-
Baba Nevanakomana Vavo VanopandukiraUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
11, 12. (a) Rondedzera mamiriro akaipa enyika yeJudha. (b) Nei tisingafaniri kunzwira urombo vanhu venyika yeJudha?
11 Isaya anotevera kuedza kuita kuti vanhu venyika yeJudha vafunge nokuvaratidza kurwara kwavo. Anoti: “Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha?” Namamwe mashoko, Isaya ari kuvabvunza kuti: ‘Hamuna kutambura zvakaringana here? Nei muchida kuwedzera kuzvikuvadzisa nokuramba muchipandukira?’ Isaya anopfuurira: “Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya. Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri.” (Isaya 1:5, 6a) Vanhu venyika yeJudha vari kusemesa nokurwara—kurwara mumudzimu kubva kumusoro kusvika kurutsoka. Vari kutosiririsa kwazvo!
12 Tinofanira kunzwira vanhu venyika yeJudha urombo here? Kana! Mazana emakore akanga apfuura rudzi rwose rwaIsraeri rwakambonyeverwa nezvomubayiro wokusateerera. Zvimwe zvezvavakaudzwa ndezvokuti: “Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.” (Dheuteronomio 28:35) Nenzira yokufananidzira, vanhu venyika yeJudha zvino vava kutambura migumisiro iyoyi chaiyo yenzira yavo yokusateerera. Uye izvi zvose zvingadai zvakadziviswa kudai vanhu venyika yeJudha vakanga vangoteerera Jehovha.
13, 14. (a) Kukuvadzwa kworudzii kwakaitwa nyika yeJudha? (b) Kutambura kwevanhu venyika yeJudha kunovaparira kufungazve pamusoro penzira yavo yokupandukira here?
13 Isaya anopfuurira kurondedzera kunzwisa urombo kwevanhu venyika yeJudha achiti: “Maronda, napakakuvara, namavanga matsva; haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.” (Isaya 1:6b) Pano muprofita anotaura nezvemarudzi matatu ekukuvara: maronda (maronda, seokuchekwa nomunondo kana kuti nebanga), pakakuvara (kuzvimba nokurohwa), uye mavanga matsva (maronda achangobva kuitika anoratidza seasingapori). Pfungwa inopiwa ndeyomunhu arangwa zvakakomba nenzira dzose dzatingafungidzira, pasina nhengo yomuviri wake inosara isina kukuvara. Vanhu venyika yeJudha zvechokwadi vapererwa nezano rose.
14 Mamiriro ezvinhu anosiririsa evanhu venyika yeJudha anovaita kuti vadzokere kuna Jehovha here? Nyangwe! Vanhu venyika yeJudha vakaita semupanduki anorondedzerwa pana Zvirevo 29:1 kuti: “Munhu wakarayirwa kazhinji achiomesa mutsipa wake, uchaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.” Rudzi rwacho runoratidza sorusingacharapiki. Sokutaura kunoita Isaya, maronda ake “haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.”b Neimwe nzira, vanhu venyika yeJudha vakafanana neronda risati ravhara, risina kuputirwa, rinonyenga.
15. Tingazvidzivirira pakurwara kwomudzimu munzirai?
15 Tichitora chidzidzo kubva kuna Judha, tinofanira kugara takangwarira kurwara mumudzimu. Kufanana nokurwara chaiko, kunogona kuitika kuna ani naani zvake wedu. Pamusoro pazvo, ndiani wedu asinganzwi zvido zvenyama? Kukara nokuda mafaro kunogona kudzika midzi mumwoyo yedu. Saka, tinofanira kuzvidzidzisa ku“sema . . . zvakaipa” uye ku“namatira . . . kune zvakanaka.” (VaRoma 12:9) Tinofanirawo kukudziridza zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwedu hwezuva nezuva. (VaGaratiya 5:22, 23) Nokuita kudaro, tichadzivisa hosha yakarova vanhu venyika yeJudha—yokurwara mumudzimu kubva kumusoro kusvika kurutsoka.
-
-
Baba Nevanakomana Vavo VanopandukiraUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
b Mashoko aIsaya anoratidza muitiro wokurapa womuzuva rake. Muongorori wezvinhu zvemuBhaibheri E. H. Plumptre anoti: “Ku‘vhara’ kana kuti ku‘svina’ ronda riri kunyenga ndizvo zvaiedzwa pakutanga kuitira kubvisa urwa; rozo‘putirwa’ nomucheka, waitanga wazorwa zvimwe zvinhu sezvakaitwa raHezekia (chitsauko xxxviii. 21), ipapo mamwe mafuta okukurumidzisa kupora kana kuti mushonga wemaronda, zvichida, sezviri muna Ruka x. 34, mafuta newaini zvaishandiswa, kugeza ronda racho.”
-