Ganhuro 42
Denga Idzva Nepasi Idzva
1. Ko Johane anorondedzerei apo ngirozi inomudzorera kumavambo oKutanga Kwamakore Ane Chiuru?
ICHI chiono chine mbiri chinopfuurira kuwadzanyurika sezvo ngirozi inodzorera Johane kumavambo oKutonga Kwamakore Ane Chiuru. Ko iye anorondedzerei? “Ipapo ini ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura, uye gungwa harisichipozve.” (Zvakazarurwa 21:1) Chiono chinoyevedza chinooneka!
2. (a) Ko uporofita hwaIsaya pamusoro pamatenga matsva nepasi idzva hwakazadzika sei pavaJudha vakadzorerwa muna 537 B.C.E.? (b) Tinoziva sei kuti kuchava nokushandiswazve kwouporofita hwaIsaya, uye ichi chipikirwa chinozadzika sei?
2 Mazana amakore pamberi pezuva raJohane, Jehovha akanga ataura kuna Isaya, kuti: “Nokuti tarirai ini ndinosika denga idzva nepasi idzva; uye zvinhu zvekare hazvisati zvichizoyeukwa, uyewo hazvisati zvichizorangarirwa mumwoyo.” (Isaya 65:17; 66:22) Uhu uporofita hwakatanga kuzadzika apo vaJudha vakatendeka vakadzokera kuJerusarema muna 537 B.C.E. pashure poutapwa hwavo hwamakore 70 muBhabhironi. Mudzorerwo iyeyo, ivo vakaumba chaunga chakachenurwa, “pasi idzva,” mukudzora kwetsika itsva yehurumende, “matenga matsva.” Zvisinei, muapostora Petro akanongedzera kukumwe kushanda kwouporofitahwo, achiti: “Asi kuna matenga matsva nepasi idzva zvatinomirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye kururama kunogara muna izvozvi.” (2 Petro 3:13) Johane zvino anoratidzira kuti ichi chipikirwa chinozadzika muzuva raShe. “Denga rekare nepasi rekare,” tsika yezvinhu yakarongwa yaSatani nechimiro chayo chehurumende chinopesvedzerwa naSatani namadhemoni ake, zvichapfuura. “Gungwa” rinovinduka ravanhu vakaipa, vanopandukira richaguma kuvapo. Munzvimbo maro muchava “nedenga idzva nepasi idzva”—chaunga chitsva chapasi chinodzorwa nehurumende itsva, Umambo hwaMwari.—Enzanisa naZvakazarurwa 20:11.
3. (a) Ko Johane anorondedzerei, uye Jerusarema Idzva chii? (b) Ko Jerusarema Idzva rino‘buruka kudenga’ sei?
3 Johane anopfuurira, kuti: “Ini ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kudenga kuna Mwari uye rakagadzirirwa somwenga wakashongedzerwa murume wake.” (Zvakazarurwa 21:2) Jerusarema idzva ndiro mwenga waKristu, unoumbwa namaKristu akazodzwa awo anoramba akatendeka kusvikira kurufu uye awo anomutswa kuva madzimambo navaprista pamwe chete naJesu akapiwa mbiri. (Zvakazarurwa 3:12; 20:6) Sezvo Jerusarema rapasi rakava dendemaro rehurumende muna Israeri wekare, Jerusarema Idzva rakaisvonaka neChikomba charo zvinoumba hurumende yetsika itsva yezvinhu. Iri ndiro denga idzva. ‘Mwenga unoburuka uchibva kudenga,’ kwete chaizvoizvo, asi mupfungwa yokunangidzira ngwariro kupasi. Mwenga weGwayana uchava mubetseri wake unovimbika mukushandisa hurumende yakarurama pamusoro pavanhu vose. Haiwa chikomborero chakadini zvamazvirokwazvo nokuda kwepasi idzva!
4. Ko Mwari anoita chipikirwai chiri chakafanana nechiye chaakaita kurudzi ruchangobva kuumbwa rwaIsraeri?
4 Johane anotiudzazve, kuti: “Pana ikoku ini ndakanzwa inzwi guru rinobva pachigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tendi raMwari rina vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava nawo.’” (Zvakazarurwa 21:3) Apo Jehovha akaita sungano yoMutemo norudzi rutsva rwapanguva iyeyo rwaIsraeri, iye akapikira, kuti: “Zvamazvirokwazvo ini ndichaisa tabhernakeri yangu pakati penyu, uye mweya wangu hauzati uchizokusemai. Uye ini ndichafamba zvamazvirokwazvo pakati penyu ndokuzvibvumikisa ndimene kuva Mwari wenyu, uye imi, kana murimi, muchazvibvumikisa mumene kuva vanhu vangu.” (Revhitiko 26:11, 12) Zvino Jehovha ari kuita chipikirwa chimwe chetecho kuna vanhu vakatendeka. Mukati meZuva roRutongeso ramakore ane chiuru, ivo vachava vanhu chaivo zvikuru kwaari.
5. (a) Ko Mwari achagara sei navanhu mukati moKutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana? (b) Ko Mwari achagara sei pakati pavanhu pashure poKutonga Kwamakore Ane Chiuru?
5 Mukati moKutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana, Jehovha acha“gara” pakati pavanhu mugadziriro yechinguvana, iye achiva anomirirwa noMwanakomana wake woumambo, Jesu Kristu. Zvisinei, pakupera kwoKutonga kwaMakore Ane Chiuru, apo Jesu anogamuchidza Umambo kuna Baba vake, hapana mumiriri woumambo kana kuti mureveri achava anodikanwa. Jehovha achagara mumudzimu na“marudzi ake” munzira yechigarire uye yakananga. (Enzanisa naJohane 4:23, 24.) Haiwa iropafadzo yakakwirira yakadini nokuda kwavanhu vakadzorerwa!
6, 7. (a) Ko Johane anowadzanyura zvipikirwai zvakaisvonaka, uye ndivanaani vachafarikanya zvikomborero? (b) Ko Isaya anorondedzera sei paradhiso iyo iri zvose zviri zviviri yomudzimu neyokunyama?
6 Johane anopfuurira kuti: “Ipapo iye uchapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchavipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvino zvokutanga zvaparara.” (Zvakazarurwa 21:4) Zvakare, tinoyeuchidzwa nezvezvipikirwa zvapakuvamba-vamba zvakafuridzirwa. Isaya aikarirawo nguva apo rufu nokurira zvisati zvaizovapozve uye nhamo yaizotsiviwa nomufaro. (Isaya 25:8; 35:10; 51:11; 65:19) Johane zvino anosimbisa kuti izvi zvipikirwa zvine zadziko inoshamisa mukati meZuva roRutongeso ramakore ane chiuru. Kutanga boka guru richafarikanya zvikomborero. “Gwayana, iro riri pakati pechigaro choumambo,” richipfuurira kuvafudza, richa“vatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu. Uye Mwari uchapukuta musodzi uri wose pameso avo.” (Zvakazarurwa 7:9, 17) Asika pakupedzisira vose avo vanomutswa ndokushandisa kutenda gadziriro dzaJehovha vachavapo pamwe chete navo, vachifarikanya paradhiso iyo iri zvose zviri zviviri yomudzimu neyokunyama.
7 “Panguva iyeyo,” anodaro Isaya, “meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.” Hungu, “panguva iyeyo unokamhina uchakwakuka sezvinoita nondo, uye rurimi rwembeveve ruchadanidzira mumufaro.” (Isaya 35:5, 6) Panguva iyeyowo, “ivo vachavaka zvamazvirokwazvo dzimba ndokugaramo, uye vachasima zvamazvirokwazvo minda yemizambiringa ndokudya zvibereko zvayo. Ivo havazati vachizovaka uye mumwe munhuwo zvake ndokugaramo; uye havazati vachizosima uye mumwe munhuwo zvake ndokudya. Nokuti samazuva omuti ndozvichaita mazuva avanhu vangu; uye vasanangurwa vangu vachashandisa zvizere basa ramaoko avo vamene.” (Isaya 65:21, 22) Naizvozvo ivo havasati vachidzurwa papasi.
8. Ko Jehovha iye amene anotii pamusoro poruvimbiko rweizvi zvipikirwa zvakaisvonaka?
8 Haiwa marumbonera akaisvonaka akadini anozadza ndangariro dzedu sezvatinofungisisa pamusoro peizvi zvipikirwa! Gadziriro dzinoshamisa dzakachengeterwa vanhu vakatendeka mukudzora kwehurumende ine rudo yokudenga. Ko zvipikirwa zvakadaro zvakanyanyonaka zvokusagona kuva zvinozadzika here? Ko izvo zvinongova zvazvo fungidziro dzomukweguru akaiswa muutapwa pachitsuwa chePatmosi here? Jehovha iye amene anopindura, kuti: “Ipapo uyo agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarira! ini ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, anoti: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’ Ipapo akati kwandiri: ‘Iwo azozadzika! Ini ndini Arfa neOmega, mavambo nomugumo.’”—Zvakazarurwa 21:4, 5, 6a.
9. Neiko izvi zvikomborero zvomunguva yemberi zvichigona kurangarirwa sezvine chokwadi chaichoicho chezadziko?
9 Kwakaita sokunge kuti Jehovha iye amene akanga achisainira vanhu vakatendeka simbisiro kana kuti rugwaro rwomuzvinamwene, uye izvi zvikomborero zvomunguva yemberi. Ndiani hake aizotsunga kupanikira Musimbisiri akadaro? Chokwadika, zvipikira izvozvi zvaJehovha ndezvechokwadi zvikuru zvokuti iye anotaura sokunge kuti izvo zvakanga zvatozadzika, kuti: “Iwo azozadzika!” Ko Jehovha haazati ari here Arfa neOmega . . . , Uyo aripo uye uyo akanga aripo uye uyo ari kuuya, Wamasimba ose”? (Zvakazarurwa 1:8) Ndiye zvamazvirokwazvo! Iye amene anozivisa, kuti: “Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira, uye kunze kwangu hakuna Mwari.” (Isaya 44:6) Sowakadaro, iye aigona kufuridzira uporofita ndokuhuzadzika muudzame huri hwose. Haiwa kunosimbisa sei kutenda! Naizvozvo iye anopikira, kuti: “Tarirai! Ini ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva”! Panzvimbo pokupanikira kana izvi zvinoshamisa zvichizoitika zvomenemene, zvamazvirokwazvo tinotofanira kuva tinozvibvunza, kuti: ‘Ko ini pachangu ndinofanira kuitei kuti ndigare nhaka zvikomborero zvakadaro?’
“Mvura” Nokuda Kwavanonzwa Nyota
10. Ko Jehovha anogovera “mvura”i, uye iyo inomirirei?
10 NdiJehovha iye amene uyo anozivisa, kuti: “Ini ndichapa kumunhu upi noupi unonzwa nyota mvura inobva patsime roupenyu pachena.” (Zvakazarurwa 21:6b) Kupedza nyota iyeyo, munhu anotofanira kuziva chinodikanwa chake chomudzimu ndokuva anodisisa kugamuchira “mvura” iyo Jehovha anogovera. (Isaya 55:1; Mateo 5:3) I“mvura”iko? Jesu iye amene akapindura mubvunzo iwowo pakupupurira kumukadzi ari parutivi rwetsime muSamaria. Iye akamuudza, kuti: “Upi kana upi unonwa mvura yandichamupa haachazotongonzwi nyota napaduku pose zvapo, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inovhaira kupa upenyu husingaperi.” “Tsime remvura youpenyu” irero rinoyerera richibva kuna Mwari nokuna Kristu segadziriro yake yokudzorera vanhu kukukwana kwoupenyu. Somukadzi weSamaria, tinofanira kuva vanoda sei kunwa zvikuru patsime irero! Uye kufanana nomukadzi iyeyo, tinofanira kuva vanodisa sei kurega fariro dzokunyama nokuda kwokuzivisa vamwe mashoko akanaka!—Johane 4:14, 15;, 28, 29.
Avo Vanokurira
11. Ko Jehovha anoita chipikirwai, uye mashokowo anotanga kushanda kuna vanaani?
11 Avo vanonwa “mvura” iyoyo inozorodza vanofanira kuvawo vanokunda, sezvo Jehovha anopfuurira kutaura, kuti: “Munhu upi noupi unokurira uchagara nhaka zvinhu izvozvi, uye ini ndichava Mwari wake uye iye achava mwanakomana wangu.” (Zvakazarurwa 21:7) Ichi chipikirwa chakafanana nechipikirwa chinowanwa mumashoko okuungano nomwe; nokudaro, mashoko aya anofanira kushanda pakutanga kuna vadzidzi vakazodzwa. (Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 26-28; 3:5, 12, 21) Hama dzomudzimu dzaKristu mumazera ose dzakakarira nokudisisa ropafadzo yokuva rutivi rweJerusarema Idzva. Kana ivo vakakunda, sezvo Jesu akakunda, kariro dzavo dzichazadzika.—Johane 16:33.
12. Ko chipikirwa chaJehovha chiri pana Zvakazarurwa 21:7 chichazadzika sei kuboka guru?
12 Boka guru rinobva mumarudzi ose rinovimbawo neichi chipikirwa. Irowo rinofanira kukunda, richibatira mukuvimbika Mwari kutozosvikira iro rabuda mudambudziko guru. Ipapo iro richapinda munhaka yaro yapasi, ‘umambo hwarakagadzirirwa kubvira pakuteiwa kwenyika.’ (Mateo 25:34) Ivava namamwe amakwai apasi aShe vanokunda muedzo pakuguma kwamakore ane chiuru vanonzi “vatsvene.” (Zvakazarurwa 20:9) Ivo vachafarikanya ukama hutsvene uye hwakaita sohwomubereki nomwana noMusiki wavo, Jehovha Mwari, semitezo yesangano rapose pose.—Isaya 66:22; Johane 20:31; VaRoma 8:21.
13, 14. Kuti tigogara nhaka zvipikirwa zvakaisvonaka zvaMwari, miitiroi yatinofanira kutsunga kudzivisa, uye nei?
13 Zvicharangarira iyi kariro yakaisvonaka, haiwa kunokosha sei kuti Zvapupu zvaJehovha zvino zvirambe zvakachena pazvinhu zvinosvibisa zvenyika yaSatani! Tinodikanirwa kuva vakasimba, vakatsunga, navakashinga kuti Dhiabhorosi asazotongotizvuzvurudzira kupinda muboka iro Jehovha iye amene pano anorondedzera, kuti: “Asi kana dziri mbwende naavo vasina kutenda naavo vanonyangadza mutsvina yavo nemhondi nezvifeve naavo vanoshandisa mashiripiti ouroyi navanonamata zvifananidzo navarevi venhema vose, mugove wavo uchava mudziva rinopfuta mwoto nesurferi. Irori rinoreva rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 21:8) Hungu, uyo angava mugari nhaka anotofanira kudzivisa miitiro yakasvibisa tsika ino yezvinhu yekare. Iye anotofanira kukunda kupfurikidza nokuramba akatendeka mukunangana nedzvinyiriro dzose nemiedzo.—VaRoma 8:35-39.
14 ChiKristudhomu, kunyange zvazvo chichikambira kuva mwenga waKristu, chinoratidzirwa nemiitiro inonyangadza iyo Johane pano anorondedzera. Naizvozvo chinoburukira kuruparadziko rusingagumi pamwe chete navamwe vasara veBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:8, 21) Nenzira imwe cheteyo, vapi navapi vavakazodzwa kana kuti veboka guru vanokumbanira muitiro wokuita chakaipa wakadaro, kana kuti vanotanga kukurudzira, vanonangana noruparadziko rusingaperi. Kana ivo vachiomerera muzviito izvozvi, havazati vachizogara nhaka zvipikirwa. Uye mupasi idzva, vapi navapi vanoedza havo kusuma miitiro yakadaro vachaparadzwa nokukurumidza, vachipinda murufu rwechipiri rusina tariro yorumuko.—Isaya 65:20.
15. Ndivanaani vakatanhamara savakundi, uye Zvakazarurwa zvinogumiswa zvakaisvonaka nechionoi?
15 Vakatanhamara savakundi ndiro Gwayana, Jesu Kristu, nomwenga wake wavane 144-000, Jerusarema Idzva. Haiwa kwakakodzera sei, ipapoka, kuti Zvakazarurwa zvinofanira kugumiswa nomutoo wakaisvonaka kupfurikidza nechiono chokupedzisira, chisingaenzanisirwi cheJerusarema Idzva! Johane zvino anorondedzera chiono chimwe chokupedzisira.
[Mifananidzo uri papeji 302]
Muchaunga chitsva chapasi, muchava nebasa rinofadza noushamwaridzani nokuda kwavose