinounza gutsikano isingagumi nomufarwa bedzi apo tinonangidzira upenyu hwedu pakuita kuda kwoumwari.
‘Kuona Zvakanaka’ Mukuita Kuda kwaMwari
Kuita kuda kwoumwari kwakanga kwakafanana nezvokudya kuna Jesu Kristu—chimwe chinhu chinofanira kufarikanywa nokutsigira upenyu hwake hwomudzimu. (Johane 4:34) Farikanyo yakadaro yebasa inogona sei kuva yako?
Unofanira “kunzwisisa chiri kuda kwaJehovha” nokuda kwako. (VaEfeso 5:17) Kuda kwake ndokwokuti rudzi rwomunhu rudzorerwe ku“rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21, NW; 2 Petro 3:9) Zvino basa rokuunganidza romunyika yose rokuita ikoku riri kuitika. Iwewo ungava norutivi muiri basa rinogutsa zvikurusa. Basa rakadaro richakufadza zvirokwazvo.
Antonio, adudzwa pamavambo, gare gare akawana gutsikano nomufarwa. Apo iye nomudzimai wake vakaisa mabasa avo okunyika “asina maturo” pakutanga muupenyu hwavo uye vakabatanidzwa zvikuru maari, upenyu hwavo hwomudzimu hwakatambura. Ipapo ndipo apo ivo vakatanga kuva nezvinetso zvomumba. Achiziva mugariro wacho, mudzimai wake akasarudza kurega basa rake ndokutanga ku‘zvishandisa amene nesimba’ mukuita basa rokuparidzira pamusoro poUmambo hwaMwari munguva yakazara.—Ruka 13:24.
“Nokukurumidza,” anodaro Antonio, “takacherechedza chinjo huru. Kwakanga kusati kusisinazve kupopotedzana kwenguva dzose. Rugare rwakadzokera kumhuri yedu.” Mudzimai wake akawana mufaro wokubetsera vamwe kuwana zivo iyo inoreva “upenyu husingaperi.” (Johane 17:3) Mufarwa wake wakasunda Antonio kuyerazve chakafanira chaizvoizvo. Chishuvo chake chokubatira Mwari nomwoyo wose chakawina. Iye akaramba kusimudzirwa uye akarega basa rake rokunyika. Kunyange zvazvo chinjo yacho yakareva kutora kwake basa rakaderera zvikuru, vose vari vaviri Antonio nomudzimai wake vanofara kuva vanopedzera zhinjisa yenguva yavo muushumiri hwechiKristu, vachiita kuda kwaMwari.
Chokwadika, havasi vose vanokwanisa kuita chinjo huru dzakadaro. Mizumori, mushandi womubhangi weJapan adudzwa pakuvamba, anofarikanya ushumiri hwake somukuru muungano yechiKristu uye achiri kutsigira mhuri yake nebasa rake rokunyika, uko ane nzvimbo yamanija. Zvisinei, upenyu hwake hahusati huchakanangidzirwa pabasa rake rokunyika asi hwakavakirwa pakuitwa kwokuda kwaMwari. Basa rake rokunyika ndiwo mutoo unomutsigira uye unomugonesa kuita donzo iroro. Zvino kushanda kunyika kune revowo.
Apo unosakurira uyu murangariro kubasa rako, pasina panikiro uchazvishandisa umene “kwete namabasa okubata kumeso, savafadzi vavanhu, asi nouchokwadi hwomwoyo, nokutyiwa kwaJehovha.” (VaKorose 3:22, NW) Uchokwadi hwakadaro hungasaratidzika kuva hunosvika kure muchaunga chino chamakwikwi, asi, sezvinobvuma Mizumori, kupfurikidza nokushandisa nheyo dzakadaro, uchavimbwa nokukudzwa. Kunyange zvazvo akarega kushandira kusimudzirwa, kwakangouya.—Zvirevo 22:29.
Hungu, kunangidzira upenyu hwako pakuita kuda kwaMwari ndiko nhungamiro kukuwana mufarwa mubasa rakaoma. Ndokusaka Mambo akachenjera Soromoni akagumisa, achiti: “Hakuna chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uye, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—Muparidzi 3:12, 13.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kunangidzira upenyu hwako hwemhuri pafundo yeBhaibheri nokuitwa kwokuda kwaMwari ndiko nhungamiro kukufarikanya chibereko chebasa rakaoma