-
Mwari Ndiani?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
1. Zita raMwari ndiani, uye tingava sei nechokwadi chekuti anoda kuti tirizive?
Mwari anotiudza nezvake muBhaibheri. Anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Verengai Isaya 42:5, 8.) Zita rekuti “Jehovha” kuturikirwa kwezita rechiHebheru rinogona kunge richireva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Jehovha anoda kuti tizive zita rake. (Eksodho 3:15) Tinozviziva sei izvozvo? Akaita kuti zita rake rinyorwe muBhaibheri kanopfuura ka7 000!a Zita rekuti Jehovha nderaMwari “wechokwadi kudenga kumusoro nepanyika.”—Dheuteronomi 4:39.
-
-
Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
2. Tinofanira kunamata Jehovha sei?
Sezvo ari iye Musiki wedu, Jehovha ndiye ega akakodzera kunamatwa. (Zvakazarurwa 4:11) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kumuda uye kunamata iye chete, tisingashandisi zvifananidzo kana kuti zvidhori.—Verengai Isaya 42:8.
Tinofanira kuita kuti kunamata kwedu kuve ‘kutsvene uye kunogamuchirwa’ naJehovha. (VaRoma 12:1) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kutevedzera mitemo yake muupenyu hwedu. Pamwe patinoratidza kuti tinoteerera mitemo yaJehovha panyaya yewanano. Vaya vanoda Jehovha vanosiyanawo nemaitiro anogona kuvakuvadza akadai sekudhakwa, kushandisa fodya, madhiragi nezvimwe zvinodhaka.a
-