RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Tarirai! Mushumiri WaJehovha Waanofarira
    Nharireyomurindi—2009 | January 15
    • 4 Jesu achiri karusvava, mumwe murume akarurama ainzi Simiyoni akazivisa achifuridzirwa nomudzimu mutsvene kuti “mwana muduku Jesu” aizova “chiedza chokubvisa nacho chifukidziro pamarudzi” sezvakanga zvagara zvataurwa pana Isaya 42:6 neIsa 49:6. (Ruka 2:25-32) Uyezve, kubatwa zvinonyadzisa kwakaitwa Jesu usiku hwaakatongwa kwakagara kwataurwa muuprofita hwaIsaya 50:6-9. (Mat. 26:67; Ruka 22:63) Pashure pePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akanyatsozivisa zvakajeka kuti Jesu ndiye “Mushumiri” waJehovha. (Isa. 52:13; 53:11; verenga Mabasa 3:13, 26.) Tingadzidzei pauprofita uhwu hunotaura nezvaMesiya?

  • Tarirai! Mushumiri WaJehovha Waanofarira
    Nharireyomurindi—2009 | January 15
    • “Chiedza” Uye “Sungano”

      11. Jesu aiva “chiedza chemarudzi” pakudii muzana remakore rokutanga, uye chii chinoratidza kuti ndizvo zvaari nanhasi?

      11 Achizadzisa Isaya 42:6, Jesu akaratidza zvechokwadi kuti aiva “chiedza chemarudzi.” Paaiita ushumiri hwake pasi pano, akaunza chiedza chokunamata zvikurukuru kuvaJudha. (Mat. 15:24; Mab. 3:26) Jesu akatiwo: “Ndini chiedza chenyika.” (Joh. 8:12) Akava chiedza kuvaJudha nemamwe marudzi pakuti akavhenekera vanhu pane zvokunamata uyewo akapa upenyu hwake hwakakwana kuti vanhu vose vadzikinurwe. (Mat. 20:28) Amutswa, akapa vadzidzi vake basa rokuva zvapupu zvake “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Pavaiita ushumiri hwavo, Pauro naBhanabhasi vakadzokorora mashoko okuti “chiedza chemarudzi” vakaashandisa kureva basa rokuparidzira vanhu vasiri vaJudha. (Mab. 13:46-48; enzanisa naIsaya 49:6.) Basa iroro richiri kuitwa nehama dzaJesu dzakazodzwa pasi pano uye vemamwe makwai vari kuparadzira chiedza chokunamata vachibatsira vanhu kuti vatende muna Jesu, “chiedza chemarudzi.”

      12. Jehovha akapa sei Mushumiri wake kuti ave “sungano kuvanhu”?

      12 Muuprofita ihwohwo, Jehovha akaudza Mushumiri wake waakasarudza kuti: “Ndichakuchengetedza ndoita kuti uve sungano yevanhu.” (Isa. 42:6) Satani akaedza aedzazve kuparadza Jesu kuti amutadzise kupedza ushumiri hwake pasi pano, asi Jehovha akamuchengetedza kusvikira nguva yokuti afe yakwana. (Mat. 2:13; Joh. 7:30) Jehovha akabva azomutsa Jesu ndokumupa se“sungano” kana kuti chitsidzo, kuvanhu pasi pano. Vimbiso iyoyo inokosha yakasimbisa kuti Mushumiri waMwari akatendeka aizoramba ari “chiedza chemarudzi,” achisunungura vaya vari murima rokusaziva Mwari.—Verenga Isaya 49:8, 9.b

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe