-
“Musanangurwa Wangu Unofadza Mweya Wangu!”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
3. Jehovha anoprofita chii nezvo“muranda wangu” achishandisa Isaya?
3 Achishandisa Isaya, Jehovha anoprofita nezvokuuya kwomuranda waachasarudza iye pachake achiti: “Tarirai muranda wangu wandinotsigira, musanangurwa wangu unofadza mweya wangu. Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake, uchavigira marudzi kururamisirwa. Haangadani, kana kudanidzira nenzwi rake, kana kunzwisa inzwi rake panzira dzomumusha. Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; uchavigira vanhu kururamisirwa muzvokwadi. Iye haangapfungairi kana kupwanyiwa, kusvikira agadza kururama panyika; zviwi zvichamirira murayiro wake.”—Isaya 42:1-4.
-
-
“Musanangurwa Wangu Unofadza Mweya Wangu!”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
6. Jesu akaita kuti ruramisiro yechokwadi izivikanwe munzirai?
6 Kusiyana neizvi Jesu akaratidza maonero aMwari ruramisiro. Nezvaakadzidzisa uye nemararamire aakaita, Jesu akaratidza kuti ruramisiro yechokwadi ine tsitsi nengoni. Imbofunga nezveMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira. (Mateu, zvitsauko 5-7) Kutsanangurwa kwounyanzvi kwakadini kwenzira iyo ruramisiro nokururama zvinofanira kuitwa nayo! Patinoverenga nhoroondo dzeEvhangeri, hatifadzwi here netsitsi dzaJesu kuvarombo nevakadzvinyirirwa? (Mateu 20:34; Mako 1:41; 6:34; Ruka 7:13) Akaendesa shoko rake rinonyaradza kuvazhinji vakanga vakaita setsanga yakapwanyika, vakarashwa. Vakanga vakaita somwenje unopfungaira, kasasaradzi kokupedzisira koupenyu kakanga koda kutodzima. Jesu haana kuvhuna “rutsanga rwakapwanyika” kana kudzima “mwenje unopfungaira.” Asi mashoko ake orudo netsitsi nezviito zvakamutsiridza mwoyo yevanyoro.—Mateu 11:28-30.
-