-
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
24, 25. (a) Jehovha anokoka achiti chii, uye nei chipikirwa chake chine chokwadi chokuzadzika? (b) Jehovha anoda chii nenzira yakakodzera?
24 Ngoni dzaJehovha dzinomuita kuti akoke achiti: “Tarirai kwandiri muponeswe, imi mativi ose enyika; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe. Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama, haringadzoki, kuti mabvi ose achandipfugamira, marimi ose achapika neni. Zvanzi pamusoro pangu: Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi; vanhu vachauya kwaari, vose vakanga vamutsamwira vachanyadziswa. Rudzi rwose rwaIsraeri rucharuramisirwa muna Jehovha, nokuzvirumbidza maari.”—Isaya 45:22-25.
-
-
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
26. “Boka guru revanhu” vanobva kumarudzi ose riri kuitei nokukoka kwaJehovha kwokuti vauye kwaari?
26 Zvisinei, kukoka kwaMwari kwokuenda kwaari, hakungoitwi kunhapwa dziri muBhabhironi rekare chete. (Mabasa 14:14, 15; 15:19; 1 Timoti 2:3, 4) Kukoka uku kuchiri kuitwa, uye “boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose” rinobvuma uye rinozivisa kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu . . . uye kuGwayana [Jesu].” (Zvakazarurwa 7:9, 10; 15:4) Gore rimwe nerimwe, mazana ezviuru zvevanhu vatsva anofutunura boka guru revanhu nokuuya kuna Mwari, vachibvuma uchangamire hwake zvizere nokuzivisa pachena kuzvipira kwavo kwaari. Mukuwedzera vanotsigira nokuvimbika kuna Israeri womudzimu, ‘mbeu yaAbrahamu.’ (VaGaratiya 3:29) Vanoratidza kuda kwavo kutonga kwakarurama kwaJehovha nokuzivisa munyika yose kuti: “Kururama nesimba zviri muna Jehovha bedzi.”a Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro akatora mashanduriro eSeptuagint Isaya 45:23 kuratidza kuti pakupedzisira munhu wose mupenyu achabvuma uchangamire hwaMwari uye acharamba achirumbidza zita rake.—VaRoma 14:11; VaFiripi 2:9-11; Zvakazarurwa 21:22-27.
-
-
Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
a Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa mashoko okuti “kururama kwakazara” nemhaka yokuti rugwaro rwechiHebheru rune shoko rokuti “kururama” riri muzvizhinji. Chimiro chezvizhinji chinoshandiswa kuratidza kuwanda kwakaita kururama kwaJehovha.
-