-
“Ndimi Zvapupu Zvangu”!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
11. Jehovha anopa muranda wake basa rei, uye Jehovha anozivisei pamusoro pokuva kwake Mwari?
11 Sezvo vasina simba, vanamwari venhema havagoni kuunza zvapupu. Nokudaro zvinotonyadzisa kuti panomira zvapupu panoramba pasina munhu. Asi zvino inova nguva yaJehovha yokuti aratidze kuva Mwari kwake. Achitarisa kuvanhu vake anoti: “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, . . . Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna ungarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani [ungadzivisa ruoko rwangu]?”—Isaya 43:10-13.
12, 13. (a) Uchapupu hwakawanda hwechii uhwo vanhu vaJehovha vanahwo hwokupa? (b) Zita raMwari rakaenda pamberi sei munguva dzazvino?
12 Mukupindura mashoko aJehovha, nenguva isipi panomira zvapupu panozara neboka rinofara rezvapupu. Uchapupu hwazvo hwakajeka uye hahuna mubvunzo. SaJoshua, zvinopupurira kuti ‘zvose zvakataurwa naJehovha zvakaitika. Hapana kana shoko rimwe rakakona.’ (Joshua 23:14) Achiri kurira munzeve dzevanhu vaJehovha ndiwo mashoko aIsaya, Jeremia, Ezekieri, nevamwe vaprofita avo, sokunge nenzwi rimwe, vakafanotaura nezvokuitwa nhapwa kwaJudha nokununurwa kwake nenzira inoshamisa kubva kwaakatapwa. (Jeremia 25:11, 12) Mununuri waJudha, Koreshi, akataurwa nezita nguva refu asati atomboberekwa!—Isaya 44:26–45:1.
13 Tichifunga nezvomurwi wouchapupu uyu, ndiani angaramba kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi? Kusiyana navanamwari vechihedheni, Jehovha bedzi ndiye asina kusikwa; iye oga ndiye Mwari wechokwadi.a Saka vanhu vane zita raJehovha vane ropafadzo yakasiyana neyevamwe uye inofadza yokurondedzera mabasa ake anoshamisa kuzvizvarwa zvomunguva yemberi uye kune vamwe vanobvunza nezvake. (Pisarema 78:5-7) Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva ranhasi zvine ropafadzo yokuzivisa zita raJehovha munyika yose. Muma1920 Vadzidzi veBhaibheri vakawedzera kuziva kukosha kukuru kwezita raMwari, Jehovha. Zvadaro, musi waJuly 26, 1931, pakokorodzano muColumbus, Ohio, purezidhendi weSosaiti, Joseph F. Rutherford, akasuma chisarudzo chaive nomusoro wokuti “Zita Idzva.” Mashoko okuti, “Tinoda kuzivikanwa uye kudanwa, kutaura zvazviri, nezita rokuti Zvapupu zvaJehovha,” akafadza vaipinda kokorodzano yacho, avo vakabvuma chisarudzo chacho na“Hungu!” akasimba. Kubvira ipapo, zita raJehovha rakawedzera kuzivikanwa munyika yose.—Pisarema 83:18.
-
-
“Ndimi Zvapupu Zvangu”!Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
a Mungano dzemarudzi, vanamwari vazhinji vano“berekwa” uye vane “vana.”
-