RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Musanangurwa Wangu Unofadza Mweya Wangu!”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 13. Jehovha anoprofita chii nezvoMuranda wake Akasanangurwa?

      13 Isaya anoenderera mberi achiti: “Zvanzi naMwari Jehovha, iye wakasika denga rose, akaritatamura, iye wakatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema, navanofambapo mweya wavo.” (Isaya 42:5) Kurondedzerwa kwaJehovha Musiki kune simba zvakadini! Chiyeuchidzo ichi chesimba raJehovha chinopa simba guru kune zvaanotaura. Jehovha anoti: “Ini Jehovha ndakudana nokururama, ndichabata ruoko rwako, ndichakuchengeta, ndikuite sungano yavanhu, uve chiedza chamarudzi; usvinudze meso asingaoni, ubudise vasungwa patorongo, navagere murima paimba yokusungwa.”—Isaya 42:6, 7.

  • “Musanangurwa Wangu Unofadza Mweya Wangu!”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
    • 15, 16. Jesu akashanda se“chiedza chamarudzi” munzirai?

      15 Se“chiedza chamarudzi,” Muranda akapikirwa wacho achavhura “meso asingaoni” osunungura “vagere murima.” Izvi Jesu akazviita. Nokupupurira chokwadi, Jesu akarumbidza zita raBaba vake vokudenga. (Johani 17:4, 6) Akafumura nhema dzechitendero, akaparidza mashoko akanaka oUmambo, ndokuzarura suo rorusununguko rwomudzimu kuvaiva muusungwa hwechitendero. (Mateu 15:3-9; Ruka 4:43; Johani 18:37) Akanyevera nezvokuita mabasa erima ndokufumura Satani sa“baba venhema” uye “mutongi wenyika ino.”—Johani 3:19-21; 8:44; 16:11.

      16 Jesu akati: “Ndini chiedza chenyika.” (Johani 8:12) Akaratidza kuva akadaro munzira inoshamisa paakapira upenyu hwake ari munhu akakwana sorudzikinuro. Nokudaro akavhurira nzira vaya vanoratidza kutenda kuti vakanganwirwe zvivi, vave noukama hunotenderwa naMwari, netarisiro youpenyu husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Nokuchengeta kuzvipira kuna Mwari kwakakwana muupenyu hwake hwose, Jesu akatsigira uchangamire hwaJehovha, akaratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Jesu zvechokwadi akaita kuti mapofu aonezve uye akasunungura vakanga vari mujeri rerima romudzimu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe