RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 7 Hungu, Jehovha ndiye muridzi wemunda wemizambiringa, uye aita seazviisa mudare, achikumbira kuti iye nomunda wake wemizambiringa unoodza mwoyo vatongwe. Zvino munda wemizambiringa chii? Muridzi wacho anotsanangura kuti: “Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza.”—Isaya 5:7a.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • Kuziva Munda waMwari Wemizambiringa Nhasi

      10. Jesu akapa muenzaniso upi unosanganisira munda wemizambiringa?

      10 Jesu angave aive achifunga mashoko aIsaya paakapa muenzaniso wevarimi mhondi achiti: “Kwaiva nomumwe murume, muridzi wemba, akadyara munda wemizambiringa akaukomberedza noruzhowa akachera chisviniro chewaini mauri akavaka shongwe, uye akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika.” Zvinonzwisa urombo kuti varimi vacho vakanyengedza muridzi, vachitouraya kunyange mwanakomana wake. Jesu akapfuurira kuratidza kuti muenzaniso uyu waisangobatanidza Israeri chaiye chete paakati: “Muchatorerwa [Israeri wenyama] umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.”—Mateu 21:33-41, 43.

      11. Munda upi wemizambiringa womudzimu waivapo muzana rokutanga remakore, asi chii chakaitika vaapostora vafa?

      11 “Rudzi” rutsva rwakaratidza kuva “Israeri waMwari”—rudzi rwomudzimu rwevaKristu vakazodzwa vanosvika 144 000 pakupedzisira. (VaGaratiya 6:16; 1 Petro 2:9, 10; Zvakazarurwa 7:3, 4) Jesu akafananidza vadzidzi ava ne“mapazi” e“muzambiringa wechokwadi,” kureva iye pachake. Senguva dzose, mapazi aya anotarisirwa kuita zvibereko. (Johani 15:1-5) Vanofanira kuratidza unhu hwakaita sehwaKristu voshanda mubasa rokuparidza “aya mashoko akanaka oUmambo.” (Mateu 24:14; VaGaratiya 5:22, 23) Asi kubva pakufa kwevaapostora gumi nevaviri, voruzhinji vevanozviti mapazi o“muzambiringa wechokwadi” vakaratidza kuti ndevokunyepedzera—vachibereka mazambiringa emusango panzvimbo pezvibereko zvakanaka.—Mateu 13:24-30, 38, 39.

      12. Mashoko aIsaya anopa chiKristudhomu mhosva sei, uye ane chidzidzoi nokuda kwevaKristu vechokwadi?

      12 Naizvozvo, kushora vanhu venyika yeJudha kwaIsaya nhasi kunoshanda kuchiKristudhomu. Kudzidza nezvenhoroondo yacho—hondo dzacho, hondo dzacho tsvene, nematare acho Okubvunzurudza—zvinongoratidza kuti zvibereko zvacho zvave zvakashapa zvakadini! Kunyange zvakadaro, muzambiringa chaiwo wevaKristu vakazodzwa pamwe neshamwari dzavo dze“boka guru” unofanira kuteerera mashoko aIsaya. (Zvakazarurwa 7:9) Kana vachizofadza muridzi wemunda wemizambiringa, vanofanira, somunhu mumwe nomumwe uye seboka, kubereka zvibereko zvinomufadza.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe