RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 17. Mufambiroi wakaipa unoshorwa munhamo yokutanga yaIsaya?

      17 Mundima 8, Isaya haachisiri kutora mashoko aJehovha. Achishora mamwe e‘mazambiringa emusango’ aibudiswa munyika yeJudha, anotaura pachake yokutanga yenhamo nhanhatu: “Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasisina nzvimbo, kusvikira imi mogara muri moga panyika. Jehovha wehondo unotaura munzeve dzangu, achiti: Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo. Nokuti maekere ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwe chete, nehomeri rembeu richabereka efa imwe chete.”—Isaya 5:8-10.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 19 Jehovha anovimbisa kutorera vanhu vanokara ava porofiti yavo yavakawana zvisizvo. Dzimba dzavakatora nechisimba dzicha“shayiwa vanogaramo.” Nyika yavanochiva ichangobudisa chikamu chiduku chaicho chezvainogona. Kuti chituko ichi chichazadzika rini uye sei chaizvo hazvina kutaurwa. Pamwe chinoreva, kune rimwe divi, mamiriro ezvinhu akaunzwa nokutapwa neBhabhironi kwaizouya.—Isaya 27:10.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe