Musiki Wako—Dzidza Zvaari
“Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako.”—EKSODHO 33:19.
1. Nei Musiki achifanira kukudzwa?
MUAPOSTORA Johane, munyori webhuku rokupedzisira reBhaibheri, akanyora chiziviso ichi chikuru pamusoro poMusiki: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.” (Zvakazarurwa 4:11) Sezvakaratidzwa nenyaya yakapfuura, zvinowanwa nesayenzi yamazuva ano kazhinji zvinowedzera zvikonzero zvokudavira Musiki wezvinhu zvose.
2, 3. (a) Vanhu vanofanira kudzidza chii pamusoro poMusiki? (b) Nei zvisina musoro kuti tionane noMusiki pachedu?
2 Sezvazvakakosha kubvuma kuti Musiki ariko, zvinokosha zvakafanana kudzidza zvaari—kuti munhu chaiyeiye, ane unhu nenzira zvinoita kuti vanhu vauye kwaari. Chero pawasvika pakuita kudaro, hazvingabatsiri here kuti umuzive zviri nani? Izvozvo hazvirevi kuonana naye iwe pachako, mupfungwa yatinoonana nayo nevamwe vanhu.
3 Jehovha ndiye Akasika nyeredzi chaidzo, zuva redu richingova haro nyeredzi yakakura zviri pakati nepakati. Ungafunga nezvekusvika pedyo chaipo nezuva here? Hazviiti! Vanhu vakawanda vanochenjerera kusamboritarisa kana kuti kuita kuti ganda ravo ripiswe nemwaranzi yaro ine simba kwenguva yakareba. Mapisire anoita pakati paro i15 000 000°C (27 000 000°F.). Sekondi yoga yoga, iri vira rethermonuclear rinochinja matani mamiriyoni mana ouremu kuti huve simba. Kachikamu karo chete ndiko kanosvika pasi pano sekudziya nechiedza, asi kachikamu ikako kanotsigira upenyu hwose pano. Zvinhu izvozvo zvinokosha zvinofanira kutiudza zvakawanda nezvesimba rinotyisa roMusiki. Isaya aigona kunyora zvakakodzera nezve“ukuru hwesimba [roMusiki], uye zvaari mukuru pakusimba kwake.”—Isaya 40:26.
4. Mosesi akakumbira chii, uye Jehovha akapindura sei?
4 Asi, waiziva here kuti mwedzi inoverengeka vaIsraeri vabva muEgipita muna 1513 B.C.E., Mosesi akakumbira Musiki kuti: “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” (Eksodho 33:18) Uchiyeuka kuti Mwari ndiye Akasika nyange zuva chairo, unganzwisisa nei akaudza Mosesi kuti: “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.” Musiki akabvumira Mosesi kuwana nzvimbo yokuvanda muGomo reSinai apo Iye ai“pfuura.” Mosesi akazoratidzwa Mwari “necheshure” kwake, kutaura nenzira yokufananidza, kurudzi rwakati rwokubwinya kunosarira kwokubwinya kwoMusiki, kana kuti kuvapo.—Eksodho 33:20-23; Johane 1:18.
5. Musiki akazadzikisa sei chikumbiro chaMosesi, zvichiratidza chii?
5 Chishuvo chaMosesi chokuziva Musiki zviri nani chakazadzikiswa. Sezviri pachena achitaura achishandisa ngirozi, Mwari akapfuura nepaiva naMosesi ndokuzivisa kuti: “Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva.” (Eksodho 34:6, 7) Izvi zvinoratidza kuti kuziva Musiki wedu zviri nani kunobatanidza, kwete kuona chimiro chinoonekwa, asi kuziva zvakazara zvaari, unhu hwake nemavara ake.
6. Ko gadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri wedu inoshamisa sei?
6 Imwe nzira yatingaita nayo kudaro ndeyokuona mavara aMwari kubva pane zvaakasika. Funga nezvegadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri wako. Panyaya yokuzvidzivirira kwomuviri, Scientific American yakati: “Kubva munhu asati aberekwa kusvikira parufu, gadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri inogara yakangwarira. Mamolecule nemasero akawanda . . . zvinotidzivirira pamaparasite nemapathogen. Pasina zvinodzivirira izvozvo, vanhu vaisagona kurarama.” Gadziriro iyoyo yakabva kupi? Imwe nyaya iri mumagazini iyoyo yakati: “Masero akawanda anoshamisa anoshanda pamwe nounyanzvi nokukurumidza ayo anodzivirira muviri pautachiona nemavhairasi anobva pamasero mashomanana okutanga anotanga kuonekwa mavhiki anenge mapfumbamwe pashure pokunambwa.” Mudzimai akazvitakura anopfuudza kumwe kukwanisa kuzvidzivirira kwomuviri kumwana asati aberekwa anenge achikura. Gare gare, anopazve masero okudzivirira nemakemikoro anobatsira mwana wake nomumukaka womuzamu.
7. Chii chatingafunga nezvacho pamusoro pegadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri wedu, zvichiita kuti titi kudii?
7 Une chikonzero chakanaka chokutaura kuti gadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri wako inopfuura chinhu chero chipi zvacho chingagoverwa nemishonga yamazuva ano. Saka, zvibvunze kuti, ‘Izvi zvinotaura chii nezveMuvambi wayo noMugoveri?’ Gadziriro iyi, iyo ‘inotanga kuonekwa mavhiki anenge mapfumbamwe pashure pokunambwa’ uye yakagadzirira kudzivirira mwana achangobva kuberekwa, chokwadi inoratidza uchenjeri nokufanofunga. Asi tinganzwisisa zvakatowanda pamusoro poMusiki kubva mugadziriro iyi here? Vakawanda vedu tinoti kudini nezvaAlbert Schweitzer nevamwe vakapira upenyu hwavo kuti varape varombo? Tinowanzoti vanhu vakadaro vanofarira kubudirira kwevamwe vane tsiye nyoro vane unhu hwakanaka. Tichienzanisa, tingati kudini nezveMusiki wedu, uyo anopa vanhu vakapfuma nevarombo gadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri? Zviri pachena kuti ane rudo, haasaruri, ane tsiye nyoro, uye anoruramisira. Izvi hazviwirirani nerondedzero yoMusiki yakanzwiwa naMosesi here?
Anozivisa Zvaari
8. Jehovha anozvizivisa kwatiri munzira ipi yakasiyana nedzimwe?
8 Zvisinei, kune imwe nzira yatinogona kuziva nayo Musiki wedu zviri nani—kuburikidza neBhaibheri. Izvi zvinonyanya kukosha nokuti kune zvinhu pamusoro pake izvo sayenzi nezvinhu zvose zvakasikwa zvisingagoni kuzivisa zvachose nezvimwe zvinhu zvinonyatsojekeswa zvikuru neBhaibheri. Muenzaniso wezvichangobva kududzwa izita roMusiki pachake. Bhaibheri roga ndiro rinozivisa zita roMusiki nezvarinoreva. Mumanyoro echiHebheru eBhaibheri, zita rake rinoonekwa ka7 000 semakonzonendi mana angashandurwa kuti YHWH kana kuti JHVH, anowanzodudzwa kuti Jehovha muchiShona.—Eksodho 3:15; 6:3.
9. Zita roMusiki pachake rinorevei, uye tingati kudini nezvazvo?
9 Kuti tizive Musiki zviri nani, tinofanira kunzwisisa kuti haasi chete “Chakatanga Kukonzera” chisina kujeka kana kuti “Ndichava” asinganzwisisiki. Zita rake pachake rinoratidza kudaro. Rudzi rwechiito chechiHebheru chinoreva kuti “kuva” kana kuti “iva.”a (Enzanisa naGenesi 27:29; Muparidzi 11:3.) Zita raMwari rinoreva kuti “Anokonzera Kuva” uye rinosimbisa kuti anoita chinangwa uye anoita chiito. Nokuziva kwedu nokushandisa zita rake, tinganzwisisa zviri nani kuti anoita zvaakavimbisa uye anoita kuti chinangwa chake chiitike chaizvo.
10. Tinganzwisisa chii chinokosha kubva pane zvakanyorwa muna Genesi?
10 MuBhaibheri ndimo munobva zivo yezvinangwa zvaMwari neunhu hwake. Nhoroondo yaGenesi inoratidza kuti pane imwe nguva vanhu vakanga vane rugare naMwari uye vaiva netariro youpenyu hurefu, hune zvahunoreva. (Genesi 1:28; 2:7-9) Zvichiwirirana nezvinoreva zita rake, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achagumisa kutambura nokuodzwa mwoyo zvave zvichitarisana nevanhu kwenguva yakareba. Tinorava nezvekuzadzika kwechinangwa chake kuti: “Nyika yakakoneswa, kwete nokuda kwayo, asi nokuda kwoMusiki, uyo pakuiita yakadaro, akaipa tariro kuti rimwe zuva . . . iitwe kuti igovane rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:20, 21, The New Testament Letters, naJ. W. C. Wand.
11. Nei tingafunga nezvenhoroondo dzeBhaibheri, uye chii chinotaurwa nezveimwe nhoroondo yakadaro?
11 Bhaibheriwo rinogona kutibatsira kuziva Musiki wedu zviri nani pakuti rinozivisa zviito zvake nezvaaiita paaibata naIsraeri wekare. Funga muenzaniso unobatanidza Erisha naNaamani, mukuru wehondo yevaSiria vakanga vane utsinye. Zvaunorava nhoroondo iyi muna 2 Madzimambo chitsauko 5, uchaona kuti mumwe musikana wechiIsraeri akanga akatapwa akataura kuti maperembudzi aNaamani aigona kurapwa achibatsirwa naErisha aiva muIsraeri. Naamani akaenda ikoko achitarisira kuti Erisha asimudze maoko ake setsika yokuporesa nenenji. Panzvimbo pezvo, Erisha akaudza muSiria wacho kuti ageze muRwizi Joridhani. Nyange zvazvo varanda vaNaamani vaifanira kuita kuti abvume kuita izvozvo, paakadaro, akaporeswa. Naamani akapa zvipo zvinokosha, zvakarambwa naErisha. Pave paya shamwari yake yakaverevedza ichienda kuna Naamani ndokuwana zvimwe zvinokosha nokureva nhema. Kusatendeseka kwayo kwakaita kuti ive nemaperembudzi. Iyi inhoroondo yevanhu, inofadza—yatingadzidza mairi.
12. Chii chatingaguma tataura pamusoro poMusiki kubva munhoroondo yaErisha naNaamani?
12 Nenzira inofadza, nhoroondo yacho inoratidza kuti Musiki Mukuru wezvisikwa zvose haana kunyanyokwirira zvokusakwanisa kuitira musikana muduku nyasha, zvakasiyana chaizvo nezvinowanzoitwa mutsika dzakawanda nhasi. Inoratidzawo kuti Musiki haafariri dzinza rimwe chete kana kuti rudzi. (Mabasa 10:34, 35) Zvinofadza kuti, panzvimbo pokutarisira kuti vanhu vashandise unyengeri—hwaiwanzoitwa nevamwe “varapi” vomunguva yakapfuura neyazvino—Musiki akaratidza uchenjeri hunoshamisa. Aiziva nzira yokurapa nayo maperembudzi. Akaratidzawo kunzwisisa nokururamisira pakusabvumira kunyengedzera kuti kupfuurire. Zvakare, izvozvo hazviwirirani here nounhu hwaJehovha uhwo Mosesi akanzwa nezvahwo? Nyange zvazvo nhoroondo iyoyo yeBhaibheri iri pfupi, tingaziva zvakawanda sei kubva mairi pamusoro pezviri Musiki wedu!—Pisarema 33:5; 37:28.
13. Enzanisira kuti tingawana sei zvidzidzo zvinokosha kubva munhoroondo dzeBhaibheri.
13 Dzimwe nhoroondo pamusoro pezviito zvokusaonga kwaIsraeri nezvakazoitwa naMwari zvinoratidza kuti Jehovha ane hanya zvechokwadi. Bhaibheri rinoti vaIsraeri vakamuisa vamuisazve pamuidzo, vachimuita kuti anzwe shungu uye arwadziwe. (Pisarema 78:40, 41) Saka Musiki anonzwa, uye ane hanya nezvinoitwa nevanhu. Kune zvakawanda zvinofanirawo kudzidzwa munhoroondo dzinotaura nezvevanhu vanozivikanwa zvikuru. Dhavhidhi paakasarudzwa kuti ave mambo waIsraeri, Mwari akaudza Samueri kuti: “Munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Hungu, Musiki anotarira zvatiri mukati, kwete zviri kunze. Zvinogutsa sei!
14. Zvatinorava Magwaro echiHebheru, chii chatingaita kuti tibatsirwe?
14 Mabhuku makumi matatu nemapfumbamwe eBhaibheri akanyorwa nguva yaJesu isati yasvika, uye tinofanira kuarava. Izvi hatifaniri kungozviitira kuti tingodzidzawo nhoroondo kana kuti nyaya dzomuBhaibheri. Kana tichinyatsoda kudzidza zviri Musiki wedu, tinofanira kufungisisa nezvenhoroondo idzodzo, pamwe kufunga kuti, ‘Ko chiitiko ichi chinojekesa chii nezvounhu hwake? Unhu hwake hupi hunoonekwa pano?’b Kuita kudaro kungabatsira nyange vasina chokwadi kuti vaone kuti Bhaibheri rinofanira kuva rakabva kuna Mwari, nokudaro zvichiita kuti pave nechikonzero chokuti vazive Munyori waro ane rudo zviri nani.
Mudzidzisi Mukuru Anotibatsira Kuti Tizive Musiki
15. Nei zvakaitwa naJesu nezvaakadzidzisa zvichifanira kuva zvinorayiridza?
15 Chokwadi, vanhu vasina chokwadi kuti Musiki aripo here kana kuti vasinganyatsojekerwa naMwari vangasaziva zvakawanda pamusoro peBhaibheri. Zvimwe wakasangana nevanhu vaisagona kuziva kana Mosesi akatangira Mateo kurarama kana kuti akatangirwa naye uye vasingambozivi kana chii zvacho nezvezvakaitwa naJesu kana kuti zvaakadzidzisa. Izvozvo zvinosuruvarisa zvikuru nokuti munhu angadzidza zvakawanda zvikuru nezveMusiki kubva kune Mudzidzisi Mukuru, Jesu. Zvaakanga achiwirirana chaizvo naMwari, aigona kuzivisa zvakaita Musiki wedu. (Johane 1:18; 2 VaKorinte 4:6; VaHebheru 1:3) Uye akaita izvozvo. Kutaura chokwadi, akamboti: “Wandiona ini, waona Baba.”—Johane 14:9.
16. Zvakaitwa naJesu nomukadzi wechiSamaria zvinoenzanisira chii?
16 Funga nezvemuenzaniso uyu. Pane imwe nhambo Jesu paakanga aneta nokufamba, akataura nomumwe mukadzi weSamaria pedyo neSikari. Akataura naye chokwadi chakakura, achinyanya kutaura nezvekudiwa kwoku“namata Baba mumweya nezvokwadi.” VaJudha vepanguva iyoyo vakanga vasingadi vaSamaria. Kusiyana neizvozvo, Jesu akaratidza kuda kwaJehovha kugamuchira varume nevakadzi vechokwadi vemarudzi ose, nyange sezvatacherekedza muchiitiko chinobatanidza Erisha naNaamani. Zvinofanira kutiita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha haabvumiri ruvengo rwechitendero rwevasingafungi rwatekeshera munyika nhasi. Tinofanira kufungawo nezvechokwadi chokuti Jesu akanga achida kudzidzisa mukadzi, uye muchiitiko ichi, mukadzi aigara nomurume akanga asiri murume wake. Panzvimbo pokumushora, Jesu akamuremekedza, munzira yaigona kunyatsomubatsira. Pashure pacho, vamwe vaSamaria vakateerera Jesu ndokuguma vati: “Tinoziva kuti uyu ndiye muponesi wenyika zvirokwazvo.”—Johane 4:2-30, 39-42; 1 Madzimambo 8:41-43; Mateo 9:10-13.
17. Nhoroondo yokumutswa kwaRazaro inoita kuti tigume tati kudii?
17 Ngatitaurei nezvemumwe muenzaniso wemadzidzire atingaita pamusoro poMusiki nokuzviita kuti tijairane nezviito nezvakadzidziswa naJesu. Funga nezvenhambo pakafa shamwari yaJesu Razaro. Jesu akanga amboratidza simba rake rokudzorera vakafa kuupenyu. (Ruka 7:11-17; 8:40-56) Zvisinei, wakaita sei paakaona hanzvadzi yaRazaro Maria ichichema? Jesu “akafa neshungu mumweya, akatambudzika.” Haana kushaya hanya, kana kusava nebasa nazvo; “akachema misodzi.” (Johane 11:33-35) Uye uku kwakanga kusiri kungoratidzwawo zvakwo kwemanzwiro. Jesu akanzwa achifanira kuita chiito chaicho—akamutsa Razaro. Unogona kufungidzira kuti izvi zvakabatsira sei vaapostora kuti vanzwisise manzwire anoita Musiki nezviito zvake. Zvinofanira kutibatsirawo isu nevamwe kunzwisisa unhu nenzira zvoMusiki.
18. Vanhu vanofanira kunzwa sei pamusoro pokudzidza Bhaibheri?
18 Hapana chikonzero chokunyara kudzidza Bhaibheri nokudzidza zvakawanda pamusoro poMusiki wedu. Bhaibheri harisi bhuku rechinyakare. Mumwe munhu akaridzidza ndokuva shamwari yainyatsowirirana naJesu akanga ari Johane. Akazonyora kuti: “Tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kuziva, kuti tizive iye wazvokwadi; nesu tiri muna iye wazvokwadi, muMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mwari wazvokwadi, noupenyu husingaperi.” (1 Johane 5:20) Ona kuti kushandisa “kuziva” kuti tiwane zivo yaiye “wazvokwadi,” Musiki, kunogona kutiita kuti tiwane “upenyu husingaperi.”
Ungabatsira sei Vamwe Kuti Vadzidze Nezvake?
19. Chii chakaitwa kuti vanhu vasina chokwadi vabatsirwe?
19 Zvakawanda zvinodiwa kuti vamwe vanhu vadavire kuti kune Musiki ane tsiye nyoro ane hanya nesu uye kuti vanzwisise zvaari. Kune mamiriyoni nemamiriyoni asati agutsikana pamusoro poMusiki kana kuti vanomuona zvisingaenderani nezvinowanikwa muBhaibheri. Ungavabatsira sei? Pakokorodzano dzeruwa nedzemarudzi akawanda dza1998/99 dzeZvapupu zvaJehovha, chishandiso chitsva chinobudirira chakabudiswa mumitauro yakawanda—bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?
20, 21. (a) Bhuku rinonzi Creator ringashandiswa sei zvinobudirira? (b) Rondedzera zviitiko zvenzira iyo bhuku rinonzi Creator rakatoratidza nayo kuti rinoshanda.
20 Ibhuku richawedzera kutenda kwako pachako muMusiki wedu nokunzwisisa kwako unhu nenzira dzake. Nei izvi zviri zvechokwadi? Nemhosva yokuti bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakanyanya kugadzirwa pachifungwa nezvevavariro dzakadaro. Musoro mukuru uri mubhuku racho rose ndewokuti “Chii chingawedzera zvinoreva upenyu hwako?” Zviri mukati zvinopiwa nenzira yokuti nyange vanhu vakati dzidzei vachazviona zvichinakidza. Asi, rinotaura nezvezvishuvo zvatinazvo tose. Mune mashoko anonakidza uye anonyengetedza nokuda kwevaravi vasina chokwadi nokuvapo kwoMusiki. Bhuku racho harifungidziri kuti muravi anodavira Musiki. Vaya vasina chokwadi vachanakidzwa nemataurirwe anoitwa zvichangobva kuwanwa nesayenzi nepfungwa. Zvinhu zvakadaro zvichatosimbisa kutenda kwevaya vanodavira Mwari.
21 Pakudzidza bhuku idzva iri, zvichaonekwa kuti zvimwe zvikamu zvaro zvinotsanangura zvishomanana nhau yeBhaibheri nenzira inosimbisa unhu hwaMwari, zvichibatsira vanorava kuziva Mwari zviri nani. Vakawanda vakatorirava vakatsinhira kuti izvi zvakaitika sei kwavari. (Ona nyaya inotevera, mapeji 25-6.) Izvozvo ngazviitikewo kwauri zvaunozviita kuti ujairane nebhuku racho nokurishandisa kuti ubatsire vamwe kuziva Musiki wavo zviri nani.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyanzvi yechiJesuit M. J. Gruenthaner, paakanga ari munyori mukuru weThe Catholic Biblical Quarterly, akashandisira kuchiito ichi chaakataura kuti chiito chakafanana nacho, kuti “hachina kumbova nepfungwa yokuvapo kusina kujeka asi nguva dzose chinoratidza kuva kana kuti kuva mupfungwa, kureva kuti, kunyatsozviratidza choga.”
b Vabereki zvavanorondedzera nhoroondo dzeBhaibheri kuvana vavo, vangabatsira vana vavo nokubvunza mibvunzo yakadaro. Saka pwere dzinogona kuziva Mwari, nokudzidzawo kufungisisa Shoko rake.
Wacherekedza Here?
◻ Mosesi akaziva sei Jehovha zviri nani paGomo reSinai?
◻ Nei kudzidza Bhaibheri kuchiyamura kuziva zviri Mwari?
◻ Zvatinorava Bhaibheri, chii chatingaita kuti tiswedere pedyo noMusiki wedu?
◻ Uri kuronga kushandisa bhuku rinonzi Creator nenzira ipi?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Gadziriro yokuzvidzivirira kwomuviri wedu inoratidzei pamusoro poMusiki wedu?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Chikamu cheMipumburu yeGungwa Rakafa, ne“Tetragrammaton” (zita raMwari muchiHebheru) yakaratidzwa
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of the Shrine of the Book, Israel Museum, Jerusalem
[Mufananidzo uri papeji 23]
Chii chatingadzidza kubva pane zvakaitwa naJesu panhamo yaMaria?