Kufudza noMusiki Wedu Mukuru
“Jehovha ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashaiwa. Unoponesa mweya wangu; unondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.” —PISAREMA 23:1, 3.
1. Izorodzoi yorudo iyo Jehovha anogovera?
PISAREMA rechi 23, “pisarema raDhavhidhi,” rakaunza zorodzo kumweya yakaneta yakawanda. Rakaikurudzira kuva nechivimbo chinotaurwa Pis 23 mundima 6, kuti: “Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.” Ikoko ndicho chishuvo chako here, kugara kwenguva yose muimba yaJehovha yokunamata, wakabatanidzwa navanhu vake avo vari kuunganidzwa zvino kubva mumarudzi ose apasi? “Mufudzi nomutariri wemweya yenyu,” Musiki wedu Mukuru, Jehovha Mwari, achakubetsera kuwana nharidzano iyoyo.—1 Petro 2:25.
2, 3. (a) Jehovha anofudza sei vanhu vake nenzira yorudo? (b) “Boka” raJehovha rakawedzera sei nomutoo unoshamisa?
2 Musiki we“denga idzva nenyika itsva” ndiyewo Murongi noMutariri Mukurusa weungano yechiKristu, “imba yaMwari.” (2 Petro 3:13; 1 Timotio 3:15, NW) Anofarira zvikuru kufudza vanhu vake, seizvo Isaya 40:10, 11 inotaura zvakajeka, kuti: “Tarirai, Ishe Jehovha uchauya somunhu une simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubairo wake unawo, zvaanoripira zviri pamberi pake. Uchafudza boka rake somufudzi, uchaunganidza makwaiana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.”
3 Mupfungwa yakatambanudzwa, iri “boka” rinobatanidza avo vakafamba kwenguva refu muzvokwadi yechiKristu uye “makwaiana” akaunganidzwa munguva dzichangobva kupfuura zvikuru—zvakadai sezviverengero zvikuru zviri kubhapatidzwa zvino muAfrica uye Eastern Europe. Ruoko rune simba, runodzivirira rwaJehovha runovaunganidzira kuchipfuva chake. Kunyange zvazvo vakanga vave vakaita samakwai akarasika, zvino vakapinda muukama hwapedyo naMwari wavo anodiwa uye Mufudzi.
Mufudzi Biyake waJehovha
4, 5. (a) Ndiani “mufudzi wakanaka,” uye uporofita hwakanongedzera sei kwaari? (b) Ibasai rokuparadzanisa iro Jesu ari kutarisira, nomuuyoi wakatanhamara?
4 Achibatira ari kuruoko rworudyi rwaBaba vake mudenga, “mufudzi wakanaka,” Jesu Kristu, anopawo ngwariro yetsitsi ku“makwai.” Akapa upenyu hwake kubetsera kutanga “kapoka kaduku” kavakazodzwa uye ipapo, nhasi, boka guru ra“mamwe makwai” ake. (Ruka 12:32; Johane 10:14, 16) Mufudzi Mukuru, Jehovha Mwari, anotaura kuaya makwai ose, achiti: “Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga . . . pakati pamakwai namakwai. Ndichaamutsira mufudzi mumwe woga, iye uchaafudza, iye muranda wangu Dhavhidhi, iye uchaafudza, iye uchava mufudzi wawo. Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nomuranda wangu Dhavhidhi uchava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndakataura izvozvo.”—Ezekieri 34:20-24.
5 Zita rokuti “muranda wangu Dhavhidhi” rinonongedzera nenzira youporofita kuna Kristu Jesu, “mbeu” inogara nhaka chigaro choumambo chaDhavhidhi. (Pisarema 89:35, 36) Muzuva rino rokutongwa kwamarudzi, Mufudzi biyake waJehovha uye Mambo, Kristu Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, anopfuurira kuparadzanisa “makwai” orudzi rwomunhu kubva kuna avo vangataura kuva “makwai” asi vari zvomenemene “mbudzi.” (Mateo 25:31-33) Uyu “mufudzi mumwe” anomutswawo kuzodyisa makwai. Izadziko ine mbiri yakadini youhu uporofita yatinoona nhasi! Nepo vezvamatongerwe enyika vachitaura nezvokubatanidza rudzi rwomunhu kupfurikidza nenhevedzo yenyika itsva, Mufudzi mumwe ari kubatanidza zvomenemene makwai amarudzi ose kupfurikidza nenhimbe yokupupurira mumitauro yakawanda yakadai seiyo bedzi sangano raMwari pasi pano raigona kuvamba kuita.
6, 7. “Muranda akatendeka naakachenjera” akava nechokwadi sei chokuti “zvokudya panguva yakafanira” zviri kuitwa kuti zviwanike kumakwai?
6 Sezvo shoko roUmambo rinoramba richipararira mundima itsva, “muranda akatendeka naakachenjera” wamaKristu akazodzwa, sezvo akatumwa noMufudzi mumwe, anova nechokwadi chokuti gadziriro iri yose inoitwa kutumira “zvokudya panguva yakafanira.” (Mateo 24:45, NW) Akawanda emapazu 33 okutsikirira eWatch Tower Society mupasi rose ari kuwedzera kutsikirira kuti agonane nokudiwa kunowedzera kwamabhuku anofundwa eBhaibheri namagazini zvakawanda uye zviri nani.
7 Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uri kuita zvose zvinobvira kuvandudza kunaka kweshanduro mumitauro 200 uye kuvamba kushandura mumitauro yokuwedzera seinodikanwa kufukidza munda wose wenyika. Ikoku kuri mukutsigira murairo uyo Jesu akapa vadzidzi vake pana Mabasa 1:8, wokuti: “Muchapiwa simba kana [mudzimu, NW] mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu . . . nokusvikira kumugumo wenyika.” Uyezve, New World Translation of the Holy Scriptures, yakatotsikirirwa yose kana kuti murutivi mumitauro 14, zvino iri kushandurirwa mumimwe mitauro 16 yeEurope, Africa, uye Mabvazuva.
Kufarikanya “Rugare rwaMwari”
8. Makwai akakomborerwa sei zvikuru nesungano yorugare iyo Jehovha akaita nawo?
8 Kupfurikidza noMufudzi wake mumwe, Kristu Jesu, Jehovha anoita namakwai Ake anosanodyiswa “sungano yorugare.” (Isaya 54:10, NW) Achishandisa kutenda muropa raJesu rakadeurwa, makwai anogoneswa kufamba muchiedza. (1 Johane 1:7) Anofarikanya ‘rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose uye runorinda mwoyo yavo namasimba endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.’ (VaFiripi 4:7) Seizvo Ezekieri 34:25-28 inopfuurira kurondedzera, Jehovha anofudza makwai ake muparadhiso yomudzimu, mugariro unofadza wechengeteko, budiriro inozorodza, uye kubereka zvibereko. Uyu Mufudzi ane rudo anoti nezvamakwai ake: “Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa. Havangazovi chinhu chinopambwa namarudzi avanhu . . . asi vachagara zvakanaka, hakuna ungavatyisa.”
9. Mabanzai akazarurirwa vanhu vaMwari kupfurikidza noku‘vhunwa kwamatanda ejoko’?
9 Nechekare, mumakore achangobva kupfuura, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvakavhunirwa “matanda ejoko ravo.” Zvakasununguka kuparidzira sezvisakamboitika nakare kose. Uye tose zvedu, munyika iri yose, ngatishandise zvakanaka chengeteko iyo Jehovha anogovera sezvatinopfuurira kuti basa ripedzwe. Ikurudziro yakadini iyo Jehovha anopa sezvatinosvika kunguva yedambudziko gurusa rudzi rwomunhu rusati ruchizomboonazve!—Dhanieri 12:1; Mateo 24:21, 22.
10. Ndiani uyo Jehovha akagovera kubetsera Mufudzi Akaisvonaka, Kristu Jesu, uye vamwe vaivava vakataurwa sei kwavari nomuapostora Pauro?
10 Mukugadzirira nokuda kwezuva iroro ramatsive ake mukurwisana navakaipa, Jehovha akagovera vafudzi vaduku vokubetsera Mufudzi Akaisvonaka, Kristu Jesu, mukutarisira boka. Ivava vanorondedzerwa pana Zvakazarurwa 1:16 sechiverengero chakakwana che“nyeredzi nomwe” dziri muruoko rworudyi rwaJesu. Muzana rokutanga ramakore, muapostora Pauro akataura kuboka rinomirira raava vafudzi vaduku, achiti: “Zvichenjerei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo no[mudzimu, NW] mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa [roMwanakomana wake amene, NW].” (Mabasa 20:28) Nhasi, kune vafudzi vaduku makumi ezviuru vanobatira muungano 69 558 mupasi rose.
Vafudzi Vaduku Pamberi!
11. Vamwe vafudzi vakatungamirira sei nenzira inobudirira mundima dzinofukidzwa kakawanda?
11 Munzvimbo dzakawanda ava vafudzi vanofanira kutungamirira mundima dzakafukidzwa dzafukidzwazve mukati meano mazuva okupedzisira. Vanogona sei kuchengeta mbavarira yeboka iri pamwero wakakwirira? Vafudzi vave vachiita zvinorumbidzwa zvikurusa, uye imwe yenzira umo vave vachibudirira iri kupfurikidza nokunyandura basa roupiona hwebetsero nohwenguva dzose. Vafudzi vakawanda vamene vakagoverana muiri basa, uye kunyange vaparidzi vaye vasingakwanisi kuita kudaro vakaratidzira mudzimu woupiona, vachibatira nomufaro unobetsera mukukurira kusakendenga kuri mundima. (Pisarema 100:2; 104:33, 34; VaFiripi 4:4, 5) Nokudaro, sezvo uipi uye kusadokuvapo kwomutemo kunoputira nyika, vanhu vakawanda vakafanana namakwai vari kusvinudzirwa kutariro yoUmambo.—Mateo 12:18, 21; VaRoma 15:12.
12. Chinetsoi chakakomba chiripo muminda iri kukura nokukurumidza, uye ichochi chinobatwa sei pane dzimwe nguva?
12 Chimwe chinetso ndechokuti kazhinji kazhinji hakuna vafudzi vakakwaniriswa vakakwana vokutarisira boka. Uko kune kukura kunokurumidza, somuEastern Europe, kune ungano itsva dzakawanda dzisitongorina vakuru vakagadzwa. Makwai anodisa ari kutarisira mutoro, asi haana ruzivo rwokuzviwanira zvikuru, uye betsero inodiwa kurovedza makwai ari kudirana muungano. Munyika dzakadai seBrazil, Mexico, uye Zaire, uko kukura kunokurumidza zvikuru, Zvapupu zviduku zvikuru zvinofanira kushandiswa mukuronga basa uye kurovedza vamwe vatsva. Mapiona ari kupa betsero yakaisvonaka, uye heuno munda umo hanzvadzi dzinogona kurovedza hanzvadzi itsva. Jehovha kupfurikidza nomudzimu wake anokomborera miuyo. Wedzero inoramba ichiuya.—Isaya 54:2, 3.
13. (a) Sezvo kucheka kuri kukuru kwazvo, Zvapupu zvose zvinofanira kunyengetererei? (b) Minyengetero yavanhu vaMwari yakapindurwa sei pamberi uye mukati mehondo yenyika yechipiri?
13 Munyika umo basa rokuparidzira rakasimba zvikuru, munyika umo ganhuriro dzakabviswa misi ichangobva kupfuura, uye mundima dzichangobva kutangwa, mashoko aJesu ari pana Mateo 9:37, 38 achiri kushanda, anoti: “Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabati vashoma. Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” Tinofanira kunyengeterawo kuti Jehovha achamutsa vafudzi vakawanda. Akaratidzira kuti anogona kuita ikoku. Pamberi uye mukati meHondo yeNyika II, vadzvinyiriri vane utsinye vakafanana nevaAsiria vakaedza kuparadza Zvapupu zvaJehovha. Asi mumhinduro kuminyengetero yazvo, Jehovha akanatsa sangano razvo, achiriita roubati ushe hwaMwari zvirokwazvo, uye akagovera “vafudzi” vanodikanwa.a Ikoku kwaiva mutsinhirano nouporofita, hunoti: “Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu”—kunyange vakuru vakazvitsaurira vanopfuura vakakwana kuti vatungamirire.—Mika 5:5.
14. Kudikanwai kwakatanhamara kuripo musangano, uye ikurudziroi inopiwa kuhama?
14 Pane kudikanwa kwakatanhamara kwokuti Zvapupu zvechirume zvose zvakabhapatidzwa zvisvasvavirire dzimwe ropafadzo. (1 Timotio 3:1) Mugariro wacho ndowekukurumidzira. Mugumo wetsika ino unosvika nokukurumidza. Habhakuki 2:3 inotaura, kuti: “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; . . . zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” Hama, munogona here kusvasvavirira kuti mukwanirise nokuda kwedzimwe ropafadzo muiri basa rokufudza—mugumo usati wasvika?—Tito 1:6-9.
Kufudza Kwoubati Ushe hwaMwari
15. Munzirai umo vanhu vaJehovha vari ubati ushe hwaMwari?
15 Kuti vagoverane zvizere mufutunuko yesangano raJehovha, vanhu vake vanofanira kuva voubati ushe hwaMwari muchitarisiko chavo. Vanogona sei kuita ikoku? Eya, chii chinorehwa namashoko okuti “ubati ushe hwaMwari”? Webster’s New Twentieth Century Dictionary rinorondedzera “ubati ushe hwaMwari” so“kutonga kwehurumende kunoitwa naMwari.” “Rudzi rutsvene” rwavanhu vaJehovha ubati ushe hwaMwari mumufungo iwoyu. (1 Petro 2:9; Isaya 33:22) Semitezo kana kuti vasonganiri vorudzi irworwo rwoubati ushe hwaMwari, maKristu echokwadi anofanira kurarama uye kubatira achiteerera Shoko raMwari uye nheyo dzaro.
16. Zvikurukuru, tingazviratidza sei timene kuva voubati ushe hwaMwari?
16 Muapostora Pauro anotsanangura zvakajeka kuti maKristu anofanira kuva oubati ushe hwaMwari sei. Kutanga, anotaura kuti ano“fanira kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” Hunhu hwomuKristu hunofanira kuumbwa mukuwirirana nemipimo yaMwari yakarurama yakarongwa muShoko rake. Anofanira kuva akavimbika kuna Jehovha uye kumitemo Yake. Pashure pokuenzanisira kuti ikoku kungaitwa sei, Pauro anokurudzira, kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.” (VaEfeso 4:24–5:1, NW) Kufanana navana vanoteerera, tinofanira kutevedzera Mwari. Ikoko ndiko kushanda kwoubati ushe hwaMwari hwechokwadi, kuratidza kuti tinodzorwa chaizvoizvo naMwari!—Onawo VaKorose 3:10, 12-14.
17, 18. (a) Ivarai rakatanhamara raMwari maKristu oubati ushe hwaMwari anotevedzera? (b) Mumashoko ake kuna Mosesi, Jehovha akasimbisa sei vara Rake guru, asi inyeveroi yaAkawedzera?
17 Chii chiri vara guru raMwari ratinofanira kutevedzera? Muapostora Johane anopindura pana 1 Johane 4:8 apo anotaura, kuti: “Mwari rudo.” Ndima sere gare gare, mundima 16, anodzokorora iyi nheyo inokosha, yokuti: “Mwari rudo; unogara murudo, unogara muna Mwari, naMwari maari.” Mufudzi Mukuru, Jehovha, ndiye rudo runotaurwa somunhu. Vafudzi voubati ushe hwaMwari vanomutevedzera kupfurikidza nokuratidza rudo rukuru nokuda kwamakwai aJehovha.—Enzanisa na 1 Johane 3:16, 18; 4:7-11.
18 Mubati ushe Mukuru wouMwari akazvizivisa amene kuna Mosesi sa“Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva, unorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” (Eksodho 34:6, 7) Jehovha nokudaro anosimbisa mativi akasiana-siana evara rake rakatanhamara roubati ushe hwaMwari, rudo, nepo achinyevera zvakasimba kuti acharanga nokuda kwechikanganiso apo kwakafanirwa.
19. Mukusiana navaFarise, vafudzi vechiKristu vanofanira kuita sei nenzira youbati ushe hwaMwari?
19 Nokuda kwaavo vane nzvimbo dzomutoro musangano, kunorevei kuva voubati ushe hwaMwari? Jesu akataura nezvavanyori navaFarise vomuzuva rake, kuti: “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.” (Mateo 23:4) Kudzvinyirira kwakadini nokusava norudo! Ubati ushe hwaMwari hwechokwadi, kana kuti kutonga kwaMwari, hunoraira kufudza boka kupfurikidza nokushandisa nheyo dzorudo dzeBhaibheri, kwete kupfurikidza nokuremedza makwai nemirairo isingagumi yakaitwa navanhu. (Enzanisa naMateo 15:1-9.) Panguva imwe cheteyo, vafudzi voubati ushe hwaMwari vanofanira kutevedzera Mwari kupfurikidza nokuwedzera kurudo rwavo kuoma nokuda kwokuchengeta rucheno rweungano.—Enzanisa naVaRoma 2:11; 1 Petro 1:17.
20. Igadziriroi dzesangano idzo vafudzi voubati ushe hwaMwari vanoziva?
20 Vafudzi vechokwadi vanoziva kuti mukati meano mazuva okupedzisira, Jesu akagadza muranda wake akatendeka naakachenjera pazvinhu zvake zvose uye kuti mudzimu mutsvene wakatungamirira uyu muranda mukugadza vakuru nokuda kwokufudza makwai. (Mateo 24:3, 47; Mabasa 20:28) Nokudaro, kuva woubati ushe hwaMwari kunobatanidza kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwouyu muranda, nokuda kwegadziriro dzesangano idzo muranda akatanga, uye nokuda kwegadziriro yavakuru iri mukati meungano.—VaHebheru 13:7, 17.
21. Muenzanisoi wakaisvonaka Jesu akagadza nokuda kwavafudzi vaduku?
21 Jesu amene akagadza muenzaniso wakaisvonaka, achitarira nguva dzose kuna Jehovha nokuShoko Rake nokuda kwenhungamiro. Iye akati: “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 5:30) Vafudzi vaduku vaShe Jesu Kristu vanofanira kusakurira chimiro chendangariro chakafanana chokuzvininipisa. Kana mukuru nguva dzose achitendeukira kuShoko raMwari nokuda kwenhungamiro, seizvo Jesu akaita, ipapo ndoweubati ushe hwaMwari zvirokwazvo.—Mateo 4:1-11; Johane 6:38.
22. (a) Munzirai umo vose vanofanira kuvavarira kuva voubati ushe hwaMwari? (b) Kukokai kwomutsa uko Jesu anopa kumakwai?
22 Vanhurume vakabhapatidzwa, svasvavirirai kuti mukwanirise nokuda kweropafadzo muungano! Imi mose makwai anodiwa, vavarirai kuva voubati ushe hwaMwari, muchitevedzera Mwari naKristu mukuratidza rudo! Vafudzi uye boka zvakafanana ngavafare nemhaka yokuti vakapindura kokero yaJesu, yokuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzeWatchtower dzine musoro unoti “Organization,” muzvinyorwa zvaJune 1 uye 15, 1938.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri “boka” raJehovha, uye rinobatanidza ani?
◻ Jesu akaita sei so“mufudzi wakanaka” muzana rokutanga ramakore, uye nhasi?
◻ Ibasai rinokosha vafudzi vaduku vanoita mukutarisira boka?
◻ Chii chiri revo huru yamashoko okuti “ubati ushe hwaMwari”?
◻ MuKristu—zvikurukuru mufudzi muduku—anofanira kuita sei kuti ave woubati ushe hwaMwari?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kufanana nomufudzi akazvipira, Jehovha anotarisira boka rake
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kutevedzera vara raJehovha Mwari rorudo ndiko kushanda kwoubati ushe hwaMwari