RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 4 Panoitwa basa rakaoma kuti munda wemizambiringa ubereke. Isaya anorondedzera ku‘timba pasi kunoitwa nomuridzi achibvisa matombo’—ibasa rinofinha, rinonetesa sei! Pamwe anoshandisa matombo acho makuru ku“vaka shongwe.” Makarekare shongwe dzakadaro dzaishandiswa senzvimbo yokugara yomurindi aichengeta zvirimwa kuti zvisabiwa nokurinda mhuka.a Anovakawo rusvingo rwematombo achigadzira mihomba yemizambiringa yakati chechetere mugomo. (Isaya 5:5) Izvi zvaiwanzoitwa kudzivisa kuti ivhu rapamusoro rinokosha risakukurwa nemvura.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 6, 7. (a) Ndiani muridzi wemunda wemizambiringa, uye munda wemizambiringa chii? (b) Kutongwa kworudzii uko muridzi anokumbira?

      6 Muridzi wacho ndiani, uye munda wemizambiringa chii? Muridzi wemunda wemizambiringa anoratidza mhinduro dzemibvunzo iyi apo iye pachake anotaura kuti: “Zvino imi vagere Jerusarema navarume vaJudha, ndinokumbira kuti mutonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa. Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa, chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa [“emusango,” NW]. Zvino ndichakuudzai zvandichaita munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, [“uye unofanira kupiswa,” NW] udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe.”—Isaya 5:3-5.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 9. Jehovha akatarisira sei rudzi rwake, semunda wemizambiringa unokosha?

      9 Jehovha aka“sima” rudzi rwake munyika yeKanani ndokuvapa mitemo yake nemirayiro, yaishanda serusvingo rwokuvadzivirira kuti vasasvibiswe nemamwe marudzi. (Eksodho 19:5, 6; Pisarema 147:19, 20; VaEfeso 2:14) Uyezve, Jehovha akavapa vatongi, vapristi, nevaprofita kuti vavarayire. (2 Madzimambo 17:13; Maraki 2:7; Mabasa 13:20) Israeri paaityisidzirwa nesimba rehondo, Jehovha aimutsa vanunuri. (VaHebheru 11:32, 33) Nechikonzero chakanaka, Jehovha anobvunza kuti: “Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa, chandisina kuuitira?”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe