RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Nyaradzai Vanhu Vangu”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 19, 20. Kuti asimbise ukuru hwaJehovha, Isaya anoshandisa mienzaniso yechii yakajeka?

      19 Zvakadini nenyika dzine simba dzepano pasi—dzingadzivisa Mwari here sezvaanozadzika shoko rake rechipikirwa? Isaya anopindura nokurondedzera marudzi sezvinotevera: “Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, unosimudza zviwi sechinhu chiduku-duku. Rebhanoni harina huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa. Marudzi ose akaita pamberi pake sepasina chinhu; pakufunga kwake akaita seasipo, chinhu chisina maturo.”—Isaya 40:15-17.

      20 Kuna Jehovha, marudzi ose akaita sedonwe remvura riri kudonha muchirongo. Havana kumbopfuura guruva rakatsetseka rinoungana pachikero, pasina zvarinoita.c Fungidzira kuti kudai mumwe munhu aizovaka atari hombe oshandisa miti yose yaifukidza makomo eRebhanoni sehuni nokuda kweatari yacho. Zvino chifungidzira kudai aizopira mhuka dzose dzaimberereka mumakomo iwayo sezvibayiro. Kunyange chibayiro chakadaro chaisazova chakakodzera Jehovha. Kuita sokuti mufananidzo washandiswa kusvika zvino hauna kukwana, Isaya anototaura rimwe shoko gukutu—marudzi ose “maduku pane pasina chinhu” mumeso aJehovha.—Isaya 40:17, New Revised Standard Version.

  • “Nyaradzai Vanhu Vangu”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • c The Expositor’s Bible Commentary inoti: “Kutengeserana kwepamusika kwePedyo neMabvazuva kwaisakoshesa donhwe duku remvura muchirongo chokuyeresa kana kuti guruva shomanene raiva pachikero apo nyama kana kuti michero yaiyerwa.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe