RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/1 p. 32
  • Kudzikamisa Basa Nekuzorora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzikamisa Basa Nekuzorora
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/1 p. 32

Kudzikamisa Basa Nekuzorora

“KUZORORA chipfeko chakanaka, asi hachikodzeri kupfeka pose pose.” Nemashoko aya mumwe munyori asingazivikanwi akaenzanisira zvakakodzera kukosha kwekuzorora. Zvisinei, anoratidza kuti kunofanira kudzikamiswa nekushanda.

Nyaya iyi yakambotaurwawo nemunyori weBhaibheri akafuridzirwa Soromoni. Uyu mambo akachenjera akazivisa kunyanyisa kuviri kunofanira kudziviswa. Kutanga, akanyora kuti: “Benzi rinofungatira maoko aro, richidya nyama yaro.” (Muparidzi 4:5) Hungu, usimbe hunogona kuitisa munhu urombo. Somugumisiro, hungaisa pangozi utano hwesimbe yacho, kunyange upenyu hwayo. Asi, pane vamwe vanorega zvinhu zvose vachida basa rakaoma. Soromoni akatsanangura kushanda kwavo zvakaoma pasina kuzorora kuti “hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:4.

Nechikonzero chakanaka, Soromoni akakurudzira kuita zviri pakati nepakati: “Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Munhu anofanira kuti “afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake”—ndiko kuti, anofanira kupota achiwana nguva yokufara nezvaakashanda. (Muparidzi 2:24) Uye panofanira kuva nezvimwe zvinhu muupenyu kunze kwebasa rokunyika. Mhuri yedu inoda imwe yenguva yedu. Soromoni akasimbisira kuti mutoro wedu wokutanga harisi basa rokunyika asi kuitira Mwari basa. (Muparidzi 12:13) Uri pakati peavo vanofara nokuona basa zvakadzikama here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe